RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 10/1 pp. 19-24
  • Kutevera Mumakwara Avabereki Vangu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutevera Mumakwara Avabereki Vangu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kushingaira Kwababa Nokuda kwoUmambo
  • Basa raAmai Rokutendeka
  • Basa Roupwere
  • Hondo yeNyika Ii Inotanga
  • Basa Rinofadza Renguva Yakazara
  • Nhaka Yedu Yomudzimu Inokosha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Nhaka Yakaisvonaka yechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Vabereki Vedu Vakatidzidzisa Kuda Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • “Hapana Chandaizochinja!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 10/1 pp. 19-24

Kutevera Mumakwara Avabereki Vangu

YAKATAURWA NAHILDA PADGETT

“Upenyu hwangu hwakatsaurirwa kukubatira Wokumusorosoro,” wakarava kudaro mushumo wepepanhau, “uye handigoni kubatira vatenzi vaviri.” Mashoko iwayo okutaura kwangu kuzviremera zveBazu reLabour and National Service reBritain muna 1941 akagovera chikonzero changu chokuramba kurayira kwavo kuti ndiite basa rapachipatara mukati meHondo yeNyika II. Nokukurumidza pashure paikoko ndakawanwa ndine mhaka ndokutongerwa mwedzi mitatu mutorongo nokuda kwokuramba kwangu.

CHII chakanga chandisvitsa mune iyi ngwavaira? Aiwa, akanga asati ari manyemwe oupwerewo zvawo kana kuti chimiro chokupandukira. Panzvimbo pezvo, zvikonzero zvacho zvinodzokera shure kunguva apo ndaingova mwanana hangu.

Kushingaira Kwababa Nokuda kwoUmambo

Ndakaberekwa pana June 5, 1914, paHorsforth pedyo neLeeds, kuchamhembe kweEngland. Vabereki vangu, Atkinson naPattie Padgett, vakanga vari vadzidzisi veSandisikuru uye mitezo yekwaya panzvimbo yokunamatira yePrimitive Methodist Chapel apo Baba vairidza marimba. Apo ndaiva mwana, musha wedu waiva womufaro kunze kwechinhu chimwe chete. Mamiriro ezvinhu munyika ainetsa Baba. Vaivenga hondo namasimba masimba uye vaidavira murayiro weBhaibheri, wokuti: “Hausati uchifanira kuuraya.”—Eksodho 20:13, King James Version.

Muna 1915 hurumende yakakurudzira majaya ose kukumbanira muuto nokuzvidira nokudaro ndokudzivisa kumanikidzirwa. Vasina chokwadi Baba vakamira zuva rose mumvura yainaya vachimirira mukana wavo wokunyoresa somurwi. Zuva rakatevera chairo, upenyu hwavo hwose hwakachinja!

Apo vaishanda somugadziri wepombi pane imwe imba huru, vakataura navamwe vashandi pamusoro pezviitiko zvenyika. Mugadziri webindu akavatambidza turakiti duku raiti, Gathering the Lord’s Jewels. Baba vakaenda naro kumba, vakarirava, ndokuriravazve. “Kana iyi iri iyo zvokwadi,” vakadaro, “ipapo chimwe chinhu chiri chose hachina kururama.” Zuva rakatevera racho, vakakumbira mamwe mashoko, uye kwevhiki nhatu kusvikira mumaawa apakuvamba amangwanani, vakafunda Bhaibheri. Vakaziva kuti vakanga vawana zvokwadi! Svondo, January 2, 1916, dhayari ravo rinoti: “Takaenda kuNzvimbo yokunamatira mangwanani, ndokuzoenda kuI.B.S.A. [International Bible Students Association, sokuzivikanwa kwaiita Zvapupu zvaJehovha panguva iyeyo muEngland] usiku—tichifunda VaHebheru 6:9-20—shanyo yangu yokutanga kuhama.”

Chishoro chakamuka nokukurumidza. Hama dzedu dzokunyama neshamwari dzokunzvimbo yokunamatira vakafunga kuti Baba vakanga vave kupenga. Asi vakanga vaita chisarudzo chavo. Misangano nokufunda ndizvo zvinhu zvaikosha zvikuru muupenyu hwavo, uye pakazosvika March vakanga varatidzira kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura. Pashure pevhiki shomanene dzokuenda kwaBaba voga kumisangano, Amai vakanga varega kudzivisa. Vakandiisa mupurema yangu ndokufamba mamaira mashanu kuenda kuLeeds, vachisvika musangano uchangopera. Munogona kufungidzira mufaro waBaba. Kubvira panguva iyeyo zvichienda mberi, mhuri yedu yakabatanidzwa mubasa raJehovha.

