RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 6/1 pp. 6-10
  • Kunyange Zvazvo Tichitambudzika, Hatisati Tiri Vasina Tariro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kunyange Zvazvo Tichitambudzika, Hatisati Tiri Vasina Tariro
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rufu Runopinda Mumhuri Yavanhu
  • Vanhu Vakatendeka Avo Vakatambudzika
  • Nhamo Munguva yaJesu
  • Itariroi Iripo Nokuda Kwavakafa?
  • Betsero Inoshanda Nokuda Kwaavo Vanotambudzika
  • Tariro Yechokwadi Nokuda Kwevadiwa Vako Vakafa
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Kuchema Kwakaipa Here?
    Mukai!—1994
  • Chii Chinoitika Kuvadiwa Vedu Vakafa?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Tariro ine Chokwadi Yavakafa
    Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 6/1 pp. 6-10

Kunyange Zvazvo Tichitambudzika, Hatisati Tiri Vasina Tariro

“Hatidi kuti mushayiwe kuziva pamusoro pavavete, kuti murege kuchema savamwe vasine tariro.”—1 VATESARONIKA 4:13.

1. Rudzi rwomunhu runotamburei pahwaro hwenguva dzose?

WAKARASIKIRWA nomudiwa murufu here? Pasinei zvapo nezera, vazhinjisa vedu takasuruvariswa nokurasikirwa nehama yokunyama kana kuti shamwari. Zvichida akanga ari mbuya kana kuti sekuru, mubereki, mukwanyina, kana kuti mwana. Kuchembera, chirwere, uye tsaona zvinouraya nguva dzose. Utsotsi, masimba masimba, uye hondo zvinowedzera kurusuruvaro nenhamo. Gore riri rose kupota nyika, avhareji yavanhu vanopfuura mamiriyoni 50 vanofa. Avhareji yezuva nezuva muna 1993 yakanga iri 140 250. Kurwadza kworufu kunotapura shamwari nemhuri, uye kunzwa kwokurasikirwa kwakakura.

2. Chii chinoratidzika kuva chisiri chomuzvarirwo pamusoro pokufa kwavana?

2 Hatigoni here kunzwira tsitsi vabereki muCalifornia, U.S.A., avo nenzira yengwavaira vakarasikirwa nomwanasikana wavo ane pamuviri mutsaona yechienzi yemotokari. Kamwe kamwe, vakarasikirwa nomwanasikana wavo bedzi uye mwana akanga achizova muzukuru wavo wokutanga. Murume wanyajambwa akarasikirwa nomudzimai nomwanakomana kana kuti mwanasikana wake wokutanga. Kuti vabereki vatambure rufu rwomwana, angave achiri muduku kana kuti akura, neimwe nzira hakusati kuri kwomuzvarirwo. Hakusati kuri kwomuzvarirwo kuti vana vafe vabereki vavo vasati. Tose zvedu tinoda upenyu. Naizvozvo, rufu zvirokwazvo muvengi.—1 VaKorinte 15:26.

Rufu Runopinda Mumhuri Yavanhu

3. Rufu rwaAbheri rungava rwakatapura sei Adhama naEvha?

3 Chivi norufu zvakatonga samadzimambo kwamakore ane zviuru zvitanhatu enhau yavanhu, kubvira pakupanduka kwavabereki vedu vokutanga vounhu, Adhama naEvha. (VaRoma 5:14; 6:12, 23) Bhaibheri haritiudzi kuti vakaita sei kukupondwa kwomwanakomana wavo Abheri nomukoma wake Kaini. Nokuda kwezvinopfuura chikonzero chimwe, chinofanira kuve chakava chiitiko chinokangaidza nokuda kwavo. Pano, kwenguva yokutanga, vakatarisana norufu rwomunhu, rwakaratidzirwa muchiso chomwanakomana wavo vamene. Vakaona zvibereko zvokupanduka kwavo nezvokushandisa zvisina kufanira kwavo kunopfuuridzirwa kworusununguko. Kaini, pasinei zvapo nenyevero dzakabva kuna Mwari, akanga asarudza kuita kuponda hama yokunyama kwokutanga. Tinoziva kuti Evha anofanira kuve akatapurwa zvikuru norufu rwaAbheri nemhaka yokuti apo akabereka Seti, iye akati: “Mwari wandipa mumwe mwana pachigaro chaAbheri, zvaakaurawa naKaini.”—Genesi 4:3-8, 25.

4. Neiko ngano yomweya usingafi yaigona kuve isinganyaradzi mushure morufu rwaAbheri?

4 Vabereki vedu vokutanga vounhu vakaonawo uchokwadi hwetongero yaMwari pavari—yokuti kana vakapanduka uye vakasateerera, vaizo“fa zvirokwazvo.” Pasinei zvapo nenhema dzaSatani, sezviri pachena ngano yomweya usingafi yakanga ichigere kutanga, naizvozvo vaisagona kuwana nyaradzo yenhema ipi neipi kubva muna ikoko. Mwari akanga ati kuna Adhama: “U[cha]dzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.” Akanga asina kududza kuvapo kwomunguva yemberi somweya usingafi mudenga, hero, Limbo, purigatori, kana kuti imwe nzvimbowo zvayo. (Genesi 2:17; 3:4, 5, 19) Semweya mipenyu yakanga yatadza, pakupedzisira Adhama naEvha vaizofa ndokurega kuvako. Mambo Soromoni akafuridzirwa kunyora, kuti: “Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, kunyange nomubayiro havachina; nokuti havacharangarirwi. Rudo rwavo, nokuvenga kwavo, negodo ravo, zvose zvanguva zvapera hazvo; havachina mugove nokusingaperi pazvose zvinoitwa pasi pezuva.”—Muparidzi 9:5, 6.

5. Ndeipi iri tariro yechokwadi nokuda kwavakafa?

5 Mashoko iwayo ndeechokwadi sei! Chaizvoizvo, ndiani anoyeuka vakare vamakore mazana maviri kana kuti matatu akapfuura? Kazhinji kazhinji kunyange makuva avo haazivikanwi kana kuti akafuratirwa kare kare. Kunoreva here kuti hakuna tariro nokuda kwavadiwa vedu vakafa? Aiwa, nyangwe. Marta akati kuna Jesu pamusoro pehanzvadzi yake yakafa, Razaro: “Ndinoziva kuti uchamukazve pakumuka nezuva rokupedzisira.” (Johane 11:24) Vanhu vechiHebheru vaidavira kuti Mwari aizomutsa vakafa munguva yemberi. Bva, ikoko hakuna kuvadzivisa kutambudzika pamusoro pokurasikirwa nomudiwa.—Jobho 14:13.

Vanhu Vakatendeka Avo Vakatambudzika

6, 7. Abrahama naJakobho vakaita sei kurufu?

6 Anodokusvika makore zviuru zvina akapfuura, apo mudzimai waAbrahama Sara akafa, “Abrahama akauya kuzochema Sara nokumuririra.” Mubatiri akatendeka iyeyo waMwari akaratidza kunzwa kwake kukuru pamusoro pokurasikirwa nomudiwa wake nomudzimai akavimbika. Kunyange zvazvo akanga ari murume akashinga, iye haana kunyadziswa kuratidzira nhamo yake mumisodzi.—Genesi 14:11-16; 23:1, 2.

7 Chiitiko chaJakobho chakanga chakafanana. Apo akanyengerwa kuti adavire kuti mwanakomana wake Josefa akanga aurawa nechikara, akaita sei? Tinorava pana Genesi 37:34, 35, kuti: “Jakobho akabvarura nguo dzake, akasimira magumbu pachiuno chake, akachema mwanakomana wake mazuva mazhinji. Vanakomana vake vose navakunda vake vose vakasimuka vakamunyaradza; asi wakaramba kunyaradzwa, akati: Ndichaburukira kuhwiro kumwanakomana wangu, ndichichema. Baba vake vakamuungudzira.” Hungu, ndekwomuzvarirwo kuratidzira nhamo apo mudiwa anofa.

8. VaHebheru kazhinji kazhinji vairatidzira sei nhamo yavo?

8 Vamwe vangafunga kuti kupfurikidza nemipimo yazvino uno kana kuti yomunzvimbomo, kuita kwaJakobho kwakanga kuri kwakakatutsirwa uye kuratidzirwa kwemirangariro kwokunyanyisa. Asi akanga ari womunguva yakasiyana netsika. Kuratidzira kwake nhamo—kupfeka saga—kududzwa kwokutanga kwouyu muitiro muBhaibheri. Zvisinei, sezvinorondedzerwa muMagwaro echiHebheru, kuchema kwakanga kuchiratidzirwawo kupfurikidza nokurira, kupfurikidza nokuronga nziyo dzamariro, uye kupfurikidza nokugara mumadota. Sezviri pachena vaHebheru vakanga vasina kuganhurirwa mukuratidzirwa kwavo kwechokwadi kwenhamo.a—Ezekieri 27:30-32; Amosi 8:10.

Nhamo Munguva yaJesu

9, 10. (a) Jesu akaita sei kurufu rwaRazaro? (b) Kuita kwaJesu kunotiudzei pamusoro pake?

9 Chii chatinogona kutaura nezvevadzidzi vapakuvamba vaJesu? Somuenzaniso, apo Razaro akafa, hanzvadzi dzake Marta naMaria vakachema rufu rwake nemisodzi nokurira. Murume akakwana Jesu akaita sei apo akasvika panzvimbo yacho? Nhoroondo yaJohane inoti: “Zvino Maria wakati achisvika kuna Jesu, achimuona, akawira pasi patsoka dzake, akati kwaari; Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Zvino Jesu wakati achimuona achichema, navaJudha vakanga vauya naye, vachichemawo, akafa neshungu mumweya, akatambudzika, akati: Mamuisepiko? Vakati kwaari: Ishe, uyai, muone. Jesu akachema misodzi.”—Johane 11:32-35.

10 “Jesu akachema misodzi.” Mashoko mashomanene iwayo anotaura zvakawanda pamusoro pounhu hwaJesu, tsitsi dzake, mirangariro yake. Kunyange zvazvo aiziva zvizere tariro yorumuko, “Jesu akachema.” (Johane 11:35, King James Version) Nhoroondo yacho inopfuurira nokutaura kuti vaoni vakatsinhira, kuti: “Tarirai, waimuda sei [Razaro]!” Zvirokwazvo, kana munhu akakwana Jesu akachema kurasikirwa neshamwari, hakunyadzisi kana murume kana kuti mukadzi akachema ndokurira nhasi.—Johane 11:36.

Itariroi Iripo Nokuda Kwavakafa?

11. (a) Chii chatinogona kudzidza mumienzaniso yeBhaibheri inobatanidza kuchema? (b) Neiko tisingatambudziki sezvinoita avo vasina tariro?

11 Chii chatinogona kudzidza kubva muiyi mienzaniso yeBhaibheri? Kuti ndekwomuzvarirwo kutambudzika uye hatifaniri kunzwa tichinyara kuratidzira kutambudzika kwedu. Kunyange apo tinonyaradzwa netariro yorumuko, rufu rwomudiwa ruchiri kurasikirwa kukuru, uko kunonzwiwa zvikuru. Makore, zvichida makumi amakore, oushamwari hwapedyo nokugoverana anogumiswa kamwe kamwe uye nenzira yengwavaira. Chokwadi, hatitambudziki sezvinoita avo vasina tariro kana kuti sezvinoita avo vane tariro dzenhema. (1 VaTesaronika 4:13) Uyewo, hatitsauswi nengano dzipi nedzipi dzokuva kwomunhu nemweya usingafi kana kuti kupfuurira kuvako kupfurikidza nokuberekwazve. Tinoziva kuti Jehovha akapikira ‘matenga matsva nepasi idzva muchagara kururama mazviri.’ (2 Petro 3:13) Mwari “uchapisika misodzi yose pameso [edu]; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.

12. Pauro akaratidzira sei kutenda kwake rumuko?

12 Itariroi iripo nokuda kwaavo vakafa?b Munyori wechiKristu Pauro akafuridzirwa kutipa nyaradzo netariro apo akanyora, kuti: “Muvengi wokupedzisira, uchaparadzwa, ndirwo rufu.” (1 VaKorinte 15:26) The New English Bible rinoti: “Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu.” Neiko Pauro aigona kuva nechokwadi kwazvo chaikoko? Nemhaka yokuti iye akanga atendeutswa nokudzidziswa nouyo akamutswa kubva muvakafa, Jesu Kristu. (Mabasa 9:3-19) Ndichowo chikonzero nei Pauro aigona kutaura, kuti: “Rufu zvarwakauya nomunhu [Adhama], kumuka kwavakafa kwakauya nomunhuwo [Jesu]. Nokuti vose sezvavanofa muna Adhama, saizvozvowo vose vachararamiswa muna Kristu.”—1 VaKorinte 15:21, 22.

13. Zvapupu zvakaona zvakaita sei kurumuko rwaRazaro?

13 Dzidziso yaJesu inotipa nyaradzo huru netariro nokuda kwenguva yemberi. Somuenzaniso, akaitei muchiitiko chaRazaro? Akaenda kuguva uko mutumbi waRazaro wakanga uvete kwamazuva mana. Akataura munyengetero, “wakati areva izvozvo, akadanidzira nenzwi guru, akati: Razaro, buda! Wakanga afa akabuda, akapombwa makumbo namaoko nemicheka yohwiro, nechiso chake chakapombwa nomucheka. Jesu akati kwavari: Mumusunungurei aende.” Unogona kufungidzira here zvitarisiko zvokukatyamadzwa nomufaro pazviso zvaMarta naMaria? Vavakidzani vanofanira kuve vakakatyamadzwa sei apo vakaona ichi chishamiso! Hakushamisi kuti vaoni vakawanda vakaisa kutenda muna Jesu. Vavengi vake vorudzidziso, zvisinei, “vakarangana, kuti vamuuraye.”—Johane 11:41-53.

14. Rumuko rwaRazaro rwakanga rwuri chiratidzo chechii?

14 Jesu akaita rumuko rusingakanganwiki pamberi pezvapupu zvakaona zvakawanda. Rwakanga rwuri chiratidzo chorumuko rwomunguva yemberi urwo akanga afanotaura panhambo yapakuvamba, apo akati: “Musashamiswa naizvozvo; nokuti nguva inouya, nayo vose vari mumahwiro vachanzwa inzwi rake, vachabuda; avo vakaita zvakanaka, kukumuka kwoupenyu, avo vakaita zvakaipa, kukumuka kwokutongwa.”—Johane 5:28, 29.

15. Pauro naAnaniasi vakanga vane ufakazii hworumuko rwaJesu?

15 Sezvadudzwa kare, muapostora Pauro aidavira rumuko. Pahwaroi? Iye kare akanga ave ari Sauro ane mukurumbira wakaipa, mutambudzi wavaKristu. Zita rake nomukurumbira zvakaparadzira rutyo pakati pavatendi. Mushure mokurangarira zvose, akanga asiri iye uyo akatendera kutakwa namabwe kusvikira kurufu kwomufiri kutenda wechiKristu Stefano here? (Mabasa 8:1; 9:1, 2, 26) Bva, ari munzira kuenda kuDhamasko, Kristu akamutswa akapengenutsa Sauro, achimurova noupofu hwechinguvana. Sauro akanzwa inzwi richiti kwaari: “Sauro, Sauro, unonditambudzireiko? Iye akati: Ndimi aniko, Ishe? Akati: Ndini Jesu waunotambudza.” Kristu akamutswa mumwe cheteyo ipapo akarayiridza Ananiasi, aigara muDhamasko, kuti aende kuimba uko Sauro akanga ari kunyengetera uye kuti adzorere kuona kwake. Nokudaro, kubva muchakaitika chomunhu oga, vose vari vaviri Sauro naAnaniasi vakanga vane chikonzero chiri chose chokudavira rumuko.—Mabasa 9:4, 5, 10-12.

16, 17. (a) Tinoziva sei kuti Pauro aisadavira murangariro wechiGiriki womweya usingafi womuzvarirwo? (b) Bhaibheri rinopa tariroi yakasimba? (VaHebheru 6:17-20)

16 Cherekedza kuti Sauro, muapostora Pauro, akapindura sei apo, somuKristu aitambudzwa, akaunzwa pamberi paGavhuna Feriksi. Tinorava pana Mabasa 24:15, kuti: “Ndine tariro kuna Mwari . . . kuti kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.” Sezviri pachena, Pauro aisadavira murangariro wechiGiriki wechihedheni wokusafa kwomuzvarirwo kwomweya womunhu, uyo unonzi unopinzwa mukuva womushure moupenyu wengano kana kuti pasi penyika. Aidavira uye aidzidzisa kutenda murumuko. Ikoko kwaizoreva nokuda kwavamwe chipo choupenyu hwokusafa sezvisikwa zvomudzimu mudenga naKristu uye nokuda kwevoruzhinji kudzokera kuupenyu papasi rakakwana.—Ruka 23:43; 1 VaKorinte 15:20-22, 53, 54; Zvakazarurwa 7:4, 9, 17; 14:1, 3.

17 Nokudaro Bhaibheri rinotipa chipikirwa chakajeka netariro yakasimba yokuti kupfurikidza norumuko, vakawanda vachaona vadiwa vawo zvakare pano papasi asi mumamirire ezvinhu akasiyana zvikuru.—2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:1-4.

Betsero Inoshanda Nokuda Kwaavo Vanotambudzika

18. (a) Chishandisoi chinobetsera chakabudiswa paKokorodzano dzo“Rutyo Rwoumwari”? (Ona bhokisi.) (b) Mibvunzoi zvino inofanira kupindurwa?

18 Zvino tine yeuko dzedu nenhambo yedu. Chii chatinogona kuita kuti tipukunyuke iyi nhambo yokufirwa inotambudza? Chii chinogona kuita vamwe kubetsera avo vari kutambudzika? Kupfuurirazve, chii chatinogona kuita kubetsera vanhu vaya vapachokwadi vatinosangana navo muushumiri hwedu hwomumunda vasina tariro chaiyoiyo ipi neipi uye vanotambudzikawo? Uye imwei nyaradzo yatinogona kuwana kubva muBhaibheri pamusoro pavadiwa vedu vakavata murufu? Nyaya inotevera ichapa zvikarakadzo.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwamamwe mashoko pamusoro pokuchema munguva dzeBhaibheri, ona Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 2, mapeji 446-7, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

b Nokuda kwamamwe mashoko pamusoro petariro yorumuko inowanwa muBhaibheri, ona Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 2, mapeji 783-93.

Unogona Kupindura Here?

◻ Neiko kuchigona kutaurwa kuti rufu muvengi?

◻ Vabatiri vaMwari munguva dzeBhaibheri vakaratidzira sei nhamo yavo?

◻ Itariroi iripo nokuda kwavadiwa vakafa?

◻ Pauro akanga ane hwaroi hwokudavira rumuko?

[Bhokisi riri papeji 8, 9]

Betsero Inoshanda Nokuda Kwaavo Vanotambudzika

PaKokorodzano dzo“Rutyo Rwoumwari” mukati ma 1994-95, Watch Tower Society yakazivisa kubudiswa kwebhurocha idzva rine musoro unoti Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa. Ichi chinyorwa chinokurudzira chakagadzirirwa kuunza nyaradzo kuvanhu vamarudzi ose nemitauro. Sezvaungave wakatoona, rinopa tsananguro yakapfava yeBhaibheri yorufu nomugariro wavakafa. Chinotokosha zvikuru, rinosimbisa chipikirwa chaMwari, kupfurikidza naKristu Jesu, chorumuko kuupenyu muparadhiso yapasi rakacheneswa. Zvirokwazvo rinounza nyaradzo kune avo vanochema. Naizvozvo, rinofanira kuva chishandiso chinobetsera muushumiri hwechiKristu uye rinofanira kubatira kunyandura fariro, kuchiguma nedzimwe fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzakawanda. Mibvunzo yefundo yakaiswa nokuchenjera mumabhokisi nechokumugumo kwechikamu chimwe nechimwe zvokuti hwirudzuro iri nyore yemapfundo afukidzwa inogona kuitwa nomunhu upi noupi wapachokwadi, anochema.

[Mufananidzo uri papeji 8]

Apo Razaro akafa, Jesu akachema

[Mufananidzo uri papeji 9]

Jesu akamutsa Razaro kubva muvakafa

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 7]

First Mourning, rakanyorwa naW. Bouguereau, kubva musiraidhi regirazi rePhoto-Drama of Creation, 1914.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe