Takabatana Mubasa raMwari Munguva Dzakanaka Nedzakashata
Yakataurwa naMichel naBabette Muller
“NDINE mashoko akashata nokuda kwako,” chiremba akadaro. “Unogona kukanganwa nezveupenyu hwako hwoufundisi muAfrica.” Achitarira kumudzimai wangu, Babette, akati, “Une kenza muzamu.”
Takakatyamadzwa zvisingarondedzereki. Zvinhu zvizhinji zvakapfuura nomundangariro dzedu. Takanga tafunga kuti shanyo iyi kuna chiremba yaizova bedzi nzvero yokupedzisira. Matikiti edu okudzokesa kuBenin, West Africa, akanga atengwa. Takanga takarira kudzokera ikoko mukati mevhiki yacho. Mukati memakore edu 23 eroorano, takanga tava nenguva dzakanaka nedzakashata. Tavhiringidzwa uye tichitya, zvino takazvigadzirira timene kurwisana nekenza.
Ngatitangirei kumavambo. Michel akaberekwa muna September 1947, Babette muna August 1945. Takakurira muFrance ndokuroorana muna 1967. Taigara muParis. Mamwe mangwanani pakuvamba kwa1968, Babette akanonoka kubasa. Mumwe mukadzi akasvika pasuo uye akamugovera bhurocha rorudzidziso; akarigamuchira. Mukadzi wacho ipapo akati: “Ndingadzoka here nomurume wangu kuti titaure kwamuri nomurume wenyu?”
Babette akanga ari kufunga nezvebasa rake. Aida kuti mukadzi wacho aende, naizvozvo akati, “ZVAKANAKA, ZVAKANAKA.”
Michel anorondedzera, kuti: “Ndakanga ndisingafariri rudzidziso, asi bhurocha racho rakabata ngwariro yangu, uye ndakarirava. Mazuva mashomanene gare gare, mukadzi wacho, Joceline Lemoine, akadzoka nemurume wake, Claude. Akanga aine unyanzvi zvikuru mukushandisa kwake Bhaibheri. Akanga aine mhinduro kumibvunzo yangu yose. Ndakaororwa.
“Babette akanga ari muKaturike akanaka asi akanga asina Bhaibheri, uku kwakanga kusiri kwechienzi nokuda kwavaKaturike. Akafara zvikuru kuona ndokurava Shoko raMwari. Mufundo yedu takadzidza kuti mizhinji yemifungo yorudzidziso yatakanga takadzidziswa yakanga iri yenhema. Takatanga kutaura kuhama dzedu dzekunyama neshamwari pamusoro pezvinhu zvatakanga tichidzidza. Muna January 1969 takava Zvapupu zvakabhapatidzwa zvaJehovha. Pfumbamwe dzehama dzedu dzokunyama neshamwari dzakabhapatidzwa nokukurumidza pashure paikoko.”
Kubatira Kwaidiwa Vaparidzi
Nokukurumidza pashure porubhapatidzo rwedu, takafunga, kuti: ‘Hatina vana vapi nevapi. Huregererei kutora ushumiri hwenguva yakazara?’ Naizvozvo muna 1970 takasiya mabasa edu, takanyoresa samapiyona enguva dzose, uye takatamira kutaundi duku reMagny-Lormes, pedyo neNevers, mukati meFrance.
Wakanga uri mugove wakaoma. Kwakanga kwakaoma kuwana vanhu vaida kufunda Bhaibheri. Hatina kugona kuwana basa rokunyika, naizvozvo taiva nemari shomanene. Pane dzimwe nguva taiva nembatatisi bedzi dzokudya. Mukati mechando tembiricha dzaiderera kusvika ku-22° C. Takadana nguva yatakapedzera ikoko kuti nguva yemhou nomwe dzakaonda.—Genesi 41:3.
Asi Jehovha akatichengeta. Rimwe zuva patakanga tadokupererwa nezvokudya, positimani akaunza bhokisi guru rechizi rakanga rabva kumukoma waBabette. Rimwe zuva takauya kumusha pashure pokuparidza ndokuwana shamwari dzakanga dzatyaira makiromita 500 kuti dzitione. Dzanzwa kuti zvinhu zvakanga zvakaoma sei, hama idzi dzakanga dzazadza motokari dzadzo mbiri nezvokudya nokuda kwedu.
Pashure pegore nehafu, Sosaiti yakatigadza samapiyona chaiwo. Mumakore mana akatevera, takabatira muNevers, ipapo muTroyes, uye pakupedzisira muMontigny-lès-Metz. Muna 1976, Michel akagadzwa kubatira somutariri wedunhu kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweFrance.
Makore maviri gare gare, mukati mechikoro chavatariri vematunhu, takagamuchira tsamba yaibva kuWatch Tower Society yaitikoka kuenda kunze kwenyika savafundisi; tsamba yacho yakataura kuti taigona kusarudza pakati peChad neBurkina Faso (panguva iyeyo yainzi Upper Volta). Takasarudza Chad. Nokukurumidza takagamuchira imwe tsamba, yaitigovera kuti tishande pasi pebazu reTahiti. Takanga takumbira Africa, kondinendi huru, asi nokukurumidza takazviwana timene tava pachitsuwa chiduku!
Kubatira muSouth Pacific
Tahiti chitsuwa chakaisvonaka chemunyika dzinopisa dzapasi muSouth Pacific. Apo takasvika, dzinenge hama dzine zana dzakanga dziripo kuti dzisangane nesu pachiteshi chendege. Dzakatigamuchira nezvuma zvemaruva, uye kunyange zvazvo takanga taneta pashure perwendo rwedu rurefu kubva kuFrance, takafara zvikuru.
Mwedzi mina pashure pokunge tasvika muTahiti, takakwira igwa duku rokukwasva rakanga rakazadzwa nemakokonati akaoma. Mazuva mashanu gare gare takasvika kumugove wedu mutsva—chitsuwa cheNuku Hiva muMarquesas Islands. Vanhu vanenge 1 500 vaigara pachitsuwa chacho, asi kwakanga kusina hama. Taingova isu bedzi.
Mamiriro ezvinhu akanga ari echinyakare panguva yacho. Taigara muimba duku yakagadzirwa nekongiri nemushenjere. Kwakanga kusina magetsi. Takanga tiine pombi yemvura yaishanda pane dzimwe nguva, asi mvura yacho yakanga iine madhaka. Nguva zhinjisa, taishandisa mvura yainge yanaya yaipinda mutsime. Kwakanga kusina migwagwa yakakurwa, tunzira twune huruva chete.
Kuti tisvike mativi ari kure echitsuwa chacho, taifanira kurenda mabhiza. Zvisharo zvacho zvakanga zvakagadzirwa nemuti—zvaigogodera zvikuru, zvikurukuru nokuda kwaBabette, uyo akanga asina kutongokwira bhiza kare. Taitakura bheneti rokutemesa naro mishenjere yakanga yadonha yakachinjika nzira. Yakanga iri chinjo huru kubva kuupenyu hwomuFrance.
Taiita misangano yeSvondo, kunyange zvazvo vaviri vedu bedzi taipinda. Pakutanga taisaita mimwe misangano sezvo takanga tiri vaviri vedu bedzi. Panzvimbo pezvo tairava mashoko omusangano pamwe chete.
Pashure pemwedzi mishomenene, takasarudza kuti kwakanga kusina kunaka kuti tipfuurire nenzira iyoyo. Michel anorondedzera, kuti: “Ndakati kuna Babette, ‘Tinofanira kupfeka zvakafanira. Iwe unogara uko, uye ini ndichagara pano. Ndichatanga nomunyengetero, uye ipapo tichava neChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari neMusangano Webasa. Ndichabvunza mibvunzo yacho, uye uchapindura, kunyange kana uri mumwe munhu bedzi ari mukamuri.’ Kwakanga kwakanaka kuti takaita ikoko nemhaka yokuti kuri nyore kuva vakaneta mumudzimu apo kunenge kusina ungano.”
Kwakatora nguva kuita kuti vanhu vauye kumisangano yedu yechiKristu. Isu vaviri taiva toga kwemwedzi misere yokutanga. Gare gare, takakumbanirwa nemumwe, vaviri, kana kuti pane dzimwe nguva vamwe vatatu. Rimwe gore, vaviri vedu chete takatanga kuchengetwa kwegore negore kweChirairo chaShe. Pashure pemaminiti gumi, vamwe vanhu vakauya, naizvozvo ndakamira ndokutanga hurukuro yacho zvakare.
Nhasi, kune vaparidzi 42 neungano 3 muMarquesas Islands. Kunyange zvavo rutivi rukurusa rwebasa racho rwakaitwa navakatitsiva, vamwe vanhu vatakawana shure panguva iyoyo zvino vakabhapatidzwa.
Hama Dzedu Dzinokosha
Takadzidza kushivirira paNuku Hiva. Taifanira kumirira chinhu chiri chose kunze kwezvinodikanwa zvinokosha zvikurusa. Kana waida bhuku, somuenzaniso, waifanira kurinyorera, ipapo kumirira kwemwedzi miviri kana kuti mitatu risati rasvika.
Chimwe chidzidzo chatakadzidza chaiva chokuti hama dzedu dzinokosha. Apo takashanyira Tahiti ndokupinda musangano uye kunzwa hama dzichiimba, takabudisa misodzi. Kungava kwechokwadi kuti dzimwe hama dzakaoma kurarama nadzo, asi apo unenge uri woga, unoona kuti kwakanaka sei kuva neuhama. Muna 1980 Sosaiti yakasarudza kuti taifanira kudzokera kuTahiti kuti tibatire mubasa redunhu. Ikoko takakurudzirwa zvikuru nemutsa woushamwari wehama uye kuda kwadzo basa rokuparidza. Takapedza makore matatu mubasa redunhu muTahiti.
Kubva Pachitsuwa Kuenda Kuchitsuwa
Tevere takagoverwa kumusha wavafundisi muRaïatéa, chimwe chitsuwa chePacific, uye takagara ikoko kwamakore anenge maviri. Pashure peRaïatéa, takagoverwa kubasa redunhu muboka rezvitsuwa reTuamotu. Takashanyira 25 zvezvitsuwa 80 neigwa. Nokuda kwaBabette kwakanga kwakaoma. Nguva iri yose yaaifamba mugwa, airwara.
Babette anoti: “Kwakanga kuchityisa! Ndairwara nguva yose yataipedzera mugwa. Kana taive mugungwa mazuva mashanu, ndairwara mazuva mashanu. Hakuna mushonga wakandishandira. Bva, pasinei zvapo nourwere hwangu, ndakafunga kuti nyanza yakanga yakaisvonaka. Yakanga iri chiono chinoshamisa. Madolphin aitandanisa igwa. Aiwanzosvetuka achibuda mumvura kana ukarova maoko ako!”
Pashure pemakore mashanu mubasa redunhu, takagoverwazve kuTahiti kwamakore maviri uye zvakare takava nenguva yakanaka mubasa rokuparidza. Ungano yedu yakapetwa kaviri kubva kuvaparidzi 35 kusvikira ku70 mumwedzi mumwe nehafu. Gumi navaviri vaavo takafunda navo Bhaibheri vakabhapatidzwa nguva pfupi tisati taenda. Vamwe vavo zvino vava vakuru muungano.
Pamwe chete takapedzera makore 12 muSouth Pacific. Ipapo takagamuchira tsamba yaibva kuSosaiti yaitaura kuti vakanga vasati vachada vafundisi pazvitsuwa zvacho sezvo ungano dzakanga dzasimba zvino. Makanga muine vaparidzi vanenge 450 apo takasvika muTahiti uye vanopfuura 1 000 apo takabva.
Africa Pakupedzisira!
Takadzokera kuFrance, uye pashure pemwedzi nehafu, Sosaiti yakatipa mugove mutsva—Benin, West Africa. Taida kuenda kuAfrica makore 13 kare, naizvozvo takafara zvikuru.
Takasvika muBenin pana November 3, 1990, uye takanga tiri pakati pevafundisi vekutanga kusvika pashure pokunge kurambidzwa kwamakore 14 kwemubato wokuparidza Umambo kwabviswa. Kwaifadza zvikuru. Takanga tisina chinetso chokugadzikana nemhaka yokuti upenyu hwakafanana neuhwo hwemuzvitsuwa zvePacific. Vanhu vacho vane ushamwari zvikuru uye vane mutsa. Unogona kumira ndokutaura nemunhu upi noupi mumugwagwa.
Vhiki shomanene bedzi pashure pokunge tasvika muBenin, Babette akacherekedza bundu muzamu rake. Naizvozvo takaenda kukiriniki duku pedyo nehofisi yebazu yakanga ichangobva kutangwa. Chiremba akamunzvera ndokutaura kuti aifanira kuvhiyiwa nokukurumidza zvikuru. Zuva rakatevera racho takaenda kune imwe kiriniki uko takaona mumwe chiremba wekuEurope, anoona nezvezvirwere zvevakadzi anobva kuFrance. Iyewo akataura kuti taifanira kuenda kuFrance nokukurumidza kuitira kuti Babette agogona kuvhiyiwa. Mazuva maviri gare gare takanga tava mundege tichienda kuFrance.
Takasuruvara kubva muBenin. Nerusununguko rworudzidziso rwakamutsidzirwa munyika yacho, hama dzakafara kuva nevafundisi vatsva, uye takafara kuvako. Naizvozvo takatsamwa kuti takanga tichifanira kuenda pashure pokuva munyika yacho kwevhiki shomanene bedzi.
Apo takasvika muFrance, muvhiyi akaongorora Babette ndokusimbisa kuti aifanira kuvhiyiwa. Vanachiremba vakaita nokukurumidza, vakaita kuvhiya kuduku, uye vakabudisa Babette muchipatara zuva rakatevera racho. Takafunga kuti uku ndiko kwaiva kupera kwenhau yacho.
Mazuva manomwe gare gare, takaonana nemuvhiyi. Pakanga pari panguva iyeyo paakazivisa mashoko okuti Babette akanga aine kenza muzamu.
Achiratidzira manzwire aaiita panguva yacho, Babette anoti: “Pakutanga, ndakashatirwa zvishoma pana Michel. Asi zuva pashure pemashoko akashata, ndakanga ndisingarangariri chinhu. Ndakanga ndisingagone kuchema. Ndakanga ndisingakwanisi kunyemwerera. Ndakafunga kuti ndakanga ndichizofa. Kwandiri, kenza yakaenzana nerufu. Chimiro changu chendangariro chakanga chiri chokuti, Tinofanira kuita zvatinofanira kuita.”
Kurwa Nekenza
Takanzwa mashoko akashata neChishanu, uye Babette akarongwa nokuda kwokuvhiyiwa kwechipiri paChipiri. Takanga tave tichigara nemukoma waBabette, asi iyewo akanga achirwara, naizvozvo taisagona kupfuurira kugara mufurati rake duku.
Takashamisika kuti taizoendepi. Ipapo takayeuka Yves naBrigitte Merda, varoorani vatakanga tagara navo kare. Varoorani ava vakanga vave vari vane mutsa zvikuru kwatiri. Naizvozvo takaridzira Yves runhare ndokumuudza kuti Babette aifanira kuvhiyiwa uye kuti taisaziva kwekugara. Takamuudzawo kuti Michel aida basa.
Yves akagovera Michel basa paimba yake. Hama dzakatitsigira ndokutikurudzira nemabasa mazhinji omutsa. Dzakatibetserawo nemari. Sosaiti yakabhadhara zvikwereti zvokurapwa zvaBabette.
Kuvhiyiwa kwacho kwakanga kwakakura. Vanachiremba vaifanira kubvisa malymph nodes nezamu racho. Vakavamba kurapa nemakemikoro nokukurumidza. Pashure pevhiki, Babette aikwanisa kubuda muchipatara, asi aifanira kudzokera vhiki nhatu dziri dzose nokuda kwekurapwa kunopfuurira.
Mukati menguva iyo Babette akanga ari kurapwa, hama dzaiva muungano dzakanga dzichibetsera zvikuru. Imwe hanzvadzi iyo yakanga yambovawo nekenza muzamu yakanga iri kurudziro huru. Yakaudza Babette zvokukarira ndokumupa nyaradzo huru.
Kunyange zvazvo zvakadaro, takanga tichifunganya pamusoro peramangwana redu. Vachicherekedza ikoku, Michel naJeanette Cellerier vakatiendesa kune imwe imba yavose yokudyira nokuda kwezvokudya.
Takavaudza kuti taifanira kurega basa roufundisi uye kuti hatisati taisazotongogona kudzokerazve kuAfrica. Zvisinei, Hama Cellerier vakati: “Chii? Ndiani anoti munofanira kurega? Mutumbi Unodzora? Hama dziri muFrance? Ndiani akazvitaura?”
“Hapana munhu akazvitaura,” ndakapindura kudaro, “Ndiri kuzvitaura.”
“Aiwa, aiwa!” vakadaro Hama Cellerier. “Muchadzokera!”
Kurapa nemakemikoro kwakateverwa nekupisa, uko kwakapedzwa pakupera kwaAugust 1991. Vanachiremba vakataura kuti vaisaona chinetso nokudzokera kwedu kuAfrica, chero bedzi Babette aizodzokera kuFrance nokuda kwokunzverwa kwenguva dzose.
Kudzokera kuBenin
Naizvozvo takanyorera dzimbahwe muBrooklyn, tichikumbira mvumo yokudzokera kubasa roufundisi. Takanga tichidisa kunzwa mhinduro yavo. Mazuva akapfuura zvishoma nezvishoma. Pakupedzisira, Michel akanga asati achagona kumirirazve, naizvozvo akaridzira Brooklyn runhare ndokubvunza kana vakanga vagamuchira tsamba yedu. Vakataura kuti vakanga vairangarira—taigona kudzokera kuBenin! Takaonga sei Jehovha!
Mhuri yaMerda yakaronga kuungana kukuru kwokupemberera mashoko acho. Muna November 1991 takadzokera kuBenin, uye hama dzakatigamuchira nemabiko makuru!
Babette anoratidzika kuva anaya. Takadzokera kuFrance nguva nenguva nokuda kwenzvero dzezvekurapwa dzakakwana, uye vanachiremba havawani chisaririra chekenza. Tinofara kuva takadzoka mumugove wedu woufundisi. Tinonzwa tichidikanwa muBenin, uye Jehovha akakomborera basa redu. Kubvira apo takadzoka takabetsera vanhu 14 kusvika kurubhapatidzo. Vashanu vavo zvino vava mapiyona enguva dzose, uye mumwe akagadzwa kuva mubatiri anoshumira. Takaonawo ungano yedu duku ichikura uye ipapo kukamurwa kuva ungano mbiri.
Mumakore apfuura, takabatira Jehovha somurume nomudzimai uye takafarikanya zvikomborero zvizhinji uye takasvika pakuziva vanhu vazhinji vanoshamisa. Asi takarovedzwawo ndokusimbiswa naJehovha kutsungirira nhamo nenzira inobudirira. SaJobho, hatina kunzwisisa nguva dzose chikonzero nei zvinhu zvakaitika sezvazvakaita, asi taiziva kuti Jehovha akanga aripo nguva dzose kuti atibetsere. Kwakaita seizvo Shoko raMwari rinotaura, kuti: “Tarirai, ruoko rwaJehovha haruna kufupiswa, kuti rukoniwe kuponesa, nzeve yake haina kuremerwa, kuti ikoniwe kunzwa.”—Isaya 59:1.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Michel naBabette Muller vakapfeka zvipfeko zvemuBenin
[Mifananidzo iri papeji 25]
Basa roufundisi pakati pavaPolynesia muTahiti iri munyika dzinopisa dzapasi