Ngwarira Kuzviruramisa!
MUZANA ramakore rokutanga, vaFarise vakafarikanya mukurumbira wakanaka wokuva vanamati vakarurama vaMwari. Vakanga vari vadzidzi vapachokwadi vaMagwaro uye vainyengetera kazhinji kazhinji. Vamwe vanhu vakavarangarira savanyoro uye vane mufungo. Wezvenhau wechiJudha Josephus akanyora, kuti: “VaFarise vane chidakadaka kune mumwe nomumwe uye vanosakurira ukama hune tsinhirano nenzanga.” Hakushamisi kuti vakanga vari zvimwe vanhu vanoremekedzwa zvikurusa uye vanokosheswa zvikuru munzanga yechiJudha panguva iyoyo!
Zvisinei, nhasi shoko rokuti “chiFarise” uye mazita akafanana anozvidza, akafanana nokuva wapachokwadi kwounyengeri, kuzviruramisa, kururama kupfuura vamwe, kunyanyova mutsvene, uye kungotaura chete. Nei vaFarise vakarasikirwa nezita ravo rakanaka?
Kwakanga kuri nemhaka yokuti, kusafanana navaJudha vazhinjisa, Jesu Kristu haana kunyengedzwa nechitarisiko chokunze chavaFarise. Akavaenzanisa ne“marinda akacheneswa, anoonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namapfupa avakafa netsvina yose.”—Mateo 23:27.
Chokwadi, vaipa minyengetero mirefu apo vainge vakamira munzvimbo dzavose, asi ikoku kwakanga kuri kuti vaonekwe navamwe, sezvakataura Jesu. Kunamata kwavo kwaingovawo zvakwo pasina. Vaida nzvimbo dzakatanhamara pazvokudya zvamadekwana uye zvigaro zvapamberi mumasinagoge. Nepo vaJudha vose vaisungirwa kupfeka mipeto pazvipfeko zvavo, vaFarise vakaedza kuorora vanhu nokupfeka mipeto yakanyanyorebesa. Vaidada nokuratidzira tumabhokisi twavo twakakudzwa twaiva namagwaro twaipfekwa sezvishongo. (Mateo 6:5; 23:5-8) Unyengeri hwavo, makaro avo, uye kuzvitutumadza kwavo pakupedzisira zvakavanyadzisa.
Jesu akataura kuramba kwaMwari vaFarise, achiti: “Imi vanyengeri, Isaya wakaporofita kwazvo pamusoro penyu, achiti: Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso iri mirayiro yavanhu.” (Mateo 15:7-9) Kururama kwavo kwaiva chaizvoizvo kuzviruramisa. Nenzira inonzwisisika, Jesu akanyevera vadzidzi vake, kuti: “Chenjerai mbiriso yavaFarise.” (Ruka 12:1) Nhasi, isuwo tinofanira ku“chenje[re]ra” kuzviruramisa kana kuti kungwarira kuva vanyengeri vorudzidziso.
Mukuita saizvozvo, tinofanira kuziva kuti munhu haazviruramisi nokukurumidza. Panzvimbo pezvo, muitiro iwoyu unopinda nenzira yokufambira mberi. Kunyange asingazivi munhu anogona kuwana miitiro isingashuviwi yavaFarise.
Chimiro Chendangariro Choukuru
Ndeapi ari mamwe amavara ayo tinofanira ku“chenje[re]ra”? Vanhu vanozviruramisa vanowanzo“taura, uye kumira, uye kutarira sokunge kuti havana kutongokanganisa,” inotsanangura kudaro Encyclopædia of Religion and Ethics. Vanozviruramisa vanoganzawo uye vanozvikwidziridza, icho chaiva chinetso chikuru navaFarise.
Jesu akarondedzera ichi chimiro chendangariro chechiFarise nomuenzaniso: “Vanhu vaviri vakakwira kutembere kundonyengetera, mumwe ari muFarise, mumwe ari muteresi. MuFarise akandomira, akanyengetera kudai, achizvireva, akati: Ndinokutendai Mwari, kuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana nomuteresi uyo. Ndinozvinyima zvokudya kaviri nevhiki, ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.” Mukupesana muteresi nokuzvininipisa akabvuma mhosho dzake ndokubvumikisa kuva akarurama zvikuru kupfuura muFarise anoganza. Jesu akataura muenzaniso uyu kuna avo “vakanga vachizvitenda, vachiti takarurama, vachizvidza vamwe.”—Ruka 18:9-14.
