Zvokwadi Pamusoro Pengirozi
Kurovedzana nomumwe munhu kunowanzobatanidza kudzidza chimwe chinhu pamusoro pemhuri yomunhu iyeyo. Zvakafanana nokusvika pakuziva Jehovha Mwari. Zvakawanda zvinobatanidzwa kupfuura kungodzidza zita rake. Tinofanirawo kusvika pakuziva chimwe chinhu pamusoro pe“mhuri” yake iri mudenga. (Enzanisa naVaEfeso 3:14, 15.) Bhaibheri rinodana ngirozi kuti “vanakomana” vaMwari. (Jobho 1:6) Tichirangarira basa radzo rinokosha muBhaibheri, tinofanira kuda kuziva zvakawanda pamusoro padzo kuti tinzwisise nzvimbo yadzo muchinangwa chaMwari.
IMWE tsika itsva iri kutanga. Havasati vari vanhu vakawanda bedzi vari kutaura kuti vanodavira ngirozi; nhamba inowedzera iri kutaura kuva yakatapurwa nadzo munzira yakati. Apo vaAmerica 500 vakabvunzwa, kuti: “Wati wambonzwa pachako kuvapo kwengirozi muupenyu hwako here?” vanodokuva mumwe muvatatu vakapindura kuti hungu. Inoshamisawo inhamba yepwere dzinotaura kudavira mungirozi—maererano neimwe nzvero muUnited States, nhamba inokwana 76 muzana! Sezviri pachena, vanhu vanofarira ngirozi. Asi kufunga kwazvino uno pamusoro pengirozi kunoenzana sei nezvokwadi yeBhaibheri?
Kuvanza Basa raSatani
Pakutaura nezvengirozi, hatifaniri kufuratira ngirozi dzakaipa, zvisikwa zvokudenga izvo Bhaibheri rinoti zvakapandukira Mwari. Chikurusa chazvo ndiSatani. Bhuku rakakurumbira rinonzi Ask Your Angels rinokarakadza kuti Satani anongovawo hake “rutivi rwakatanhamara rwaMwari” uyo anobetsera vanhu kusimbisa “tsandanyama [dzavo] dzomudzimu” kupfurikidza nomuedzo wenguva dzose. Pasinei zvapo ne“vavariro dzorudo” dzaSatani, vanyori vanodaro, mukati memazana amakore akazivikanwa nenzira isina kururama noushati. Vanowedzera kuti Satani naJesu, “nepo vasiri vabetserani chaizvoizvo, vari divi rimwe chete, mativi anokosha emunhu mumwe cheteyo.” Uku kutaura kunoshamisa, asi Bhaibheri rinotii?
Bhaibheri rinokujekesa kuti Satani haasati ari “rutivi rwaMwari” asi muvengi waMwari. (Ruka 10:18, 19; VaRoma 16:20) Anozvidza uchangamire hwaJehovha, uye vavariro dzake kuvanhu hadzitongori dze“rudo.” Nenzira isina tsitsi anoratidzira hasha dzake pavabatiri vaMwari vapasi. Anovapomera pamberi paMwari masikati nousiku!a (Zvakazarurwa 12:10, 12, 15-17) Satani ari kunangidzira ngwariro pakuvashatisa pasinei zvapo nemigumisiro yacho. Kutambudza kwake kusina tsitsi munhu akarurama Jobho kwakazivisa chimiro chake chendangariro chakatirivara kukutambura kwomunhu.—Jobho 1:13-19; 2:7, 8.
