Jehovha Akabvumikisa Kuva Neni
YAKATAURWA NAMAX HENNING
Akanga ari 1933, uye Adolf Hitler akanga achangobva kutanga kutonga muGermany. Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvinenge 500 zvaiva munharaunda yeBerlin hazvina kuzununguka. Vaduku vazhinji vakava mapiyona, kana kuti vashumiri venguva yakazara, uye vamwe vakatobvuma migove yokuenda kune dzimwe nyika dzeEurope. Shamwari yangu Werner Flatten neni taichimbokurudzirana, kuti: “Nei tichingozengurira, tichipedza nguva yedu? Kuregererei kuenda kunze ndokupayona?”
MAZUVA masere pashure pokuberekwa kwangu muna 1909, ndakatanga kutarisirwa navabereki vokurera vaiva norudo. Muna 1918 mhuri yedu yakatambura apo hanzvadzi yangu duku yandakarerwa pamwe chete nayo yakafa kamwe kamwe. Chinguvana pashure pezvo Vadzidzi veBhaibheri, sezvaizivikanwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo, vakashanyira suo redu, uye mwoyo yavabereki vangu vokurera yakazaruka zvikuru kuti ibvume zvokwadi yeBhaibheri. Vakandidzidzisawo kunzwisisawo zvinhu zvomudzimu.
Ndakazvishandisa ndimene kuchikoro chokunyika ndokuva mugadziri wepombi. Asi zvinokosha zvikuru, ndakatsiga mumudzimu. Werner neni takatanga kupayona pana May 5, 1933. Taichovha bhasikoro tichienda kutaundi rinenge makiromita 100 kunze kweBerlin, uko taigara ndokuparidza kwevhiki mbiri. Ipapo taidzokera kuBerlin kunotarisira zvinhu zvaiva madikanwa. Pashure pezvo taidzokera kundima yedu yokuparidza kwedzimwe vhiki mbiri.
Takakumbira kuti tindobatira mune imwe nyika, uye muna December 1933 takagamuchira mugove kune yaiva Yugoslavia panguva iyoyo. Zvisinei, tisati tagona kuenda, mugove wedu wakachinjirwa kuUtrecht muNetherlands. Nokukurumidza pashure pezvo ndakabhapatidzwa. Mumazuva iwayo simbiso shoma yaiiswa parubhapatidzo; ushumiri ndihwo hwaiva chinhu chinokosha. Kuvimba naJehovha zvino kwakava rutivi rwenguva dzose muupenyu hwangu. Ndakawana nyaradzo huru mumashoko owezvamapisarema weBhaibheri, okuti: “Tarirai, Mwari ndiye mubatsiri wangu. Ishe uri pakati pavanotsigira mweya wangu.”—Pisarema 54:4.
Kupayona muNetherlands
Isati iri nguva refu pashure pokusvika muNetherlands, takagoverwazve kuguta reRotterdam. Baba nomwanakomana vomumhuri yataigara nayo vakanga variwo mapiyona. Mwedzi mishomanene gare gare, imba huru muLeersum, taundi risiri kure neUtrecht, yakatengwa sepokugara pamapiyona, uye Werner neni takatamira ikoko.
Tichigara mumusha iwowo wamapiyona, taienda nebhasikoro kundima dzaiva pedyo uye taishandisa motokari inotakura vanomwe nokuda kwendima dzaiva kure. Panguva yacho, makanga mune Zvapupu zvine zana bedzi muNetherlands yose. Nhasi, makore 60 gare gare, ndima yatakashanda tichibva pamusha iwowo wamapiyona ine vaparidzi vanopfuura 4 000 muungano dzinenge 50!
Taishanda zvakaoma, kusvikira kumaawa 14 muushumiri zuva rimwe nerimwe, uye ikoko kwakatichengeta tichifara. Chinangwa chikuru kwakanga kuri kugovera mabhuku akawanda seanobvira. Taiwanzosiya mabhukwana anopfuura zana pazuva ane vanhu vaifarira. Kuita shanyo dzedzokerero uye kuitisa fundo dzeBhaibheri kwakanga kuchigere kuva rutivi rwemubato wedu wenguva dzose.
Rimwe zuva mubiyangu neni takanga tichishanda mutaundi reVreeswijk. Apo akanga achipupurira mumwe murume pagedhi remumwe muzinda wemauto, ndakashandisa nguva yacho kurava Bhaibheri rangu. Rakanga rakatarwa zvikuru nezvitsvuku nebhuruu. Gare gare, mumwe muvezi akange ave achishanda pane rimwe denga raive pedyo akanyevera murume aiva pegedhi kuti sezvinobvira ndakanga ndiri rudzi rwakati rwomusori. Somugumisiro, zuva rimwe chetero ndakasungwa apo ndakanga ndichipupurira mumwe mutengesi wemuchitoro, uye Bhaibheri rangu rakabvutwa.
Ndakaendeswa kudare. Ikoko ndakapomerwa kuti mitsetse yaiva muBhaibheri rangu yakanga iri nhamburiko yokunyora mufananidzo wemuzinda wacho. Ndakanzi ndine mhaka, uye mutongi akanditongera makore maviri mutorongo. Zvisinei, nhau yacho yakakwirirwa, uye ndakawanwa ndisina mhaka. Ndakafara sei kuva ndakasununguka, asi ndakatofara zvikuru apo Bhaibheri rangu nezvinonyorwa zvaro zvose rakadzoswa!
Mukati mezhezha ra1936, Richard Brauning, mumwe wemapiyona aiva mumusha wacho, neni takapedzera zhezha racho ndichiparidza kuchamhembe kwenyika yacho. Mwedzi wokutanga, takapedzera maawa 240 muushumiri ndokugovera mabhuku mazhinji. Taigara mutende uye taitarisira zvinodikanwa zvedu timene zvose, kuwacha mbatya dzedu timene, kubika, uye zvichingodaro.
Gare gare ndakachinjirwa kuigwa rainzi Lightbearer, iro rakava rinozivikanwa zvikuru kuchamhembe kweNetherlands. Mapiyona mashanu aigara muigwa racho, uye tichibva mariri takakwanisa kusvika ndima zhinji dziri dzoga.
Ropafadzo Dzakawedzerwa
Muna 1938, ndakagoverwa kuva mubatiri wedzinyika, sezvaidanwa vatariri vedunhu veZvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Naizvozvo ndakasiya Lightbearer ndokuvamba kushanyira ungano neZvapupu zvaiva zvoga mumaruwa matatu okumaodzanyemba.
Bhasikoro rakanga riri mutoo wedu bedzi wokufambisa. Kwaiwanzotora zuva rose kufamba kubva pane ungano imwe kana kuti boka revanofarira kusvikira kune raitevera. Pakati pemaguta andaishanyira pakanga pane Breda, uko ndinogara zvino. Panguva yacho, Breda yakanga isina ungano uye varoorani vakwegura chete vaiva Zvapupu.
Ndichibatira hama dzaiva muLimburg, ndakakumbirwa kupindura mibvunzo mizhinji yaibvunzwa nemumwe mushandi wepamugodhi ainzi Johan Pieper. Akatsigira zvikuru zvokwadi yeBhaibheri ndokuva muparidzi ane ushingi. Makore mana gare gare akaiswa mumusasa wechibharo, umo akapedzera makore matatu nehafu. Pashure pokusunungurwa kwake akatanga kuparidza nokushingaira zvakare, uye nhasi achiri mukuru akatendeka. Ungano duku iyoyo yeZvapupu 12 muLimburg zvino yakakura kuva ungano 17 dzine vaparidzi 1 550!
Musimba reNazi
Muna May 1940 vaNazi vakavhozhokera Netherlands. Ndakagamuchira mugove wokuenda kuhofisi yebazu yeWatch Tower Society muAmsterdam. Taifanira kupfuuridzira basa redu nekungwarira kukuru, uko kwakatiita kuti tinzwisise chirevo cheBhaibheri, chokuti: “Shamwari . . . [i]hama inoberekwa kuti ibatsire pakutambudzika.” (Zvirevo 17:17) Chisungo chinofadza chechinzwano chaibudirira mukati menguva iyi yedzvinyiriro chakava netapuro huru pafambiro mberi yangu yomudzimu, uye chakandigadzirira nokuda kwamazuva akatooma zvikuru aiva mberi.
Mugove wangu wakanga uri wokutarisira kutakurwa kwemabhuku kuenda kuungano, uko kwaiwanzoitwa nenhume. Gestapo nguva dzose yaitsvaka majaha kuti ashande savashandi vaimanikidzirwa muGermany, naizvozvo taishandisa hanzvadzi dzechiKristu senhume. Pakupedzisira Wilhelimina Bakker, nguva dzose aizivikanwa saNonnie, akatumirwa kwatiri achibva kuThe Hague, uye ndakamuendesa uko mutariri wedu webazu, Arthur Winkler, akanga akahwanda. Kuti ndiedze kuva asingaonekwi sezvinobvira, ndakapfeka somurimi wechiDutch, shangu dzakagadzirwa nemuti nezvimwe, uye ndakaperekedza Nonnie nemotokari. Gare gare ndakaziva kuti akava nenguva yakaoma yokudzora kuseka, sezvo akanzwa kuti ndakanga ndichinyanyova zvikuru asingadi kuonekwa.
Pana October 21, 1941, nzvimbo yokuchengetera mabhuku nemapepa muAmsterdam yakatengeswa kuvavengi. Mukati mekuvhozhokera kweGestapo, Winkler naNonnie vakasungwa. Apo vakaendeswa kutorongo, vakanzwa vamiririri vaviri veGestapo vachitaura nezvenzira iyo vakanga vachitandanisa nayo “munhu muduku ane bvudzi dema” uyo vakashaya munzira dzakanga dzine vanhu vazhinji. Kwakanga kuri pachena kuti vakanga vachitaura nezvangu, naizvozvo Winkler akakwanisa kutumira shoko kuhama. Nokukurumidza, ndakaendeswa kuThe Hague.
Munguvayo Nonnie akasunungurwa mutorongo, uye akadzokera kuThe Hague kundopayona. Ikoko ndakasangana naye zvakare. Asi apo mubatiri weungano muRotterdam akasungwa, ndakatumwa kundotora nzvimbo yake. Gare gare mubatiri weungano muGouda Ungano akasungwa, uye ndakaendeswa ikoko kuti ndinomutsive. Pakupedzisira, pana March 29, 1943, ndakabatwa. Pandakanga ndichinzvera mugove wedu wemabhuku eBhaibheri, ndakashamiswa nekuvhozhokera kweGestapo.
Kunze kwemabhuku eBhaibheri aiva akapararira patafura, pakanga panewo ndaza yemazita ehama nehanzvadzi dzechiKristu, kunyange zvazvo iwaya akanga ari muchibhende. Munhamo, ndakanyengetera kuti Jehovha andigovere nzira yokuti ndidzivirire avo vakanga vachakasununguka kuparidza. Ndisina kucherechedzwa, ndakakwanisa kuisa ruoko rwangu rwakatadzanurwa pamusoro pendaza yamazita acho ndokurimonya-monya mukati mechanza changu. Ipapo ndakakumbira mvumo yokuenda kuchimbuzi, uko ndakabvarura ndaza yacho ndokuigoja.
Apo ndaive mukupererwa nezano rose kwakadaro, ndaidzidza kuwana simba mukubata kwaJehovha navanhu vake munguva dzakapfuura uye muzvipikirwa zvake zvokununura. Iyi ndiyo vimbiso imwe yakafuridzirwa iyo yakanamatira nguva dzose mundangariro yangu: “Dai Jehovha asaiva nesu, panguva yatakamukirwa navanhu; vangadai vakatimedza tiri vapenyu.”—Pisarema 124:2, 3.
Torongo Nemisasa Yechibharo
Ndakaendeswa kutorongo reRotterdam, uko ndaionga kuva neBhaibheri rangu. Ndakanga ndinewo bhuku raSalvation, zvikamu zvebhuku raChildren, uye nguva zhinji yokurava mabhuku aya ose. Pashure pemwedzi mitanhatu ndakarwara zvakakomba uye ndaifanira kuenda kuchipatara. Ndisati ndabuda mutorongo, ndakavanza mabhuku acho pasi pematiresi yangu. Gare gare ndakaziva kuti chimwe Chapupu, Piet Broertjes, chakachinjirwa kusero rangu ndokuawana. Nokudaro mabhuku acho akanga achishandiswa kusimbisa vamwezve mukutenda.
Apo ndakanaya ndakachinjirwa kune rimwe torongo muThe Hague. Ndiriko ndakasangana naLeo C. van der Tas, mudzidzi weMutemo uyo akanga ari mutorongo nokuda kwokudzivisa kupamba kweNazi. Akanga asina kutongonzwa nezveZvapupu zvaJehovha, uye ndakava nemukana wokumupupurira. Pane dzimwe nguva aindimutsa pakati peusiku ndokubvunza mibvunzo. Aisagona kuvanza kuyemura kwake Zvapupu, zvikurukuru pashure pekuziva kuti taigona kusunungurwa kudai taizongosaina bedzi chinyorwa chokuramba kutenda kwedu. Pashure pehondo, Leo akava gweta ndokurwa mhaka zhinji dzapamutemo nokuda kweWatch Tower Society idzo dzaibatanidza rusununguko rwokunamata.
Pana April 29, 1944, ndakaiswa muchitima nokuda kwerwendo runorwadza rwamazuva 18 rwokuGermany. Pana May 18 ndakaiswa mutorongo mumusasa wechibharo weBuchenwald. Kutozosvikira tasunungurwa nemauto oMubatanidzwa rinodokuva gore gare gare, upenyu hwaityisa zvisingarondedzereki. Zviuru zvakafa, zvizhinji mumaziso edu. Sezvo ndairamba kushanda mufekitari yaiva pedyo iyo yaigadzira zvinhu zvehondo, ndakaiswa kunoshanda kunogadzirwa pombi dzinotakura tsvina.
Rimwe zuva fekitari yakabhombwa. Vazhinji vakatizira mumarejimendi nokuda kwechengeteko, nepo vamwe vakamhanyira mumasango. Mabhomba airasika airova marejimendi, uye mabhomba aipfuta aitungidza masango. Chakanga chiri chiono chinotyisa! Vazhinji vakapiswa vari vapenyu! Ndakanga ndawana nzvimbo yokuhwanda yakachengeteka, uye apo mwoto wakaderera, ndakapfuura napamitumbi isingaverengeki ndichidzokera kumusasa.
Vanhu vazhinjisa nhasi vanoziva nezvekutyisa kweRuparadziko Rukuru rweNazi. Ndinoonga kuna Jehovha kuti akasimbisa mano angu okufunga, zvokuti zvinotyisa zvandakapfuura nomazviri hazvina kudzora mirangariro yangu mumakore ose. Apo ndinofunga nezvenguva yokuiswa mutorongo kwangu, kunzwa kwangu kukuru ndekuya kwemufaro nokuda kwokuva ndakachengeta kuperera kuna Jehovha kumbiri yezita rake.—Pisarema 124:6-8.
Mubato Wapashure Pehondo
Pashure pekusunungurwa kwangu uye kudzokera kuAmsterdam, ndakashuma zvakananga kuhofisi yebazu nokuda kwomugove. Ndakanga ndichidisa kuziviswa zvakanga zvaitika ndisipo. Nonnie akanga ava kutoshandako. Mukati megore rokupedzisira rehondo, akanga abatira senhume achiendesa mabhuku eBhaibheri kuungano. Akanga asina kusungwa zvakare, kunyange zvazvo akanga apukunyuka nepaburi retsono kazhinji.
Ndakapayona kwechinguvana muHaarlem, asi muna 1946, ndakakumbirwa kuenda kubazu muAmsterdam kundoshanda muBato Rokutumira. Nechokumugumo kwa1948, Nonnie neni takaroorana, uye takabva pabazu kuti tindopayone pamwe chete. Mugove wedu woupiyona wakanga uri muAssen. Makore gumi namaviri ikoko kusati kwaitika Richard Brauning neni takanga tapedzera zhezha tiriko, tichigara mutende uye kuparidza. Ndakaziva kuti Richard akanga apfurwa ndokufa achienda kune mumwe musasa wechibharo.
Nhambo yangu yekuiswa mutorongo sezvinooneka yakanga yakuvadza utano hwangu. Makore matanhatu pashure pokunge ndasunungurwa muBuchenwald, chirwere chakandiradzika kwemwedzi mina. Makore gare gare, muna 1957, ndakarwara netiibhii kwegore rose. Muviri wangu wakapedzwa simba, asi mudzimu wangu wokupayona wakanga uchakasimba. Mukati mekurwara kwangu, ndakawana mukana uri wose wokupupura. Ndinorangarira kuti uyu mudzimu woupiyona wakanga uri chinhu chinokosha mukusabvumira kurwara kwangu kundichinjira kuva murume anorwara ane usimbe. Nonnie neni takatsunga kunamatira kubasa renguva yakazara kwenguva refu inobvumidza utano hwedu.
Pashure pekunaya kwangu, takagoverwa kuguta reBreda. Ikoku kwakanga kuri makore 21 pashure pokunge ndatanga kushanyira guta racho somubatiri wedzinyika. Apo takasvika muna 1959, makanga mune ungano duku yeZvapupu 34. Nhasi, makore 37 gare gare, yakakura kusvikira kuungano nhanhatu dzine Zvapupu zvine 500, izvo zvinosangana muHoro dzoUmambo nhatu! Pamisangano yedu yomunzvimbomo uye pamagungano, tinoona vazhinji avo vakasvika pakuziva zvokwadi yeBhaibheri somugumisiro wenhamburiko dzedu. Tinowanzonzwa sezvakaita muapostora Johane apo akanyora, kuti: “Handina mufaro unopfuura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muzvokwadi.”—3 Johane 4.
Zvino takwegura. Ndine makore 86 uye Nonnie ane 78, asi ndinofanira kutaura kuti kupayona ibasa rakanaka. Kubvira pandave ndiri muBreda, ndakakurira zvinetso zvizhinjisa zvoutano zvandakawana mukati mokuiswa kwangu mutorongo. Ndakafarikanyawo makore mazhinji anobudirira mubasa raJehovha.
Kutarira shure kumakore mazhinji ebasa rinobudirira manyuko emufaro kwatiri tose tiri vaviri. Munyengetero wedu wezuva nezuva ndewekuti Jehovha achatipa mudzimu nesimba zvokupfuurira mubasa rake chero bedzi tichiri vapenyu. Nechivimbo, tinotaura isu timene mumashoko owezvamapisarema, okuti: “Tarirai, Mwari ndiye mubatsiri wangu. Ishe uri pakati pavanotsigira mweya wangu.”—Pisarema 54:4.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Ndakamira pedyo netende rataishandisa tichipayona muma1930
[Mufananidzo uri papeji 23]
Igwa rataishandisa kusvika ndima iri yoga
[Mufananidzo uri papeji 23]
Tichibvunzurudzwa papurogiramu yekokorodzano muna 1957
[Mufananidzo uri papeji 24]
Nemudzimai wangu nhasi