Kurarama Mukuwirirana Nemhiko Yako Yeroorano!
ZUVA romuchato izuva rinofadza. Inhambo yakakombawo zvikuru. Mwenga nechikomba vanoita mhiko yakakomba iyo ichatapura upenyu hwavo hwose hwasara. Avo varipo pamuchato sevakakokwa zvapupu zveiyi mhiko yakakomba, asi Jehovha Mwari ndiye Chapupu chikuru.
Bhaibheri harirayiri miitiro yakati kana kuti rudzi chairwo rwechiitiko chomuchato. Bva, mukuziva mavambo ayo oumwari, roorano kazhinji kazhinji inokudzwa kupfurikidza nokushandiswa kwemhiko dzomuchato mukati mechiitiko chorudzidziso. Kwemakore akawanda Zvapupu zvaJehovha zvave zvichishandisa mhiko yeroorano inotevera: “Ini—— ndinokutora iwe —— kuti uve (mudzimai/murume) wangu womuchato, kukuda nokukuchengeta (Mwenga: nokukuremekedza zvikuru) mukuwirirana nomutemo woumwari wakarongwa muMagwaro Matsvene nokuda kwa(vadzimai/varume) vechiKristu, chero bedzi isu tose tiri vaviri tichirararama pamwe chete pasi pano mukuwirirana negadziriro yaMwari yeroorano.”a
Chimwe Chinhu Chokufunga Pamusoro Pacho
Kana uri kurangarira roorano, kwaizova kunokosha zvikuru kufunga pamusoro poudzame nerevo zveiyi mhiko zuva romuchato risati rasvika. Soromoni akati: “Usakurumidza nomuromo wako, mwoyo wako urege kukurumidza kutaura shoko pamberi paMwari.” (Muparidzi 5:2) Zvakadiniko kana wakatoroora kana kuti kuroorwa? Ipapo waizobetserwa nokufungisisa pamusoro poukoshi hwemhiko yakakomba iyo wakaita pamberi paJehovha. Uri kurarama mukuwirirana nayo here? VaKristu vanokoshesa mhiko dzavo. Soromoni akapfuurira, kuti: “Ripa zvaunopika. Zviri nani kuti urege kupika, pakuti upike usingaripi. Usatendera muromo wako kutadzisa nyama yako; usati pamberi pomutumwa waMwari: Yakanga iri mhosho.”—Muparidzi 5:4-6.
Kurangarirwa kwechikamu chemashoko chimwe nechimwe kweiyi mhiko yomuchato pasina panikiro kuchawedzera kunzwisisa kwako iyi mhiko yakakomba.
“Ini—— ndinokutora”: Aya ndiwo mashoko okutanga emhiko yacho. Anosimbisa kuti unova nomutoro womunhu oga nokuda kwechisarudzo chako chokuroora kana kuti kuroorwa.
Mugadziriro yechiKristu, hakuna musengwa wepaMagwaro wokuroora kana kuti kuroorwa. Jesu Kristu amene akaramba ari asina kuroora uye akarumbidza kuva asina kuroora kana kuti kuroorwa nokuda kwaavo vano‘kugamuchira.’ (Mateo 19:10-12) Pane rumwe rutivi, vakawanda zvikurusa vavaapostora vaJesu vakanga vari varume vakaroora. (Ruka 4:38; 1 VaKorinte 9:5) Kuri pachena kuti chisarudzo chokuroora ndechomunhu oga. Hakuna munhu ane chiremera chapaMagwaro chokumanikidza mumwe kupinda muroorano.
Nokudaro, une mutoro wokusarudza kuroora kana kuti kuroorwa. Sezvingabvira, wakasarudza uyo wauri kuroorana naye. Apo unoita mhiko yeroorano, uchiti, ‘Ndinokutora iwe——,’ unotora kana kuti kugamuchira munhu iyeyo norunako rwake—asiwo nezvikanganiso zvake.
Pashure penguva yakati sezvingabvira uchacherekedza mativi asingafungidzirwi ounhu hwomukwanyina wako. Kuchava nokuora mwoyo kwapanhambo nenhambo. Bhaibheri rinotaura kuti “vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari.” (VaRoma 3:23) Naizvozvo ungada kuita gadziridzo kuitira kuti ugowirirana nomukwanyina wako. Ikoku kungava kwakaoma, uye padzimwe nguva unganzwa uchida kurega. Asi yeuka, mhiko yeroorano inoitwa pamberi paJehovha. Anogona kukubetsera kubudirira.
“Kuti uve (mudzimai/murume) wangu womuchato”: Pamuchato wokutanga umene, apo Evha akachatiswa naAdhama, Jehovha Mwari akati “vave nyama imwe.” (Genesi 2:24; Mateo 19:4-6) Mubatanidzwa weroorano nokudaro ukama hwapedyosa uhwo hunogona kuvapo pakati pavanhu vaviri. Roorano inokupinza muukama hutsva. Unogamuchira mumwe munhu kuti ave “mudzimai [wako] womuchato” kana kuti “murume womuchato.” Hahuna kufanana nohumwe ukama hupi nohupi. Zviito zvinoparira kuvadziko duku muhumwe ukama zvingaparira kuvadziko huru mukati megadziriro yeroorano.
Rangarira, somuenzaniso, zano rapaMagwaro rinowanwa pana VaEfeso 4:26. Ipapo Bhaibheri rinoti: “Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa.” Zvichida hauna kupedza nguva dzose zvinetso zvako nehama dzokunyama neshamwari nokukurumidza sezvaunofanira. Asi mukwanyina wako ari pedyo zvikuru kupfuura imwe hama yokunyama ipi neipi kana kuti shamwari. Kukundikana kupedza nhau nokukurumidza nomukwanyina wako kungaisa mungozi ukama chaihwo huri pakati penyu.
Unobvumira kusawirirana pakati pako nomukwanyina wako kukura ndokuva kunoramba kuchikushatirisa kana kuti kukunetsa here? Kusanzwisisana nemamiriro ezvinhu anotsamwisa zvinoramba zviripo kwamazuva anoverengeka here? Kuti urarame mukuwirirana nemhiko yako, apo zvinetso zvinomuka usarega zuva richipfuura usina kuyanana nomukwanyina wako. Ikoku kunoreva kukanganwira nokukanganwa pamwe chete nokubvuma mhaka dzako umene nezvikanganiso.—Pisarema 51:5; Ruka 17:3, 4.
“Kuda”: Murume anokarirwa anoita mhiko yo‘kuda nokuchengeta’ mwenga wake. Ikoku kunobatanidza rudo rwenyengano urwo sezvingabvira rwakavabatanidza. Asi rudo rwenyengano haruna kukwana. Rudo urwo muKristu anoitira mhiko mukwanyina wake rwakadzama zvikuru uye rwakazara zvikuru.
VaEfeso 5:25 inoti: “Imi varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadawo kereke.” Kuda kwaJesu ungano kwaisatongogona kuva muboka rimwe chetero sorudo rwenyengano pakati pevemitezo yakasiyana yevatano. Mashoko okuti “idai” uye “akada” anoshandiswa muurwu rugwaro anobva mushoko rokuti a·gaʹpe, iro rinonongedzera kurudo runotungamirirwa nenheyo. Bhaibheri pano riri kurayira varume kuratidzira rudo rwenguva dzose, rusingazununguki, runogarisa nokuda kwavadzimai vavo.
Harusati rungoriwo zvarwo rudzi rwomurangariro rwokuti “ndinokuda nemhaka yokuti unondida.” Murume anotsvaka garikano yomudzimai wake kunyange pamberi peyake amene, uye mudzimai anoda murume wake nomutoo mumwe chetewo. (VaFiripi 2:4) Kusakurira rudo rukuru nokuda kwomukwanyina wako kuchakubetsera kurarama mukuwirirana nemhiko yako yeroorano.
“Kuchengeta”: Mukuwirirana nerimwe duramanzwi, “kuchengeta” kunoreva ‘kuda, kunzwa kana kuti kuratidza chidakadaka.’ Unofanira kuratidzira rudo rwako muzvose zviri zviviri mashoko nezviito! Mudzimai zvikurukuru anoda kugamuchira kuratidzirwa kwenguva dzose kworudo rwomurume wake. Murume wake angatarisira zvakanaka zvinodikanwa zvake zvokunyama, asi ikoku hakuna kukwana. Kune vadzimai avo vane zvokudya zvakakwana nomusha unofadza asi avo vasingafari zvikuru nemhaka yokuregeredzwa kana kuti kufuratirwa nomukwanyina wavo weroorano.
Pane rumwe rutivi, mudzimai anoziva kuti anodiwa nokuchengetwa ane chikonzero chiri chose chokufara. Chokwadika, zvimwe chetezvo zvinogona kutaurwa nezvemurume. Rudo rwechokwadi runowedzerwa zvikuru nokuratidzirwa kwechokwadi kwokuda. MuRwiyo Rukuru rwaSoromoni, chikomba chaiva mufudzi chakakuwa, kuti: “Rudo rwako rwakanaka sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu! Rudo rwako runopfuura waini zvikuru sei! Nokunhuwira kwezvizoro zvako miti yose inonhuwira!”—Rwiyo rwaSoromoni 4:10.
“Nokukuremekedza zvikuru”: Mumazana ose amakore, kwave kune varume avo vakabata zvisina kufanira nokuderedza vakadzi. Kunyange nhasi, mukuwirirana nemagazini yeWorld Health, “masimba masimba kuvakadzi anoitika munyika iri yose uye muboka riri rose renzanga nerezvemari. Mutsika dzakawanda, kurova mudzimai kunorangarirwa kuva maruramiro omurume.” Varume vakawanda zvikurusa vangasava nemhaka yomufambiro wakadaro. Zvisinei, kunoratidzika kuti varume vakawanda vanokundikana kuratidza kufarira zvapachokwadi nhau dzine chokuita navakadzi. Somugumisiro, vakadzi vakawanda vakakudziridza chimiro chendangariro chakashata pamusoro pavarume. Vamwe vadzimai vakanzwika kuva vaiti, “Ndinoda murume wangu, asi handimbogoni kumuremekedza!”
Jehovha Mwari, zvisinei, anorumbidza mukadzi anovavarira kuremekedza murume wake—kunyange kana achikundikana kuita zvinokarirwa zvake nguva nenguva. Anoziva kuti iye ane mugove wakapiwa naMwari, kana kuti nzvimbo. (1 VaKorinte 11:3; VaEfeso 5:23) Kuremekedza zvikuru murume wake nokudaro rutivi rwokunamata kwake nokuteerera Jehovha. Mwari haafuratiri kuteerera kwavakadzi voumwari.—VaEfeso 5:33; 1 Petro 3:1-6; enzanisa naVaHebheru 6:10.
Ruremekedzo muroorano runofanira kuva rwokune mumwe nomumwe, uye runofanira kuwanwa panzvimbo pokungokarirwawo zvako kana kuti kurayirwa. Somuenzaniso, kutaura kwokunyomba kana kuti kwokudenha hakuna nzvimbo mugadziriro yeroorano. Kwaisazova kuda kana kuti kuremekedza kuita tsinhiro dzinoderedza pamusoro pomurume wako kana kuti mudzimai. Hapana chinhu chakanaka chinogona kubva mukuzivisa zvikanganiso zvomukwanyina wako kune vamwe kana kuti kutaura pamusoro pazvo pachena. Kunyange mumusere munhu angagona kuratidza kushayikwa kukuru kworuremekedzo muiyi nharaunda. Mashoko aVaEfeso 4:29, 32 anoshanda kune vose vari vaviri murume nomudzimai. Ipapo Bhaibheri rinoti: “Mumuromo menyu murege kubuda shoko rakaora, asi rakanaka, ringasimbisa pakafanira . . . Muitirane mwoyo munyoro, munzwirane tsitsi.”
“Mukuwirirana nomutemo woumwari wakarongwa muMagwaro Matsvene”: Mwari anoda kuti tifarikanye rusununguko rwechisarudzo nechiito. Haatiremekedzi nendaza inonetesa yemitemo inodzora upenyu hweroorano. Bva, nokuda kwedu timene iye akaronga nhungamiro dzakati.
Nhasi, munyika mune mhatsa huru yemashoko akadhindwa pamusoro peroorano, uye vanhu vakawanda vane uzivi hwavo vamene. Asi ngwarira! Pamusoro penhau yeroorano, akawanda amashoko ari kutenderera nhasi anorwisana neBhaibheri.
Zivawo kuti mamirire ezvinhu anosiyana pavamwe varoorani navamwe. Neimwe nzira, vanyakuroorana vakafanana nemazaya echando; angaratidzika kuva akafanana nechekure, asi chaizvoizvo rimwe nerimwe rakasiyana, rakasiyana nemamwe ose. Mubatanidzwa wounhu hwako neuhwo hwomukwanyina wako hautevedzerwi chaizvoizvo nevamwe vanyakuroorana vapi navapi munyika. Naizvozvo usakurumidza kugamuchira mirangariro yomunhu oga yavamwe. Hakuna muitiro wakaitwa nomunhu unoshanda kuroorano iri yose!
Mukupesana, yose yemirayiro yeBhaibheri ndeyechokwadi uye inoshanda. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera nokuda kwokudzidzisa, nokuda kwokutsiura, nokuda kwokururamisa zvinhu.” (2 Timotio 3:16, NW; Pisarema 119:151) Kana ukarava Bhaibheri ndokugamuchira dzidziso dzaro senhungamiro muupenyu hwako hwezuva nezuva, uchakwanisa kurarama mukuwirirana nemhiko yako yeroorano.—Pisarema 119:105.
“Chero bedzi isu tose tiri vaviri tichirarama pamwe chete pasi pano”: Ikoku kunonongedzera kukuva pamwe chete kwenhambo refu. Mwari anorayira kuti “munhu unofanira kusiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake.” (Genesi 2:24) Jehovha anoda kuti muve pamwe chete. Batirai Mwari pamwe chete. Fundai Shoko rake pamwe chete. Ivai nenguva yokufamba pamwe chete, kugara pamwe chete, kudyira pamwe chete. Farikanyai upenyu pamwe chete!
Vamwe vanyakuroorana vanoita nhamburiko yokutsaura nguva zuva riri rose yokungotaura vose. Kunyange pashure pemakore akawanda eroorano, uku kuva pamwe chete kunokosha nokuda kwomufarwa weroorano.
“Mukuwirirana negadziriro yaMwari yeroorano”: Roorano chipo chinobva kuna Jehovha Mwari, uyo akatanga gadziriro yeroorano. (Zvirevo 19:14) Kukundikana kutevera gadziriro yake kuchatyisidzira kwete bedzi mufarwa wenyu weroorano asiwo ukama hwako noMusiki. Pane rumwe rutivi, apo murume nomudzimai vanosakurira ukama hwakanaka naJehovha, hunoratidzirwa kupfurikidza nokuteerera gadziriro dzake, vachava noukama hune rugare navamwe, kubatanidza mumwe nomumwe.—Zvirevo 16:7.
Usatongokanganwa kuti Jehovha ndiye Chapupu chikuru chemhiko yako yeroorano. Pfuurira kurarama mukuwirirana neiyi mhiko yakakomba, uye roorano yenyu ichava manyuko erumbidzo nembiri kuna Jehovha Mwari!
[Mashoko Omuzasi]
a Mune dzimwe nzvimbo kungava nokudikanwa kwokushandisa shanduro yakagadziridzwa yeiyi mhiko kuti iwirirane nemitemo yomunzvimbomo. (Mateo 22:21) Zvisinei, munyika dzakawanda zvikurusa varoorani vechiKristu vanoshandisa mhiko iri pamusoro apa.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]
Munzira yakati, vanyakuroorana vakafanana nemazaya echando. Vose zvavo vangaratidzika sevakafanana nechekure, asi chaizvoizvo varoorani vamwe navamwe vakasiyana nenzira yakatanhamara
[Kwazvakatorwa]
Snow Crystals/Dover