Chokwadika, nzvimbo yaBaba yakanga yakaoma zvikuru—muzvipiri muuto uye ipapo mukati mevhiki shomanene murambi anotungamirirwa nehana. Apo vakadanwa vakaramba kubata pfuti, uye pakazosvika July 1916 vakatarisana namashanu amatare anotonga varwi, ndokutongerwa mazuva 90 mutorongo. Pashure pokubatira chirango chokutanga, Baba vakava nezororo revhiki mbiri, dzakateverwa nerimwe dare rinotonga varwi uye mazuva 90 okuwedzera vari mutorongo. Kuchitevera nhambo yavo yechipiri yokuiswa mutorongo, vakachinjirwa kuRoyal Army Medical Corps, uye pana February 12, 1917, vakavamba rwendo nengarava inotakura varwi vachienda kuRouen, France. Dhayari ravo rinorondedzera kuti ikoko vakava vanoodzwa mwoyo zvikuru zuva rimwe nerimwe namamiriro avo ezvinhu. Vakaziva kuti vakanga vachingotarisira varwi kuti vadzokerezve kunorwa.

Zvakare vakaramba kubatira pamwe. Panguva ino dare rinotonga varwi rakavatongera makore mashanu mutorongo ramauto eBritain muRouen. Apo Baba vakaramba vachikumbira kutamisirwa kutorongo ravasiri varwi somurambi anotungamirirwa nehana, vakarangwa nokupiwa chingwa nemvura bedzi kwemwedzi mitatu, uko kwakateverwa nezvokudya zvenguva dzose zvomutorongo kusvikira uremu hwavo hwawedzera; ipapo chiito chose chakadzokororwa. Vakaiswa simbi maoko avo ari seri kwavo masikati uye maoko avo ari mberi mukati mousiku uye panguva dzezvokudya. Upenyu hwavo hwose, vaiva namavanga pamaoko avo apo simbi dzaiva duku zvikuru dzakanga dzakabata munyama yavo, kuchiguma namaronda anonyenga. Vaivawo nengetani dzomumakumbo dzakasungirwa muchiuno chavo.

Zviremera zvamauto zvakaita zvose zvazvaigona kuti zviputse chisarudzo chavo asi hazvina kubudirira. Vakatorerwa Bhaibheri ravo namabhuku. Vaisagamuchira tsamba dzaibva kumusha, uyewo vaisagona kutumira ipi neipi. Pashure pamakore maviri vakasarudza kuratidzira uchokwadi hwavo kupfurikidza nokuramwa zvokudya. Kwamazuva manomwe vakachengeta chisarudzo chavo, vasingadyi kana kunwa, kuchiguma nokutamisirwa kwavo kuchipatara chetorongo, vorwara zvakakomba. Vakabvumikisa pfundo ravo, bva vakadokurasikirwa noupenyu hwavo somugumisiro wacho. Mumakore akatevera vakabvuma kuti vaiva vasina kururama kuisa upenyu hwavo mungozi nenzira iyi, uye kuti havaizofi vakadarozve.

Hondo yakapera muna November 1918 Baba vachiri mutorongo riri muRouen, asi pakuvamba kwegore rakatevera, vakatamisirwa kutorongo ravasiri varwi muEngland. Chimbofungidzira mufaro wavo kugamuchira tsamba dzose dzaAmai nepasuru dzakanga dzaungana, pamwe chete neBhaibheri ravo rinokosha namabhuku. Vakaendeswa kuTorongo rokuWinchester, uko vakaonana nehama yechiduku ine zvakaitika zvayo zvomunguva yehondo zvakanga zvakafanana nezvavo vamene. Zita rake ainzi Frank Platt, uyo gare gare akabatira paBheteri reLondon kwamakore akawanda. Vakaita gadziriro yokusangana zuva raitevera, asi pakasvika nguva iyeyo Frank akanga atamisirwa kune imwewo nzvimbo.

Pana April 12, 1919, Amai vakagamuchira tenigramu, yaiti: “Hareruya! Ndiri kuuya kumusha—Ndiri kuridzira runhare kuLondon.” Inguva yakadini yokufara pashure pamakore matatu omuedzo, echitambudzo, uye okuparadzaniswa! Mufungo wokutanga waBaba wakanga uri wokuridza runhare ndokusangana nehama dzeBheteri rokuLondon. Pa34 Craven Terrace, vakagamuchirwa norudo. Pashure pokugeza nokugusa ndebvu uye vakapfeka sutu nengowani zvakakumbirwa, Baba vakadzoka kumusha. Unogona here kufungidzira kusonganiswazve kwedu? Panguva iyoyo ndakanga ndodokusvitsa makore mashanu, uye handina kuvayeuka.

Musangano wokutanga uyo Baba vakapinda pashure pokuwana rusununguko rwavo wakanga uri Chirangaridzo. Pakukwira sitepisi kuti vapinde muhoro, hama yavakatanga kusangana nayo yakanga iri Frank Platt, uyo akanga atamisirwa kuchipatara chevarwi muLeeds. Mufaro wakadini wavakava nawo mukugoverana zvakaitika zvavo! Kubva panguva iyeyo kusvikira pakusunungurwa kwake, Frank akaita musha wedu wake wechipiri.

Basa raAmai Rokutendeka

Panguva yose iyo Baba vakanga vasipo, Amai vaigeza nhumbi kuti vawedzere muripo wavo mudukuduku waibva kuzviremera. Hama dzaiva nomutsa kwazvo kwatiri. Vhiki shomanene dziri dzose mumwe wavakuru veungano aivapa kahamvuropu kaine chipo chisingazivikanwi. Amai vaigarotaura kuti rwaiva rudo rwehama rwakavaswededza pedyo naJehovha ndokuvabetsera kutsungirira mukati menguva idzedzo dzinotambudza. Nenzira yokutendeka vakapinda misangano yeungano munguva yose iyo Baba vakanga vasipo. Muedzo wavo wakakomba wakanga uri apo, kwerinopfuura gore, vakanga vasingazivi kuti Baba vakanga vari vapenyu here kana kuti vakanga vafa. Somutoro wakawedzerwa, muna 1918 tose tiri vaviri Amai neni takabata furuwenza yeSpain. Vanhu vakanga vachifa mose makatipoteredza. Vavakidzani vakaenda kunobetsera vavakidzani vakabata chirwere chacho ndokufa. Pasina kupanikira kuperevedza kwezvokudya panguva iyeyo kwakabetsera kuderedza kuzvidzivirira kwavanhu kukutapurwa.

Mashoko omuapostora Petro akabvumikisa kuva echokwadi kwazvo nokuda kwemhuri yedu, anoti: “Kana mambotambudzika kanguva kaduku, [Mwari] uchakusimbisai, . . . nokukuteyai”! (1 Petro 5:10) Kutambura kwavabereki vangu kwakakudziridza mavari kutenda kusingazununguki muna Jehovha, vimbiso yachose chose yokuti anotiitira hanya neyokuti hapana chinogona kutiparadzanisa norudo rwaMwari. Ndakakomborerwa zvikuru kuva nokurerwa kwakadaro mukutenda.—VaRoma 8:38, 39; 1 Petro 5:7.

Basa Roupwere

Zvichitevera kusunungurwa kwaBaba, basa roUmambo rakava chinhu chinokosha choupenyu hwedu. Handigoni kuyeuka ndichimbopotsa musangano, kunze kwokuda kwokurwara. Nokukurumidza pashure pokudzoka kwavo kumusha, Baba vakatengesa kamera yavo inobudisa mifanikiso pamagirazi uye ndarira yegoridhe yaAmai kuti vawane mari yokuti vapinde kokorodzano. Kunyange zvazvo taisakwanisa kuenda kumazororo, taisambopotsa uku kuungana, kubatanidza uko kwekuLondon.

Makore maviri kana kuti matatu okutanga pashure pehondo akanga ari nguva yezororo. Baba naAmai vakashandisa mikana yose zvizere kuva pamwe nokusonganira. Ndinogona kuyeuka kuti taisishanyira sei dzimwe hama nehanzvadzi, uye ini, sekasikana, ndaigara ndichipenda nokunyora mifanikiso panguva iyo vakuru vaitaura pamwe chete kwamaawa namaawa pamusoro penzwisiso itsva dzezvokwadi. Kutaura pamwe chete, vachiva nezvikamu zvenziyo vachitevedzera marimba, vachifarikanya kuva pamwe kunofadza, kwakavaita kuti vafare zvikuru uye vazorodzwe.

Vabereki vangu vakanga vane rumano zvikuru nokurovedzwa kwangu. Kuchikoro ndaitanhamara seakasiyana, kunyange pazera ramakore mashanu, ndichienda ne“Testamente Itsva” yangu kuti ndirave apo kirasi yakanga ichidzidza katekisimo. Gare gare ndakamiswa pamberi pechikoro chose so“murambi anotungamirirwa nehana” nemhaka yokuti ndaisatora rutivi mukuchengetwa kweRemembrance Day.a Handizvidembi pamusoro pokurerwa kwangu. Kutaura idi, yakanga iri dziviriro uye kwakakuita kuti kuve nyore kurambira mu‘nzira nhete.’ Kuri kwose kwaienda vabereki vangu, kumisangano kana kuti mubasa, ndaivapo.—Mateo 7:13, 14.

Ndinoyeuka zvikurukuru Svondo iyoyo mangwanani apo ndakavamba kuparidza ndiri ndoga. Ndakanga ndine makore 12 chete okukura. Apo ndaiva mumakore angu ouduku, ndinogona kuyeuka ndichizivisa imwe Svondo mangwanani kuti ndakanga ndichizosara pamba. Hapana akanditsoropodza kana kuti kundimanikidza kuenda, nokudaro ndakagara mubindu ndichifunda Bhaibheri rangu uye ndichinzwa ndisingafari zvikuru. Pashure pevhiki imwe kana kuti mbiri dzaikoku, ndakati kuna Baba: “Ndinofunga ndichaenda nemi mangwanani ano!” Kubvira panguva iyeyo zvichienda mberi handina kumbotarira shure.

Gore ra1931 rakanga richifadza zvakadini! Hatina bedzi kugamuchira zita redu idzva, Zvapupu zvaJehovha, asi ndakabhapatidzwa apo taiva pakokorodzano yomunyika medu paAlexandra Palace, London. Handifi ndakakanganwa zuva iroro. Takapfeka nguo refu, nhema, uye yangu sezvineiwo yaiva nyoro zvayakanga yatoshandiswa nomumwe mubhapatidzwi!

Gwinyiro rangu semwana nguva dzose rakanga riri rokuva mucolporteur, sokuzivikanwa kwaiitwa vaparidzi venguva yakazara panguva iyeyo. Sezvandaikura, ndakanzwa kuti ndaifanira kuita zvakawanda mubasa raJehovha. Nokudaro muna March 1933, pazera ramakore 18, ndakakumbanira vabatiri venguva yakazara.

Mufaro chaiwo nokuda kwedu waiva “Vhiki Dzamapiyona” mune mamwe maguta makuru, apo kusvika kuvanenge gumi navaviri vavabatiri venguva yakazara vaiungana pamwe chete, vachigara nehama dzomunzvimbomo, uye kushanda seboka. Taiparadzira mabhukwana kuvatungamiriri vorudzidziso navamwe varume vakatanhamara. Kwaida ushingi kuvasvika. Zvikurukuru taigamuchirwa nokusekwa, uye havasati vari vashoma vedu vakapfigirwa masuo takatarisa. Hakusati kuri kuti ikoku kwakatinetsa, nokuti mbavarira yedu yaiva huru kwazvo zvokuti taifara kuzvidzirwa zita raKristu.—Mateo 5:11, 12.

MuLeeds takachinjira purema, bhasikoro rina mavhiri matatu, uye chimudhudhudhu chaBaba chine motokari yaparutivi, uye gare gare motokari yavo kutakurisa muchina wokushevedzeresa une gudzanzwi. Hama mbiri dzaienda mumugwagwa nomuchina wacho, ndokuisa nziyo yakarekodwa kuti akweve ngwariro yavanhu ndokuvaunzira pamasuo avo, ipapo ndokutevera ikoku nehurukuro yamaminiti mashanu yakarekodwa naHama Rutherford. Ipapo vaienda kumugwagwa unotevera apo isu, vaparidzi, taitevera ndokugovera mabhuku eBhaibheri.

Kwamakore, manheru eSvondo oga oga pashure pomusangano, taienda kuTown Hall Square uko kwaiva neNzvimbo yoMukurukuri ndokutsigira kupfurikidza nokuteerera imwe yehurukuro dzakareba awa imwe dzaHama Rutherford, tichigovera mahendibhiri nokuonana navapi navapi vairatidza fariro. Takava vanozivikanwa zvikuru ikoko. Kunyange mapurisa aitiremekedza. Mamwe manheru takaungana senguva dzose apo, chinhambwe chakati, takanzwa ruzha rwengoma navaimbi. Nokukurumidza vanofora vechiFascist vanenge 100 vakauya nomumugwagwa. Vakafora ndokutenderera neshure kwedu ndokumira mireza yavo yakasimudzwa mudenga. Boka racho rakamira, uye runyararo rwakavapo sezvo inzwi raHama Rutherford rakanzwiwa richiti: “Ngavapfugamire mireza yavo nokunamata vanhu kana vachida. Tichanamata nokurumbidza Jehovha bedzi Mwari wedu!” Takashamisika kuti chii chaizotevera kuitika! Hapana chakaitika, kunze kwokungoti vakawana uchapupu hwakanaka, uye mapurisa akavaita kuti vanyarare kuitira kuti tigogona kunzwa yasara yose yehurukuro yavose.

Kusvika panguva ino giramufomu rakanga rava kushandiswa kutibetsera kupa uchapupu hukuru. Tiri pasuo, taisanoramba takatarira rekodhi kuti tikurudzire vanhu kuteerera kwamaminiti mashanu akazara kumharidzo yeBhaibheri yakarekodwa. Vanasaimba vaiwanzotikoka kuti tipinde uye vaifara kuti tidzoke ndokuvaridzira mamwe marekodhi.

Gore ra1939 rakanga rakabatikana zvikuru uye rakaoma, nokugundika kwechishoro namasimba masimba. Imwe yekokorodzano dzedu isati yatanga, hama dzakawana zviito zvenyongori mumugwagwa uye ruzha rwakati. Naizvozvo mukati megungano, vakaita chirongwa cheboka chairo rehama dzaiva mumotokari kuti dziparidzire munharaunda dzakanga dzine kusagadzikana, nepo hanzvadzi nedzimwe hama vakaenda uko kwaiva kwakakotsekana. Ndichishanda nerimwe boka mune mumwe mugwagwa, ndakadzika nekamwe kanzira kuti ndishanyire dzimba dzaiva seri kwacho. Ndiri pane rimwe suo, ndakanzwa mheremhere ichitanga—kwakanga kune kuzhamba nokudanidzira mumugwagwa. Ndakangopfuurira kutaura nomunhu aiva pasuo, ndichirebesa kurukurirano yacho kusvikira ndogona kunzwa kuti zvinhu zvakanga zvanyarara. Ipapo ndakakwira nakanzira ndokubudira mumugwagwa ndokuwana kuti dzimwe hama nehanzvadzi vakanga vave kutya apo vaisagona kundiwana! Gare gare mukati mezuva racho, zvisinei, vapariri vechinetso vakaedza kuvhiringidza musangano wedu, asi vakabudiswa panze nehama.

Hondo yeNyika Ii Inotanga

Kusvika panguva ino kunyoresa nokuda kwehondo kwakanga kuchimanikidzirwa, uye hama duku dzakawanda dzakaiswa mutorongo kwemwedzi inovambira pa3 kusvikira ku12. Ipapo Baba vakagamuchira ropafadzo yakawedzerwa, iyo yokuva mushanyi womutorongo. Svondo iri yose vaiitisa Fundo yeNharireyomurindi mujeri romunzvimbomo. Chitatu manheru vaishanyira hama muzvitokisi zvavo. Zvavaive neruzivo rwokuzviwanira rwakareba kudaro nerwakaoma rwomutorongo ivo vamene mukati mehondo yenyika yokutanga, vakafara zvikurukuru kubatira avo vakanga vari kutambura miedzo yakafanana. Ikoku vakakuita kwamakore 20, kusvikira pakufa kwavo chaiko muna 1959.

Pakazosvika 1941 takanga tava kurovedzana nokukasharara uye ruvengo izvo vanhu vakawanda vairatidzira pamusoro pechimiro chedu chokusatora rutivi. Kwaisava nyore kumira mumigwagwa namagazini ndokutarisana naikoku. Panguva imwe cheteyo, takafara kubetsera vapoteri vaigara munharaunda yedu. VaLatvian, vaPole, vaEstonian, vaGerman—waiva mufaro wakadini kuona maziso avo achijeka apo vakaona Nharireyomurindi kana kuti Consolation (zvino Mukai!) mumutauro wavo vamene!

Ipapo muedzo wangu  wakauya wechimiro chokusatora rutivi chandakatora mukati meHondo yeNyika II. Ndichipfigirwa muchitokisi changu kwamaawa 19 pamaawa 24 ari ose, ndakawana upenyu hwomutorongo hwakaoma. Mazuva matatu okutanga ndiwo akanga akaomesesa, nokuti ndaiva ndoga. Pazuva rechina, ndakadanwa kuhofisi yagavhuna uko ndakawana vamwe vasikana vaviri vakamira. Mumwe wavasikana vacho akazevezera kwandiri, achiti: “Urimo nokuda kwei?” Ndakati: “Waizoshamisika kudai waiziva.” Akabvunza nokuzevezera kwokusagadzikana, kuti: “Uri muJ.W. here?” Mumwe musikana wacho akamunzwa ndokutibvunza tose tiri vaviri, kuti: “Muri maJ.W. here?” uye tose tiri vatatu takambundirana. Takanga tisati tichiri toga!

Basa Rinofadza Renguva Yakazara

Ndasunungurwa mutorongo, ndakapfuuridzira basa rangu renguva yakazara, uye mumwe musikana muduku wamakore 16 akanga achangopedza chikoro akandikumbanira. Takatamira kuIlkley, taundi rakanaka riri pamucheto weYorkshire Dales. Kwemwedzi mitanhatu yakazara, takaedza zvakaoma kuwana nzvimbo yakakodzera nokuda kwemisangano yedu. Pakupedzisira takarenda garaji duku, iro takavandurira kuva Horo yoUmambo. Baba vakatibetsera, vachigovera mwenje nezvinodziyisa. Vakatishongedzerawo chivako chacho. Kwamakore akawanda ungano yaiva pedyo yakatitsigira, ichigovera hama vhiki iri yose kuti dzizopa hurukuro dzavose. Nechikomborero chaJehovha takabudirira ndokukura, uye pakupedzisira ungano yakatangwa.

Muna January 1959, Baba vakavamba kurwara kamwe kamwe. Ndakadanwa kumusha, uye vakafa muna April. Makore akatevera akanga akaoma. Utano hwaAmai hwakaderera pamwe chete nokuyeuka kwavo, kuchikuita kuti nditambure. Asi mudzimu waJehovha wakandiita kuti ndirambe ndichipfuurira, uye ndakakwanisa kuvatarisira kusvikira kurufu rwavo chaiko muna 1963.

Ndakava nezvikomborero zvakawanda kwazvo zvakabva kuna Jehovha mumakore ose apfuura. Zvakawanda zvikuru kuzvirondedzera. Ndakaona ungano yokumusha kwangu ichikura ndokukamurwa kanokwana kana, ichitumira vaparidzi namapiyona, vamwe savafundisi kunyika dziri kure nekure seBolivia, Laos, uye Uganda. Kariro dzokuroorwa ndokugadzikana hadzina kutongoshanda kwandiri. Hakuna kundisuwisa; ndave ndakabatikana zvikuru. Kunyange zvazvo ndisina hama dzokunyama dzangu ndimene, ndine vana navazukuru vakawanda munaShe, kunyange vakapetwa rune zana.—Marko 10:29, 30.

Ndinowanzokoka mapiyona echiduku nedzimwe pwere kumusha wangu kuti tifarikanye ushamwaridzani hwechiKristu. Tinogadzirira pamwe chete Fundo yeNharireyomurindi. Tinorondedzerawo zvakaitika nokuimba nziyo dzoUmambo, sezvaiita vabereki vangu chaizvo. Ndakakomberedzwa neboka ravaduku rinofara, ndinoramba ndiine chitarisiko chechiduku chinofadza. Hapana upenyu hunofadza zvikuru kwandiri kupfuura basa roupiyona. Ndinoonga Jehovha kuti ndakava neropafadzo yokutevera mumakwara avabereki vangu. Munyengetero wangu ndewokuti ndigopfuurira kubatira Jehovha nokusingaperi kwose.

[Footnotes]

a Mukuchengetwa kwokuguma kwoutsinye pakati pa1918 uye, gare gare, muna 1945.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Hilda Padgett navabereki vake, Atkinson naPattie

[Mufananidzo uri papeji 23]

Turakiti rakanyandurira Baba kufarira zvokwadi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe