RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 1/15 pp. 20-23
  • Nyaradzo Nekurudziro Zvinokosha Zvine Mativi Akawanda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyaradzo Nekurudziro Zvinokosha Zvine Mativi Akawanda
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kupfurikidza Noukama Hwomunhu Oga naMwari
  • Kupfurikidza Nefundo Yomunhu Oga yeShoko raMwari
  • Kupfurikidza neUngano
  • Kupfurikidza no“Muranda Akatendeka, Akangwara”
  • ‘Nyaradza Vose Vanochema’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Nyaradza Vanochema
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Mwari Anotinyaradza Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Kunyaradza Vakashungurudzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 1/15 pp. 20-23

Nyaradzo Nekurudziro Zvinokosha Zvine Mativi Akawanda

VAZHINJISA vedu takapfuura nomunguva apo takanzwa tiri varombo zvikuru—kwete hazvo urombo mumari asi kuodzwa mwoyo. Takashaya tariro, kunyange kuora mwoyo zvikuru. Bva, panguva dzakadaro tingave taisanogona kuwana chimwe chinhu chinokosha chaigona kutiitira zvakanaka zvakawanda zvikuru. “Chinokosha” ichocho ikurudziro.

MuBhaibheri shoko rimwe chetero rechiGiriki rinoshandiswa nokuda kwa“kurudzira” na“nyaradzo.” Mashoko acho ose ari maviri anopa pfungwa yokupa ushingi, simba, kana kuti tariro. Nenzira yakajeka, ipapo, apo tinenge tichinzwa takaneta kana kuti takaodzwa mwoyo, nyaradzo nekurudziro ndizvo chaizvoizvo zvatinoda. Zvinogona kuwanwa kupi?

Bhaibheri rinotivimbisa kuti Jehovha ndi“Mwari wokunyaradza kwose.” (2 VaKorinte 1:3) Rinotiudzawo kuti ha“asiri kure nomumwe nomumwe wedu.” (Mabasa 17:27) Naizvozvo nyaradzo nekurudziro zvinowanika. Ngatirangarirei nzvimbo ina huru idzo kupfurikidza nadzo Jehovha anogovera kurudziro.

Kupfurikidza Noukama Hwomunhu Oga naMwari

Manyuko makurusa enyaradzo ukama hwomunhu oga naJehovha Mwari. Kuti ukama hwakadaro hunotobvira kunokurudzira. Pashure pezvose, mutongi upi wenyika aizogamuchira nhare dzedu kana kuti aizoratidzira fariro yomunhu oga muzvinetso zvedu? Jehovha ane simba zvikuru kupfuura zvakaita vanhu vakadaro. Bva, anozvininipisa—anodisa zvikuru kubata navanhu vakaderera, vasina kukwana. (Pisarema 18:35) Jehovha akatotanga kutiratidza rudo. Bhuku raJohane Rokutanga 4:10 rinoti: “Rudo ruri pachinhu ichi, kuti hatizisu takada Mwari, asi kuti ndiye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro rwezvivi zvedu.” Uyezve, Jehovha norudo anotikwevera kuMwanakomana wake.—Johane 6:44.

Wakabvuma ndokutsvaka nyaradzo muushamwari naMwari here? (Enzanisa naJakobho 2:23.) Somuenzaniso, kana une shamwari inodiwa, yapedyo, hakusati kuchifadza here kupedza nguva yakati muri moga naiyeyo, muchitaura zvakasununguka pamusoro pefunganyo dzenyu neitiro hanya, tariro dzenyu nemifaro? Jehovha anokukoka kuita zvimwe chetezvo naye. Haaisi muganhu pamusoro pokuti inguva yakareba sei yaungataura naye mumunyengetero—uye anoteerera chaizvoizvo. (Pisarema 65:2; 1 VaTesaronika 5:17) Jesu akanyengetera nguva dzose uye zvakasimba. Kutaura idi, asati asarudza vaapostora vake 12, akapedza usiku hwose achinyengetera.—Ruka 6:12-16; VaHebheru 5:7.

Nguva nenguva, mumwe nomumwe wedu anogona kuva oga naJehovha. Kungogara bedzi chinyararire pahwindo kana kuti kufamba norugare zvinogona kugovera mukana wakanaka wokuti tizarure mwoyo wedu mumunyengetero kuna Jehovha. Kuita saizvozvo kunogona kuva manyuko eyamuro nenyaradzo huru. Kana tine rutivi rwakati rwechisiko chaJehovha rwokutarira kwarwuri apo tinenge tichifungisisa—rungava bedzi chikamu chedenga, miti kana kuti shiri—tingawana marwuri zviyeuchidzo zvinonyaradza zvorudo rwaJehovha nokutiitira hanya.—VaRoma 1:20.

Kupfurikidza Nefundo Yomunhu Oga yeShoko raMwari

Kunyange zvazvo zvakadaro, mavara aJehovha anoonekwa chaizvoizvo nokuda kwedu kupfurikidza nefundo yomunhu oga yeBhaibheri. Bhaibheri rinozivisa razivisazve Jehovha kuva “Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru.” (Eksodho 34:6; Nehemia 9:17; Pisarema 86:15) Chishuvo chokunyaradza vabatiri vake vapasi rutivi runokosha rwounhu hwaJehovha.

Rangarira, somuenzaniso, mashoko aJehovha ari pana Isaya 66:13, okuti: “Somunhu unovaraidzwa namai vake, saizvozvo ndichakuvaraidzai.” Jehovha akagadzira kuda kwamai vana vavo kuti kuve kwokurega zvimwe zvinhu kwokuvimbika. Kana wati wamboona mai vachinyaradza mwana wavo akuvadzwa, unoziva icho Jehovha anoreva apo anotaura kuti achanyaradza vanhu vake.

Nhoroondo zhinji dzeBhaibheri dzinoratidza nyaradzo yakadaro ichiitwa. Apo muporofita Eria akatyisidzirwa norufu naMambokadzi akaipa Jezebheri, akarasikirwa noushingi hwake ndokutiza nokuda kwoupenyu hwake. Akanga ashaya tariro kwazvo zvokuti akapinda murenje kwerwendo rwezuva rakazara, sezviri pachena asingatori mvura kana kuti zvokudya. Ari munhamo Eria akaudza Jehovha kuti aida kufa. (1 Madzimambo 19:1-4) Jehovha akaitei kuti anyaradze nokukurudzira muporofita wake?

Jehovha haana kutuka Eria nokuda kwokunzwa ari oga, asina maturo, uye achitya. Mukupesana, muporofita wacho akanzwa “kufefetera kwokudzikama.” (1 Madzimambo 19:12) Kana ukarava 1 Madzimambo ganhuro 19, uchacherechedza kuti Jehovha akanyaradza sei Eria zvinyoro nyoro, akadzikamisa kutya kwake, uye akavaka kutenda kwake. Iyi nyaradzo yakanga isati iri yokunyengera. Yakaenda kumwoyo chaiwo waEria waitambudzika, ichikurudzira muporofita wacho kupfuurira. (Enzanisa naIsaya 40:1, 2.) Nokukurumidza, akadzoka pabasa racho.

Jesu Kristu nenzira yakafanana anonyaradza uye anokurudzira vateveri vake vakavimbika. Kutaura idi, Isaya akaporofita pamusoro paMesiya, kuti: “[I]she Jehovha . . . wakandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, . . . kuti ndinyaradze vose vanochema.” (Isaya 61:1-3) Mukati menduramo yake, Jesu haana kusiya panikiro yokuti aya mashoko aishanda kwaari. (Ruka 4:17-21) Kana uchinzwa uchida nyaradzo, fungisisa nezvekubata kwaJesu kwounyoro, kune rudo vanhu vakanga vakakuvadzwa uye vaishayiwa. Zvirokwazvo, fundo yokungwarira yeBhaibheri manyuko makuru enyaradzo nekurudziro.

Kupfurikidza neUngano

Muungano yechiKristu, zvinokosha zvenyaradzo nekurudziro zvinovaima mumativi azvo mazhinji. Muapostora Pauro akafuridzirwa kunyora, kuti: “Nyaradzanai, musimbisane.” (1 VaTesaronika 5:11) Nyaradzo nekurudziro zvingawanikwa sei pamisangano yeungano?

Zvikurukuru, chokwadika, tinopinda misangano yechiKristu kuti tigo“dzidziswa . . . naMwari,” kuti tigamuchire murayiridzo pamusoro pake nenzira dzake. (Johane 6:45) Murayiridzo wakadaro wakaitirwa kuva unokurudzira uye unonyaradza. Mubhuku raMabasa 15:32, tinorava, kuti: “Judhasi naSirasi . . . vakarayiridza hama namashoko mazhinji, nokuvasimbisa.”

Wati wambova nechakaitika chokuenda kumusangano wechiKristu apo wakanga wakaodzwa mwoyo ndokudzokera kumusha wavakunzwa zviri nani zvikuru here? Zvichida chimwe chinhu chakataurwa muhurukuro, mune imwe tsinhiro, kana kuti mumunyengetero chakaorora mwoyo wako ndokugovera nyaradzo nekurudziro zvaidikanwa. Naizvozvo usarega kupinda misangano yechiKristu.—VaHebheru 10:24, 25.

Kusonganirana nehama dzedu nehanzvadzi muushumiri uye pane dzimwe nhambo kunogona kuva netapuro yakafanana. MuchiHebheru zviito zvinoverengeka zvinoreva “kusungira pamwe chete” zvakasvika pakunongedzerawo ku“simba” kana kuti “kusimbisa”—pfungwa iri pachena ichiva yokuti zvinhu zvinova zvakasimba zvikuru apo zvinosungirwa pamwe chete. Iyi nheyo ndeyechokwadi muungano. Tinonyaradzwa, tinokurudzirwa, hungu, tinosimbiswa, kupfurikidza nokusonganira pamwe chete. Uye tinosungwa pamwe chete norudo, chakasimba zvikurusa chezvisungo zvose.—VaKorose 3:14.

Dzimwe nguva kutendeka kwehama dzedu dzomudzimu kana kuti hanzvadzi kunotikurudzira. (1 VaTesaronika 3:7, 8) Pane dzimwe nguva rudo rwavanoratidza. (Firemoni 7) Uye pane dzimwe nguva kungoshanda pamwe chete, kushandira pamwe chete, tichitaura kuvamwe nezveUmambo hwaMwari. Kana uchinzwa wakaneta uye uchida kurudziro apo kunouya kuushumiri, kuregererei kuita gadziriro dzokushanda nomuparidzi woUmambo akura kana kuti ane ruzivo rwokuzviwanira rukuru? Sezvinobvira uchawana nyaradzo huru mukuita saizvoizvo.—Muparidzi 4:9-12; VaFiripi 1:27.

Kupfurikidza no“Muranda Akatendeka, Akangwara”

Ndiani anoronga mativi anonyaradza okunamata kwedu? Jesu akagadza boka iro akadana so“muranda akatendeka, akangwara” kuti riparadzire “zvokudya [zvomudzimu] nenguva yakafanira.” (Mateo 24:45) Muzana ramakore rokutanga C.E., uyu mutumbi wavaKristu vakazodzwa nomudzimu wakanga uchitoshanda. Mutumbi unodzora wavakuru muJerusarema wakatumira tsamba dzemurayiridzo uye nhungamiro kuungano. Nomugumisiroi? Bhaibheri rinoshuma nzira iyo ungano dzakapindura nayo kuimwe yetsamba iyoyo: “Ivo vakati vairava, vakafara zvikuru pamusoro pokuvaraidzwa.”—Mabasa 15:23-31.

Nenzira yakafanana, muano mazuva anotambudza okupedzisira, muranda akatendeka uye akachenjera ari kugovera zvokudya zvomudzimu izvo zvinogovera nyaradzo huru nekurudziro nokuda kwavanhu vaJehovha. Unodya zvokudya izvozvo here? Zvinowanika nyore nyore mumabhuku akadhindwa ayo boka romuranda rinoita kuti awanike munyika yose. Magazini eNharireyomurindi neMukai! pamwe chete nemabhuku, mabhurocha, uye maturakiti izvo Watch Tower Society inobudisa zvakaunza nyaradzo kuvaravi vasingaverengeki.

Mumwe mutariri anofambira akanyora, kuti: “Zhinjisa dzehama dzedu nehanzvadzi dzinoda kuita zvakarurama, asi dzinowanzotambura nekangaidziko, kutya, uye kunzwa kuti hadzina simba kuti dzizvibetsere. Nyaya dziri mumagazini edu dziri kubetsera vazhinji kuti vadzorezve upenyu hwavo nemirangariro. Nyaya dzacho dzinopa vakuru chimwe chinhu chokupa chinopfuura kurudziro yokunyengera.”

Shandisa zvakazara mabhuku anobva kuboka romuranda akatendeka. Magazini akakodzera nguva, mabhuku, uye zvimwe zvinyorwa zvinogona kutibetsera kuti tiwane nyaradzo apo nguva dzinenge dzaoma. Kune rumwe rutivi, kana uchikwanisa kupa kurudziro kuuyo akaodzwa mwoyo, shandisa mashoko apaMagwaro ari muaya magazini. Nyaya dzacho dzinonyorwa nokungwarira zvikuru, kazhinji kazhinji pashure pevhiki dzakawanda kana kuti mwedzi zvokunzvera kwokungwarira, kufunda, uye munyengetero. Zano racho rakavakirwa paBhaibheri, rakaedzwa uye nderechokwadi. Vamwe vakakuona kuchibetsera zvikuru kurava nyaya imwe yakafanira kana kuti mbiri nomumwe munhu anonzwa asingafari. Ikoku kunogona kuguma nenyaradzo huru nekurudziro.

Kana ukawana matombo anokosha, waizoachengeta, kana kuti waizogoverana pfuma yacho navamwe here? Kuite nharidzano kuva manyuko enyaradzo nekurudziro kuhama dzako nehanzvadzi muungano. Kana ukavaka panzvimbo pokuparadza, kurumbidza panzvimbo pokutsoropodza, kutaura no“rurimi rwavakadzidziswa” panzvimbo pe‘kubaya kusina mufungo kwomunondo,’ ungaita musiyano muupenyu hwavamwe. (Isaya 50:4; Zvirevo 12:18) Zvirokwazvo, sezvingabvira ucharangarirwa sechinokosha—manyuko enyaradzo yechokwadi nekurudziro!

[Bhokisi riri papeji 20]

Nyaradzo Nokuda Kwaavo Vanoshayiwa

VAZHINJI vakatsinhira pamusoro penzira iyo nyaya dzakati dzeNharireyomurindi kana kuti Mukai! dzakakudza nayo ukama hwavo hwomunhu oga naJehovha. Mumwe akati: “Pashure pokurava nyaya iyi, ndakanzwa kuti Jehovha nesimba rake rose noukuru akanga aripo chaizvo aineni. Ndakanzwa kuti iye munhu chaiyeiye.” Imwe tsamba yakati: “Mwoyo yedu nendangariro zvakachinjwa zvikuru kwazvo mukurangarira kwedu Jehovha kuti hatisi vanhu vamwe chetevo. Kwakaita sokunge kuti mumwe munhu akapukuta magirazi edu emeso, uye zvino tinogona kuona chinhu chiri chose nenzira yakajeka zvikuru.”

Vamwe vanonyora kuti vataure kuti magazini anovabetsera sei kugonana nezvinetso zvakananga kana kuti denho, nenzira iyoyo achivavimbisa fariro yomunhu oga yaJehovha mavari. Mumwe muravi akakutaura neiyi nzira: “Ndinokuongai zvikuru kwazvo nokutiita kuti tione zvakare kuti Jehovha anotarisira nokuda vanhu vake sei.” Mumwe mukadzi muJapan uyo akarasikirwa nemwana murufu akataura izvi pamusoro penyaya dzeMukai! panhau iyoyo: “Ukuru hwengoni dzaMwari hwakabva mumapeji acho, uye ndakachema ndikachema ndikachema. Ndakaisa nyaya idzi munzvimbo iyo ndinogona kudzirava nokukurumidza nguva ipi neipi ndinonzwa ndisingafari uye ndiri ndoga.” Mumwe mukadzi anochema akanyora, kuti: “Nyaya dzeNharireyomurindi neMukai! nebhurocha “Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa” zvakandipa simba randaida kuti nditsungirire nguva dzangu dzokusuruvara.”

Magwaro Matsvene ndiwo manyuko makuru enyaradzo. (VaRoma 15:4) Nharireyomurindi inonamatira kuBhaibheri sechiremera chayo, uye ndizvo zvinoitawo magazini biyayo, Mukai! Nemhaka yaikoku, aya magazini akabvumikisa kuva enyaradzo nekurudziro kuvaravi vao.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Mwari wokunyaradza kwose Munzwiwo womunyengetero

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe