RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 6/1 p. 8
  • “Mirayiro Yenyu Izvokwadi”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Mirayiro Yenyu Izvokwadi”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mashoko Akafanana
  • “Zvakanyorerwa Kuti Tirayiridzwe”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Rava Shoko raMwari Ndokumubatira Muzvokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kubetserwa Nokurava Bhaibheri Zuva Nezuva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Tevedzera Zvaifanira Kuita Mambo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 6/1 p. 8

Vazivisi Voumambo Vanoshuma

“Mirayiro Yenyu Izvokwadi”

NOKUKURUMIDZA asati afa, Mosesi akarayira vanhu vaIsraeri kuteerera mirayiro yose yaJehovha. Akati: “Teererai nemwoyo yenyu mashoko ose andinokupupurirai nhasi, kuti murayire vana venyu, vagochenjera kuita mashoko ose omurayiro uyu. Nokuti hachizi chinhu chisina maturo kwamuri, asi ndihwo upenyu hwenyu.”—Dheuteronomio 32:46, 47.

Mazana amakore gare gare, wezvamapisarema akasimbisa ukoshi hwedzidziso dzose dzaMwari apo akati: “Imi muri pedyo, Jehovha; mirayiro yenyu izvokwadi.” (Pisarema 119:151) Muzana ramakore rokutanga, Jesu amene akanongedzera kuukoshi hwe“mashoko ose anobuda mumuromo waMwari.” (Mateo 4:4) Uye munhungamiro yaMwari muapostora Pauro akanyora kuti “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira.”—2 Timotio 3:16.

Nenzira yakajeka, Jehovha Mwari anokarira vanamati vake kurangarira zvakakomba shoko rose ratinopiwa mumapeji eShoko rake. Hamuna chikamu chamashoko chimwe muBhaibheri chisina ukoshi. Ndiwo manzwire anoita Zvapupu zvaJehovha pamusoro peShoko raMwari, sezvinoratidzirwa nechakaitika chinotevera chakabva kuMauritius.

VaD—— vaigara mune mumwe musha uri kure, umo vakanga vari murindi wousiku. Kwenguva refu, vakanga vave vachitsvaka zvapachokwadi nzira yakarurama yokunamata nayo Mwari. Usiku mukati mekurinda kwavo, vakavamba kurava Bhaibheri. Pakupedzisira vakanga varirava kubva kubutiro kusvikira kubutiro. Vakaziva kuti zita raMwari ndiJehovha—zita rinooneka kazhinji muBhaibheri ravo rechiHindi. Vakawana kuti bhuku raZvakazarurwa raifadza zvikuru.

Ipapo vakazvibvunza vamene kana kwakanga kune rudzidziso rwaitevera Bhaibheri rose. Vakacherekedza kuti marudzidziso avakanga vakarovedzana nawo, mumamiriro ezvinhu akanaka zvikurusa, akanga achingoteverawo zvawo mativi eBhaibheri. Mamwe marudzidziso akabvuma Magwaro echiHebheru ndokuramba Magwaro echiGiriki echiKristu. Mamwe marudzidziso akanga achifuratira Magwaro echiHebheru, achikoshesa bedzi Magwaro echiGiriki echiKristu.

Rimwe zuva VaD—— vakaona vamwe varoorani vachitota mumvura ndokuvakumbira kuti vahwande mumusha wavo. Vakanga vari Zvapupu zvaJehovha. Mudzimai wacho akanga akabata bhuku raZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!a Nokukurumidza VaD—— vakavakumbira bhuku racho. Zvapupu zvacho zvakanzwa kuti mashoko pamusoro peuporofita hwaZvakazarurwa hwakanga hwakanyanyovaomera, naizvozvo zvakavagovera chimwe chinyorwa panzvimbo pezvo. Asi VaD——vakaomerera pakuda kuva nebhuku raZvakazarurwa.

Apo vakawana kopi yavo, vakarava bhuku racho nokukurumidza. Ipapo vakabvuma fundo yeBhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Nokukurumidza vakaororwa neidi rokuti Zvapupu zvinoremekedza Bhaibheri rose. Vakavamba kupinda misangano nguva dzose paHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha, apo ose ari maviri Magwaro echiHebheru neMagwaro echiGiriki echiKristu anofundwa nokungwarira. Zvino muzivisi woUmambo uye mutezo wakabhapatidzwa weungano yechiKristu.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe