Zvikomborero Kana Kuti Kutukwa—Mienzaniso Nokuda Kwedu Nhasi
“Izvi zvakavawira, kuti vave zviratidzo; zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu, takasvikirwa nokuguma kwenyika.”—1 VAKORINTE 10:11.
1. Kunyange sezvo munhu anonzvera mudziyo, kunzverai kwatinofanira kuita?
ISINGAONEKI pasi pependi, ngura inogona kuvamba kupedza mudziyo wakagadzirwa nesimbi. Ingava nguva yakati ngura yacho isati yaoneka pamusoro. Nenzira yakafanana, zvimiro zvendangariro nezvishuvo zvemwoyo womunhu zvingavamba kushata ikoku kusati kwaguma nemigumisiro yakakomba kana kuti kunyange kucherekedzwa navamwe. Sezvataizonzvera nokuchenjera mudziyo kuti tione kana uri kuita ngura, naizvozvo kusanonzverwa kwomwoyo yedu nekugadziridzwa kwakakodzera nguva kungachengeta perero yedu yechiKristu. Nemamwe mashoko, tinogona kugamuchira zvikomborero zvaMwari uye tinogona kudzivisa kutuka kwoumwari. Vamwe vangafunga kuti zvikomborero nekutukwa zvakaziviswa pana Israeri wakare zvine revo duku nokuda kwaavo vakatarisana nemhedziso yetsika ino yezvinhu. (Joshua 8:34, 35; Mateo 13:49, 50; 24:3) Zvisinei, ikoko hakuna kudaro. Tinogona kubetserwa zvikuru nemienzaniso yenyevero yaibatanidza Israeri, seinoratidzwa muna 1 VaKorinte ganhuro 10.
2. Chii chinotaura 1 VaKorinte 10:5, 6 pamusoro pezvakaitika zvaIsraeri murenje?
2 Muapostora Pauro anofananidza vaIsraeri vaiva pasi paMosesi nevaKristu vari pasi paKristu. (1 VaKorinte 10:1-4) Kunyange zvazvo vanhu vaIsraeri vaigona kunge vakapinda muNyika Yakapikirwa, “Mwari haana kufadzwa navazhinji vavo; nokuti vakaparadzwa murenje.” Pauro naizvozvo akaudza vaKristu biyake, kuti: “Zvino, zvinhu izvi zvakanga zviri zviratidzo kwatiri, kuti isu tirege kuchiva zvakaipa, sezvavakachiva ivo.” (1 VaKorinte 10:5, 6) Zvishuvo zvinochengetwa mumwoyo, naizvozvo tinofanira kuteerera mienzaniso yenyevero iyo Pauro anodudza.
Nyevero Pamusoro Pekunamata Zvidhori
3. VaIsraeri vakatadza sei pamusoro pemhuru yendarama?
3 Nyevero yokutanga yaPauro ndeyekuti: “Imi regai kunamata zvifananidzo, savamwe vavo; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Vanhu vakagara pasi pakudya nokunwa, vakamuka kuti vatambe.” (1 VaKorinte 10:7) Uyu muenzaniso wenyevero ndeuya wekudzokera kwavaIsraeri vaidzokera kunzira dzeEgipita uye vachiita mhuru yendarama yainamatwa sechidhori. (Eksodho, ganhuro 32) Mudzidzi Stefano akaratidzira chinetso chikuru: “Ndiye [Mosesi, mumiriri waMwari], wavakanga vasingadi kumuteerera ivo madzibaba edu; vakamuramba, vakadzokera Egipita nemwoyo yavo. Vakati kuna Aroni: Tiitire vamwari, vangatitungamirira; nokuti kana ari Mosesi uyu, wakatibudisa munyika yeEgipita, hatizivi zvakaitika naye. Zvino vakaita mhuru namazuva iwayo, vakauya nechibayiro kuchifananidzo chavo, vakafarira mabasa amaoko avo.” (Mabasa 7:39-41) Cherekedza kuti “nemwoyo yavo” vaIsraeri vakapanduka vakachengeta zvishuvo zvisina kururama izvo zvakatungamirira kukunamata zvidhori. “Vakaita mhuru . . . vakauya nechibayiro kuchifananidzo.” Uyezve, vakavamba ku“farira mabasa amaoko avo.” Pakanga pane nziyo, kuimba, kutamba, kudya, uye kunwa. Sezvinooneka, kunamata chidhori kwacho kwakanga kuchinyengera nokuvaraidza.
4, 5. Miitiroi yokunamata zvidhori yatinofanira kudzivisa?
4 Egipita yokufananidzirwa—nyika yaSatani—inodokuva inonamata varaidzo. (1 Johane 5:19; Zvakazarurwa 11:8) Inonamata vatambi, vaimbi, uye nyanzvi dzezvemitambo, pamwe chete nekutamba kwavo, nziyo dzavo, mirangariro yavo yenguva dzinofadza nedzakanaka. Vazhinji vakaedzwa kuzvibatanidza vamene muvaraidzo nepo vachiri vanotaura kuti vanonamata Jehovha. Apo muKristu anenge achifanira kutsiurwa nokuda kwechakaipa, mugariro wake womudzimu wakaneta unogona kazhinji kazhinji kurondwa kusvikira kukunwa zvinwiwa zvinodhaka, kutamba, uye kuva nenguva yakanaka nenzira yakati iyo ingava pedyo nekunamata zvidhori. (Eksodho 32:5, 6, 17, 18) Imwe varaidzo yakanaka uye inofarikanywa. Bva, nhasi nziyo zhinjisa dzenyika, kutamba, mabhaisikopo, uye mavhidhiyo zvinotsigira zvishuvo zvenyama zvakashata.
5 VaKristu vechokwadi havateri kukunamata zvidhori. (2 VaKorinte 6:16; 1 Johane 5:21) Mumwe nomumwe wedu ngaangwarire zvakangofanana kusava anopindwa muropa nevaraidzo yokunamata zvidhori ndokuva mungozi yokutambura migumisiro inokuvadza yokuva akanyudzwa mukuva nenguva yakanaka nenzira yenyika. Kana tikazviisa timene pasi pepesvedzero dzenyika, zvishuvo nezvimiro zvendangariro zvinokuvadza zvinogona kugara nenzira inodokuva isingacherekedzwi mundangariro nomwoyo. Apo zvinorega kusaruramiswa, izvozvi pakupedzisira zvinogona kuguma noku‘paradzwa murenje’ retsika yaSatani.
6. Chiitoi chakanaka chatingafanira kuita pamusoro pevaraidzo?
6 Kufanana naMosesi panguva yechiitiko chemhuru yendarama, chaizvoizvo “muranda wakatendeka, wakangwara” ari kuti: “Aninani uri kurutivi rwaJehovha, ngaauye kwandiri.” Kuita chiito chakanaka kuratidza kuti tinotsigira zvakasimba kunamata kwechokwadi kunogona kuva kunoponesa upenyu. Rudzi rwaMosesi rwaRevhi rwakaita chiito nokukurumidza kuti rwubvise pesvedzero dzinoshatsa. (Mateo 24:45-47; Eksodho 32:26-28) Naizvozvo, ipapo, nzvera nokungwarira chisarudzo chako chevaraidzo, nziyo, mavhidhiyo, uye zvakafanana. Kana chakashata munzira yakati, tsigira Jehovha. Nekuvimba naMwari kwokunyengetera, ita chinjo muchisarudzo chako chevaraidzo nenziyo, uye paradza zvinhu zvinokuvadza mumudzimu, kunyange sezvo Mosesi akaparadza mhuru yendarama.—Eksodho 32:20; Dheuteronomio 9:21.
7. Tinogona sei kudzivirira mwoyo wokufananidzira?
7 Tinogona sei kudzivisa kupera kwomwoyo? Kupfurikidza nokufunda Shoko raMwari nokushingaira, kurega zvokwadi dzaro dzichidzika mundangariro dzedu nemwoyo. (VaRoma 12:1, 2) Chokwadika, tinofanira kupinda misangano yechiKristu nguva dzose. (VaHebheru 10:24, 25) Kupinda misangano kusati kuri kwokushingaira kungagona kufananidzwa nekupenda nzvimbo ine ngura. Ikoku kungaita kuti tiratidzike kuva vanofara kwechinguvana, asi hakupedzi chinetso chikuru. Panzvimbo pezvo, kupfurikidza nokugadzirira pachine nguva mberi, kufungisisa, uye kutora rutivi kwokushingaira mumisangano, tinogona kubvisa nesimba zvinhu zvinopedza izvo zvinganonoka zvingava mumativi akavanda omwoyo wedu wokufananidzira. Ikoku kuchatibetsera kunamatira kuShoko raMwari uye kuchatisimbisa kutsungirira miedzo yokutenda ndokuva vaka“ruram[a] kwazvo.”—Jakobho 1:3, 4; Zvirevo 15:28.
Nyevero Pamusoro Peufeve
8-10. (a) Muenzanisoi wenyevero unonongedzerwa kwauri pana 1 VaKorinte 10:8? (b) Mashoko aJesu anowanwa pana Mateo 5:27, 28 anogona sei kushandiswa nenzira inobetsera?
8 Mumuenzaniso waPauro unotevera, tinopiwa zano, rokuti: “Ngatirege kuita u[feve, NW], savamwe vavo vakaita u[feve, NW], vakafa nezuva rimwe vane zvuru zvina makumi maviri nezvitatu.”a (1 VaKorinte 10:8) Muapostora akanga achinongedzera kunguva apo vaIsraeri vakapfugamira vamwari venhema ndo“kuita upombwe navanasikana vaMoabhi.” (Numeri 25:1-9) Utere hunourayisa! Kurega mirangariro nezvishuvo zveunzenza zvichipfuurira kwakafanana nekubvumira “kuita ngura” kwomwoyo. Jesu akati: “Makanzwa kuti zvakanzi: Usaita upombwe. Asi ini ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unotarira mukadzi achimuchiva, watoita upombwe naye mumwoyo make.”—Mateo 5:27, 28.
9 Chinopupurira migumisiro yoku‘tarira kuti uchive mukadzi’ mugumisiro wokufunga kwakashata kwengirozi dzisingateereri Mafashamo emuzuva raNoa asati aitika. (Genesi 6:1, 2) Yeukawo, kuti chimwe chezviitiko zvine ngwavaira zvikuru cheupenyu hwaMambo Dhavhidhi chakaparirwa nekupfuurira kwake kutarira zvisina kufanira kumukadzi. (2 Samueri 11:1-4) Mukupesana, murume akarurama akanga akaroora Jobho ‘akaita sungano nemaziso ake kuti aisazozviratidza amene kuva anopa ngwariro kumhandara,’ nokudaro achidzivisa unzenza ndokubvumikisa kuva muchengeti weperero. (Jobho 31:1-3, 6-11) Maziso angafananidzwa nemahwindo omwoyo. Uye zvinhu zvizhinji zvakashata zvinobva mumwoyo wakashata.—Marko 7:20-23.
10 Kana tikashandisa mashoko aJesu, hatisati tichizobvumira kusununguka pamifungo isina kururama kupfurikidza nokuona zvinhu zvevatano kana kuti kupfurikidza nokurangarira mifungo yeunzenza pamusoro pemuKristu biyedu, mushandi biyedu, kana kuti mumwe munhu upi noupiwo zvake. Ngura haibviswi pasimbi kupfurikidza nokungokweshawo zvako kupera kwacho. Naizvozvo, usabvisa nenzira yokurerutsa pfungwa nezvimiro zvendangariro zvounzenza sokunge kuti ndezveukoshi huduku. Ita zviito zvakasimba kuti uzvibvisire umene zvimiro zvendangariro zvounzenza. (Enzanisa naMateo 5:29, 30.) Pauro anokurudzira vatendi biyake, kuti: “Urayai mitezo yenyu iri panyika, inoti: Upombwe, netsvina, nokushumba, nokuda zvakaipa, nokuchiva, ndiko kunamata zvifananidzo. Nokuda kwaizvozvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pavana vokusateerera.” Hungu, nemhaka yezvinhu zvakadai seutere, “kutsamwa kwaMwari kunouya” sekuratidzirwa kwekutuka kwake. Naizvozvo tinofanira ku“uraya” mitezo yemiviri yedu kana toreva nezvezvinhu izvi.—VaKorose 3:5, 6.
Nyevero Pamusoro Pekunyunyuta Kwokupandukira
11, 12. (a) Inyeveroi inopiwa pana 1 VaKorinte 10:9, uye chiitikoi chakanongedzerwa kwachiri? (b) Nyevero yaPauro inofanira kutitapura sei?
11 Pauro anotevera kunyevera, kuti: “Ngatirege kuidza Ishe, savamwe vavo vakamuidza, vakaparadzwa nenyoka.” (1 VaKorinte 10:9) Vachifamba murenje pedyo nemuganhu weEdhomu, vaIsraeri “vakapopotera Mwari naMosesi, vakati: Makatibudisireiko Egipita, kuti tifire murenje? Nokuti hapana zvokudya, hapana mvura; mweya yedu inosema zvokudya izvi zvakaipa,” mana yakagoverwa nenenji. (Numeri 21:4, 5) Chimbofunga! VaIsraeri ivavo “vakapopotera Mwari,” vachiita gadziriro dzake dzinozvidzisa.
12 Kupfurikidza nokunyunyuta kwavo, vaIsraeri vakanga vachiedza shiviriro yaJehovha. Chirango hachina kuregwa, nokuti Jehovha akatuma nyoka dzine uturu pakati pavo, uye vazhinji vakafa nokurumwa nenyoka. Pashure pokunge vanhu vapfidza uye Mosesi avareverera, dambudziko racho rakagumiswa. (Numeri 21:6-9) Zvirokwazvo chiitiko ichi chinofanira kubatira senyevero nokuda kwedu kuti tisaratidze mudzimu wokupandukira, wokunyunyuta, zvikurukuru pamusoro paMwari negadziriro dzake dzoubati ushe hwaMwari.
Nyevero Pamusoro Pekun’un’una
13. Chii chinonyevera 1 VaKorinte 10:10, uye kupandukirai uko Pauro airangarira?
13 Achidudza muenzaniso wake wokupedzisira waibatanidza vaIsraeri murenje, Pauro anonyora, kuti: “Murege kun’un’una savamwe vavo vakan’un’una, vakaparadzwa nomuparadzi.” (1 VaKorinte 10:10) Kupandukira kwakavamba apo Kora, Dhatani, Abhirami, uye vasonganiri vavo vakaita nenzira isati iri youbati ushe hwaMwari ndokudenha chiremera chaMosesi naAroni. (Numeri 16:1-3) Pashure pokuparadzwa kwavapanduki vacho, vaIsraeri vakavamba kun’un’una. Ikoko kwakanga kuri nemhaka yokuti vakavamba kurangarira kuti kuparadzwa kwavapanduki kwakanga kusina kururama. Numeri 16:41 inoti: “Fume mangwana ungano yose yavana vaIsraeri yakapopotera Mosesi naAroni, vachiti: Imi makauraya vanhu vaJehovha.” Somugumisiro wokuwanira mhaka kwavo nzira iyo ruramisiro yakanga yaitwa nayo panhambo iyoyo, vaIsraeri 14 700 vakafa nedenda rakatumwa naMwari.—Numeri 16:49.
14, 15. (a) Ndechipi chaiva chimwe chezvivi cha“vamwe varume” avo vakapinda muungano? (b) Chii chinogona kudzidzwa muchiitiko chaibatanidza Kora?
14 Muzana rokutanga ramakore C.E., “vamwe varume” avo vakapinda muungano yechiKristu vakabvumikisa kuva vadzidzisi venhema pamwe chete navan’un’uni. Varume ava vai“ramba ukuru, nokutuka avo vanokubwinya” varume vakazodzwa avo panguva iyeyo vakanga vakaronzeswa kutarisira ungano mumudzimu. Nezvevakaramba kutenda vasiri voumwari, mudzidzi Judhasi akatiwo: “Ivo van’un’uni navasingatendi nezvavanazvo, vanofamba nokuchiva kwavo.” (Judhasi 3, 4, 8, 16) Nhasi, vamwe vanhu vanova van’un’uni nemhaka yokuti vanobvumira chimiro chendangariro chinopedza mumudzimu kuvamba mumwoyo mavo. Kazhinji kazhinji vanofungisisa nezvekusakwana kwaavo vari munzvimbo dzeutarisiri muungano ndokuvamba kuvan’un’unira. Kun’un’una kwavo nokunyunyuta kungatotambanuka kusvikira kukutsoropodza zvinyorwa zvo‘muranda akatendeka.’
15 Kwakarurama kubvunza mibvunzo yapachokwadi pamusoro penhau yapaMagwaro. Asi zvakadini kana tikava nechimiro chendangariro chakashata icho chakazviratidzira chimene mukurukurirano dzakakomba pakati peboka reshamwari dzapedyo? Tingaita zvakanaka kuzvibvunza timene kuti, ‘Ikoku sezvingabvira kuchagumira kupi? Hakungavi kuri nani zvikuru here kurega kun’un’una ndokunyengetera nokuzvininipisa nokuda kwouchenjeri?’ (Jakobho 1:5-8; Judhasi 17-21) Kora nevatsigiri vake, avo vakapandukira chiremera chaMosesi naAroni, vangava vakanga vachipwiswa kwazvo kuti murangariro wavo waishanda zvokuti havana kunzvera vavariro dzavo. Kunyange zvakadaro, vakanga vasina kururama chose chose. Ndizvo zvakanga zvakaitawo vaIsraeri avo vakan’un’una pamusoro pekuparadzwa kwaKora nevamwe vapanduki. Kuchenjera sei kurega mienzaniso yakadaro ichitisunda kunzvera vavariro dzedu, kubvisa kun’un’una kana kuti kunyunyuta, uye kubvumira Jehovha kutinatsa!—Pisarema 17:1-3.
Dzidza, uye Farikanya Zvikomborero
16. Nderipi riri pfundo guru romurayiro uri pana 1 VaKorinte 10:11, 12?
16 Mukufuridzirwa naMwari, Pauro anogumisa ndaza yemashoko enyevero nemurayiro, wokuti: “Izvi zvakavawira, kuti vave zviratidzo; zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu, takasvikirwa nokuguma kwenyika. Naizvozvo, unoti ndinomira, ngaachenjere kuti arege kuwa.” (1 VaKorinte 10:11, 12) Ngatiregei kurerutsa chimiro chedu muungano yechiKristu.
17. Kana tikaziva vavariro isina kufanira mumwoyo wedu, tinofanira kuitei?
17 Sezvo simbi ichida kuita ngura, nenzira yakafanana isu vazukuru vaAdhama akatadza takagara nhaka kuda zvakashata. (Genesi 8:21; VaRoma 5:12) Nokudaro, hatifaniri kuodzwa mwoyo kana tikaziva vavariro isina kufanira mumwoyo medu. Panzvimbo pezvo, ngatiitei chiito chakasimba. Apo simbi inoiswa kumhepo ine mvura kana kuti mhoteredzo inoparira ngura, kupera kwayo kunokurumidziswa zvikuru. Tinofanira kudzivisa kuiswa ku“mhepo” yenyika yaSatani, nevaraidzo yayo yakashata, unzenza hwakapararira, uye chimiro chendangariro chakashata.—VaEfeso 2:1, 2.
18. Jehovha akaitei pamusoro pezvimiro zvendangariro zvakashata zverudzi rwemunhu?
18 Jehovha akagovera rudzi rwomunhu mutoo wokudzivisa nawo zvimiro zvendangariro zvisina kururama izvo takagara nhaka. Akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga kuitira kuti avo vanomutenda vagova noupenyu husingaperi. (Johane 3:16) Kana tikasanotevera makwara aJesu ndokuratidzira unhu hwakafanana nohwaKristu, tichava chikomborero kuvamwe. (1 Petro 2:21) Tichagamuchirawo, kwete kutukwa, asi zvikomborero zvoumwari.
19. Tinogona kubetserwa sei nokurangarira mienzaniso yapaMagwaro?
19 Kunyange zvazvo nhasi tichikanganisa sezvakanga zvakaita vaIsraeri vakare, tine Shoko raMwari rakanyorwa rakazara kuti rititungamirire. Mumapeji aro tinodzidza nezvekubata kwaJehovha nerudzi rwomunhu pamwe chete namavara ake anoratidzirwa muna Jesu, ‘chadzera chokubwinya kwaMwari uye mufananidzo chaiwoiwo wekuvapo Kwake kumene.’ (VaHebheru 1:1-3; Johane 14:9, 10) Kupfurikidza nomunyengetero uye kufunda Magwaro kwokushingaira, tinogona kuva ne“murangariro waKristu.” (1 VaKorinte 2:16) Apo tinonangana nemiedzo uye kumwe kuedzwa kwokutenda kwedu, tinogona kubetserwa nekurangarira mienzaniso yakare yapaMagwaro uye zvikurukuru muenzaniso wakaisvonaka waJesu Kristu. Kana tikaita saizvozvo, hatisati tichizofanira kutambura migumisiro yekutuka kwoumwari. Panzvimbo pezvo, tichafarikanya nyasha dzaJehovha nhasi uye zvikomborero zvake nokusingaperi.
[Mashoko Omuzasi]
Ungapindura Sei?
◻ Tinogona sei kushandisa zano raPauro rokusava vanonamata zvidhori?
◻ Chii chatinogona kuita kuti titeerere nyevero yomuapostora pamusoro peufeve?
◻ Nei tichifanira kudzivisa kun’un’una uye kunyunyuta?
◻ Tinogona sei kugamuchira zvikomborero zvoumwari, kwete kutukwa?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Kana tichida zvikomborero zvaMwari, tinofanira kudzivisa kunamata zvidhori
[Mifananidzo iri papeji 20]
Kunyange sezvo ngura ichifanira kubviswa, ngatiitei chiito chakanaka chokubvisa zvishuvo zvisina kururama mumwoyo yedu