Panikiro Pamusoro paJesu Dzinoruramiswa Here?
JESU weNazareta akaita zvishamiso chaizvoizvo here? Akamutswa kuvakafa here, sezvakazivisa vadzidzi vake? Akatomborarama here? Muzera redu razvino uno, vakawanda vanoratidzika kuva vasingakwanisi kupindura mibvunzo yakadaro nouchokwadi. Neiko? Nemhaka yokuti vane panikiro pamusoro paJesu, uye panikiro kunzwa kwokusava nechokwadi, kusaziva kana chimwe chinhu chiri chechokwadi kana kuti chinobvira. Asi kunzwa kwokusava nechokwadi pamusoro paJesu kunoruramiswa here? Ngationei.
Kudyarwa Kwakaitwa Panikiro Pamusoro paJesu
Vamwe vafundisi vokuGermany vokupera kwezana ramakore rechi19 uye kuvamba kwerechi20 vakarondedzera Jesu so“munhu wengano weChechi yekare.” Kushora kwavo kuva wenhau kwaJesu kwakatungamirira kukakavadzano pakati penyanzvi pamavambo ezana rino ramakore kwakasvika voruzhinji panguva iyeyo uye kuchine pesvedzero nhasi. Somuenzaniso, nzvero yakaitwa misi ichangobva kupfuura iyi muGermany yakaratidza kuti 3 muzana yaavo vakabvunzurudzwa vaidavira kuti Jesu “haana kutongorarama” uye kuti “vaapostora vakamufungidzira.” Hungu, mbeu dzepanikiro pamusoro paJesu dzakadyarwa pakuvamba muzana rino ramakore dzinowana ivhu rakaorera mumwoyo yavanhu kunyange zvino.
Neiko mhedziso yokuti Jesu aka“fungidzirwa” isingangoruramiswi? Nyanzvi yeBhaibheri Wolfgang Trilling anotsinhira, kuti: “Kakavadzano pamusoro pokuti Jesu akamborarama, namamwe mashoko kana akanga ari munhu wenhau kana kuti wengano, yakagadzikiswa. Nhau yacho yakapedzwa nenzira younyanzvi, muinenge nzira yakadaro zvokuti vanhu vanorangarira zvakakomba havachaoni chinetso chacho senhau yedzidzo yakakwirira.” Zvisinei, vamwe vachiri kupanikira kuti Jesu akatombovapo. Somugumiriso, ngatinzverei kuti mumwe anogona sei kubvumikisa kuvapo kwaJesu kwenhau pamwe chete nokubvisa dzimwe panikiro pamusoro pake.
Zvipupuriro Zvinobvisa Panikiro
Kuurawa kunonyadzisa kwaJesu setsotsi rinozvidzwa kunogovera “chibvumikiso chikurusa chinopwisa mukupesana navanoshora kuva wenhau kwaJesu,” anodaro Trilling. Neiko? Nemhaka yokuti kuurawa “kwakadzvinyirira, kunyange kudzivisa, kuparadzirwa kwokutenda kutsva pakati pavaJudha navasiri vaJudha.” (Enzanisa na1 VaKorinte 1:23.) Kana kuurawa kwaJesu Mesiya kwakanga kuri denho youshingi yakadaro kuvose vari vaviri vaJudha naVamarudzi, kwaisagona kuve kwaiva fungidziro yavaapostora! Uyezve, rufu rwaJesu runopupurirwa sechiitiko chenhau kwete bedzi neEvhangeri ina asiwo nomunyori weRoma Tacitus uye neTalmuda yechiJudha.
Zvimwe zviitiko mukati moupenyu hwaJesu zvinorangarirwawo soufakazi hwomukati hwokudavirika kweEvhangeri, nemhaka yezvazvinotiudza pamusoro pake. Somuenzaniso, vateveri vaJesu vangadai vakaruka here kuuya kwake kubva kuNazareta, nzvimbo yairatidzika kuva isina kukurumbira? Kana kuti kunobvira here kuti vangadai vakafungidzira kutengeswa kwake naJudhasi, shamwari inovimbwa? Kunoratidzika here kuva kwechokwadi kufunga kuti vangadai vakaruka nhau pamusoro pokuva kwaJesu anosiyiwa navose vavadzidzi vake munzira youmbwende yakadaro? Zvirokwazvo hakuna mufungo kuti vadzidzi vangadai vakaruka maidi orudzi runokuvadza kwazvo ipapo ndokuazivisa nzvimbo iri yose! Mukuwedzera, unyanzvi hwokudzidzisa hwakashandiswa naJesu hwakanga huchizivikanwa nomutoo unoshamisa. Mabhuku echiJudha emuzana ramakore rokutanga haana chinoenzana nemienzaniso yake. Ndiani munhu asingazivikanwi angadai “akafunga” chinhu chakaisvonaka kudaro seMharidzo yapaGomo? Izvi zvibvumikiso zvose zvinobatira kutsigira kuvimbika kweEvhangeri semishumo youpenyu hwaJesu.
Kunewo ufakazi hwokunze hwokuva wenhau kwaJesu. Evhangeri ina dzinomurondedzera mumamiriro ezvinhu enhau akananga, akarondedzerwa zvakarurama. Nzvimbo, dzakadai seBhetrehema neGarirea; vanhu vamwe navamwe namapoka akatanhamara, vakadai saPontio Pirato navaFarise; pamwe chete netsika dzechiJudha uye zvimwe zvinhu zvechienzi hazvina kungofungidzirwa chete. Zvaiumba rutivi rwomumiriro woupenyu muzana ramakore rokutanga, uye zvakasimbiswa namanyuko asiri eBhaibheri uye nezvinowanwa zvokuchera matongo.
Nokudaro, kune, ufakazi hunopwisa, hwose huri huviri hwomukati nohwokunze, hwokuti Jesu munhu wenhau.
Zvisinei, vanhu vakawanda zvikuru vane panikiro pamusoro pezvishamiso zvinobatanidza iye. Zvirokwazvo, mukuwirirana nokunzvera kwanokorwa mashoko pamusoro apa, vorushoma bedzi vevaendi vokuchechi veGermany vanodavira zvakasimba kuti zvishamiso zvaJesu norumuko rwake “zvakaitika zvomenemene.” Panikiro pamusoro pezvishamiso zvaJesu norumuko dzinoruramiswa here?
Chikonzero Nei Vamwe Vachipanikira Zvishamiso zvaJesu
Mateo 9:18-36 inoshuma kuti Jesu akaporesa vairwara nenzira inoshamisa, akamutsa vakafa, uye akadzinga madhimoni. Purofesa Hugo Staudinger, wezvenhau, anotsinhira, kuti: “Hakutongodaviriki, uye pamurangariro wenhau hakubviri, kuti iyi mishumo isiri yenguva dzose mugumisiro wefungidziro yakajeka.” Neiko? Nemhaka yokuti kunoratidzika kuti Evhangeri dzapakuvamba-vamba zvikuru dzakanyorwa panguva iyo zvapupu zvakawanda zvikurusa zvakaona izvi zvishamiso zvakanga zvichiri zvipenyu! Imwe simbiso inowanwa mukuti, sezvinopfuurira kutaura Staudinger, vashori vechiJudha “havana kutongoramba kuti Jesu akaita mabasa asiri enguva dzose.” Tichifuratira zvimwe zvibvumikiso zvose uye tichingovakira chisarudzo chedu pane uhwu ufakazi hwokunze hwoga, tinowana kuti zvishamiso zvaJesu zvirokwazvo zvakafanirwa nokudavira kwedu.—2 Timotio 3:16.
Kunyange zvazvo “voruzhinji vevaGerman vachipwiswa kuti Jesu akaporesa vanhu vairwara,” vakawanda vanopanikira pamusoro pesimba raitsigira uku kuporesa. Somuenzaniso, mumwe mufundisi anosanozivikanwa weGermany akataura pachena kuti kuporesa kwakaitwa naJesu kwakanga kuri mugumisiro wesimba rokupesvedzera ndangariro richipesvedzera vanhu vakanga vachitambura nenhamo yendangariro. Iyi itsananguro yakanaka here?