Savanhu vasina kukwana panhambo nenhambo tinganzwa kuti tiri nani kupfuura vamwe nemhaka yemano edu omuzvarirwo kana kuti betsero. Asi vaKristu vanofanira kukurumidza kubvisa mifungo yakadaro. Ungave una makore akawanda oruzivo rwokuzviwanira mukurarama kwechiKristu. Ungave uri mudzidzisi weBhaibheri ane unyanzvi. Kana kuti zvichida unotaura kuva wakazodzwa kuti utonge naKristu mudenga. Vamwe vari muungano vanofarikanya ropafadzo chaidzo savashumiri venguva yakazara, vakuru, kana kuti vabatiri vanoshumira. Zvibvunze umene kuti, ‘Jehovha aizonzwa sei kudai ndaizoshandisa zvaakandipa sehwaro hwokunzwa uri mukuru kupfuura vamwe?’ Zvirokwazvo, ikoku kwaisazomufadza.—VaFiripi 2:3, 4.
Apo muKristu anoratidzira mudzimu wokuva mukuru nemhaka yamano ake akapiwa naMwari, ropafadzo, kana kuti chiremera, ari chokwadika kubira Mwari mbiri norukudzo izvo Iye bedzi anofanirwa nazvo. Bhaibheri rinorayira muKristu zvakajeka “[kusa]zvifunga mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo.” Rinotikurudzira, kuti: “Ivai nomwoyo mumwe pakati penyu. Musatsvaka zvinorumbidzwa, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musati pamwoyo yenyu makachejera.”—VaRoma 12:3, 16.
“Musatonga”
Maererano neimwe enisaikoropidhia yeBhaibheri, munhu anozviruramisa “anozvirangarira amene kuva akarurama mutsika kana kuti zvimwe ane chimiro chakarurama naMwari nemhaka yokunamatira kwake kuzvinodikanwa chaizvoizvo zvapamutemo pasina kurangarirwa kwerevo yazvo.” Rimwe bhuku rinorondedzera kuzviruramisa se“vanhu vorudzidziso zvakanyanyisa avo vanopedza nguva yavo yose vachitsvaka uipi muvamwe.”
VaFarise vaiva nemhaka yaikoku. Pakupedzisira mitemo yavo yakaitwa navanhu yakaratidzika kuva inokosha zvikuru kupfuura mitemo yaMwari nenheyo. (Mateo 23:23; Ruka 11:41-44) Vakazvigadza vamene kuva vatongi uye vaida kushurikidza munhu upi noupi aisasvitsa mipimo yavo yokuzviruramisa. Chimiro chavo chendangariro choukuru nokuzvikoshesa kwakakatutsirwa kwakaparira kuda kudzora vamwe vanhu. Kusakwanisa kwavo kudzora Jesu kwakavashatirisa, naizvozvo vakarangana kupondwa kwake.—Johane 11:47-53.
Hakufadzi sei kushamwaridzana nomumwe munhu anozviita amene somutongi, achigarotsvaka mhosho, achiongorora nokudzora munhu ari wose akamupota. Chaizvoizvo, hapana munhu ari muungano ane chiremera chokuisa pavamwe mifungo yake nemitemo yokuzviitira. (VaRoma 14:10-13) VaKristu vakadzikama vanoziva kuti mativi mazhinji oupenyu hwezuva nezuva anowira munzvimbo yechisarudzo chomunhu oga. Zvikurukuru avo vanoda kuva vakakwana navanorayira vanofanira kudzivisa kutonga vamwe.
Chokwadi, ungano yechiKristu inobvumirwa kuva nenhungamiro idzo dzinoparira kushanda zvakanaka kwesangano raJehovha rapasi. (VaHebheru 13:17) Asi vamwe vakamonyanisa idzi nhungamiro kana kuti vakawedzera mitemo yavo vamene. Mune imwe nzvimbo vadzidzi vose muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari vaifanira kupfeka sutu ndokukopera mabhachi avo pakutaura hurukuro. Mudzidzi aikundikana kuita saizvozvo aisazokwaniriswa kupa hurukuro dzemunguva yemberi. Panzvimbo pokuita mitemo yorumano yakadaro, kwaisazova kune mufungo zvikuru uye kuri mutsinhirano nerevo yeShoko raMwari kupa nhungamiro yomutsa, yomunhu oga sezvinodikanwa here?—Jakobho 3:17.
Kuzviruramisa kungakurudzirawo murangariro wokuti kana muKristu ari kuva nezvinetso zvizhinji zvomunhu oga, anofanira kuva anoperevedza mumudzimu. Ndizvo chaizvoizvo izvo Erifazi aizviruramisa, Bhidhadhi, uye Zofari vakafunga nezvaJobho akatendeka. Vakanga vasina murangariro wakakwana womumiriro wezvinhu, naizvozvo kwaiva kuzvitutumadza kuti vapomere Jobho kuita zvakashata. Jehovha akavarangira kuyera kwavo kwakashata kwemiedzo yaJobho.—Ona Jobho, maganhuro 4, 5, 8, 11, 18, 20.
Kushingaira Kwakatsauswa
Kuzviruramisa nokushingaira zvinowanzowirirana. Muapostora Pauro akataura nezvevaJudha vaida zvorudzidziso savai“shingairira Mwari, asi [kwete maererano nezivo yakarurama]. Nokuti, zvavakanga vasingazivi kururama kwaMwari, vakatsvaka kumisa kururama kwavo vamene, vakasazviisa pasi pokururama kwaMwari.” (VaRoma 10:2, 3) SomuFarise, Pauro amene akanga ave anoshingaira zvakanyanyisa, kunyange zvazvo kushingaira kwake kwakanga kwakatsauswa, kusina kuvakirwa pakururama kwaJehovha.—VaGaratia 1:13, 14; VaFiripi 3:6.
Nenzira yakakodzera Bhaibheri rinorayira, kuti: “Usava munhu wakaisvorurama, usava wakaisvochenjera; uchazviparadzireiko?” (Muparidzi 7:16) Muungano muKristu angatanga achidzorwa nehana, asi kuva kwake anodzorwa nehana nokushingaira zvinogona kuva kuzviruramisa. Apo kunotungamirwa nouchenjeri hwomunhu panzvimbo pokutungamirwa nokururama kwaJehovha, kushingaira kworudzidziso kunogona kukuvadza vamwe. Sei?
Vabereki, somuenzaniso, vangava vakanyanyobatikana mukutarisira zvinodikanwa zvomudzimu zvavamwe, uye mukuitako vangaregeredza zvinodikanwa zvemhuri yavo vamene. Kana kuti vabereki vangava vanonyanyoshingaira, vachida zvizhinji kuna vana vavo kupfuura izvo sezvinobvira vanogona kuita. (VaEfeso 6:4; VaKorose 3:21) Vamwe vana, vasingakwanisi kusvitsa zvinodikanwa zvakadaro zvisina mufungo, vanopindura nokurarama upenyu huviri. Mubereki ane mufungo acharangarira ganhuriro dzemhuri yake ndokuita gadziridzo dzakakodzera.—Enzanisa naGenesi 33:12-14.
Kushingaira kwakanyanyisa kunogona kutitorera kungwarira pakutaura, tsitsi, uye unyoro, izvo zvinokosha mukubata kwedu navamwe. Munhu angashanda zvakaoma kufambisira mberi fariro dzoUmambo. Zvisinei, kushingaira kwake kwakanyanyisa kungakuvadza vanhu mukuita kudaro. Pauro akati: “Kunyange ndine chipo chokuporofita, ndichinzwisisa zvakavanzika zvose, nokuziva kwose; kunyange ndine kutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisina rudo, handizi chinhu. Kunyange ndagovera varombo zvose zvandinazvo, kunyange ndikaisa muviri wangu kuti ndipiswe, ndisina rudo, handibatsirwi chinhu.”—1 VaKorinte 13:2, 3.
Mwari Anoda Vanozvininipisa
SavaKristu tinofanira kuziva tyisidziro yokuzviruramisa isati yatanga. Tinofanira kudzivisa chimiro chendangariro chokuva mukuru, muitiro wokutonga vamwe, uye kushingaira kusina maturo kwakavakirwa pauchenjeri hwomunhu.
Sezvatino“chenje[re]ra” zvimiro zvendangariro zvinenge zvechiFarise, panzvimbo pokutonga vamwe savanozviruramisa, kwaizova kuri nani kunangidzira ngwariro pamiitiro yedu timene nemifungo. Chokwadi, Jesu akatonga vaFarise ndokuvashurikidza sa“vana venyoka” vaifanirwa noruparadziko rusingagumi. Asi Jesu aigona kuziva mwoyo yavanhu. Isu hatigoni.—Mateo 23:33.
Ngatitsvakei kururama kwaMwari uye kwete kwedu timene. (Mateo 6:33) Ndipapo bedzi patinogona kuva nenyasha dzaJehovha, nokuti Bhaibheri rinotirayira tose, kuti: “Pfekai kuzvininipisa mumwe kune mumwe, nokuti Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa.”—1 Petro 5:5.