Varombo Vachafanira Kumirira Kwenguva Yakareba Sei?
“Kana chaunga chakasununguka chisingagoni kubetsera vakawanda avo vari varombo, hachigoni kuponesa vashoma avo vari vapfumi.”—John F. Kennedy.
“NDINGADA kuti ramangwana rive rakajeka nokuda kwomunhu ari wose—pasina urombo, pasina munhu anorara mupaka, paradhiso!” Akataura kudaro mukomana ana makore 12 okukura anobva kuSão Paulo, Brazil. Asi kunobvira here kubvisa urombo? Varombo vachafanira kumirira kwenguva yakareba sei?
Vamwe vanozvirangarira vamene kuva varombo nemhaka yokuti havagoni kutenga zvinhu zvavanoda. Bva, funga pamusoro pamamiriro ezvinhu akaipa eavo vari chaizvoizvo varombo zvikuru. Unogona kufungidzira here kuoma kukuru nokusafara kwevanhu vakadaro? Vamwe vanofanira kukwikwidzana neshiri huru dzomugungwa namakonzo, sezvavanopara mumarara anoraswa vachitsvaka zvokudya! Urombo hwakadaro huchatambudza rudzi rwomunhu kwenguva yakareba sei? Kukumbirisa kwaFederico Mayor, mutungamiriri mukuru weUNESCO (United Nations Educational, Scientific, and Cultural Organization), kwakakodzera: “Ngatisiyei kushivira ikoko kunopokanwa kunotiparira kushivira zvisingashivirwi—urombo, nzara uye kutambura kwamamiriyoni avanhu.”
Kariro yegarikano yenyika yose ichazadzikwa here? Varombo vane tariroi?
Mikanai Iripo Nokuda Kwavarombo?
Vatungamiriri vane vavariro dzakanaka vanokarakadza mabasa akawanda, mibayiro iri nani, purogiramu dzenzanga dzakavandudzwa, uye kuchinjwa kwenyika. Vangabvumirana naaichimbova purezidhendi weUnited States, John F. Kennedy, akati: “Kana chaunga chakasununguka chisingagoni kubetsera vakawanda avo vari varombo, hachigoni kuponesa vashoma avo vari vapfumi.” Vavariro dzakanaka, kunyanguvezvo, hadzina kukwana kupedza urombo. Somuenzaniso, kukura kwezvoupfumi kuchabetsera varombo vose zvavo here? Kwete hazvo. Aichimbova mutungamiriri weIndia Jawaharlal Nehru akati: “Masimba echaunga chavapfumi, kana akasiyiwa asina kunzverwa, anokombamira kuita kuti vapfumi vave vakapfuma zvikuru uye varombo vave varombo zvikuru.” Zvisinei, kunze kwokuoma uye kunyimwa, mufungo wokuva vasingabatsiri unowedzera mutoro wavarombo. Vatungamiriri vavanhu vanogona here kubetsera varombo kukurira mirangariro yokusabetsera nokushaya tariro?
Zvomenemene, vakawanda vane urombo hwakanyanyisa vakadzidza kugonana nourombo ndokukurira mirangariro yokuzviremekedza kwakaderera mukunangana nokuoma kukuru, kwakadai sokukwira kwemitengo kukuru uye kushayikwa kwamabasa. Uyezve, nzara, kushaya pokugara, uye nhamo pasina kukundikana zvichabviswa. Ikoku kunokushamisa here? Tinokukoka kurava nyaya inotevera: “Nokukurumidza, Hapana Achava Murombo!”