RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 2/1 pp. 21-26
  • Vimba naJehovha Neshoko Rake

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vimba naJehovha Neshoko Rake
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dzivisa Kuvimba Nouchenjeri Hwenyika
  • Rwisa Chimiro Chendangariro Chokupanikira
  • Kutevera Nhungamiro yaJehovha Muroorano
  • Pwere—Teererai Shoko raMwari
  • Pwere—Muri Kurondei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Wakaita Kuti Chokwadi Chive Chako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Usarega Kusava Nechokwadi Kuchiparadza Kutenda Kwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Manyuko Akakwirira Zvikuru Ouchenjeri
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 2/1 pp. 21-26

Vimba naJehovha Neshoko Rake

“Vanoziva zita renyu vachavimba nemi.”—PISAREMA 9:10.

1. Neiko tichigona kuva tichiri vanovimba naJehovha neShoko rake muzuva redu razvino uno?

MUNYIKA ino yazvino uno, kokero yokuvimba naMwari neShoko rake, Bhaibheri, ingaratidzika kuva isingashandi uye isiri yechokwadi. Bva, uchenjeri hwaMwari hwakabvumikisa kuva hwechokwadi nehunoshanda kwenhambo refu yenguva. Musiki womurume nomukadzi ndiye Muvambi weroorano nemhuri, uye anoziva zvinodikanwa zvedu zviri nani kupfuura zvinoita mumwe munhu upi noupiwo zvake. Sezvo zvinodikanwa zvinokosha zvomunhu zvisina kuchinja, naizvozvo nzira dzinokosha dzokusvitsa zvinodikanwa izvozvo dzakaramba dziri dzimwe chetedzo. Zano rokuchenjera reBhaibheri, kunyange zvazvo rakanyorwa mazana amakore akapfuura, richiri rinogovera nhungamiro yakanakisisa nokuda kwokubudirira mukurarama nomukupedza zvinetso. Kuriteerera kunoguma nemufarwa mukuru—kunyange munyika youchenjeri, yezvesayenzi yatiri kurarama mairi!

2. (a) Zviberekoi zvakanaka izvo kuteerera mirayiro yaMwari kwakabereka muupenyu hwavanhu vaJehovha? (b) Zvimweizve izvo Jehovha anopikira avo vanoteerera iye neShoko rake?

2 Kuvimba naJehovha nokushandisa nheyo dzeBhaibheri zvinounza betsero dzinoshanda zuva riri rose. Chibvumikiso chaikoku chinoratidzirwa muupenyu hwamamiriyoni eZvapupu zvaJehovha kupota nyika yose izvo zvakava nokupwiswa noushingi hwokushandisa zano reBhaibheri. Nokuda kwazvo, kuvimba noMusiki neShoko rake kwakabvumikisa kuva kwakaiswa pakafanira. (Pisarema 9:9, 10) Kuteerera mirayiro yaMwari kwakazviita kuti zvive vanhu vari nani pakunouya kurucheno, kutendeseka, kubishaira, kuremekedza upenyu nezvinhu zvavamwe, uye mwero muzvokudya nezvokunwa. Kwakatungamirira kurudo rwakafanira nerovedzo mukati meboka remhuri—kuva vane mutsa, vanoshivirira, vane ngoni, uye vanokanganwira—pamwe chete nokuzvimwe zvinhu zvizhinji. Zvave zvichikwanisa zvikuru kudzivisa zvibereko zvakashata zvokutsamwa, ruvengo, kuponda, shanje, rutyo, usimbe, rudado, kureva nhema, kuchera, kuvatana navakasiyana-siyana, uye unzenza. (Pisarema 32:10) Asi Mwari anoita zvinopfuura kupikira mugumisiro wakanaka nokuda kwaavo vanochengeta mitemo yake. Jesu akataura kuti avo vanotevera nzira yechiKristu vaizogamuchira “zvine zana nenguva ino, . . . madzimai, navana, neminda, pamwe chete nokuvengwa, noupenyu husingaperi nenguva inouya.”—Marko 10:29, 30.

Dzivisa Kuvimba Nouchenjeri Hwenyika

3. Mukupfuurira kuisa chivimbo muna Jehovha neShoko rake, vaKristu vanotarisana nezvinetsoi pane dzimwe nguva?

3 Chinetso chavanhu vasina kukwana ndechokuti vanoda kuderedza kana kuti kukanganwa izvo Mwari anoda. Vanovamba nenzira iri nyore kufunga kuti vanoziva zvikurusa kana kuti uchenjeri hunobva kune vakangwara venyika ino hukurusa pane hwaMwari, kuti hunowirirana nomusi zvikuru. Vabatiri vaMwari vanogonawo kutanga ichi chimiro chendangariro, vachirarama sezvavanoita pakati penyika ino. Nokudaro, mukutambanudza kokero yorudo yokuteerera zano ravo, Baba vedu vokudenga vanobatanidzawo nyevero dzakakodzera, dzokuti: “Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu; asi mwoyo wako ngauchengete mirayiro yangu; nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, namakore oupenyu, norugare. Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose. Usazviti wakachenjera; itya Jehovha, ubve pane zvakaipa.”—Zvirevo 3:1, 2, 5-7.

4. “Uchenjeri hwenyika ino” hwapararira sei, uye neiko huri “upenzi kuna Mwari”?

4 Uchenjeri hwenyika ino hunowanikwa huri hwakawanda uye kubva mumanyuko akawanda. Kune masangano akawanda okudzidza, uye “kuita bhuku zhinji hakuperi.” (Muparidzi 12:12) Zvino kunonzi kupana mashoko nomubatanidzwa wemakomupiyuta mune zvemakomupiyuta kunovimbisa kugovera mashoko asina kuganhurirwa pamusoro peinodokuva nhau ipi neipi. Asi kuita kuti iyi zivo yose iwanikwe hakuiti kuti nyika ive yakachenjera zvikuru kana kuti kupedza zvinetso zvayo. Panzvimbo pezvo, mamirire ezvinhu enyika anoipisisa zuva riri rose. Nenzira inonzwisisika, Bhaibheri rinotiudza kuti “uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari.”—1 VaKorinte 3:19, 20.

5. Inyeveroi idzo Bhaibheri rinopa pamusoro po“uchenjeri hwenyika ino”?

5 Mukati morutivi rwuno rwokupedzisira rwemazuva okupedzisira, kunofanira bedzi kukarirwa kuti munyengeri mukuru, Satani Dhiyabhorosi, achavamba nhema dzakawanda munhamburiko dzokunetesa kuvimba nouchokwadi hweBhaibheri. Vatsoropodzi vakabudisa mabhuku efungidziro akawanda ayo anodenha uchokwadi nokuvimbika kweBhaibheri. Pauro akanyevera muKristu biyake, kuti: “Iwe, Timotio, chengeta icho chawakapiwa, ufuratire kutaura kusina hanya naMwari nokuramba kunobva pazivo inonzi zivo, dziri nhema hadzo; iyo yakapupurwa navamwe, vakazorashika pakutenda.” (1 Timotio 6:20, 21) Bhaibheri rinonyeverazve, kuti: “Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu nouchenjeri, nokunyengera kusina maturo, achitevera tsika dzavanhu nezvokuvamba zvenyika, asingateveri Kristu.”—VaKorose 2:8.

Rwisa Chimiro Chendangariro Chokupanikira

6. Neiko kusvinurira kuri madikanwa kudzivisa panikiro kudzika midzi mumwoyo?

6 Humwe unyanzvi hwamanomano hwaDhiyabhorosi ndiko kudyara panikiro mundangariro. Akasvinurira nguva dzose kuti aone kuneta kwakati mukutenda ndokukushandisa. Vapi navapi vanova nepanikiro vanofanira kuyeuka kuti uyo ari seri kwepanikiro dzakadaro ndiye uyo akati kuna Evha: “Nhai, ndizvo here kuti Mwari wakati: Regai kudya miti yose yemunda?” Apo Muedzi wacho akangodyara bedzi panikiro mundangariro yake, nhano yakatevera yakanga iri yokumuudza nhema, idzo akadavira. (Genesi 3:1, 4, 5) Kudzivisa kuita kuti kutenda kwedu kuparadzwe nepanikiro sezvakaitwa kwaEvha, tinofanira kuva vakasvinura. Kana kakupanikira pamusoro paJehovha, Shoko rake, kana kuti sangano rake kakavamba kuva mumwoyo mako, ita nhano dzokukurumidza dzokukabvisa kasati kakura kuva chimwe chinhu chingagona kuparadza kutenda kwako.—Enzanisa na1 VaKorinte 10:12.

7. Chii chinogona kuitwa kubvisa panikiro?

7 Chii chinogona kuitwa? Zvakare, mhinduro ndeyokuvimba naJehovha neShoko rake. “Zvino kana mumwe wenyu achishayiwa kuchenjera ngaakumbire kuna Mwari, unongopa vose asingazotuki; uchapiwa hake. Asi ngaakumbire nokutenda, asinganyunyuti napaduku; nokuti munhu unonyunyuta wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richimutswa-mutswa.” (Jakobho 1:5, 6; 2 Petro 3:17, 18) Naizvozvo munyengetero wapachokwadi kuna Jehovha ndiwo nhano yokutanga. (Pisarema 62:8) Ipapo, usazengurire kukumbira betsero kuvatariri vane rudo vari muungano. (Mabasa 20:28; Jakobho 5:14, 15; Judhasi 22) Vachakubetsera kuronda manyuko epanikiro dzako, idzo dzingave dziri kuparirwa norudado kana kuti kufunga kwakaipa kwakati.

8. Kufunga kwokuramba kutenda kazhinji kazhinji kunotanga sei, uye chii chiri mushonga wacho?

8 Kurava kana kuti kuteerera pfungwa dzokuramba kutenda kana kuti uzivi hwenyika kwakatanga panikiro dzinokuvadza here? Nenzira yokuchenjera, Bhaibheri rinopa zano, kuti: “Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari uri munhu wakatendeka, mubati usingafaniri hake kunyadziswa, unonatsa kururamisa shoko razvokwadi. Nzvenga kutaura kusina hanya naMwari; nokuti vacharamba vachingonyanya pakusanamata Mwari, neshoko ravo richanyenga seronda.” (2 Timotio 2:15-17) Kunofadza kuti vakawanda avo vakava vanyajambwa vokuramba kutenda vakatanga kuenda kusiri iko kupfurikidza nokutanga kunyunyuta pamusoro penzira iyo vakanga vachinzwa kuti vakanga vachibatwa nayo musangano raJehovha. (Judhasi 16) Kuwanira mhaka zvitendero kwakauya gare gare. Sezvo chiremba wokuvhiya achiita chiito nokukurumidza kucheka ronda riri kunyenga, ita chiito nokukurumidza kubvisa mundangariro chimiro chendangariro chipi nechipi chokunyunyuta, kuva asingagutsikani nenzira iyo zvinhu zviri kuitwa nayo muungano yechiKristu. (VaKorose 3:13, 14) Bvisa chinhu chipi nechipi chinotsigira panikiro dzakadaro.—Marko 9:43.

9. Muitiro wakanaka woubati ushe hwaMwari uchatibatsira sei kuramba takasimba mukutenda?

9 Sanoomerera kuna Jehovha nesangano rake. Tevedzera Petro nenzira yokuvimbika, uyo akataura zvakasimba, kuti: “Ishe, tichagoenda kuna aniko? Ndimi mune mashoko oupenyu husingaperi.” (Johane 6:52, 60, 66-68) Iva nerudungwe rwakanaka rwefundo yeShoko raJehovha kuti uchengete kutenda kwako kwakasimba, kufanana nenhoo huru, inokwanisa ku“dzima miseve yose yomwoto yowakaipa.” (VaEfeso 6:16, NW) Ramba uchishingaira muushumiri hwechiKristu, uchigoverana navamwe shoko roUmambo nenzira yorudo. Zuva riri rose, fungisisa nenzira yokuonga pamusoro penzira iyo Jehovha akakukomborera nayo. Onga kuti une zivo yezvokwadi. Kuita zvinhu zvose izvozvi mumuitiro wakanaka wechiKristu kuchakubetsera kuva anofara, kutsungirira, uye kuramba usina panikiro.—Pisarema 40:4; VaFiripi 3:15, 16; VaHebheru 6:10-12.

Kutevera Nhungamiro yaJehovha Muroorano

10. Neiko kuchikosha zvikurukuru kutarira kuna Jehovha nokuda kwenhungamiro muroorano yechiKristu?

10 Mukuronga kuti murume nomukadzi vagare pamwe chete savaroorani, Jehovha akaita chinangwa kwete bedzi chokuzadza pasi zvakanaka asiwo kusimudzira mufarwa wavo. Zvisinei, chivi nokusakwana zvakaunza zvinetso zvakakomba muukama hweroorano. VaKristu havahesvurwi muna izvozvi, sezvo ivowo vasina kukwana uye vachiwana dzvinyiriro dzekurarama kwomuzuva razvino uno. Zvisinei, kusvikira kutambanuko iyo vanovimba naJehovha neShoko rake, vaKristu vanogona kuva nebudiriro yakanaka muroorano nomukurera vana vavo. Hakuna nzvimbo muroorano yechiKristu yemiitiro yenyika nemufambiro. Shoko raMwari rinorayira, kuti: “Kuwanana ngakukudzwe navose, nenhoo ngairege kuva nemhosva; nokuti Mwari uchatongesa mhombwe navanofeva.”—VaHebheru 13:4.

11. Mukupedza zvinetso zveroorano, chii chinofanira kuzivikanwa navakwanyina vose vari vaviri?

11 Roorano iyo inoitwa mukuwirirana nezano reBhaibheri ine mhoteredzo yorudo, musengwa, uye chengeteko. Vose vari vaviri murume nomudzimai vanonzwisisa nokuremekedza nheyo youmusoro. Apo zvinetso zvinotanga, kazhinji kazhinji zvinoparirwa nokuregeredza kwakati mukushandiswa kwezano reBhaibheri. Mukupedza chinetso chiripo, kunokosha kuti vakwanyina vose vari vaviri vanangidzire ngwariro nokutendeseka pachiri chaizvoizvo chinetso chacho ndokubata nezvisakiso panzvimbo pezviratidzo. Kana kurukurirano dzenguva pfupi yapfuura dzakatungamirira kukubvumirana kuduku kana kuti kusava nako, vanyakuroorana vangakumbira betsero yokusasarura kubva kumutariri ane rudo.

12. (a) Bhaibheri rinogovera zano pamusoro pezvinetsoi zvinozivikanwa navose muroorano? (b) Neiko pane kudikanwa kuvakwanyina vose vari vaviri kwokuita zvinhu nenzira yaJehovha?

12 Chinetso chacho chinobatanidza kurukurirano, kuremekedza kunzwa kwomumwe nomumwe, kuremekedza umusoro, kana kuti nzira iyo zvisarudzo zvinoitwa nayo here? Chine chokuita nokurera vana, kana kuti kudzikamiswa kwezvinodikanwa zvevatano here? Kana kuti ndiko kurongwa kwokushandiswa kwemari nemhuri, varaidzo, songaniro, kana mudzimai achifanira kushanda, kana kuti kwamuchagara here? Chipi kana chipi chingava chinetso chacho, Bhaibheri rinopa zano rinoshanda nenzira yakananga kupfurikidza nemitemo kana kuti zvimwe nenzira isina kunanga kupfurikidza nenheyo. (Mateo 19:4, 5, 9; 1 VaKorinte 7:1-40; VaEfeso 5:21-23, 28-33; 6:1-4; VaKorose 3:18-21; Tito 2:4, 5; 1 Petro 3:1-7) Apo vakwanyina vose vari vaviri vanorega kuita kurayira kwoudyire ndokurega rudo ruchiva nokuratidzirwa kwarwo kwakazara muroorano yavo, mufarwa mukuru zvikuru uchavapo somugumisiro. Kunofanira kuva nechishuvo chikuru chavakwanyina veroorano vose vari vaviri chokuita chinjo dzinodikanwa, kuita zvinhu nenzira yaJehovha. “Unoteerera Shoko, uchawana zvakanaka; unovimba naJehovha, une mufaro.”—Zvirevo 16:20.

Pwere—Teererai Shoko raMwari

13. Neiko kusiri nyore kuti pwere dzechiKristu dzikure nokutenda kwakasimba muna Jehovha neShoko rake?

13 Hakusiri nyore kuti pwere dzechiKristu dzikure dzakasimba mukutenda apo nyika yakaipa yakadzipoteredza. Chimwe chikonzero ndechokuti “nyika yose igere muna iye wakaipa,” Satani Dhiyabhorosi. (1 Johane 5:19) Pwere dzinodenhwa neuyu muvengi anorura uyo anogona kuita kuti chakashata chiratidzike kuva chakanaka. Zvimiro zvendangariro zvoudyire, magwinyiro oudyire, kupanga zviri zvoutere nezvoutsinye, uye kurondwa kusiri kwenguva dzose kwemifarwa—zvose izvozvi zvinobatana kuva mafungire mamwe avose, makuru anorondedzerwa muBhaibheri se“mweya unobata zvino muvana vokusateerera.” (VaEfeso 2:1-3) Satani akasimudzira nenzira yamanomano uyu ‘mudzimu’ mumabhuku anofundwa echikoro, mudzakawanda dzenziyo dzinowanikwa, mumitambo, uye muzvimwe zvimiro zvevaraidzo. Vabereki vanofanira kungwaririra kurwisa pesvedzero dzakadaro kupfurikidza nokubetsera vana vavo kukura vachivimba naJehovha neShoko rake.

14. Vanhu vaduku vanogona sei ku“tiza kuchiva kwoujaya”?

14 Pauro akapa zano roubaba kumusonganiri wake muduku Timotio, kuti: “Asi tiza kuchiva kwoujaya, uvinge kururama, nokutenda, norudo, norugare, pamwe chete navanodana kunaShe nomwoyo wakachena.” (2 Timotio 2:22) Nepo kusiri “kuchiva kwoujaya” kwose kwakashata makuri kumene, pwere dzinofanira kuku“tiza” mukuti hadzifaniri kurega zvinhu izvozvi zvichiva chinobatikanisa, kuchisiya nguva shomanene, kana itongoripo, yezvinorondwa zvoumwari. Kusimbisa muviri, mitambo, nziyo, varaidzo, mabasa okuzvifadza, uye kufamba, nepo zvisina hazvo kuipa, zvinogona kuva musungo kana zvikava zvinhu zvikuru muupenyu. Tizai chose chose kurukurirano dzisina maturo, kufamba-famba, kufarira vatano kusiri kwomuzvarirwo, kungogara ndokufinhwa, uye kunyunyuta pamusoro pokusanzwisiswa navabereki venyu.

15. Zvinhui zvinogona kuitika mukuva pachivande kwomusha izvo zvinogona kubetsera kukurarama upenyu huviri kwepwere?

15 Kunyange mukuva pachivande kwomusha, ngozi ingavapo nokuda kwepwere. Kana purogiramu dzeTV dzeunzenza kana kuti dzamasimba masimba nemavhidhiyo zvichitarirwa, chishuvo chokuita zvinhu zvakashata chingagona kudyarwa. (Jakobho 1:14, 15) Bhaibheri rinopa zano, kuti: “Vengai zvakaipa, imi munoda Jehovha.” (Pisarema 97:10; 115:11) Jehovha anoziva kana munhu upi noupi ari kuedza kurarama upenyu huviri. (Zvirevo 15:3) Pwere dzechiKristu, tarirai-tarirai mukamuri renyu. Munoratidzira mapikicha apamadziro enyanzvi dzounzenza dzemitambo kana kuti nziyo here, kana kuti munoratidzira zvinhu zvakanaka zviri zviyeuchidzo zvakanaka? (Pisarema 101:3) Muwadhiropu yenyu, mune zvipfeko zvine mwero, kana kuti zvimwe zvezvipfeko zvenyu zvinoratidzira zvitayera zvokupfeka zvakanyanyisa zvenyika ino here? Munzira dzamanomano Dhiyabhorosi anogona kukuisai mumusungo kana mukatera kumuedzo wokuedza zvakashata. Bhaibheri nenzira yokuchenjera rinopa zano, kuti: “Svinurai, murinde; muvengi wenyu Dhiyabhorosi, unofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza.”—1 Petro 5:8.

16. Zano reBhaibheri rinogona sei kubetsera pwere kuita kuti munhu ari wose anokosha adade nayo?

16 Bhaibheri rinokuudza kuti ungwarire songaniro yako. (1 VaKorinte 15:33) Shamwari dzako dzinofanira kuva idzo dzinotya Jehovha. Usatera kudzvinyiriro yavaenzani. (Pisarema 56:11; Zvirevo 29:25) Teerera vabereki vako vanotya Mwari. (Zvirevo 6:20-22; VaEfeso 6:1-3) Tarira kuvakuru nokuda kwenhungamiro nekurudziro. (Isaya 32:1, 2) Chengeta ndangariro dzako nameso zviri pazvinokosha zvomudzimu nenharidzano. Tsvaka mikana yokuita fambiro mberi yomudzimu nokutora rutivi mumibato yeungano. Dzidza nzira yokuita nayo zvinhu namaoko ako. Kura uri akasimba neakanaka mukutenda, uye ipapo uchabvumikisa kuti uri chaizvoizvo mumwe munhu—mumwe munhu akafanirwa noupenyu munyika itsva yaJehovha! Baba vedu vokudenga vachadada newe, vabereki vako vapasi vachakufarira, uye hama dzako dzechiKristu nehanzvadzi dzichakurudzirwa newe. Izvozvo ndizvo zvinokosha!—Zvirevo 4:1, 2, 7, 8.

17. Ibetseroi dzinouya kuavo vanovimba naJehovha neShoko rake?

17 Mukutaura kwokudetemba wezvemapisarema akafuridzirwa kunyora, kuti: “[Jehovha] hapana chinhu chakanaka chaanganyima vanofamba nokururama. Jehovha wehondo, wakaropafadzwa munhu unovimba nemi.” (Pisarema 84:11, 12) Hungu, mufarwa nebudiriro, kwete kuora mwoyo nokukundikana, ndizvo zvichauya kune vose avo vanovimba naJehovha neShoko rake, Bhaibheri.—2 Timotio 3:14, 16, 17.

Waizopindura Sei?

◻ Neiko vaKristu vasingafaniri kuisa chivimbo chavo mu“uchenjeri hwenyika ino”?

◻ Chii chinofanira kuitwa kana munhu ari kuva nepanikiro?

◻ Kuita zvinhu nenzira yaJehovha kunounza sei budiriro nomufarwa muroorano?

◻ Bhaibheri rinobetsera sei pwere ku“tiza kuchiva kwoujaya”?

[Mufananidzo uri papeji 23]

VaKristu vanotendeukira kuna Jehovha neShoko rake, vachiramba soupenzi “uchenjeri hwenyika ino”

[Mufananidzo uri papeji 25]

Mhuri dzinovimba naJehovha neShoko rake dzine budiriro yakanaka nomufarwa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe