“Imba Yokunyengetera Yamarudzi Ose”
“Hakuna kunyorwa here kuchinzi: Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yamarudzi ose?”—MARKO 11:17.
1. Adhama naEvha vaifarikanya ukama hworudzii pakuvamba naMwari?
APO Adhama naEvha vakasikwa, vaifarikanya ukama hwapedyo naBaba vavo vekudenga. Jehovha Mwari aikurukura navo uye akaonesa chinangwa chake chinoshamisa nokuda kwedzinza remunhu. Zvirokwazvo, vaiwanzosundwa kurumbidza Jehovha nokuda kwemabasa ake akaisvonaka echisiko. Kudai Adhama naEvha vaida nhungamiro sezvavairangarira basa ravo sababa namai veramangwana vemhuri yemunhu, vaigona kusvika Mwari vari panzvimbo ipi neipi mumusha wavo weParadhiso. Vaisada mabasa emuprista mutembere.—Genesi 1:28.
2. Ichinjoi yakaitika apo Adhama naEvha vakatadza?
2 Mamiriro ezvinhu akachinja apo ngirozi inopandukira yakanyengedza Evha kufunga kuti mamiriro ake ezvinhu muupenyu aizonaka kudai airamba uchangamire hwaJehovha, achitaura kuti aizo“va saMwari.” Nenzira inowirirana, Evha akadya muchero mumuti uyo Mwari akanga arambidza. Ipapo Satani akashandisa Evha kuti aedze murume wake. Nenzira ine ngwavaira, Adhama akateerera mudzimai wake anotadza, achiratidza kuti aikoshesa ukama hwake naye kupfuura ukama hwake naMwari. (Genesi 3:4-7) Chaizvoizvo, Adhama naEvha vakasarudza Satani samwari wavo.—Enzanisa na2 VaKorinte 4:4.
3. Ndeipi yakanga iri migumisiro yakashata yekupandukira kwaAdhama naEvha?
3 Mukuita saizvozvo, vanhu vaviri vekutanga vakarasikirwa kwete bedzi neukama hwavo hunokosha naMwari asiwo nekariro yokurarama nekusingaperi muparadhiso yapasi. (Genesi 2:16, 17) Miviri yavo inotadza pakupedzisira yakashata kusvikira vafa. Vana vavo vakagara nhaka uyu mumiriro wezvinhu wekutadza. “Saizvozvo,” Bhaibheri rinotsanangura kudaro, “rufu rwakasvika kuvanhu vose.”—VaRoma 5:12.
4. Itariroi iyo Mwari akapa kurudzi rwomunhu runotadza?
4 Chimwe chinhu chakanga chichidikanwa kuyananisa rudzi rwemunhu runotadza neMusiki warwo mutsvene. Pakutonga Adhama naEvha, Mwari akapa tariro kuvana vavo veramangwana kupfurikidza nekupikira “mbeu” yaizoponesa rudzi rwomunhu mutapuro dzekupandukira kwaSatani. (Genesi 3:15, NW) Gare gare, Mwari akazivisa kuti Mbeu yechikomborero yaizouya kupfurikidza naAbrahama. (Genesi 22:18) Achirangarira ichi chinangwa chine rudo, Mwari akasarudza vazukuru vaAbrahama, vaIsraeri, kuti vave rudzi rwake rwakasarudzwa.
5. Nei tichifanira kuva vanofarira udzame hwesungano yoMutemo waMwari naIsraeri?
5 Muna 1513 B.C.E., vaIsraeri vakapinda muukama hwesungano naMwari ndokubvuma kuteerera mitemo yake. Sungano iyoyo yoMutemo inofanira kuva yefariro huru kuna vose vanoda kunamata Mwari nhasi nemhaka yokuti yakanongedzera kuMbeu yakapikirwa. Pauro akati yaiva ne“mumvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya.” (VaHebheru 10:1) Apo Pauro akataura ikoku, akanga achikurukura basa ravaprista vaIsraeri patabhenakeri yaitakurika, kana kuti tende rokunamatira. Yainzi “tembere yaJehovha” kana kuti “mumba maJehovha.” (1 Samueri 1:9, 24) Kupfurikidza nekunzvera basa rinoera raiitwa paimba yaJehovha yapasi, tinogona kusvika pakunzwisisa zvizere zvikuru gadziriro yengoni iyo kupfurikidza nayo vanhu vanotadza nhasi vanogona kuva vanoyananiswa naMwari.
Nzvimbo Tsvene-tsvene
6. Chii chaiva muNzvimbo Tsvene-tsvene, uye kuvapo kwaMwari kwakamirirwa sei imomo?
6 “Wokumusorosoro haagari mudzimba dzakavakwa namaoko,” rinodaro Bhaibheri. (Mabasa 7:48) Zvisinei, kuvapo kwaMwari muimba yake yapasi kwaimirirwa negore mukamuri romukatikati rainzi Nzvimbo Tsvene-tsvene. (Revhitiko 16:2) Sezviri pachena, gore iri raipenya zvakajeka, richigovera Nzvimbo Tsvene-tsvene chiedza. Rakanga riri pamusoro pebhokisi rinoera rainzi “areka yechipupuriro,” iro raiva nemahwendefa amabwe akanga akanyorwa mimwe yemirayiro iyo Mwari akapa Israeri. Pachifukidzo cheAreka pakanga pane makerubhi maviri endarama aiva nemapapiro akatambanudzwa, ayo aifananidzira zvisikwa zvomudzimu zvakakwirira musangano raMwari rokudenga. Gore rinoshamisa rechiedza rakanga riri pamusoro pechifunhiro uye pakati pemakerubhi. (Eksodho 25:22) Ikoku kwaifananidzira Mwari Wamasimba Ose akagara pachigaro choumambo pamusoro pengoro yokudenga yakatsigirwa namakerubhi mapenyu. (1 Makoronike 28:18) Kunotsanangura chikonzero nei Mambo Hezekia akanyengetera, kuti: “Haiwa Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, iye ugere pamusoro pamakerubhimi!”—Isaya 37:16.
Nzvimbo Tsvene
7. Zvishongoi zvaiva muNzvimbo Tsvene?
7 Kamuri rechipiri retabhenakeri rainzi Nzvimbo Tsvene. Mukati mechikamu ichi, kuruboshwe kwemukova kwaiva nechigadziko chemwenje chakaisvonaka chaiva nematavi manomwe, uye kurudyi kwakanga kune tafura yechingwa chokuratidza. Pamberi chaipo paiva neatari apo kunhuwira kwezvinonhuwira zvinopiswa kwaikwira mudenga. Yaiva pamberi pechidzitiro chaikamuranisa Nzvimbo Tsvene neNzvimbo Tsvene-tsvene.
8. Mabasai ayo vaprista vaiita nguva dzose muNzvimbo Tsvene?
8 Mangwanani ari ose uye manheru ari ose, muprista aifanira kupinda mutabhenakeri ndokupisa zvinonhuwira paatari yezvinonhuwira. (Eksodho 30:7, 8) Mumangwanani, apo zvinonhuwira zvaitsva, mwenje minomwe yaiva pamusoro pechigadziko chemwenje chendarama yaifanira kuzadzwazve mafuta. Mumanheru mwenje yacho yaibatidzwa kuti igovere chiedza nokuda kweNzvimbo Tsvene. Sabata riri rose muprista aifanira kuisa zvingwa zvitsva 12 patafura yezvingwa zvokuratidza.—Revhitiko 24:4-8.
Ruvazhe
9. Chii chakanga chiri chinangwa chemudziyo wokushambidzira, uye chidzidzoi chatinogona kuwana muna ichochi?
9 Tabhenakeri yaivawo neruvazhe, rwakanga rwakakomberedzwa neruzhowa rwemachira etende. Muruvazhe urwu makanga mune mudziyo mukuru wokushambidzira umo vaprista vaigezera maoko avo netsoka vasati vapinda muNzvimbo Tsvene. Vaifanirawo kugeza vasati vapa zvibayiro paatari iyo yaiva muruvazhe. (Eksodho 30:18-21) Ichi chinodikanwa chorucheno chiyeuchidzo chakasimba kuvabatiri vaMwari nhasi chokuti vanofanira kuvavarira rucheno rwomuviri, rwetsika, rwendangariro, uye rwomudzimu kana vachida kuti kunamata kwavo kuve kunogamuchirika kuna Mwari. (2 VaKorinte 7:1) Pakupedzisira huni dzomwoto paatari nemvura yemudziyo wokushambidzira zvaigoverwa nevaranda vepatembere vaisava vaIsraeri.—Joshua 9:27.
10. Ndezvipi zvakanga zviri zvimwe zvezvipiriso zvaiitwa paatari yechibayiro?
10 Mangwanani ari ose uye manheru ari ose, gondohwe duku rechibayiro raipisirwa paatari pamwe chete nechipiriso cheupfu nechinonwiwa. (Eksodho 29:38-41) Zvimwe zvibayiro zvaiitwa pamazuva chaiwo. Pane dzimwe nguva chibayiro chaifanira kuitwa nemhaka yechivi chaicho chomunhu oga. (Revhitiko 5:5, 6) Padzimwe nguva muIsraeri aigona kupa chibayiro cheyananiso chokuzvidira machiri mativi aidyiwa navaprista uye neuyo aiita chipiriso chacho. Ikoku kwairatidzira kuti vanhu vaitadza vaigona kuva nerugare naMwari, vachifarikanya zvokudya naye, sokunge zvakadaro. Kunyange mugari wekumwe aigona kuva munamati waJehovha ndokuropafadzwa kupa zvipiriso zvokuzvidira kumba Kwake. Asi kuitira kuti varatidze kuremekedza Jehovha kwakafanira, vaprista vaingogona bedzi kugamuchira zvipiriso zvakaisvonakisisa. Upfu hwezvipiriso zveupfu hwaifanira kuva hwakagayiwa zvakatsetseka, uye mhuka dzezvibayiro dzaifanira kuva dzisina urema hupi nohupi.—Revhitiko 2:1; 22:18-20; Maraki 1:6-8.
11. (a) Chii chaiitwa neropa rezvibayiro zvemhuka, uye ikoku kwakanongedzera kuchii? (b) Ndeupi uri murangariro waMwari wezvose zviri zviviri ropa revanhu neremhuka?
11 Ropa rezvibayiro izvi raiunzwa kuatari. Irori raibatira sechiyeuchidzo chezuva nezuva kurudzi rwacho chokuti vakanga vari vatadzi vanoda mudzikinuri ane ropa rakadeurwa raigona kuyananisa zvechigarire zvivi zvavo ndokuvaponesa murufu. (VaRoma 7:24, 25; VaGaratia 3:24; enzanisa naVaHebheru 10:3.) Uku kushandiswa kunoera kweropa kwakayeuchidzawo vaIsraeri kuti ropa rinomirira upenyu uye kuti upenyu ndehwaMwari. Kumwe kushandiswa kupi nokupi kweropa navanhu nguva dzose kwave kuchirambidzwa naMwari.—Genesi 9:4; Revhitiko 17:10-12; Mabasa 15:28, 29.
Zuva Reyananiso
12, 13. (a) Chii chakanga chiri Zuva Reyananisiro? (b) Muprista mukuru asati agona kupinza ropa muNzvimbo Tsvene-tsvene, aifanira kuitei?
12 Kamwe pagore pane rainzi Zuva Reyananiso, rudzi rwose rwaIsraeri, kubatanidza vagari vokumwe avo vainamata Jehovha, vaifanira kurega basa rose ndokuzvinyima zvekudya. (Revhitiko 16:29, 30) Pazuva iri raikosha, rudzi rwaicheneswa pachivi munzira yokufananidzira kuitira kuti vafarikanye ukama hune rugare naMwari kwerimwe gore. Ngatifungidzirei chiono chacho ndokurangarira mamwe emapfundo makuru.
13 Muprista mukuru ari muruvazhe rwetabhenakeri. Azvigeza amene pamudziyo wekushambidzira, anouraya nzombe nokuda kwechibayiro. Ropa renzombe rinodururwa mundiro; richashandiswa nenzira chaiyo kuyananisa zvivi zverudzi rwouprista rwaRevhi. (Revhitiko 16:4, 6, 11) Asi asati aenda kupi nekupi nechibayiro, pane chimwe chinhu icho muprista mukuru anofanira kuita. Anotora zvinonhuwira (sezvingabvira achizviisa mumugwaku) uye marasha anopisa paatari achiaisa muhadyana yomwoto. Zvino anopinda muNzvimbo Tsvene ndokufamba akananga chidzitiro cheNzvimbo Tsvene-tsvene. Zvishoma nezvishoma anopfuura nepachidzitiro uye anomira pamberi peareka yesungano. Tevere, asingaonekwi nemumwe munhu upi noupi, anodurura zvinonhuwira pamarasha anopisa, uye Nzvimbo Tsvene-tsvene inozadzwa negore rinonhuwira zvakanaka.—Revhitiko 16:12, 13.
14. Nei muprista mukuru aifanira kupinda muNzvimbo Tsvene-tsvene neropa remhuka mbiri dzakasiyana?
14 Zvino Mwari anodisa kuratidza ngoni ndokuyananiswa nenzira yokufananidzira. Nokuda kweichi chikonzero chifunhiro cheAreka chaidanwa kuti “chigaro chengoni” kana kuti “chifunhiro chekuyananisa.” (VaHebheru 9:5, NW, mashoko omuzasi) Muprista mukuru anobuda muNzvimbo Tsvene-tsvene, anotora ropa renzombe, uye anopinda muNzvimbo Tsvene-tsvene zvakare. Sezvinorayirwa muMutemo, anonyika munwe wake muropa ndokurisasa kanomwe pamberi pechifunhiro cheAreka. (Revhitiko 16:14) Tevere anodzokera kuruvazhe ndokuuraya mbudzi, iyo iri chipiriso chezvivi “chavanhu.” Anopinza rimwe reropa rembudzi muNzvimbo Tsvene-tsvene ndokuita zvimwe chetezvo sezvaaita neropa renzombe. (Revhitiko 16:15) Mamwe mabasa anokosha aiitikawo paZuva Reyananiso. Somuenzaniso, muprista mukuru aifanira kubata musoro wembudzi yechipiri ndokureurura pamusoro payo “zvakaipa zvose zvavana vaIsraeri.” Iyi mbudzi mhenyu ipapo yaitungamirirwa kupinda murenje kuti itakure zvivi zverudzi mupfungwa yokufananidzira. Nomutoo uyu yananisiro yaiitwa gore rimwe nerimwe nokuda kwava“prista navanhu vose veungano.”—Revhitiko 16:16, 21, 22, 33.
15. (a) Tembere yaSoromoni yakanga yakafanana sei netabhenakeri? (b) Bhuku raVaHebheru rinotii pamusoro pebasa rinoera raiitwa pane zvose zviri zviviri tabhenakeri netembere?
15 Kwamakore 486 okutanga enhau yaIsraeri savanhu vaMwari vesungano, tabhenakeri yaitakurika yakavabatira senzvimbo yokunamatira Mwari wavo, Jehovha. Ipapo, Soromoni waIsraeri akapiwa ropafadzo yokuvaka chivako chechigarire. Kunyange zvazvo tembere iyi yakanga ichizova huru zvikuru uye yakaisvonaka zvikuru, purani yakagoverwa naMwari yakanga ine mugadzirirwo mumwe chetewo neuya wetabhenakeri. Setabhenakeri, yakanga ichifananidzira gadziriro huru zvikuru, inoshanda zvikuru yokunamata iyo yaizo“miswa na[Jehovha], isina kumiswa nomunhu.”—VaHebheru 8:2, 5; 9:9, 11.
Tembere Yokutanga Neyechipiri
16. (a) Chikumbiroi chine rudo icho Soromoni akaita pakutsaurira tembere? (b) Jehovha akaratidza sei kugamuchira kwake munyengetero waSoromoni?
16 Pakutsaurira tembere iyoyo ine mbiri, Soromoni akabatanidza ichi chikumbiro chakafuridzirwa: “Zvino kana ari mutorwa, asati ari wavanhu venyu vaIsraeri, kana akabva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu guru . . . . , kana vakauya vakanyengetera vakatarira kuimba ino; inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, muitire mutorwa zvose zvaanokumbira, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vakutyei, sezvinoita vanhu venyu vaIsraeri, vazive kuti imba ino yandakavaka yakatumidzwa zita renyu.” (2 Makoronike 6:32, 33) Nenzira iri pachena, Mwari akaratidza kugamuchira kwake munyengetero waSoromoni wokutsaurira. Mwoto wakadonha uchibva kudenga ndokupedza zvibayiro zvemhuka zvaiva pamusoro peatari, uye mbiri yaJehovha yakazadza tembere.—2 Makoronike 7:1-3.
17. Chii chakaitika pakupedzisira kutembere yakavakwa naSoromoni, uye nei?
17 Nenzira inosuruvarisa, vaIsraeri vakarasikirwa nekutya kwavo Jehovha kwakanaka. Pakupedzisira, vakashatisa zita rake guru kupfurikidza nezviito zvekudeura ropa, kunamata zvidhori, upombwe, makunakuna, uye kupfurikidza nokubata zvisina kufanira nherera, chirikadzi, uye vatorwa. (Ezekieri 22:2, 3, 7, 11, 12, 26, 29) Nokudaro, mugore ra607 B.C.E., Mwari akaita rutongeso kupfurikidza nokuunza hondo dzeBhabhironi kuti dziparadze tembere. VaIsraeri vakapukunyuka vakatapwa kuBhabhironi.
18. Patembere yechipiri, iropafadzoi dzakazarukira vamwe varume vakanga vasiri vaIsraeri avo vakatsigira nomwoyo wose kunamatwa kwaJehovha?
18 Pashure pamakore 70 vakasarira vanopfidza vechiJudha vakadzokera kuJerusarema uye vakapiwa ropafadzo yokuvakazve tembere yaJehovha. Nenzira inofadza, pakanga pane kuperevedza kwevaprista navaRevhi vokubatira mutembere iyi yechipiri. Somugumisiro, vaNetinimi, avo vakabva kune varanda vomutembere vaisava vaIsraeri, vakapiwa ropafadzo huru zvikuru savashumiri veimba yaMwari. Zvisinei, havana kutongova vakaenzana navaprista navaRevhi.—Ezra 7:24; 8:17, 20.
19. Chipikirwai icho Mwari akaita pamusoro petembere yechipiri, uye mashoko aya akava echokwadi sei?
19 Pakutanga kwakaratidzika kuti tembere yechipiri yaizova isiri chinhu ichienzaniswa neyekutanga. (Hagai 2:3) Asi Jehovha akavimbisa, kuti: “Ndichazunungusa ndudzi dzose; zvose zvinodikanwa nendudzi dzose zvichauya; ndichazadza imba ino nokubwinya . . . Kubwinya kwokupedzisira kweimba ino kuchapfuura kwokutanga.” (Hagai 2:7, 9) Sezvakafanotaurwa, tembere yechipiri yakava nembiri zvikuru. Yakapfuura yokutanga nemakore 164, uye vanamati vazhinji zvikuru vaibva kunyika zhinji zvikuru vakadirana muvazhe dzayo. (Enzanisa naMabasa 2:5-11.) Kunatswa kwetembere yechipiri kwakatanga mumazuva aMambo Herodhe, uye vazhe dzayo dzakakudzwa. Iri pakakwirira pahombe pakavakwa nemabwe uye yakapoteredzwa nemabiravira akaisvonaka, yaienzana mukuisvonaka netembere yapakuvamba yakavakwa naSoromoni. Yaibatanidza ruvazhe rukuru, rwokunze rwavanhu vemarudzi avo vaida kunamata Jehovha. Mupingo wemabwe waiparadzanisa Ruvazhe urwu rwaVamarudzi nevazhe dzomukati idzo dzaichengeterwa vaIsraeri bedzi.
20. (a) Musiyanoi wakatanhamara wakaratidzira tembere yakavakwazve? (b) Chii chakaratidza kuti vaJudha vairangarira tembere zvisina kururama, uye Jesu akaitei mukupindura ikoku?
20 Iyi tembere yechipiri yakafarikanya musiyano mukuru wokuva neMwanakomana waMwari, Jesu Kristu, achidzidzisa mukati mevazhe dzayo. Asi setembere yokutanga, vaJudha vese zvavo havana kurangarira zvakafanira ropafadzo yavo yokuva vachengeti veimba yaMwari. Chokwadi, vakatobvumira vatengesi kuita bhizimisi muruvazhe rwaVamarudzi. Uyezve, vanhu vaibvumirwa kushandisa tembere senzira yekudimburira pavaitakura zvinhu muJerusarema. Mazuva mana asati afa, Jesu akachenesa tembere pamiitiro yakadaro yenyika, achipfuurira, kuti: “Hakuna kunyorwa here kuchinzi: Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yamarudzi ose? Asi imi makaiita bako ramakororo.”—Marko 11:15-17.
Mwari Anosiya Imba Yake Yapasi Nokusingaperi
21. Chii icho Jesu akaratidzira pamusoro petembere yeJerusarema?
21 Nemhaka yechiito chaJesu cheushingi mukutsigira kunamatwa kwakachena kwaMwari, vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha vakanga vakatsunga kumuuraya. (Marko 11:18) Achiziva kuti aizokurumidza kupondwa, Jesu akati kuvatungamiriri vorudzidziso vechiJudha: “Masiyirwa imba yenyu rava dongo.” (Mateo 23:37, 38) Nenzira iyoyo akaratidzira kuti nokukurumidza Mwari haasati aizogamuchirazve chimiro chekunamata chaiitwa patembere chaiyoiyo muJerusarema. Haisati yaizovazve “imba yokunyengetera yamarudzi ose.” Apo vadzidzi vake vakaratidza Jesu zvivako zvakaisvonaka zvetembere, akati: “Munoona zvinhu izvi zvose here? . . . Hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.”—Mateo 24:1, 2.
22. (a) Mashoko aJesu pamusoro petembere akazadzikwa sei? (b) Panzvimbo pekunangidzira tariro dzavo paguta rapasi, vaKristu vapakuvamba vakatsvakei?
22 Uporofita hwaJesu hwakazadzikwa makore 37 gare gare mugore ra70 C.E., apo hondo dzeRoma dzakaparadza Jerusarema netembere yaro. Ikoko kwakagovera chibvumikiso chinoshamisa chokuti Mwari zvirokwazvo akanga asiya imba yake yokufananidzira. Jesu haana kutongofanotaura kuvakwazve kweimwe tembere muJerusarema. Pamusoro peguta iroro rapasi, muapostora Pauro akanyorera vaKristu veHebheru, kuti: “Pano hatina guta richagara, asi tinotsvaka richazovapo.” (VaHebheru 13:14) VaKristu vapakuvamba vaitarira mberi kukuva rutivi rwe“Jerusarema riri kudenga”—Umambo hwakaita seguta hwaMwari. (VaHebheru 12:22) Nokudaro, kunamatwa kwechokwadi kwaJehovha hakusati kuchiri kwakanangidzirwa patembere inooneka pasi pano. Munyaya yedu inotevera, ticharangarira gadziriro huru iyo Mwari akaita nokuda kwavose avo vanoshuva kumunamata “mumweya nezvokwadi.”—Johane 4:21, 24.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Adhama naEvha vakarasikirwa neukamai naMwari?
◻ Nei mativi etabhenakeri achifanira kutifadza?
◻ Chii chatinodzidza mumibato yemuruvazhe rwetabhenakeri?
◻ Nei Mwari akabvumira kuti tembere yake iparadzwe?
[Mifananidzo iri papeji 10, 11]
Tembere Yakavakwazve naHerodhe
1. Nzvimbo Tsvene-tsvene
2. Nzvimbo Tsvene
3. Atari Yezvipiriso Zvinopiswa
4. Gungwa Rakaumbwa
5. Ruvazhe Rwevaprista
6. Ruvazhe rwaIsraeri
7. Ruvazhe Rwevakadzi