Kusaroora Munguva Dzakaoma Dzezvemari
“NDAKANGA ndichida kuroora apo ndakanga ndava namakore 25 okukura,” akadaro Chuks, uyo anogara muWest Africa. “Ndakanga ndine musikana wandaifunga, uye akanga achindifarira. Chinetso chakanga chiri mari. Baba vangu namukoma vangu vakanga vasingashandi, uye vanun’una nehanzvadzi dzangu vakanga vari muchikoro. Munhu ari wose aitarira kwandiri kuti nditsigire mhuri. Ipapo, zvakatoipa zvikuru, vabereki vangu vakarwara, uye ikoko kwakareva kuwana mari yomuraudzo kuti ndiripire nokuda kwendyiko dzokurapa.”
Chuks, Chapupu chaJehovha, aisada kupinda muroorano asingakwanisi kutsigira mudzimai. Akanga achiziva mashoko aPauro anowanika pana 1 Timotio 5:8, ayo anoti: “Asi kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.”
“Ndakashanda zvakaoma,” akapfuurira achidaro Chuks, “asi mari yacho yaisatongokwana. Somugumisiro, rongedzero dzedu dzeroorano dzaifanira kunonotswa dzanonotswazve. Pakupedzisira ndakagamuchira tsamba yaibva kumusikana wacho achitaura kuti mumwe munhuwo zvake akanga asvika baba vake kuti amuroore. Baba vacho vakabvuma. Mazuva mashomanene mushure mokunge tsamba yake yauya, mhuri yacho yakava nomutambo wokuvimbisana roorano.”
Kufanana naChuks, varume vakawanda vechiKristu vakaona rongedzero dzavo dzeroorano dzichiguma kana kuti kunonotswa nemhaka yamamiriro ezvinhu emari akashata. Munyika dzakawanda kune kukwira kwemitengo kukuru. Somuenzaniso, mune imwe nyika iri pakati peAfrica, mitengo yakawedzera ne 8 319 muzana mugore rimwe! Mune dzimwe nyika mabasa akaoma kuwana. Kazhinji kazhinjiwo, mibayiro miduku kwazvo zvokuti kwakaoma kuti murume azvitsigire amene, ndoda mudzimai navana. Rimwe jaya muNigeria rakachema kuti basa renguva yakazara raakapiwa muimwe fekitari raimubhadhara $136 bedzi pamwedzi—shoma kupfuura mari yebhazi yemwedzi nomwedzi yokuenda nokudzoka kunzvimbo yebasa!
Vakadzi vechiKristu vakawanda vasina kuroorwa vari kuwanawo kuti zvinetso zvemari zviri kukangaidza rongedzero dzavo dzeroorano. Kazhinji kazhinji vanofanira kushanda kuti vatsigire mitezo yemhuri. Vamwe varume vasina kuroora, vachiona mamiriro acho ezvinhu vanozengurira roorano, vachiziva kuti murume ari kuroora mumamiriro ezvinhu akadaro aizofanira kuhora yakakwana kuti atsigire kwete mudzimai bedzi asiwo mhuri yake. Ayo, akapedza kufunda wapayunivhesiti, anorwisa kuzvitsigira amene, amai vake, uye hanzvadzi dzake navanun’una. “Ndinoda kuroorwa,” anochema kudaro, “asi apo vamwe vanouya ndokuona vandinotsigira, vanotiza.”
Pasinei zvapo nezvinetso zvemari, vaKristu vakawanda vasina kuroora vanozviwana vamene vachidzvinyirirwa nehama dzokunyama uye vamwe kuti varoore ndokuva navana. Pane dzimwe nguva iyi dzvinyiriro inova muchimiro chokunyomba. Mumativi eAfrica, somuenzaniso, itsika kuti pakukwazisa mukuru ubvunze pamusoro pegarikano yemukwanyina wake navana. Padzimwe nguva, kukwazisa kwakadaro kunoshandiswa kutuka vanhu vasina kuroora. John, uyo ari mukupera kwamakore ake ekuma 40, anoti: “Apo vanhu vanondimbonaidza vachiti, ‘Akadini mudzimai wako?,’ ndinopindura ndichiti, ‘Ari kuuya.’ Chokwadi ndechokuti, ndinogona sei kuwana mudzimai kana ndisingagoni kumutsigira?”
Nokuda kwaJohn navamwe vasingaverengeki vakafanana naye, mamiriro ezvinhu acho anopfupikiswa netsumo yechiYoruba, inoti: “Kukurumidza kuroora haisati iri nhau yokudada nayo; ndyiko yezvokudya ndicho chinetso.”
Shandisa Zvakanaka Mamiriro Ako Ezvinhu
Kuri nyore sei kurwadziwa apo tinopanga chimwe chinhu chisingaitiki. Zvirevo 13:12, inoti: “Tariro kana ichinonoka, inoodza mwoyo.” Zvichida iyi ndiyo nzira yaunonzwa nayo kana uchipanga kuroora asi usingakwanisi kuita kudaro mune zvemari. Ikoku kungava kwechokwadi zvikurukuru kana uri pakati paavo muapostora Pauro akarondedzera savano“tsva.”—1 VaKorinte 7:9.
Kukurira kungasava kuri nyore, asi kune zvinhu zvaunogona kuita kuti utsungirire uye kunyange kuwana mufaro mumamiriro ako ezvinhu. Jesu Kristu, murume akanga asina kuroora, akagadza nheyo yeBhaibheri inoshanda iyo inogona kukubetsera kukurira kuodzwa mwoyo uko kunobva mukariro dzinosundirwa mberi. Akati: “Kupa kune mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.
Unogona kushandisa ikoku kupfurikidza nokuitira mhuri yako navamwe muungano zvinhu zvakanaka. Zvichida unogonawo kuwedzera mubato wako muushumiri hwechiKristu. Kana ukazvibatikanisa umene zvizere mukupa kusina udyire, ungawana kuti unova ‘akagadzikana mumwoyo mako, uchiva nechiremera pamusoro pezvido zvako umene.’—1 VaKorinte 7:37.
Mumwe murume akanga asina kuroora, muapostora Pauro, akanyora iri zano rinobetsera: “Chenjerai kwazvo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba savasina kuchenjera asi savakachenjera; mungwarire nguva yenyu, nokuti mazuva akaipa.” (VaEfeso 5:15, 16) VaKristu vakawanda vasina kuroora vakawana ‘zororo nokuda kwemweya yavo’ kupfurikidza nokushandisa nguva yavo kuswedera pedyo zvikuru naJehovha kupfurikidza nomunyengetero, fundo yeShoko raMwari, uye kutora rutivi mumisangano yechiKristu. (Mateo 11:28-30) Kana ukaita izvozvi, uchakwanisa kugonana nenzira inobudirira zvikuru nemamiriro ezvinhu akaoma emari. Kuchakubetserawo kuratidzira umudzimu hwakatokura zvikuru, kuchikuita murume kana kuti mudzimai ari nani kana ukaroora pakupedzisira.
Usatongokanganwa kuti Jehovha anoitira hanya vose vanomubatira. Anoziva zvinetso nezvitambudzo zvauri kutambura. Baba vedu vokudenga vane rudo vanozivawo chiri chakakunakira zvikurusa munguva refu, muzvose zviri zviviri mumudzimu nomumurangariro. Kana ukashandisa nokushivira nheyo dzeShoko rake muupenyu hwako hwezuva nezuva, unogona kuva nechokwadi chokuti achaunza rusununguko munguva yake yakafanira ndokugutsa zvinodikanwa zvako nezvishuvo munzira iri nokuda kwenakirwo yako isingaperi. Bhaibheri rinovimbisa, kuti: “Hapana chinhu chakanaka chaanganyima vanofamba nokururama.”—Pisarema 84:11.
Tarira Rutivi Rwakanaka Rwezvinhu
Yeukawo, kuti kune betsero chaidzo kukuva asina kuroora. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Unomuwanisa unoita zvakanaka; nousingamuwanisi, unoita zvinopfuura nokunaka.”—1 VaKorinte 7:38.
Neiko kusaroora kuchi“pfuura nokunaka” roorano? Pauro akatsanangura, kuti: “Usina kuwana, unofunga zvaShe, kuti ungafadza Ishe wake sei. Asi wakawana, unofunga zvenyika, kuti ungafadza mukadzi wake sei. Nomukadzi nemhandara vakasiyana; usina kuwanikwa unofunga zvaShe, kuti ave mutsvene pamuviri napamweya; asi wakawanikwa unofunga zvenyika, kuti ungafadza murume wake sei.”—1 VaKorinte 7:32-34.
Namamwe mashoko, vaKristu vakaroora vanoitira hanya nenzira yakarurama zvinodikanwa, zvinodiwa, uye zvisingadiwi zvavakwanyina vavo. Asi vaKristu vasina kuroora vanogona kunangidzira ngwariro pabasa raJehovha nengwariro huru zvikuru. Vachienzaniswa naavo vakaroora, vaKristu vasina kuroora vari muchimiro chiri nane cho“kunamatir[a] Ishe, [va]singakanganiswi.”—1 VaKorinte 7:35.
Pauro haasiri kutaura kuti muKristu asina kuroora haana zvinotsausa. Kana uchiremerwa nezvinetso zvemari, unganzwa kuti kune zvinhu zvakawanda zvinotyisidzira kukutsausa paushumiri hwako. Kunyange zvakadaro, rusununguko rwomunhu oga rwokubatira Mwari runowanzova rwakakura zvikuru nokuda kwomurume asina kuroora kana kuti mukadzi asina kuroorwa kupfuura zvakuri nokuda kwaavo vakaroora.
Nepo achirumbidza kusaroora senzira iri nani, muapostora Pauro haana kuti kwakanga kwakashata kuroora. Akanyora, kuti: “Kana wawana, hauna kutadza.” Bva, akanyevera, kuti: “Vakadaro [kuroora] vachava nedambudziko panyama.”—1 VaKorinte 7:28.
Chii chaakareva naikoko? Roorano inounza funganyo dzakati. Munguva dzakaoma dzemari, dambudziko rakadaro ringabatanidza itiro hanya yababa pamusoro pokugovera mudzimai wavo navana. Urwerewo hunogona kuunza mitoro yakawedzera yemari neyemirangariro kumhuri.
Naizvozvo nepo mamiriro ako ezvinhu angasava aunoda, ungava uri muchimiro chiri nane kupfuura chawaizova machiri kudai wakanga wakaroora uye une mutoro wokugovera vana. Zvinetso zvaunonangana nazvo zvino ndezvechinguvana; zvichabviswa mutsika itsva yaMwari—uye zvimwe zvichida kunyange nokukurumidza.—Enzanisa naPisarema 145:16.
Unogona Kukudza Ushumiri Hwako Here?
Nepo asati ari munhu ari wose anogona kuita kudaro, vamwe vave vachikwanisa kupinda mubasa renguva yakazara pasinei zvapo nezvinetso zvemari. Chuks, adudzwa pakuvamba, akatenga nokutengesa mabhuku kuti atsigire mhuri yake. Panenge panguva imwe cheteyo apo rongedzero dzake dzeroorano dzakakundikana, akagamuchira tsamba yaimukoka kuita basa rokuvaka kwechinguvana pahofisi yebazu reWatch Tower Society yomunzvimbomo. Achiitira hanya pamusoro pemari, mukoma wake akamuodza mwoyo kuti arege kuenda. Chuks, kunyange zvakadaro, akarangarira kuti Jehovha akanga amubetsera kutanga bhizimisi rake ramabhuku, naizvozvo aifanira kuisa fariro dzoUmambo pakutanga ndokuvimba namano aMwari okugovera. (Mateo 6:25-34) Kunze kwezvo, akafunga kudaro, kwakanga kuri kwenhambo yemwedzi mitatu chete.
Chuks akabvuma kokero yacho ndokuchinjira bhizimisi racho kuna mukoma wake. Makore matanhatu gare gare, Chuks anoramba ari mubasa renguva yakazara, mukuru muungano yechiKristu, uye agadzirira mune zvemari kuti arooore. Anozvidemba here pamusoro penzira iyo zvinhu zvakaitika nayo muupenyu hwake? Chuks anoti: “Handina kunzwa zvakanaka apo ndaisagona kuroora apo ndaida kudaro, asi zvinhu zvakaitika nenzira yakanakisisa chaizvoizvo. Ndakawana mifaro yakawanda neropafadzo dzebasa idzo zvimwe ndaisazofarikanya kudai ndakanga ndaroora panguvayo ndokuva nemhuri.”
Chengeteko Nokuda Kwenguva Yemberi
Munguva dzakaoma vakawanda vanotsvaka chengeteko yeroorano sedziviriro yezvinetso zvemari zvenguva yemberi. Dzimwe nyika, dzaremerwa nechikwereti, dzinopa betsero shomanene kana kuti hadzipi kuvakwegura. Naizvozvo vabereki vanowanzotsamira pamhuri dzavo, uye zvikurukuru pavana vavo, kuti vavatsigire muukweguru. Somugumisiro, varume vasina kuroora navakadzi vasina kuroorwa vanowanzodzvinyirirwa kuroora ndokuva navana, kunyange kana mamiriro avo ezvinhu emari ari ane ngozi.
Asi roorano nokubereka vana hazvivimbisi chengeteko. Vamwe vana venyika havadi kutarisira vabereki vavo vakwegura, vamwe havakwanisi kudaro, nepo vamwe zvakare vanofa vabereki vavo vasati. VaKristu vanotsvaka chengeteko zvikurukuru kune imwe nzvimbowo zvayo, vachiziva chipikirwa chaMwari, chinoti: “Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi.”—VaHebheru 13:5.
Avo vakanonotsa roorano kuti vabatire Jehovha kwenguva yakazara havana kusiyiwa. Christiana haana kuroorwa uye ane makore 32 okukura. Akabatira sapiyona wenguva dzose muNigeria kwamakore mapfumbamwe apfuura. Anoti: “Ndinoisa chivimbo changu muna Jehovha, uyo anotivimbisa kuti haasati achizotongosiya vabatiri vake. Chipikirwa chake chivimbo changu. Jehovha anonditarisira kwose kuri kuviri kumudzimu nokunyama. Akabvumikisa kuva Baba vane rupo. Somuenzaniso, ndakatamira kuzopayona munzvimbo umo dikanwo yeZvapupu iri huru. Kunyange zvazvo kune zvinofadza zvishomanene, ndakadzidza kurarama. Apo ndakapinda muchipatara nokuda kwetyphus, hama dzemuyaichimbova ungano yangu dzakabatira pamwe kundiyamura.
“Ndinogutswa zvikuru nebasa renguva yakazara. Ndinorirangarira seropafadzo yakaisvonaka kushanda noMusiki wechisiko chose uye nehama nehanzvadzi dzakawanda kwazvo kupota nyika. Ndinoona vanhu vaduku vakawanda vanokangaidzwa uye vasina tariro somugumisiro wezvinhu zviri kuitika makavapoteredza. Kana ndirini, upenyu hwangu hune revo; ndinotarira kunguva yemberi nechivimbo. Ndinoziva kuti kuva pedyo naJehovha ndicho chigadzikiso chakanakisisa chezvinetso zvatinotarisana nazvo nhasi.”
Kana uchipanga kuroora asi usingakwanisi nemhaka yezvinetso zvemari, shinga! Hausati uri woga. Kune vakawanda vari kutsungirira miedzo yakafanana nebetsero yaJehovha. Shandisa zvakanaka mamiriro ako ezvinhu kupfurikidza nokuzvishandisa iwe umene kuitira vamwe zvinhu zvakanaka uye kupfurikidza nokuvandudza umudzimu hwako. Swedera pedyo naMwari; achakubetsera nemhaka yokuti anokuitira hanya chaizvoizvo.—1 Petro 5:7.