Chimborangarira. Marko 3:3-5 inoshuma kuti Jesu akarapa ruoko rwakaonyana rwomunhu. Asi ruoko rwakaonyana mugumisiro wenhamo yendangariro here? Zvirokwazvo kwete. Naizvozvo, uku kuporesa kwaisagona kuparirwa nesimba rokupesvedzera ndangariro. Naizvozvo chii chakagonesa Jesu kuita zvishamiso? Purofesa Staudinger anobvuma, kuti: “Kana pasina mitemo inoshanda zvakakwana, uye kana mumwe asingarambi Mwari chose chose, ipapo zvikurukuru mumwe haagoni kusabatanidza bviro yokuti Mwari, ane simba rinopfuura romunhu, anogona kuita zvinhu zvisiri muitiro unozivikanwa.” Hungu, zvirokwazvo, nebetsero yo“ukuru hwaMwari,” Jesu akaporesa chaizvoizvo vanhu avo vakanga vachirwara. Nokudaro hapana chikonzero chokupanikira uchokwadi hwezvishamiso zvake.—Ruka 9:43; Mateo 12:28.
Sokutaurwa kwazvinoitwa neThe American Peoples Encyclopedia, kana chikurusa chezvishamiso zvose—kumuka kwaJesu—chakaitika, zvimwe zvishamiso zvose zvinoshumwa muEvhangeri “zvinowira munzvimbo yokugona kuitika.” Jesu chaizvoizvo akamutswa kuvakafa here?
Panikiro Pamusoro Porumuko rwaJesu Dzinoruramiswa Here?
Rangarira kutanga idi roufakazi hwemamiriro ezvinhu anotsigira uchokwadi hwerumuko rwaJesu—guva rake risina chinhu. Idi rokuti guva raJesu rakawanwa kuva risina chinhu harina kupokanwa navakararama munguva yake, kunyange navashori vake. (Mateo 28:11-15) Unyengeri hungadai hwakafumurwa zviri nyore! Bhuku renongedzero radudzwa pamusoro apa rinogumisa nenzira yakarurama, kuti: “Hapana tsananguro ine mufungo nokuda kweguva risina chinhu yati yambokarakadzwa kunze kwekutaura kweBhaibheri, ‘Haapo pano, nokuti wakamuka’ (Mat. 28:6).”
Vamwe vanoramba, vachiti vakanga vari bedzi vadzidzi vaJesu amene avo vakazivisa kwose kwose kuti akanga ari Mesiya akamutswa. Vakadaro. Asika kudavirika kweshoko ravo kwakanga kusina kusimbiswa muidi renhau here, zvikurukuru rufu norumuko rwaJesu? Chokwadika kwaiva kwakadaro. Muapostora Pauro akanga achiziva nezveiyi batano apo akanyora, kuti: “Dai Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu kungadai kuchiva pasina, nokutenda kwenyu kungadai kuchiva pasinawo. Nesu taiwanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema; nokuti takapupura kuti Mwari wakamutsa Kristu.”—1 VaKorinte 15:14, 15; enzanisa naJohane 19:35; 21:24; VaHebheru 2:3.
Muzana ramakore rokutanga, kwaiva navanhu vakawanda avo vaisanozivikanwa uye vaigona kupupurira kukuoneka kwaJesu pashure porumuko rwake. Pakati pavo pakanga pane vaapostora 12 naPauro, pamwe chete nezvimwe zvapupu zvakaona zvinopfuura 500.b (1 VaKorinte 15:6) Rangarirawo chikonzero nei Matia akazadzika zvikwaniriso zvokutsiva muapostora asina kutendeka Judhasi. Mabasa 1:21-23 inoshuma kuti Matia aigona kupupurira kumutswa kwaJesu uye kuzviitiko zvapakuvamba-vamba zvine chokuita Naye. Kudai upenyu norumuko rwaJesu zvakanga zviri ngano panzvimbo peidi, chinodikanwa chakadaro nokuda kwokugadzwa zvirokwazvo chaizova chisina mufungo chose chose.
Nemhaka yokuti zvapupu zvakaona zvakawanda kwazvo zvomuzana ramakore rokutanga zvaigona kupupurira upenyu, zvishamiso, rufu, uye rumuko rwaJesu, chiKristu chakapararira nemwero wokukurumidza muUmambo hweRoma yose, pasinei zvapo nemhinganidzo dzadudzwa pamusoro apa. Vateveri vake vakanga vachidisa kutsungirira kutambura, kutambudzwa, uye kunyange rufu kuitira kuti vazivise kwose kwose kumutswa nezvokwadi inokosha yakabva makuri. Zvokwadi ipi? Yokuti kumuka kwake kwakanga kwabvira bedzi kupfurikidza nechikonzero chesimba raMwari. Uye neiko Jehovha Mwari akanga amutsa Jesu kubva kuvakafa? Mhinduro kumubvunzo iwoyo inoratidza uyo ari Jesu wenhau.
Pazuva rePentekosta, muapostora Petro akazivisa norusununguko kuvaJudha vaishamisika muJerusarema, kuti: “Uyu Jesu wakamutswa naMwari, isu tiri zvapupu zvake tose. Zvino wakati asimudzirwa kurudyi rwaMwari, apiwa naBaba chipikirwa choMweya Mutsvene, akadurura izvi zvamunoona nezvamunonzwa. Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi unoti amene: Ishe wakati kunaShe wangu: Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako. Zvino imba yose yavaIsraeri ngaizive kwazvo, kuti uyu Jesu wamakarovera pamuchinjikwa, Mwari wakamuita Ishe naKristu.” (Mabasa 2:32-36) Hungu, Jehovha Mwari akaita Jesu weNazareta “Ishe naKristu.” Panikiro pamusoro pebasa rake muurwu rutivi rwechinangwa chaMwari dzinoruramiswa here?
Kupanikirirei Basa raJesu Razvino?
Panikiro dzose pamusoro pokuzivikanwa uye basa raJesu dzinogona kupedzwa sei? Kupfurikidza neidi rokuti akanga ari nenzira yakajeka muporofita wechokwadi. Akafanotaura hondo, nzara, kudengenyeka kwapasi, utsotsi, uye kushayikwa kwerudo kwatinoona nhasi. Mukuwedzera, akafanotaura, kuti: “Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.” (Mateo 24:3-14) Kuzadzikwa kweizvi zviporofita kunobvumikisa kuti Jesu ndiye Kristu akamutswa, ari kutonga asingaoneki ‘pakati pavavengi vake,’ uye nokukurumidza achaunza nyika itsva yaMwari.—Pisarema 110:1, 2; Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 21:1-5.
Zvino sezvisakamboitika nakare kose, rudzi rwomunhu runoda nokukurumidza Muponesi akashongedzerwa nouchenjeri hunopfuura hwomunhu. Neiko tichifanira kupanikira kuti Jesu ndiye uyo akasarudzwa zvakarurama kuti aponese rudzi rwomunhu? Johane, uyo akanga ari chapupu chakaona zvishamiso zvinoorora uye rumuko rwaJesu, akazivisa, kuti: “Isu takaona, uye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana, kuti ave Muponesi wenyika.” (1 Johane 4:14; enzanisa naJohane 4:42.) Kungofanana sezvatisina hwaro hune mufungo hwokupanikira kuvapo kwaJesu, zvishamiso, rufu, uye rumuko, hatina chikonzero chokupanikira kuti akagadzwa pachigaro choumambo naJehovha Mwari saMambo wapamutemo kurudyi Rwake. Pasina panikiro, Jesu weNazareta ndiye Mambo woUmambo hwaMwari uye “Muponesi wenyika.”—Mateo 6:10.
[Mashoko Omuzasi]
a Nongedzero dzokudenha Jesu dziri muTalmud dzinogamuchirwa sedzechokwadi nedzimwe nyanzvi bedzi. Kune rumwe rutivi, nongedzero kuna Jesu dzakaitwa naTacitus, Suetonius, Pliny Muduku, uye inenge imwe yakaitwa naFlavius Josephus, dzinogarogamuchirwa sezvibvumikiso zvokuvapo munhau kwaJesu.
b Pane imwe nhambo, Jesu akamutswa akadya hove navadzidzi vake, kunobvumikisa kuti kuoneka kwake kwakanga kusiri chionowo zvacho, sezvinotaura vamwe nhasi.—Ruka 24:36-43.