Vakawana Rugare Munyika Isina Kugadzikana
BUTIRO remagazini ino rine mufananidzo wechiono chehondo chinotyisa zvikuru chokuBosnia neHerzegovina. Rugare runogona kuvapo munzvimbo yakadaro here? Nenzira inoshamisa, mhinduro ndihungu. Nepo vaRoma Katurike, Eastern Orthodox, vaMuslim vari munyika iyoyo ine ngwavaira vachirwira ndima, vanhu vazhinji vanoshuva rugare, uye vamwe vakaruwana.
VekwaDjorem vaiva vagari vemuSarajevo, uye vaiva Zvapupu zvaJehovha. Mukati mokusagadzikana kwose kwacho kuri muguta iroro, waiva muitiro wavo kushanyira vavakidzani vavo kuti vagoverane navo mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mateo 24:14) Neiko? Nemhaka yokuti mhuri yekwaDjorem yaiziva kuti uhwu Umambo huri chaihwoihwo, kuti hwakatovambwa mumatenga, uye kuti ndihwo tariro yorudzi rwomunhu yakanakisisa bedzi nokuda kworugare. Zvapupu zvaJehovha zvine chivimbo chakakwana mune icho muapostora Pauro akadana kuti “mashoko akanaka orugare.” (VaEfeso 2:17, NW) Nemhaka yavanhu vakafanana naBozo naHena Djorem, vakawanda vari kuwana rugare muBosnia neHerzegovina.
Rugare Chairwoirwo Ruchauya
Pane zvakawanda zvokutaura pamusoro pevekwaDjorem. Kutanga, zvisinei, ngatitaurei nezvevamwe varoorani vakawana chivimbo muUmambo hwaMwari. Mazita avo ndiArtur naArina. Ivo navanakomana vavo vaduku vaimbogara munyika inozvitonga iri mundima yeyaichimbova Soviet Union. Apo hondo yavagari vemo yakatanga, Artur airwira rimwe ramativi acho. Nokukurumidza, zvisinei, akazvibvunza amene kuti, ‘Neiko ndiri kurwisana naava vanhu vaichimbova vavakidzani vangu?’ Akabuda munyika uye, pashure pokutambura kwakawanda, akasvika nemhuri yake duku kuEstonia.
Pashanyo yokuSt. Petersburg, Artur akasangana neZvapupu zvaJehovha uye akaororwa nezvaakadzidza pamusoro poUmambo hwaMwari. Kuda kwaJehovha ndokwekuti nokukurumidza zvikuru Umambo hwaMwari ndihwo bedzi huchava utongi pamusoro porudzi rwomunhu. (Dhanieri 2:44) Ipapo pasi richava nzvimbo ine rugare, pasisinazve hondo dzavagari vemo kana kuti kurwisana kwamarudzi ose. Isaya akaporofita pamusoro penguva iyoyo, kuti: “Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”—Isaya 11:9.
Acherekedza mufanikiso wakaitwa nomunyori wemifananidzo wepasi iroro rine rugare romunguva yemberi mune imwe yamuro yokufunda Bhaibheri iyo Chapupu chakamuratidza, Artur akatsinhira kuti aimbogara munzvimbo yaichimboratidzika zvakadaro. Zvino, zvisinei, yakanga iri kuparadzwa nehondo yavagari vemo. Vadzokera kuEstonia, Artur nemhuri yake vari kudzidza zvakawanda pamusoro poUmambo hwaMwari kupfurikidza nefundo yeBhaibheri neZvapupu zvaJehovha.
Rugare Mukati Mokusagadzikana
Pisarema 37:37 rinoti: “Cherekedzai munhu wakakwana, mutarire wakarurama; nokuti kuguma kwomunhu uyo rugare.” Kutaura idi, rugare rwomunhu asina chaangapomerwa uye akarurama mumaziso aMwari haruna kuganhurirwa kunguva yake yemberi. Anorufarikanya zvino chaiye. Ikoko kunobvira sei? Rangarira chakaitika chomumwe murume anonzi Paul.
Paul anogara mumusasa wavapoteri uri kure kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweEthiopia, kunyange zvazvo achibva chaizvoizvo munyika yakavakidzana. Munyika yokumusha kwake, akasangana nomumwe weZvapupu zvaJehovha aishandira kambani yamafuta, uye uyu murume akamupa yamuro yokufunda Bhaibheri, Zvokwadi inotungamirira kuupenyu husingagumi.a Paul haana kuzombosangana neChapupu chacho zvakare, asi akasanofunda bhuku racho. Hondo yavagari vemo yakamuita kuti aende kumusasa wavapoteri uri muEthiopia, uye ikoko akataura kuna vamwe pamusoro pezvaakanga adzidza. Boka duku rakasvika pakugamuchira izvozvi sezvokwadi. Vachivakira pane zvavakanga vadzidza, nokukurumidza vakanga voparidza kuna vamwe mumusasa macho.
Paul akanyorera kudzimbahwe reWatch Tower Society achikumbira betsero. Mushumiri akatumwa kubva kuAddis Ababa akashamisika kuwana vanhu 35 vakamumirira, vakagadzirira kudzidza zvakawanda pamusoro poUmambo hwaMwari. Gadziriro dzakaitwa kuti betsero ipiwe pahwaro hwenguva dzose.
Kunogona sei kutaurwa kuti vanhu vakaita saPaul vanofarikanya rugare? Upenyu hwavo hausi nyore, asi vane kutenda muna Mwari. Apo vanotapurwa nokusagadzikana kwenyika ino, vanoshandisa zano reBhaibheri, rokuti: “Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuonga.” Somugumisiro, vane gutsikano isingawanzowaniki nhasi. Mashoko omuapostora Pauro kuungano yavaFiripi anoshanda kwavari, okuti: “Rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.” Zvirokwazvo, vanonzwa ukama hwapedyo naJehovha, “Mwari worugare.”—VaFiripi 4:6, 7, 9.
Rugare Rwenguva Ino
Mambo akagadzwa pachigaro choushe choUmambo hwaMwari ndiJesu Kristu, anodanwa muBhaibheri kuti “Muchinda worugare.” (Isaya 9:6) Nezvake muporofita wekare akati: “Uchataurira ndudzi dzavanhu rugare; ushe hwake huchabva pagungwa kusvikira pagungwa, nokubva kuRwizi kusvikira kumigumo yenyika.” (Zekaria 9:10) Mashoko akafuridzirwa akadai saaya akava netapuro huru paupenyu hwomumwe murume anonzi José.
Pane imwe nguva José akanga ari mutorongo. Akanga ari gandanga uye akanga asungwa apo akanga achiita gadziriro dzokubhomba kamba yamapurisa. Aifunga bedzi kuti masimba masimba aizomanikidzira hurumende kunatsa mamiriro ezvinhu munyika yake. Apo akanga ari mutorongo, Zvapupu zvaJehovha zvakavamba kufunda Bhaibheri nomudzimai wake.
Pashure pokunge José asunungurwa, iyewo akafunda Bhaibheri, uye nokukurumidza mashoko ePisarema 85:8 akavamba kushanda kwaari, anoti: “Ndichanzwa zvichataura Mwari Jehovha; nokuti uchataura rugare kuvanhu vake, nokuvatsvene vake.” Zvisinei, ndima iyoyo inoguma nenyevero, yokuti: “Asi ngavarege kudzokerazve kuupenzi.” Nokudaro, uyo anotsvaka rugare rwaJehovha haasati achizofunga zvokuzvimirira kana kuti kupesana nokuda Kwake.
Nhasi, José nomudzimai wake vashumiri vechiKristu. Vanonangidzira vamwe kuUmambo hwaJehovha semhinduro kuzvinetso izvo José akamboedza kupedza namabhomba anogadzirirwa kumba. Vanodisa kuvimba neBhaibheri, iro rinoti: “Jehovha uchapa zvinhu zvakanaka.” (Pisarema 85:12) Zvirokwazvo, José nguva pfupi yapfuura iyi akashanyira kamba iyo akanga achironga kuparadza. Nemhaka yei? Kuti anotaurira mhuri dziri ikoko pamusoro poUmambo hwaMwari.
Vanhu Vane Rugare
Pana Pisarema 37:10, 11, Bhaibheri rinoti: “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo; zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” Ikariro ine mbiri zvakadini!
Cherekedza, zvisinei, kuti rugare rwaJehovha nderwa“vanyoro” bedzi. Avo vanotsvaka rugare vangatofanira kudzidza kuva norugare. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Keith, uyo anogara kuNew Zealand. Keith akarondedzerwa se“ane unhu nomuviri zvakasimba, anodenha, uye ane nharo.” Akanga ari mutezo werimwe boka uye aigara muimba yakanga iri nhare chaiyoiyo, yaiva nemapindu aifambwa-fambwa nembwa nhatu dzinochengetedza kudzinga vavhozhokeri. Mudzimai wake, amai vevana vake vatanhatu, vakanga vamuramba.
Apo Keith akasangana neZvapupu zvaJehovha, mashoko akanaka akava netapuro huru paari. Nokukurumidza iye navana vake vakanga vave kupinda misangano neZvapupu. Akagerwa bvudzi rake raisvika muchiuno ndokuvamba kutaura pamusoro poUmambo hwaMwari kuvaichimbova vasonganiri vake. Vamwe vaivava vakavambawo kufunda Bhaibheri.
Kufanana namamiriyoni avanhu vane mwoyo yakarurama munyika yose, Keith akanga avamba kushandisa mashoko omuapostora Petro, anoti: “Uyo, unoda upenyu, nokuona mazuva akanaka, . . . ngaanzvenge zvakaipa, aite zvakanaka; ngaatsvake rugare, arutevere.” (1 Petro 3:10, 11) Aichimbova mudzimai waKeith akabvuma kuroorana naye zvakare, uye zvino ari kudzidza ku“tsvak[a] rugare, [noku]rutever[a].”
Rugare rwaJehovha rwave rwuchiponesa upenyu hwavazhinji, kubatanidza yaichimbova nyanzvi yokumhanya yakaberekerwa muyaichimbova U.S.S.R. Uyu murume akahwina menduru mumakwikwi eOlympic, asi akava akavhiringidzwa ndokutendeukira kumirimo nezvinwiwa zvinodhaka. Pashure pamakore 19 azere nezvinoitika izvo zvakabatanidza kutongerwa makore matatu kumusasa wechibharo muSiberia, rwendo nechikepe kuenda kuCanada somurongedzi wezvinhu, uye kusvika pedyo nokufa kaviri nemhaka yomuitiro wake wemirimo, akanyengetera kuna Mwari nokuda kwebetsero kuti awane chinangwa chechokwadi muupenyu. Fundo yeBhaibheri neZvapupu zvaJehovha zvinotaura chiRussia yakamubetsera kuwana mhinduro kumibvunzo yake. Nhasi uyu murume, kufanana namamiriyoni avamwe, akawana rugare naMwari uye naiye amene.
Tariro Yorumuko
Pakupedzisira, ngatidzokere kuna Bozo naHena Djorem muSarajevo. Ava varoorani vakanga vane mwanasikana wamakore mashanu okukura, Magdalena. July apfuura, vari vatatu vakanga vachibva pamusha kuti vaende zvakare kunopinda mumubato wavo wokuparidza apo vose vari vatatu vakaurawa nechinoputika chakaputika. Zvakadiniko norugare rwavakaparidza nezvarwo kuna vamwe? Chinoputika chacho chakavauraya chakaratidza here kuti rwakanga rusiri rugare chairwo?
Nyangwe! Mutsika ino yezvinhu, ngwavaira dzinoitika. Vanhu vanourawa nemabhomba kana kuti nezvinoputika. Vamwe vanofa nezvirwere kana kuti mutsaona. Vakawanda vanofa nokukwegura. Avo vanofarikanya rugare rwaMwari havasati vari vasingatapurwi, asi bviro yezviitiko zvakadaro haivasiyi vasina tariro.
Jesu akapikira shamwari yake Marta, kuti: “Ndini kumuka noupenyu; unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama.” (Johane 11:25) VekwaDjorem vaidavira ikoku, sezvinoita Zvapupu zvaJehovha zvose. Uye vekwaDjorem vakanga vachitenda kuti kudai vaizofa, vaizomutsirwa kupasi iro panguva iyoyo raizova nzvimbo yorugare zvirokwazvo. Jehovha Mwari “uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.
Nokukurumidza asati afa, Jesu akati kuvateveri vake: “Ndinokupai rugare rwangu; . . . Mwoyo yenyu irege kumanikidzwa.” (Johane 14:27) Tinofara nevekwaDjorem vakanga vane rugare rwakadaro uye avo zvirokwazvo vacharufarikanya zvizere zvikuru murumuko. Tinofara nokuda kwaavo vose vanonamata Jehovha, Mwari worugare. Vakadaro vane rugare rwendangariro. Vanofarikanya rugare naMwari. Vanosakurira rugare navamwe. Uye vane chivimbo munguva yemberi ine rugare. Hungu, vakawana rugare, kunyange zvazvo vachigara munyika isina kugadzikana. Zvirokwazvo, avo vose vanonamata Mwari nomudzimu nezvokwadi vanofarikanya rugare. Iwe wanawo rugare rwakadaro.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mifananidzo iri papeji 7]
Vakawana rugare pasinei zvapo nokugara munyika isina kugadzikana