Zvirokwazvo vakanga vasiri “rutivi rumwe chete,” Satani naJesu vanovengana zvikuru. Chokwadika, pasina kupanikira akanga ari Satani akaparira Herodhi kurayira kuurawa kwavacheche vakawanda—zvose munhamburiko yokuuraya mwana muduku Jesu! (Mateo 2:16-18) Uye kudenha kwokusarega kwaSatani kwakapfuurira kusvikira parufu rwaJesu chaipo. (Ruka 4:1-13; Johane 13:27) Nokudaro, panzvimbo pokuva “mativi makuru emunhu mumwe cheteyo,” Jesu naSatani vakapesana zvikuru. Uporofita hweBhaibheri hunoratidza kuti ruvengo rwavo harudzivisiki. (Genesi 3:15) Nenzira yakakodzera, ndiJesu akamutswa achaparadza Satani munguva yaMwari yakafanira.—Zvakazarurwa 1:18; 20:1, 10.
Minyengetero Kuna Ani?
Vamwe vatsigiri vemasangano engirozi vanorumbidza kufungisisa nohumwe unyanzvi kuti vakwanise kutaura nengirozi. “Kukumbira kwapachokwadi nokuda kwekurukurirano nomutezo upi noupi wemhuri yokudenga hakusati kuchizofuratirwa,” rinodaro rimwe bhuku. “Bvunza uye uchapindurwa.” Mikaeri, Gabrieri, Urieri, uye Rafaeri ndidzo dziri pakati pengirozi idzo bhuku racho rinorumbidza nokuda kwokubvunza.b
Zvisinei, Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera kuna Mwari, kwete kungirozi. (Mateo 6:9, 10) Nenzira yakafanana, Pauro akanyora, kuti: “Pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuonga.” (VaFiripi 4:6) Muminyengetero yavo, naizvozvo, vaKristu havasviki munhu upi noupi kunze kwaJehovha, uye vanoita kudaro muzita raJesu Kristu.c—Johane 14:6, 13, 14.
Ngirozi Hadzisati Dziri Dzamasangano Orudzidziso Here?
Maererano naEileen Elias Freeman, uyo anotungamirira AngelWatch Network, “ngirozi dzinopfuura rudzidziso rwuri rwose, ruzivo rwuri rwose, chitendero chiri chose. Kutaura idi, ngirozi hadzina rudzidziso sokuziva kwatinoita.”
Bhaibheri, zvisinei, rinokujekesa kuti ngirozi dzakatendeka dzine rudzidziso; dzinonamata Mwari wechokwadi, Jehovha, asingashiviriri makwikwi anobva kuna vamwe vamwari. (Dheuteronomio 5:6, 7; Zvakazarurwa 7:11) Nokudaro, ngirozi yakadaro yakazvirondedzera imene kumuapostora Johane se“muranda pamwe chete newe” weavo vanoteerera mirayiro yaMwari. (Zvakazarurwa 19:10) Hapana muBhaibheri patinorava nezvengirozi dzakatendeka dzichitsigira chimwe chimiro chipi nechipi chokunamata. Dzinopa Jehovha kuzvipira kwakakwana.—Eksodho 20:4, 5.
“Baba Venhema”
Kwakawanda kunonzi kusangana nengirozi kunobatanidza kukurukura navakafa. “Ndaiva nokunzwa kwokuti sekuru vangu pakupedzisira vakanga vawana nzira yokundisvika ndokundizivisa kuti vakanga vachifara,” anodaro mumwe mukadzi anonzi Elise pashure pokugamuchira icho akarangarira kuti chakanga chiri chiratidzo. Terri nenzira yakafanana anoyeuka shamwari inodiwa yakafa. “Vhiki imwe pashure pamariro,” anodaro, “akauya kwandiri mune chandakafunga kuti chaiva chiroto. Akandiudza kuti ndaisafanira kuchema kuenda kwake, nemhaka yokuti akanga achifara uye ari murugare.”
Asi Bhaibheri rinotaura kuti vakafa “havana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Rinotaurawo kuti apo munhu anofa, “nezuva iro mano ake anopera.” (Pisarema 146:4) Satani, zvisinei, ndiye “baba venhema.” (Johane 8:44, NW) Ndiye akavamba nhema dzokuti mweya womunhu unopukunyuka rufu. (Enzanisa naEzekieri 18:4.) Vanhu vakawanda nhasi vanodavira ikoku, uko kunokodzera chinangwa chaSatani, nokuti kunoramba kudikanwa kwokutenda murumuko—dzidziso huru yechiKristu. (Johane 5:28, 29) Naizvozvo, kubvunza vakafa kana kuti kunoratidzika sokugamuchira mashoko anobva kwavari ruchiri rumwe rutivi rwesangano rengirozi iro risingatenderwi naMwari.
Kusvika Kungirozi Kana Kuti Kumadhimoni?
Akawanda emasangano engirozi aripo anouka. Rangarira chakaitika chaMarcia. “Kuvambira muna September kusvika kuna December 1986,” anodaro, “ndakavamba kugamuchira mashoko anobva ‘kunyikadzimu.’ Ndakaona madzangaradzimu uye ndakava nezviroto zvisingadaviriki zvo‘upenyu hwekare.’ Ndakakurukura neshamwari dzakanga dzafa uye ndakava nezvimwe zviitiko zvakawanda zvisiri zvenguva dzose mazviri ndakaziva zvinhu pamusoro pevanhu vandakanga ndichangobva kusangana navo. Ndakakomborerwawo nechipo chokungoerekana ndanyora nokupfuudza mashoko anobva kuvanhu vasingaoneki. Vamwe vacho, vandisina kumbosangana navo muupenyu hwavo hwapasi, vaisvitsa mashoko kuna vamwe kupfurikidza neni.”
Kushandiswa kwokuuka somutoo wo“kukurukura” nengirozi hakusi kusingazivikanwi. Mamwe manyuko anokurudzira chose chose varavi vawo kushandisa mabwe ane mushonga, makadhi etarot, mari yeI Ching, kuziva nguva yemberi nokutarira zvanza, uye unyanzvi hwenyeredzi. “Bvumira kuzviziva kwomukati kwako umene kuti kukutungamirire kusvikiro rakakodzera,” vanyori vacho vanonyora kudaro, “uye vimba kuti imwe ngirozi ichasangana newe ikoko.”
Maererano neBhaibheri, zvisinei, rinopa chiratidzo chakajeka chokuti ipi kana ipi ‘inosangana newe ikoko’ zvirokwazvo haisati iri imwe yengirozi dzaMwari. Neiko? Nokuti kuuka kupesana zvakananga naMwari, uye vanamati vechokwadi—vari kudenga uye vari pasi pano—havana chokuita nakwo. Chokwadika, muna Israeri kuuka kwakanga kuri mhaka yorufu! “Vose vanoita zvinhu izvi vanonyangadza Jehovha,” Mutemo wakadaro.—Dheuteronomio 13:1-5; 18:10-12.
“Ngirozi Yechiedza”
Hakufaniri kutishamisa kuti Dhiyabhorosi anogona kuita kuti kuuka kuratidzike sokunobetsera, kunyange kuva kwengirozi. Bhaibheri rinotaura kuti Satani “anoramba achizvishandura amene kuva ngirozi yechiedza.” (2 VaKorinte 11:14, NW) Anogona kunyange kuruka mashiripiti ibvei oaita kuti ave echokwadi, achinyengera vaoni kuti vafunge kuti mashura acho abva kuna Mwari. (Enzanisa naMateo 7:21-23; 2 VaTesaronika 2:9-12.) Asi mabasa ose aSatani—pasinei zvapo nokuti angaratidzika kuva akanaka sei kana kuti akaipa sei—anobatira chimwe chezvinangwa zviviri: kutsausa vanhu kuti varwisane naJehovha kana kuti kungopofumadza ndangariro dzavo kuitira kuti ‘kujeka kwechiedza chamashoko akanaka pamusoro paKristu kurege kuvhenekera.’ (2 VaKorinte 4:3, 4) Uyu mutoo wapashure wokunyengera ndiwo unowanzobudirira zvikurusa.
Rangarira nhau yeBhaibheri yomurandasikana muzana ramakore rokutanga. Kufembera kwake kwaiwanisa vatenzi vake mari yakawanda. Kwamazuva akawanda akatevera vadzidzi, achiti: “Vanhu ava varanda vaMwari Wokumusoro-soro, vanokuparidzirai nzira yokuponeswa nayo.” Mashoko ake aiva echokwadi. Bva, nhau yacho inotiudza kuti aisvikirwa, kwete nengirozi, asi ne“mweya wokuuka.” Pakupedzisira, Pauro “akatendeuka, akati kumweya: Ndinokurayira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari. Ukabuda nenguva iyeyo.”—Mabasa 16:16-18.
Neiko Pauro akadzinga uyu mudzimu? Pashure pokurangarira zvose, waigovera mari yakawanda kuvatenzi vomusikana aisvikirwa nedhimoni. Namasimba anopfuura emunhu, murandasikana wacho angave akaudza varimi nguva yokudyara, vasikana nguva yokuroorwa, uye vacheri vemigodhi kwokutsvaka ndarama. Chokwadika, uyu mudzimu wakatosunda musikana wacho kutaura mamwe mashoko ezvokwadi, uchirumbidza pachena vadzidzi!
Kunyange zvakadaro, wakanga uri “mweya wokuuka.” Sewakadaro, waisava nekodzero yokuzivisa pamusoro paJehovha negadziriro dzake dzoruponeso. Kutaura kwawo kwokutsinhira, zvichida kwakataurwa kuti kupe kugamuchira kukufembera kwomurandasikana, kwakatsausa vaoni pavateveri vechokwadi vaKristu. Nechikonzero chakanaka, Pauro akanyevera vaKorinte, kuti: “Hamungadyiri patafura yaShe napatafura yemweya yakaipa.” (1 VaKorinte 10:21) Nenzira isingashamisi, vaKristu vomuzana rokutanga ramakore vakaparadza mabhuku avo ose ayo akanga ane chokuita nokuuka.—Mabasa 19:19.
Imwe “Ngirozi Ichibhururuka Pakati Pedenga”
Sezvataona, Bhaibheri rinofumura masangano akawanda engirozi azvino uno seakasanobatana noMuvengi waMwari, Satani Dhiyabhorosi. Ikoku kunoreva here kuti ngirozi tsvene hadzibatanidzwi muzvinhu zvavanhu? Mukupesana, zvino dziri kuita basa rine simba pasi pano. Nderei? Kuti tipindure, tinofanira kutarira kubhuku reBhaibheri raZvakazarurwa. Ngirozi dzinodudzwa kakawanda mubhuku iri kupfuura rimwe bhuku ripi neripi reBhaibheri.
Pana Zvakazarurwa 14:6, 7, NW tinorava chinyorwa chomuapostora Johane chechiono chouporofita chaakagamuchira, kuti: “Ndakaona imwe ngirozi ichibhururuka pakati pedenga, uye yakanga ine mashoko akanaka asingaperi okuzivisa samashoko akanaka kuna avo vanogara panyika, uye kurudzi rwuri rwose nedzinza nendimi navanhu, ichiti nenzwi guru: ‘Ityai Mwari uye murumbidzei, nokuti nguva yokutonga kunoitwa naye yasvika, uye naizvozvo namatai Uyo akaita denga nenyika negungwa namatsime emvura.’”
Urwu rugwaro runosimbisa basa gurusa rengirozi nhasi. Dzinobatanidzwa mumugove unofanirwa nengwariro yokutanga—uyo wokuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Kwakanga kuri pamusoro peiri basa kwakaita kuti Jesu apikire vateveri vake, kuti: “Ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.” (Mateo 28:18-20) Jesu ane vateveri vake munzirai? Imwe nzira iri kupfurikidza nokuvagovera betsero yengirozi kuitira kuti iri basa guru ringapedzwa.
Zvapupu zvaJehovha zvinopedza anopfuura maawa bhiriyoni gore negore zvichiparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Apo zvinenge zvichiita iri basa, zvinoona ufakazi hwenhungamiro yengirozi. Muushumiri hwazvo hwapasuo nesuo, kwakawanzoitika kuti zvakakurukura navanhu vakanga vachangobva kunyengeterera mumwe munhu kuti avabetsere kunzwisisa zvinangwa zvaMwari. Nhungamiro yengirozi, pamwe chete nediso yokuzvivambira zvimene yeZvapupu, yakaguma namazana ezviuru achisvika kuzivo yaJehovha gore rimwe nerimwe!
Uri kuteerera kungirozi iri kubhururuka napakati pedenga here? Apo Zvapupu zvaJehovha zvinoshanya, huregererei kukurukura zvizere nazvo iri shoko rengirozi?
[Mashoko Omuzasi]
a Mashoko okuti “Satani” na“Dhiyabhorosi” anoreva kuti “mudzivisi” no“mucheri.”
b Nepo Mikaeri naGabrieri vachidudzwa muBhaibheri, mazita aRafaeri naUrieri anoonekwa mumabhuku eApokirifa, asati ari rutivi rwamanyoro matsvene eBhaibheri.
c Cherekedza kuti munyengetero unonangidzirwa kupfurikidza naJesu, kwete kwaari. Munyengetero unopiwa muzita raJesu nemhaka yokuti ropa rake rakadeurwa rakazarura nzira yokusvika kuna Mwari.—VaEfeso 2:13-19; 3:12.
[Bhokisi riri papeji 8]
NDIVANAANI VARI NGIROZI?
MUKUPESANA nezvinodavirwa navakawanda, ngirozi hadzisati dziri mweya yavanhu vakafa. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti vakafa “havana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Ipapoka, ngirozi dzakabva kupi? Bhaibheri rinoratidzira kuti imwe neimwe yakasikwa naMwari nyika isati yasikwa. (Jobho 38:4-7) Ukuru hwemhuri yaMwari yokudenga hungava mazana amamiriyoni, zvichida mabhiriyoni kana kuti kupfuura! Dzimwe ngirozi dzakakumbanira Satani mukupanduka kwake.—Dhanieri 7:10; Zvakazarurwa 5:11; 12:7-9.
Sezvo Jehovha ari Mwari wenhevedzano, hakushamisi kuti mhuri yake huru yengirozi yakarongeka.—1 VaKorinte 14:33.
• Ngirozi yokutanga, mose muri muviri musimba nechiremera, ndiyo ngirozi huru, Jesu Kristu, inonziwo Mikaeri. (1 VaTesaronika 4:16; Judha 9) Dziri pasi pechiremera chayo, maserafimi, makerubhi, uye ngirozi.
• Maserafimi anorinda pachigaro choushe chaMwari. Mugove wawo sezviri pachena unobatanidza kuzivisa utsvene hwaMwari nokuchengeta vanhu vake vakachena.—Isaya 6:1-3, 6, 7.
• Makerubhi anoonekwawo pamberi paJehovha. Savatakuri kana kuti vaperekedzi vepachigaro choushe chaMwari, anotsigira uchangamire hwaJehovha.—Pisarema 80:1; 99:1; Ezekieri 10:1, 2.
• Ngirozi (kureva kuti “vatumwa”) inhume navamiriri vaJehovha. Dzinoita kuda kwoumwari, kungave kunobatanidza kununurwa kwavanhu vaMwari kana kuti kuparadzwa kwavakaipa.—Genesi 19:1-26.
[Mifananidzo iri papeji 7]
Uri kuteerera kungirozi iri kubhururuka napakati pedenga here?