Iwe Unoyeuka Here?
Wakaonga kurava zvinyorwa zvenguva pfupi yapfuura zveNharireyomurindi here? Eya, ona kana ungagona kupindura mibvunzo inotevera:
▫ Neiko vaKristu vapakuvamba vasina kuchengeta zuva rokuberekwa kwaJesu?
Maererano neThe World Book Encyclopedia, “vaKristu vapakuvamba havana kuchengeta kuberekwa [kwaJesu] nemhaka yokuti vairangarira kuchengetwa kwezuva rokuberekwa romunhu upi noupi kuva tsika yechihedheni.”—12/15, peji 4.
▫ Minyengetero inofanira kunangidzirwa kuna Jesu here?
Aiwa, nokuti minyengetero chimiro chokunamata icho chiri chaMwari Wamasimba ose nenzira yakakwana. Kupfurikidza nokupa minyengetero yedu yose kuna Jehovha Mwari, tinoratidzira kuti takarangarira murayiridzo waJesu wokunyengetera, kuti: “Baba vedu vari kudenga.” (Mateo 6:9)—12/15, peji 25.
▫ Neiko rutongeso rwakasiyana rwakapiwa nokuda kwechivi chakakomba chaMambo Dhavhidhi mukuenzanisa nezvivi zvaAnaniasi naSafira? (2 Samueri 11:2-24; 12:1-14; Mabasa 5:1-11)
Chivi chaMambo Dhavhidhi chakanga chiri nemhaka youtera hwenyama. Pakunangana nezvaakanga aita, akapfidza, uye Jehovha akamukanganwira—kunyange zvazvo aifanira kurarama nemigumisiro yechivi chake. Ananiasi naSafira vakatadza mukuti vakareva nhema nounyengeri, vachiedza kunyengera ungano yechiKristu uye nokudaro ‘kurevera nhema mudzimu mutsvene naMwari.’ (Mabasa 5:3, 4) Ikoko kwakabvumikisa kuva ufakazi hwemwoyo wakaipa, naizvozvo vakatongwa zvakakomba zvikuru.—1/1, mapeji 27, 28.
▫ Chii chinogona kutibetsera kubatira Jehovha nomwoyo unofara?
Tinofanira kusakurira murangariro wakanaka nowokuonga nokuda kwezvikomborero zvedu neropafadzo dzebasa dzinopiwa naMwari, uye hatitongofaniri kukanganwa kuti kupfurikidza nokutevera Shoko raMwari, tiri kumufadza.—1/15, mapeji 16, 17.
▫ Zvinhui zviviri zvatinofanira kurangarira kana tichizopa kurudziro inobudirira?
Chokutanga, funga chokutaura kuitira kuti kurudziro yacho ive yakananga. Chechipiri, tsvaka mukana wokusvika munhu akafanira rumbidzo kana kuti anoda kuvakwa.—1/15, peji 23.
▫ Neiko “boka guru” rine “mashizha emichindwe mumaoko aro”? (Zvakazarurwa 7:9, NW)
Kuvheyeswa kwamashizha emichindwe kunoratidzira kuti “boka guru” rinorumbidza nomufaro Umambo hwaJehovha naMambo wake akazodzwa, Jesu Kristu. (Ona Revhitiko 23:39, 40.)—2/1, peji 17.
▫ Zvidzidzoi zvinokosha zvinowanikwa mubhuku raJobho?
Bhuku raJobho rinotiratidza nzira yokubata nayo zvinetso. Rinogovera mienzaniso inoorora yenzira iyo mumwe munhu ari kutarisana nemiedzo anofanira—uye asingafaniri—kupiwa zano nayo. Kupfuurirazve, chakaitika chaJobho amene chinogona kutibetsera kuita nenzira yakadzikama apo tinozviwana timene tichirohwa namamiriro ezvinhu akaipa.—2/15, peji 27.
▫ Zvishamiso zvaJesu zvinotidzidzisa chii?
Zvishamiso zvaJesu zvinorumbidza Mwari, zvichigadzira vaKristu muenzaniso wokuti varumbidze Mwari. (VaRoma 15:6) Zvinokurudzira kuitwa kwezvakanaka, kuratidzwa kwerupo, uye kuratidzirwa kwetsitsi.—3/1, peji 8.
▫ Chinangwai chinobatirwa nokuhwirudzura kwavakuru mibvunzo yakagadzirirwa navachangobva kuzvitsaurira?
Ikoku kunosimbisa kuti mumwe nomumwe anonzwisisa zvizere dzidziso huru dzeBhaibheri uye anoziva chinobatanidzwa mukuva Chapupu chaJehovha.—3/1, peji 13.
▫ Minyengetero yeBhaibheri inogona sei kutibetsera?
Kupfurikidza nokusanotarisa minyengetero yapaMagwaro, tinogona kuziva iyo yakataurwa mumamiriro ezvinhu akafanana needu timene. Kuwana, kurava, uye kufungisisa minyengetero yakadaro zvinogona kubetsera kunatsa kurukurirano yedu timene naJehovha.—3/15, mapeji 3, 4.
▫ Kutya kwoumwari chii?
Kutya kwoumwari kukudzwa kwaJehovha, kuremekedzwa zvikuru kwake, kwakabatanidzwa nokutya kwakanaka kwokusamufadza. (Pisarema 89:7)—3/15, peji 10.
▫ Inzirai nhatu madziri Bhaibheri rinoratidza kuti tinokosha mumeso aMwari?
Bhaibheri rinodzidzisa kuti mumwe nomumwe wedu ane ukoshi mumeso aMwari (Ruka 12:6, 7); rinojekesa icho Jehovha anokoshesa matiri (Maraki 3:16); uye rinorondedzera icho Jehovha akaita kuratidzira kutida kwake. (Johane 3:16)—4/1, mapeji 11, 12, 14.
▫ Neiko VaHebheru 10:24, 25 ichipfuura zvikuru kungovawo zvawo murayiro wokuti vaKristu vaungane pamwe chete?
Aya mashoko aPauro anopa mupimo wakafuridzirwa nenzira youmwari nokuda kwemisangano yose yechiKristu—chaizvoizvo, nokuda kwenhambo ipi neipi apo vaKristu vanosonganira pamwe chete.—4/1, peji 16.