Makwai aJehovha Anoda Tarisiro Younyoro
“Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari; . . . tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.”—PISAREMA 100:3.
1. Jehovha anobata sei vabatiri vake?
JEHOVHA Mufudzi Mukuru. Kana tiri vabatiri vake, anotirangarira samakwai ake uye anotitarisira nounyoro. Baba vedu vokudenga vanotinyaradza nokutizorodza uye vanotitungamirira mu“nzira dzokururama nokuda kwezita rake.” (Pisarema 23:1-4) Mufudzi Akaisvonaka, Jesu Kristu, anotida zvikuru kwazvo zvokuti akapa mweya wake nokuda kwedu.—Johane 10:7-15.
2. Vanhu vaMwari vanozviwana vamene vari mumamirirei ezvinhu?
2 Savagamuchiri vetarisiro younyoro, tinogona kutaura nowezvamapisarema, kuti: “Shumirai Jehovha nomufaro; uyai pamberi pake muchiimba. Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari; ndiye wakatiita, tiri vanhu vake; tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.” (Pisarema 100:2, 3) Hungu, tinofara uye takachengeteka. Kwakaita sokunge takachengeteka pazvikara zvakaipa tiri mudanga ramakwai rine madziro amabwe akasimba.—Numeri 32:16; 1 Samueri 24:3; Zefania 2:6.
Vafudzi Vanodisa Veboka
3. Vakuru vakagadzwa vechiKristu vanobata sei boka raMwari?
3 Hakushamisi kuti tinofara samakwai aMwari! Vakuru vakagadzwa vanotungamirira pakati pedu. Havasati vachi“zviita ishe,” kutiremedza, kana kuti kuedza kuva vanatenzi pakutenda kwedu. (Numeri 16:13; Mateo 20:25-28; 2 VaKorinte 1:24; VaHebheru 13:7) Panzvimbo pezvo, vafudzi vane rudo avo vanoshandisa zano romuapostora Petro, rokuti: “Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, musingazviiti nokurovererwa, asi nomwoyo unoda nokuda kwaMwari, musingazviiti nokuda kwokukarira pfuma yakaipa; musingaiti nesimba nezvamakagoverwa, asi muve vatungamiriri veboka.” (1 Petro 5:2, 3) Muapostora Pauro akaudza vakuru biyake, kuti: “Zvichenjererei imi, neboka rose ramakaitirwa vatariri varo noMweya Mutsvene, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake.” Uye makwai anoonga sei kuti ava varume vakagadzwa nomudzimu mutsvene vano“tarisira boka nounyoro”!—Mabasa 20:28-30.
4. Charles T. Russell aisanozivikanwa nokuda kworudzii rwoukama neboka?
4 Jesu akapa ungano “zvipo muvarume,” vamwe sa“vatarisiri,” kana kuti vafudzi, avo vanobata boka raJehovha nenzira younyoro. (VaEfeso 4:8, 11; King James Version) Mumwe waava varume akanga ari Charles T. Russell, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society. Aidanwa kunzi Pastor Russell nemhaka yemibato yake yorudo neyetsitsi mukufudza boka pasi poMufudzi Mukuru, Jesu Kristu. Nhasi, vakuru vechiKristu vanogadzwa noMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha, uye kungwarira kunoitwa kusashandisa mashoko akadai sokuti “mufundisi,” “mukuru,” kana kuti “mudzidzisi” samazita okuremekedza. (Mateo 23:8-12) Bva, vakuru vomuzuva razvino uno vanoita basa rokutarisira, kana kuti rokufudza, nokuda kwokubetserwa kwamakwai amafuro aJehovha.
5. Neiko vatsva vachifanira kuziva vakuru vakagadzwa vari muungano yechiKristu?
5 Savafudzi, vakuru vanoita rutivi runokosha mufambiro mberi yomudzimu yavatsva. Nokudaro, bhuku idzva raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi rinoti papeji 168: “Ziva vakuru vakagadzwa vari muungano. Ivo vane ruzivo rwokuzviwanira rukuru mukushandisa kuziva Mwari, nokuti vakasvitsa zvikwaniriso zvavatariri zvakarongwa muBhaibheri. (1 Timotio 3:1-7; Tito 1:5-9) Usazengurira kusvika mumwe wavo kana uchida betsero yomudzimu yokukurira tsika kana kuti vara rinorwisana nezvinodikanwa zvaMwari. Uchawana kuti vakuru vanotevera zano raPauro, rinoti: ‘Musimbise vanopera mwoyo, mutsigire vasina simba, muve nomwoyo murefu kuna vose.’—1 VaTesaronika 2:7, 8; 5:14.”
