Nzira Yokuwana Nayo Mufaro Mukuita Vadzidzi
MUMWE wemifaro mikuru iyo munhu anogona kuwana ndeyokuva mushandipamwe naMwari. Nhasi, basa raMwari rinobatanidza kuunganidza vanhu vanoda kururama muungano yechiKristu uye kuvarovedza kwoupenyu hwose savaKristu zvino uyewo nokuda kwokupukunyuka kupinda munyika itsva.—Mika 4:1-4; Mateo 28:19, 20; 2 Petro 3:13.
Kwave kuri manyuko omufaro mukuru nokuda kweZvapupu zvaJehovha muLatin America kuona vanhu vane mamiriyoni vachiva vadzidzi vaJesu Kristu kubvira muna 1980. Mumunda uyu unobereka, umo vazhinji vanoremekedza nokudavira Bhaibheri, vamwe vashumiri venguva yakazara vakakwanisa kubetsera vazhinji kutsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha. Neruzivo rwokuzviwanira rwakawanda kwazvo, zvichida vanogona kutiudza chimwe chinhu pamusoro pomufaro wokuita vadzidzi. Zvimwe zvezvikarakadzo zvavo zvingabetsera kuwana mufaro mukuita vadzidzi kwaunogara.
Kuziva “Makwai” Anobvira
“Muguta kana musha pose pamunopinda, bvunzai kuti ndiani urimo wakafanira,” akadaro Jesu apo akatuma vaapostora vake kunoparidza. (Mateo 10:11) Paunoshanyira vanhu, unogona sei kuziva avo vanogona kubetserwa mumudzimu? Edward, mushumiri wenguva yakazara kwamakore anopfuura 50, anoti: “Vanokuratidzira kupfurikidza nemibvunzo yavo yapachokwadi uye gutsikano yavo apo vanopiwa mhinduro dzinobva muMagwaro.” Carol anowedzera, kuti: “Kana munhu akanditaurira chinetso chomunhu oga kana kuti kunetseka, chikumbiro chaichoicho nokuda kwebetsero. Ndinoedza kuwana mashoko anobetsera muzvinyorwa zveWatch Tower Society. Fariro yomunhu oga yakadaro inowanzotungamira kufundo yeBhaibheri.” Bva, vanhu vapachokwadi havawanzozivikanwi zviri nyore. Luis anorondedzera, kuti: “Vamwe vakaratidzika kuva vanofarira zvikuru vakava vasingafariri nyangwe napaduku pose, asi vamwe vairatidzika kuva vanoshora pakutanga vakachinja apo vakanzwa izvo Bhaibheri rinotaura chaizvoizvo.” Sezvo vagari veLatin America vazhinji vachiremekedza Bhaibheri, anowedzera kuti, “Ndinoziva avo vanogona kubetserwa mumudzimu apo vanobvuma nokudisa icho Bhaibheri rinodzidzisa pashure pokunge ndachiratidza kwavari.” Kubetsera “[v]akafanira” vakadaro kufambira mberi mumudzimu kunounza mufaro wechokwadi negutsikano. Unogona sei kuita ikoku?
Kutanga Fundo dzeBhaibheri
Kushandisa zvinoyamura kufunda Bhaibheri zvinobudiswa ne“muranda akatendeka, akangwara” kazhinji kazhinji ndiyo nzira yakanakisisa yokubetsera nayo vanhu kunzwisisa zvokwadi yeBhaibheri. (Mateo 24:45) Unogona sei kuvaka kunzwisisa kukosha kwezvinoyamura kufunda Bhaibheri zvakadaro? Edward anoti: “Sezvo mamiriro ezvinhu evanhu, unhu, uye mirangariro zvichisiyana zvikuru kwazvo, ndinoedza kuva anochinjika mukutanga fundo.” Haugone kushandisa mutoo mumwe chetewo nomunhu ari wose.
Navamwe, kurukurirano dzinoverengeka dzisina kurongwa dzaMagwaro dzingadikanwa usati wasuma bhuku refundo yeBhaibheri. Kunyange zvazvo zvakadaro, vamwe vafundisi vakaroorana vanoshuma, kuti: “Tinowanzokarakadza fundo pashanyo yokutanga.” Nenzira yakafanana, chimwe Chapupu chakabetsera vanhu 55 kusvika kupfundo rokuzvitsaurira chinoti: “Mutoo wangu mukuru wokutanga fundo dzeBhaibheri wave uri wokupinda zvakananga mubhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano.” Kunyange zvazvo vamwe vasingadi pfungwa yokufunda chinhu chipi nechipi, vamwe vanodisa kufunda chinhu chipi kana chipi chavanodavira kuti chichavabetsera muupenyu. Kukarakadza zvidzidzo zvapachena zveBhaibheri pamusha kunowanzova kunokwezva kuna ivava. Vamwe vafundisi vanotsanangura uku kukarakadza uye ipapo vanoti: “Ndingada kukuratidzai nzira yatinokuita nayo. Kana muchiida, munogona kupfuurira. Kana musingadi, zviri kwamuri.” Apo kunotaurwa nenzira iyoyo, vanhu havanzwi vachitya kubvuma.
Chimwe Chapupu, chakabetsera vazhinji vari varombo uye vasina dzidzo, chinoti: “Ndakawana maturakiti kuva anobetsera zvikuru mukutanga fundo dzeBhaibheri.” Chinyorwa chipi kana chipi chavanoshandisa, vadzidzisi venguva yakazara vanoedza kupa Bhaibheri simbiso huru. Carola anoti: “Pafundo yokutanga, ndinoshandisa mifananidzo chete uye magwaro anenge mashanu, kuita kuti mapfundo makuru atanhamare uye Bhaibheri risaratidzike kuva rakaoma.”
Kuchengeta Fariro Iri Mhenyu
Vanhu vanofarikanya murangariro wefambiro mberi, naizvozvo Jennifer anorumbidza, kuti: “Ita kuti fundo yacho ive mhenyu. Fambira mberi.” Kuitisa fundo yacho nguva dzose pasina kupotsa dzimwe vhiki kunovabetsera kunzwa kuti vari kufambira mberi. Mumwe piyona chaiye uyo akarerwa kumaruwa anotsanangura ukoshi hwokupfavisa tsananguro uye kuisa ngwariro pamapfundo makuru, kuitira kuti kunyange avo vane dzidzo shoma vagone kufambira mberi. Anoti: “Mumusha mangu, taifanira kusasaidza pasi nemvura pashure pokudyara mbeu. Kana taifashamira minda, ivhu raioma pamusoro zvokuti apo mbeu dzaimera dzaisagona kubuda, uye dzaifa. Nenzira yakafanana, kana ukafashamira vachangobva kufarira nemapfundo mazhinji, kungaratidzika kuva kwakaoma zvikuru uye vanorega.” Kunyange vanhu vane ndangariro dzinoda kubvunza vanofanira kudzidza kunangidzira ngwariro panhau imwe panguva kana vachizofambira mberi mukunzwisisa. Jesu akati kuvaapostora vake: “Ndine zvizhinji zvandinoda kukuudzai; asi hamugoni kuzvigamuchira zvino.”—Johane 16:12.
Imwe nzira yokuchengeta nayo fariro iri mhenyu ndeyokukurudzira avo unoshanyira kupfuurira kufunga nezveShoko raMwari pashure pokunge waenda. Yolanda anorumbidza, kuti: “Siya mubvunzo usina kupindurwa. Vape basa rapamba rokuita, rakadai sokurava chikamu chakati cheBhaibheri kana kuti kuongorora nhau ine chokuita navo.”
Kutanga Kuda Jehovha
Mufaro wako uchawedzera apo unobetsera vadzidzi vako kuva “vaiti veshoko, [vo]sava vanzwi voga.” (Jakobho 1:22) Unogona sei kuita ikoko? VaKristu vechokwadi vanosundwa nokuda Jehovha. Pedro, uyo anobva kuMexico, anotsanangura, kuti: “Vanhu havagone kuda munhu wavasingazivi, naizvozvo kubva pamavambo chaipo pefundo, ndinovadzidzisa zita raMwari kubva muBhaibheri, uye ndinotsvaka mikana yokusimbisa nayo mavara aJehovha.” Mukurukurirano, unogona kuvaka kuonga Jehovha kupfurikidza nokutaura mirangariro yako nokuda kwake. Elizabeth anoti: “Nguva dzose ndinoedza kududza kunaka kwaJehovha. Pafundo dzangu, kana ndikaona ruva rakaisvonaka, shiri yakanaka, kana kuti kakitsi kanotamba, nguva dzose ndinodudza kuti ibasa raJehovha.” “Taura nezvenyika itsva yaMwari yakapikirwa sechinhu chaichoicho chaunoiziva kuva,” anokarakadza kudaro Jennifer. “Bvunza zvavangada kuita munyika itsva.”
Apo munhu anofungisisa nenzira yokuonga pamusoro pezvaanodzidza pamusoro paJehovha, zvinonyura mumwoyo make ndokumusunda kuchiito. Asi haagoni kufungisisa kutoti akayeuka. Kuhwirudzurwa kupfupi kwamapfundo makuru matatu kana kuti mana pashure pefundo imwe neimwe iyamuro yokuyeuka. Vadzidzisi vazhinji veBhaibheri vanoita kuti vatsva vanyore magwaro makuru nechinonyorwa kumashure kweBhaibheri ravo. Mumwe mufundisi anobva kuEngland anotsanangura imwe betsero yehwirudzuro: “Ndinobvunza nzira iyo mashoko acho avabetsera nayo. Ikoku kunovaita kuti vafungisise nokuonga pamusoro penzira dzaJehovha nemitemo.”
Chimwe Chapupu chakatendeka chakapedza kufunda mukirasi yechitatu yeGilead chinoti: “Tinofanira kuva vane mbavarira. Vadzidzi vedu vanofanira kuziva kuti tinodavira zvatinodzidzisa.” Kutenda kwakakuita “muiti webasa” anofara kunogona kutapukira kana ukakutaura.—Jakobho 1:25.
“Ndinowana kuti vanhu vanoswedera pedyo naMwari kana ndikavabetsera kuona mhinduro dzeminyengetero yavo,” chinodaro chimwe Chapupu icho chakabetsera vazhinji kunamata Jehovha. “Ndinovapa mienzaniso muchakaitika changu ndimene, chakadai sechino: Apo mubiyangu neni takasvika mumugove mutsva samapiyona, taingova bedzi nemiriwo mishomanene, paketi remajarini, uye tisina mari. Takapedza zvokudya zvechirariro ndokuti, ‘Zvino hatina chinhu chamangwana.’ Takanyengetera nezvako, uye takarara. Mangwanani ngwanani akatevera chimwe Chapupu chomunzvimbomo chakashanya ndokuzvisuma chimene, chichiti, ‘Ndakanyengetera kuti Jehovha atumire mapiyona. Zvino ndinogona kuswera nemi, asi sezvo ndichigara kure kumaruwa, ndichafanira kudya zvokudya zvamasikati nemi, naizvozvo ndaunza zvokudya izvi nokuda kwedu tose.’ Yakanga iri nyama nemiriwo zvakawanda zvikuru. Ndinogaroudza vadzidzi vangu kuti Jehovha haatongotisiyi kana tikatanga kutsvaka Umambo hwake.”—Mateo 6:33.
Ipa Betsero Inoshanda
Kune zvakawanda zvinobatanidzwa mukuita vadzidzi vaKristu kupfuura kuitisa fundo yeBhaibheri. Mumwe mufundisi akabatira kwamakore akawanda somutariri anofambira anoti: “Vape nguva. Usakurumidza kubva pafundo pashure pokunge yapera. Kana kwakakodzera, gara ndokutaura kwenguva yakati.” Elizabeth anoti: “Ndinovafarira nemhaka yokuti upenyu hunobatanidzwa. Nguva zhinji ndinotambudzika pamusoro pavo sokunge kuti vana vangu.” Zvimwe Zvapupu zvakaita zvikarakadzo izvi: “Vashanyire apo vanenge vachirwara.” “Apo unenge uri pedyo nomusha wavo, somuenzaniso muushumiri hwemumunda, vashanyire kwenguva pfupi kuti usume zvimwe Zvapupu kwavari.” Eva anoti: “Teereresa kuti unzwisise mamiriro ezvinhu ekare omunhu wacho nemumiriro wezvinhu muupenyu. Ikoku kunotapura nzira iyo vanhu vanoita nayo kuzvokwadi uye zvinogona kupinganidza fambiro mberi yavo. Iva shamwari yavo, kuitira kuti vave nechivimbo chokutaura nezvezvinetso zvavo.” Carol anowedzera, kuti: “Fariro yechokwadi mumunhu wacho inokosha sezvo chinjo idzo zvokwadi ichaunza kuupenyu hwake dzichareva pane dzimwe nguva kurasikirwa nemhuri neshamwari. Zvikurukuru, kwakanaka kana mudzidzi wacho achiziva kwatinogara uye anova nechivimbo chokuuya kwatiri panguva ipi neipi.” Mubetsere kurangarira ungano semhuri yake itsva.—Mateo 10:35; Marko 10:29, 30.
“Iva akangwarira kupa betsero inoshanda. Gara navo pamisangano, uye vabetsere navana vavo,” anodaro Yolanda. Kuratidza vatsva nzira yokurovedza nayo vana vavo, kuvandudza mipimo yavo yorucheno, kugadzirira tsinhiro nokuda kwemisangano, uye kupa hurukuro muChikoro Choushumiri Choubatiushe hwaMwari zvose rutivi rwebasa rokuita vadzidzi. Imwe hanzvadzi inowedzera, kuti: “Kunokosha kurovedza vatsva nokuda kwoushumiri. Apo urwu rutivi rwerovedzo rwunofuratirwa, vamwe vanoramba vachitya basa rokuparidza, vanorasikirwa nomufaro wavo mukubatira Jehovha, uye vanokundikana kutsungirira.” Naizvozvo ipa rovedzo yokungwarira mubasa rapaimba neimba, mukuita shanyo dzedzokerero, uye mukutanga fundo dzeBhaibheri. Mufaro wako uchava mukuru apo unoona mudzidzi wako achifambira mberi nebetsero yako nenhungamiro.
Vasimbise Kuti Vatsungirire
“Panowanzova nokuda kurega kudzidza mudzidzi angobhapatidzwa,” anonyevera kudaro mumwe muiti wavadzidzi ane ruzivo rwokuzviwanira. Vose vari vaviri mudzidzisi nomudzidzi vanofanira kuyeuka kuti muKristu achangobva kubhapatidzwa achiri kure nokuva akakura mumudzimu. Achiri kufanira kukura zvikuru mukutenda kwake, mukunzwisisa kwake mutemo waMwari, uye mukuda kwake Jehovha. Kunokosha kumukurudzira kutanga miitiro yakanaka yefundo yomunhu oga kuitira kuti apfuurire kuramba achiita fambiro mberi.—1 Timotio 4:15.
Mutsva angada betsero kuti afambire mberi ndokuva mutezo une ushamwari wesangano rehama. Angada nhungamiro mukubata nekusakwana kwehama sezvaanoswedera pedyo zvikuru nadzo. (Mateo 18:15-35) Angada betsero kuti ave mudzidzisi ane unyanzvi, anokwanisa kuita nzvero yake amene. Mumwe mufundisi anorondedzera, kuti: “Mumwe mudzidzi pashure porubhapatidzo aida kuvandudza mano ake somudzidzisi, naizvozvo akati kwandiri, ‘Ndinofanira kuitisa fundo itsva vhiki inotevera, asi ndinoda kumutsidzira yeuko yangu pamaganhuro apakuvamba andakadzidza. Mungaita maganhuro iwaya neni zvakare here, imwe panguva, kuitira kuti ndicherekedze tsananguro dzamagwaro nemienzaniso, uye ipapo ndinogona kuzvishandisa apo ndinoenda kufundo yangu?’ Azova mudzidzisi akaisvonaka, ina dzefundo dzake dzichibhapatidzwa pagungano rimwe.”
Chikonzero Nei Kuita Vadzidzi Kuchifanirwa Nenhamburiko
“Kuita vadzidzi kunoreva varumbidzi vazhinji vaJehovha. Kunoreva upenyu nokuda kwaavo vanogamuchira zvokwadi,” anodaro Pamela. “Ndinoda zvangu kudzidzisa vamwe zvokwadi—kwakaisvonaka kwazvo! Munhu anoona vadzidzi vachikura pashoma napashoma, vachiita chinjo muupenyu hwavo uye kukurira mhinganidzo dzaizoratidzika kuva dzisingakundiki kudai wakanga usiri mudzimu waJehovha. Vazhinji vaavo vakasvika pakuda Jehovha vava shamwari dzangu dzinodiwa zvikuru.”
“Apo ndinorangarira vandakabetsera kuva vadzidzi,” anorondedzera kudaro mumwe mufundisi anobva kuGermany, “Ndinoona vanhu vaitya zvikuru avo vakaita fambiro mberi huru kwazvo savashumiri vaMwari zvokuti hatitongogoni kukudavira. Ndinoona vanhu vanokurira mhinganidzo dzinotyisa, sezviri pachena nebetsero yaJehovha. Ndinoona mhuri dzaichimbova dzakaputsika asi zvino dzakabatanidzwa—vana vanofara vane vabereki vakavimbika. Ndinoona vanhu vachifarikanya upenyu hune revo, vachirumbidza Jehovha. Uyu ndiwo mufaro wokuita vadzidzi.”
Hungu, kuva mushandi biyake naJehovha Mwari mubasa rokuita vadzidzi manyuko omufaro usingaenzaniswi. Zvakaitika zvavafundisi namapiyona zvakakubvumikisa. Unogona kuwana mufaro mumwe chetewo negutsikano kana ukashandisa zvikarakadzo zvacho ndokushandira pazviri nomwoyo wose. Nechikomborero chaJehovha, mufaro wako uchava wakakwana.—Zvirevo 10:22; 1 VaKorinte 15:58.