Uri Piyona Akadzikama Here?
MAZISO ababa anopenya sezvo vanomirira nemaoko akatambanudzwa kuti mwanasikana wavo aite nhanho dzake dzokuzengurira dzokutanga. Apo kamwe kamwe anowa, ivo vanomukurudzira kuedza zvakare. Ivo vanoziva kuti achakurumidza kuwana dzikamo yake uye simba.
Nenzira yakafanana, ari piyona mushumiri mutsva angada nguva uye kurudziro asati awana dzikamo inodikanwa kuti abudirire somuzivisi woUmambo wenguva yakazara. Mapiyona akawanda anopfuurira kubatira nenzira yomufaro kwamakore. Vashomanene vanorasikirwa nedzikamo kupfurikidza nechinjo dzisingakarirwi mumamiriro avo ezvinhu. Vamwe vanotorasikirwa nomufaro wavo. Mune imwe nyika, 20 muzana yaavo vanotanga kupayona vanorega mukati mamakore maviri okutanga ebasa ravo renguva yakazara. Chii chingabvisa piyona muiri basa rinofadza zvikurusa? Chinhu chipi nechipi chinogona kuitwa here kudzivisa idzi mhinganidzo?
Kunyange zvazvo utano husina kunaka, zvinodikanwa zvemari, uye mitoro yemhuri zvingaparira vamwe kusiya ushumiri hwenguva yakazara, chigumbuso nokuda kwavamwe kwave kuri kukundikana kuchengeta dzikamo yakanaka pakati pemitoro yakasiyana-siyana yechiKristu. Dzikamo inoreva “mugariro musina rutivi rumwe, chinhu, chisakiso, kana kuti pesvedzero inopfuura imwe kana kuti isina kuenzana zvakafanira nedzimwe.”
Jesu Kristu akaratidza vadzidzi vake kuti basa rokuparidza nokuita vadzidzi raifanira kuitwa sei. Muushumiri hwake amene, iye akaratidzirawo nzira iyo dzikamo inochengetwa nayo. Jesu akaratidza kuti vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha vakanga vasina dzikamo, achivaudza, kuti: “Munopa chegumi cheminte, neanise, nekumini, muchirega zvinhu zvikuru zvomurayiro, zvinoti: Kururamisira mhaka, nengoni, nokutendeka; maifanira kuzviita izvi, nokusarega kuita izvozvo.”—Mateo 23:23.
Iyi nheyo inoshanda zvakaenzana zvikuru nhasi, zvikurukuru kuushumiri hwoupiyona. Vasundwa nembavarira uye vavariro yakanaka, vamwe vakatanga kupayona vasina kugadzirira zvizere nokuda kwako kana kuti kurangarira zvose zvakunobatanidza. (Ruka 14:27, 28) Vamwe vakava vakabatikana kwazvo muushumiri hwomumunda zvokuti vakafuratira mamwe mativi anokosha echiKristu. Ivo vanogona sei kuwana ndokuchengeta dzikamo?
Ramba Wakasimba Mumudzimu!
Jesu haana kutongoregeredza umudzimu hwake. Kunyange zvazvo mapoka aiuya kuzomunzwa nokurapwa aiita rayiro dzisiri dzenguva dzose panguva yake, iye akaronga nguva yomunyengetero wokufungisisa. (Marko 1:35; Ruka 6:12) Kupayona kwakadzikama nhasi kunodawo kuti munhu ashandise zvakakwana gadziriro dzose kuti arambe akasimba mumudzimu. Pauro akarangarira, kuti: “Zvino iwe unodzidzisa mumwe, unoregereiko kuzvidzidzisa?” (VaRoma 2:21) Yaizova mhosho zvirokwazvo kupedza nguva yako yose uchiparidza kuvamwe nepo uchiregeredza kuwana nguva yefundo yomunhu oga yakakwana uye munyengetero wenguva dzose.
Kumiko ave ari piyona kwamakore ane makumi maviri. Kunyange zvazvo iye ane vana vatatu nomurume asingatendi, iye akawana kupfurikidza noruzivo rwokuzviwanira kuti nguva yakanakisisa yokuti arave ndokufunda Bhaibheri iri apo nguva yake yokurara inenge isati yasvika chaizvo. Sezvo anofunda, iye zvikurukuru anonyora mapfundo aanogona kushandisa muushumiri hwomumunda kuti agogona kuchengeta ushumiri hwake hwezuva nezuva hwakanaka uye huchifadza. Mamwe mapiyona anobudirira anomuka mhuri yose isati yamuka kuti afarikanye kusimbaradzwa mumudzimu mumaawa akanyarara amangwanani. Ungava nedzimwe nguva dzakakodzera dzinotsaurwa kugadzirira misangano ndokufambirana nezvinyorwa zvazvino uno zvechiKristu. Kana uchishuva kuchengeta mufaro woushumiri, fundo yomunhu oga hachisi chimwe chinhu chinogona kuitwa nokukurumidza kana kuti kuregeredzwa.
Kudzikamisa Mitoro Yemhuri
Vabereki vanopayona vanodawo kurangarira kuti rutivi rukuru rwo“kuda kwaShe” nokuda kwavo rwunobatanidza kutarisira zvinodikanwa zvomumuviri, zvemirangariro, uye zvomudzimu zvemhuri yavo vamene. (VaEfeso 5:17; 6:1-4; 1 Timotio 5:8) Pane dzimwe nguva kunyange mukwanyina anotenda nemitezo yemhuri vanotya kuti havasati vachizogamuchira nyaradzo uye tsigiro inobva kumudzimai uye amai kana vakangotanga kupayona. Mirangariro yakadaro inoguma nokuita kusina mbavarira kuchishuvo chake chokuva piyona. Nokuronga kwakanaka uye kusanofunga, zvisinei, dzikamo inogona kuchengetwa.
Mapiyona akawanda anovavarira kuita basa rawo rose rokuparidza apo mitezo yemhuri inenge isiri pamusha. Kumiko, adudzwa pakutanga, anenge ane mhuri yake sezvo vanodya chisvusvuro chavo, anooneka murume wake nevana mumangwanani, uye anodzoka kumba vasati vadzoka. Iye anoshandisa Mivhuro kubika zvokudya zvinoverengeka pachine nguva mberi kuti agogona kuzorora uye agogona kudya zvokudya nemhuri yake panzvimbo pokuzvibatikanisa amene mukicheni. Kuita rinopfuura basa rimwe panguva, zvakadai serimwe basa romumba apo anenge achigadzirira zvokudya, kunobetserawo. Nenzira iyoyo Kumiko anotowana nguva yokukoka shamwari dzavana vake uye kuvagadzirira zvinofadza chaizvo.
Sezvo vana vanopinda mumakore avo ouduku, ivo kazhinji kazhinji vanoda ngwariro yakawanda inobva kuvabereki vavo mukugonana nemirangariro mitsva, zvishuvo, panikiro, uye kutya zvinovakurira. Ikoku kunoda kusvinura uye kugadziridzwa kworudungwe rwomubereki ari piyona. Rangarira Hisako, amai vanopayona vevatatu. Chii chaakaita apo mwanasikana wake mukurusa akavamba kuratidzira kushaiwa mufaro uye mbavarira nokuda kwemisangano yechiKristu uye basa romumunda nemhaka yepesvedzero yeshamwari dzenyika dzokuchikoro? Dikanwo chaiyoiyo yakanga iri yokuti mwanasikana wake aite zvokwadi yake amene ndokupwiswa zvizere kuti kuparadzana nenyika ndiyo yakanga iri nzira yakanakisisa.—Jakobho 4:4.
Hisako anoti: “Ndakasarudza kufunda naye dzidziso huru mubhuku raKurarama Nokusingaperi zvakare pahwaro hwezuva nezuva. Pakutanga taingogona bedzi kufunda kwamaminiti mashomanene, mwanasikana wangu achinyunyuta kazhinji kazhinji nezvokurwadziwa nomudumbu kwakakomba uye musoro apo yakanga yava nguva yefundo. Asi ndakava nefundo yacho nguva dzose. Pashure pemwedzi mishomanene, chimiro chake chendangariro chakavandudzika zvikuru, kuchitungamirira munguva pfupi kukuzvitsaurira kwake nokubhapatidzwa.” Zvino Hisako ari kufarikanya ushumiri hwenguva yakazara pamwe chete nomwanasikana wake.
Vanababa vanopayona vanodawo kungwarira kuti havavi vakanyanyobatikana kwazvo mukutarisira vanhu vanofarira mumunda uye nokuda kwemabasa avo eungano zvokuti vanokundikana kupa vana vavo vanokura tsigiro yakasimba yemirangariro uye nhungamiro zvavakafanirwa nazvo. Ichi hachisi chimwe chinhu icho murume anofanira kusundira kumudzimai wake. Mumwe mukuru wechiKristu akabatikana uyo ave ari piyona kwenguva refu uye uyo anotarisirawo bhizimisi duku anowana nguva yokufunda nomumwe nomumwe wevana vake vana somunhu mumwe nomumwe. (VaEfeso 6:4) Mukuwedzera, iye anogadzirira misangano yevhiki nevhiki nemhuri yake. Mapiyona akadzikama haaregeredzi mhuri dzawo mune zvokunyama kana kuti zvokumudzimu.
Dzikamo Mune Zvemari
Murangariro wakafanira wezvinodikanwa zvezuva nezuva ndeimwe nharaunda umo mapiyona anofanira kuvavarira kuchengeta dzikamo yakanaka. Pano zvakare, tinogona kudzidza zvakawanda mumuenzaniso wakaisvonaka waJesu nezano. Iye akanyevera mukurwisana nokuva anonyanyofunganya pamusoro peitiro hanya dzokunyama. Panzvimbo pezvo, iye akakurudzira vadzidzi vake kuisa Umambo pakutanga, achipikira kuti Mwari aizovatarisira sezvaanoita chisiko chake chose. (Mateo 6:25-34) Kupfurikidza nokutevera iri zano rakanaka, mapiyona akawanda ave achikwanisa kuramba ari mubasa renguva yakazara kwamakore, uye Jehovha akakomborera nhamburiko dzawo dzokuwana ‘chokudya chezuva rimwe nerimwe.’—Mateo 6:11.
Muapostora Pauro akapa zano vaKristu biyake kuti ‘vaite kuti kuva nomufungo kwavo kuzivikanwe kuvanhu vose.’ (VaFiripi 4:5) Zvirokwazvo, kuva nomufungo kungada kuti tiitire hanya yakafanira utano hwedu. Mapiyona akadzikama anoita nhamburiko iri yose kuratidza kuva nomufungo mumararamire awo uye muchimiro chawo chendangariro kuzvinhu zvokunyama, achiziva kuti vamwe vanocherekedza mufambiro wawo.—Enzanisa na1 VaKorinte 4:9.
Pwere dzinotora basa roupiyona dzinofanira kurega kushandisa zvisina kufanira betsero yorupo rwavabereki vadzo. Kana ivo vari kugara mumusha wavabereki vavo, kwaizova kuratidzirwa kwedzikamo yakanaka uye nzwisiso kugoverana mumabasa omumba uye kuva nebasa renguva isina kuzara iro ringavagonesa kubetsera kundyiko dzokutarisira musha wacho.—2 VaTesaronika 3:10.
Mapiyona Akadzikama Chikomborero Chaichoicho
Ungava uri piyona ari kushanda zvakaoma kuti uchengete dzikamo yakafanira. Iva nechivimbo. Kungofanana nemwana muduku anoda nguva yokudzidza kuzvidzikamisa amene uye kufamba, mapiyona akawanda ane ruzivo rwokuzviwanira anotaura kuti kwakavatorera nguva kuwana dzikamo mukutarisira mabasa avo ose.
Kubatikana mufundo yomunhu oga, kutarisira mitezo yemhuri, uye kugovera zvinodikanwa zvavo vamene zvokunyama zviri pakati penharaunda umo mapiyona anovavarira dzikamo. Mishumo inoratidza kuti mapiyona akawanda anoita mitoro yawo munzira yakatanhamara. Ivo zvirokwazvo chikomborero kunzanga uye mbiri kuna Jehovha nesangano rake.