Apo Vatsva Vanoda Kuparidza
6. Muitiroi unoteverwa kana mudzidzi weBhaibheri achida kuva muparidzi woUmambo?
6 Pashure pokunge mudzidzi weBhaibheri apinza zivo uye apinda misangano kwenguva yakati, iye angada kuva muparidzi woUmambo, muparidzi wamashoko akanaka. (Marko 13:10) Kana zvakadaro, Chapupu chiri kumuitisa fundo yeBhaibheri chinofanira kuonana nomutariri anotungamirira, uyo acharonga kuti mumwe wavakuru ari muDare Rebasa reUngano nomumwe mukuru vasangane nomudzidzi weBhaibheri nomudzidzisi wake. Kurukurirano yacho ichavakirwa pabhuku raTakarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu, mapeji 98 ne99. Kana ava vakuru vaviri vakaona kuti mutsva wacho anodavira dzidziso dzehwaro dzeBhaibheri uye akawirirana nenheyo dzaMwari, achaudzwa kuti anokwanirisa kugoverana muushumiri hwapachena.a Apo anoshuma ushumiri hwake kupfurikidza nokupinza mushumo webasa romumunda, uchanyorwa pakadhi reChinyorwa Chomuparidzi Cheungano chinoitwa muzita rake. Mutsva wacho anogona zvino kushuma mubato wake wokupupura pamwe chete namamiriyoni avamwe avo nomufaro ‘vanoparidza shoko raMwari.’ (Mabasa 13:5) Chiziviso chokuti iye muparidzi asina kubhapatidzwa chichaitwa kuungano.
7, 8. Muparidzi asina kubhapatidzwa angapiwa betsero inodikanwa muushumiri munzirai?
7 Muparidzi asina kubhapatidzwa anoda betsero yavakuru navamwe vaKristu vakakura mumudzimu. Somuenzaniso, fambiro mberi yake yomudzimu inhau yefariro kumuitisi weFundo Yebhuku Yeungano yaanopinda. Muparidzi mutsva angakuwana kwakaoma kutaura nenzira inobudirira mubasa rapaimba neimba. (Mabasa 20:20) Naizvozvo sezvingabvira achagamuchira rubatsiro, zvikurukuru kubva kune uyo ave achimuitisa fundo dzeBhaibheri mubhuku raZivo. Betsero inoshanda yakadaro yakafanira, nokuti Jesu Kristu akagadzirira vadzidzi vake nokuda kwoushumiri.—Marko 6:7-13; Ruka 10:1-22.
8 Kana ushumiri hwedu huchizova hunobudirira, kufanogadzirira kwakanaka kunokosha. Naizvozvo, vaparidzi vaviri vangatanga kuva pamwe chete kuti varovedze mharidzo dzinokarakadzwa muzvinyorwa zvemwedzi nemwedzi zveUshumiri Hwedu hwoUmambo. Apo vanovamba basa ravo romumunda, ane ruzivo rwokuzviwanira zvikuru angaita suo rokutanga kana kuti maviri. Pashure pesumo youshamwari, vaparidzi vose vari vaviri vangagona kugoverana mukupa uchapupu. Kushanda pamwe chete muushumiri kwevhiki shomanene kungatungamirira kushanyo dzedzokerero dzakaisvonaka uye kunyange fundo yeBhaibheri yapamusha mubhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Muparidzi ane ruzivo rwokuzviwanira zvikuru angaitisa fundo yacho kwenguva yakati ipapo ndokuichinjira kumuzivisi woUmambo mutsva. Vaparidzi vose vari vaviri vachafara sei kana mudzidzi weBhaibheri achiratidza kuonga kuziva Mwari!
9. Igadziriroi dzinoitwa apo muparidzi anoshuva kubhapatidzwa?
9 Sezvo muparidzi asina kubhapatidzwa anofambira mberi mumudzimu, angaita tsauriro kuna Mwari mumunyengetero ndokuda kubhapatidzwa. (Enzanisa naMarko 1:9-11.) Anofanira kuzivisa chishuvo chake chorubhapatidzo kumutariri anotungamirira weungano, uyo acharonga kuti vakuru vaviri vahwirudzure nomuparidzi wacho mibvunzo iri pamapeji 175 kusvikira ku218 aTakarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu. Mativi mana umo mibvunzo yacho inokamurwa kuva angafukidzwa mumarusando matatu navakuru vatatu vakasiyana kana zvichibvira. Kana vachibvumirana kuti muparidzi asina kubhapatidzwa ane nzwisiso ine mufungo yedzidziso dzeBhaibheri uye anokwanirisa mudzimwe nzira, vachamuudza kuti angabhapatidzwa. Somugumisiro wetsauriro yake norubhapatidzo, iye anova ‘akaiswa chiratidzo’ nokuda kwokupukunyuka.—Ezekieri 9:4-6.
Kusvitsa Zvinodikanwa Chaizvo
10. Pashure pokupedza fundo yake yebhuku raZivo uye abhapatidzwa, munhu achawedzera sei zivo yake yapaMagwaro?
10 Pashure pokunge munhu apedza fundo yake yeBhaibheri mubhuku raZivo uye abhapatidzwa, kungasava kuri madikanwa kumuitisa fundo yakarongwa mubhuku rechipiri, rakadai saVakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi.b Chokwadika, munhu achangobva kubhapatidzwa wacho achadzidza zvakawanda sezvo anogadzirira misangano yechiKristu uye kuipinda nguva dzose. Achawanawo zivo yokuwedzera sezvo nyota yake yezvokwadi inomusunda kurava nokufunda zvinyorwa zvechiKristu somunhu oga uye kukurukura nhau dzapaMagwaro navatendi biyake. Asi zvakadiniko kana zvinodikanwa chaizvo zvikamuka?
11. (a) Aporo akabetserwa sei naPrisira naAkwira? (b) Ibetseroi ingapiwa kune wechiduku achangobva kubhapatidzwa uyo ari kurangarira roorano?
11 Kunyange Aporo, uyo “wakanga ane simba pamagwaro” uye aidzidzisa pamusoro paJesu noururami, akabetserwa apo vaKristu vane ruzivo rwokuzviwanira Prisira naAkwira “vakamutora, vakanatsomududzira nzira yaMwari.” (Mabasa 18:24-26; enzanisa naMabasa 19:1-7.) Naizvozvo, ngatiti wechiduku achangobva kubhapatidzwa ari kurangarira nyengano neroorano. MuKristu ane ruzivo rwokuzviwanira zvikuru angamubetsera kuwana mashoko pamusoro peidzi nhau muzvinyorwa zveWatch Tower. Somuenzaniso, mashoko anobetsera ane chokuita naizvozvi anooneka mubhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Chikamu 7.c Muparidzi uyo akamuitisa fundo yeBhaibheri angakurukura aya mashoko nomutsva wacho, kunyange zvazvo fundo yenguva dzose yaisazobatanidzwa.
12. Rubatsiroi rungagoverwa vakwanyina veroorano vachangobva kubhapatidzwa vane zvinetso?
12 Rangarira mumwe muenzaniso. Zvichida vakwanyina veroorano vachangobva kubhapatidzwa vari kuva nezvinetso kushandisa nheyo dzoumwari. Vangabvunza mukuru, uyo angagona kupedza manheru mashomanene achikurukura Magwaro navo ndokunangidzira ngwariro yavo kumashoko anowanwa muzvinyorwa zveWatch Tower. Zvisinei, mukuru wacho aisazotangazve fundo yeBhaibheri yenguva dzose nevaviri vacho.
Kana Mutsva Akatadza
13. Neiko vakuru veungano vachifanira kuratidza ngoni kumunhu achangobva kubhapatidzwa uyo anotadza asi anopfidza?
13 Vakuru vanotevedzera Mufudzi Mukuru, Jehovha, uyo anoti: “Ini ndimene ndichava mufudzi wamakwai angu, . . . ndichapombera akavhunika, ndichasimbisa anorwara.” (Ezekieri 34:15, 16; VaEfeso 5:1) Mukuwirirana nomudzimu iwoyo, mudzidzi Judhasi akakurudzira kuti ngoni dziratidzwe kuvaKristu vakazodzwa avo vakanga vane panikiro kana kuti vakanga vawira muchivi. (Judhasi 22, 23) Sezvo tichikarira nenzira yakarurama zvakawanda zvikuru kuvaKristu vane ruzivo rwokuzviwanira, zvirokwazvo ngoni dzinofanira kuratidzwa kumunhu achangobva kubhapatidzwa—gwayanawo zvaro—uyo anotadza asi anopfidza. (Ruka 12:48; 15:1-7) Vakuru, avo ‘vanotongera Jehovha,’ naizvozvo vanopa makwai akadaro tarisiro younyoro ndokuagadziridza nomudzimu wounyoro.—2 Makoronike 19:6; Mabasa 20:28, 29; VaGaratia 6:1.d
14. Chii chinofanira kuitwa apo muparidzi achangobva kubhapatidzwa anoita chivi chakakomba, uye anogona sei kubetserwa?
14 Ngatiti, ipapoka, muparidzi achangobva kubhapatidzwa aichimbova nechinetso chokunwa ndokunwisazve panhambo imwe kana kuti mbiri. Kana kuti zvichida akakurira muitiro wenguva refu wefodya asi akatera kumuedzo wokusvuta ari oga kamwe kana kuti kaviri. Kunyange zvazvo hama yedu itsva yakanyengeterera kanganwiro yaMwari, inofanira kutsvaka betsero yomukuru kuti chivi chacho chirege kuva chenguva dzose. (Pisarema 32:1-5; Jakobho 5:14, 15) Apo anodudza chikanganiso chake kumumwe wavakuru, mukuru iyeyo anofanira kuedza kugadziridza mutsva wacho nenzira yengoni. (Pisarema 130:3) Zano rapaMagwaro ringakwana kumubetsera kururamisa makwara etsoka dzake pashure pacho. (VaHebheru 12:12, 13) Uyu mukuru angakurukura mamirire ezvinhu acho nomutariri anotungamirira weungano kuti asarudze kuti rumwe rubatsiroi runofanira kupiwa.
15. Muzvimwe zviitiko, chii chingave chiri madikanwa apo munhu achangobva kubhapatidzwa anotadza?
15 Muzvimwe zviitiko zvakawanda zvingadikanwa. Kana mukurumbira wakashata, ngozi kuboka, kana kuti zvimwe zvinetso zvakakomba zvichibatanidzwa, mutumbi wavakuru ungagovera vakuru vaviri kuti vanzvere nhau yacho. Kana ava vakuru vakawana kuti nhau yacho yakakomba zvakakwana zvokuti dare rinotonga rinodikanwa, vanofanira kushuma ikoku kumutumbi wavakuru. Mutumbi wavakuru ipapo ungagadza dare rinotonga kuti ribatsire mutadzi wacho. Dare rinotonga rinofanira kubata naye nenzira younyoro. Vanofanira kuvavarira kumugadziridza naMagwaro. Kana akadavidza kunhamburiko dzomutsa dzedare rinotonga, ipapo vangagona kusarudza kana pangava nebetsero ipi neipi mukusava kwake anoshandiswa nokuda kwamativi pachikuva pamisangano muHoro yoUmambo kana kuti kana achifanira kubvumirwa kutsinhira pamisangano.
16. Chii icho vakuru vanogona kuita kuti vabetsere mutadzi?
16 Kana mutadzi wacho akadavidza, mukuru mumwe kana kuti vaviri vari mudare rinotonga vangagona kuronga kuita shanyo dzokufudza dzinoitirwa kusimbisa kutenda kwake ndokuvaka kunzwisisa kwake mipimo yakarurama yaMwari. Mumwe nomumwe wavo angashanda naye muushumiri hwomumunda nguva nenguva. Vangava nekurukurirano shomanene dzapaMagwaro naye, sezvinobvira vachishandisa nyaya dzakakodzera dzeNharireyomurindi neMukai! asi vasingavambi fundo yeBhaibheri yenguva dzose. Netarisiro younyoro yakadaro, mutadzi angasimbiswa kudzivisa kuti adzivise utera hwenyama mazuva ari mberi.
17. Matanhoi anoitwa kana mutadzi akabhapatidzwa akasapfidza ndokusiya nzira yake yokutadza?
17 Chokwadika, kuva achangobva kubhapatidzwa haisati iri pembedzo yokuita chivi nenzira yokusapfidza. (VaHebheru 10:26, 27; Judhasi 4) Kana mutadzi upi noupi akabhapatidzwa akasapfidza ndokusiya nzira yake yokutadza, iye angadzingwa muungano. (1 VaKorinte 5:6, 11-13; 2 VaTesaronika 2:11, 12; 2 Johane 9-11) Apo ichi chiito chinoratidzika kuva chiri madikanwa, mutumbi wavakuru uchasarudza dare rinotonga. Kana kudzingwa kukaitika, ichi chiziviso chipfupi chinoitwa, chinoti: “ . . . adzingwa.”e
Vabetserei Kuti Va“pfuurire Mberi Pakukwaniswa”
18. Neiko tichigona kuva nechokwadi chokuti vaKristu vachangobva kubhapatidzwa navamwe nguva dzose vachava nezvakawanda zvokudzidza pamusoro paJehovha nokuda kwake?
18 Vazhinjisa vevabatiri vaMwari vacharambira muboka. Nenzira inofadzawo, munhu ari wose wedu achakwanisa kuswedera pedyo zvikuru nguva dzose naBaba vedu vokudenga nemhaka yokuti tichave tichikwanisa nguva dzose kudzidza zvakawanda pamusoro pavo uye kuda kwavo. (Muparidzi 3:11; Jakobho 4:8) Zviuru zvakabhapatidzwa paPentekosta muna 33 C.E. zvirokwazvo zvakanga zvine zvakawanda zvokudzidza. (Mabasa 2:5, 37-41; 4:4) Ndizvo zvakaitawo Vamarudzi, avo vaisava noruzivo rwaMagwaro. Somuenzaniso, ikoku kwakanga kuri kwechokwadi nezveavo vakabhapatidzwa pashure pehurukuro yaPauro paAreopago muAtene. (Mabasa 17:33, 34) Nhasiwo, vachangobva kubhapatidzwa vane zvakawanda zvokudzidza uye vanoda nguva nebetsero kuti vasimbise kutsunga kwavo kuramba vachiita zvakarurama pamberi paMwari.—VaGaratia 6:9; 2 VaTesaronika 3:13.
19. Avo vari kubhapatidzwa vanogona sei kubetserwa kuti va“pfuurire pakukwaniswa”?
19 Gore rimwe nerimwe zviuru zvinobhapatidzwa uye zvinoda rubatsiro kuti zvigogona ku“pfuurir[a] mberi pakukwaniswa.” (VaHebheru 6:1-3) Kupfurikidza neshoko, muenzaniso, uye betsero inoshanda muushumiri, ungakwanisa kubatsira vamwe kupfeka unhu hutsva ndoku“famba muzvokwadi.” (3 Johane 4; VaKorose 3:9, 10) Kana uri muparidzi ane ruzivo rwokuzviwanira, vakuru vangakukumbira kubetsera mutendi biyako mutsva mubasa romumunda kana kuti kukurukura naye mapfundo apaMagwaro akati kwevhiki shomanene kuti ugosimbisa kutenda kwake Mwari, kuonga kwake misangano yeungano, uye zvichingodaro. Ukama hwavafudzi neboka hwakafanana neuhwo hwababa mukurayira nehwamai muunyoro. (1 VaTesaronika 2:7, 8, 11) Bva, vakuru vashomanene navabatiri vanoshumira havagoni kutarisira chinhu chiri chose chinodikanwa muungano. Tose zvedu takafanana nemhuri ine mitezo inobetserana. Mumwe nomumwe wedu anogona kuita chimwe chinhu kubatsira vanamati biyedu. Iwe umene ungakwanisa kupa kurudziro, kunyaradza vakaora mwoyo, kutsigira vakaneta.—1 VaTesaronika 5:14, 15.
20. Chii chaunogona kuita kuparadzira kuziva Mwari nokugovera tarisiro younyoro nokuda kwemakwai emafuro aJehovha?
20 Rudzi rwomunhu runoda kuziva Mwari, uye seChapupu chaJehovha, iwe unogona kuva negoverano inofadza mukukuparadzira. Makwai aJehovha anoda tarisiro younyoro, uye iwe unogona kuita rutivi rworudo mukubetsera kugovera iyoyi. Jehovha ngaakomborere ushumiri hwako, uye ngaakutuse nokuda kwenhamburiko dzako dzomwoyo wose dzokubetsera makwai emafuro ake.
[Mashoko Omuzasi]
a Papfundo rino, mutsva wacho angawana kopi yebhuku raTakarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu.
b Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
c Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
d Gadziriro yakadaro nokuda kwavaparidzi vasina kubhapatidzwa yakarongwa munyaya inoti “Kubetsera Vamwe Kunamata Mwari,” iri muNharireyomurindi yaNovember 15, 1988, mapeji 15-20.
e Kana chisarudzo chiri chokudzinga uye pane kukwirira, chiziviso chinombomiswa. Ona mapeji 147-8 ebhuku raTakarongwa Kupedza Ushumiri Hwedu.
Waizopindura Sei?
◻ Jehovha anobata sei makwai ake?
◻ Chii chinoitwa apo vatsva vanoda kuparidza?
◻ Vatendi biyavo vanogona sei kubetsera vatsva vane zvinodikanwa chaizvo?
◻ Ibetseroi iyo vakuru vanogona kupa kune avo vanotadza asi vanopfidza?
◻ Ungabetsera sei munhu achangobva kubhapatidzwa kuti a“pfuurire pakukwaniswa”?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Charles T. Russell aisanozivikanwa somufudzi ane rudo weboka
[Mufananidzo uri papeji 18]
Vafudzi vane tsitsi vanobata boka raMwari nounyoro