Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Mishumo yemakore akati inoratidza kuti nhamba inodya zviratidzo zveChirangaridzo yakawedzera zvishomanene. Ikoku kunokarakadza kuti vatsva vazhinji vari kuzodzwa nemudzimu mutsvene here?
Kune chikonzero chakanaka chokudavira kuti nhamba yevaKristu vakazodzwa 144 000 yakapedzwa makumi amakore akapfuura.
Pana Mabasa 2:1-4, tinorava nezvevekutanga vari muboka iroro rakaganhurirwa: “Zvino zuva rePentekosta rakati rasvika, vakanga vakaungana vose pamwe chete panzvimbo imwe. Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga, kukazadza imba yose mavakanga vagere. Vakaonawo ndimi dzichiparadzana, dzinenge dzomwoto; ndokumhara pamusoro womumwe nomumwe wavo. Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, pavakapiwa napo noMweya kureva.”
Pashure paikoko, Jehovha akasarudza vamwe, uye akavazodza nemudzimu mutsvene wake. Zviuru zvakawedzerwa mumakore apakuvamba zvikuru echiKristu. Pakuchengetwa kweChirangaridzo munguva yedu, mukurukuri anowanzorereudzira ngwariro kumashoko omuapostora Pauro ari pana VaRoma 8:15-17, ayo anodudza kuti vakazodzwa ‘vanogamuchira mudzimu wekugamuchirwa sevanakomana.’ Pauro akawedzera kuti mudzimu mutsvene wavanogamuchira ‘unopupurirana nemudzimu wavo, kuti vana vaMwari, vadyi venhaka pamwe chete naKristu.’ Avo zvirokwazvo vakazodzwa nomudzimu uyu vanozviziva neuchokwadi. Hachisi chidowo zvacho kana kuti kuratidzirwa kwemurangariro wavo vamene kwemirangariro kana kuti usiri wechokwadi.
Tinonzwisisa kuti uku kudanwa kwekudenga kwakapfuurira mumazana amakore, kunyange zvazvo mune inonzi Dark Ages, kungave kwakanga kune nguva apo nhamba yevakazodzwa yakanga iri shomanene zvikuru.a Nekusimbiswazve kwechiKristu chechokwadi pedyo nemugumo wezana ramakore rapfuura, vazhinji vakadanwa ndokusarudzwa. Asi kunoratidzika kuti pakati pema1930, nhamba yakazara ye144 000 yakapedzwa zvikurukuru. Nokudaro kwakavamba kuoneka boka ravaKristu vakavimbika vane tariro yapasi. Jesu akadana vakadaro kuti “mamwe makwai,” ayo anobatana mukunamata navakazodzwa seboka rimwe rinotenderwa.—Johane 10:14-16.
Maidi mukati memakumi amakore apfuura anoratidzira zvose zviri zviviri kupedzwa kwekudanwa kwevakazodzwa nechikomborero chaJehovha pa“boka guru” riri kukura, iro rinotarira kupukunyuka “dambudziko guru.” (Zvakazarurwa 7:9, 14, NW) Somuenzaniso, pakuchengetwa kweChirangaridzo muna 1935, kwakapindwa ne63 146, avo vakadya zviratidzo mukuratidza kutaura kwavo kuva vakazodzwa vakasvika 52 465. Makore makumi matatu gare gare, kana kuti muna 1965, vapindi vakanga vari 1 933 089, nepo vadyi vakaderera kusvikira ku11 550. Tichiuya makore 30 kusvikira kunguva ino, muna 1995 vapindi vakasvika ku13 147 201, asi 8 645 bedzi vakadya chingwa newaini. (1 VaKorinte 11:23-26) Nenzira yakajeka, sezvo makumi amakore akapfuura, nhamba yeavo vanotaura kuva vevakasarira yakaderera zvikuru—52 400 muna 1935; 11 500 muna 1965; 8 600 muna 1995. Zvisinei, avo vane tariro dzapasi vakakomborerwa, uye nhamba yavo yakawedzera zvikuru.
Mushumo wakabudiswa nguva pfupi yapfuura zvikurusa ndewegore ra1995, uye unoratidza vamwe vadyi 28 kupfuura mugore rakapfuura racho kunyange zvazvo reshiyo yevadyi neiyo yevakapinda yakaderera chaizvoizvo. Pashure pekurangarira zvose, kuti vamwe vashomanene vakasarudza kudya zviratidzo hakufaniri kutikangaidza. Mukati memakore vamwe, kunyange avo vachangobva kubhapatidzwa, kamwe kamwe vakavamba kudya. Muzviitiko zvakati, pashure penguva yakati vakabvuma kuti ikoku kwakanga kuri mhosho. Vamwe vakaziva kuti vakadya sokuita chimwe chinhu kwemanyemwe zvichida dzvinyiriro yemuviri kana kuti yendangariro. Asi vakasvika pakuona kuti chaizvoizvo vakanga vasina kudanirwa kuupenyu hwekudenga. Vakakumbira kunzwisisa kwaMwari kwengoni. Uye vanopfuurira kumubatira savaKristu vakaisvonaka, vakavimbika, vane tariro youpenyu husingaperi pasi pano.
Hapana kudikanwa kwekuti upi neupi wedu anetseke kana munhu akavamba kudya zviratidzo kana kuti akarega kuita saizvozvo. Chaizvoizvo hausi mutoro wedu kuti mumwe munhu akazodzwa chaizvoizvo nemudzimu mutsvene here ndokudanirwa kuupenyu hwekudenga kana kuti kwete. Yeuka vimbiso yaJesu yakasimba, yokuti: “Ndini mufudzi wakanaka, ndinoziva makwai angu.” Pasina kupanikira nenzira yakafanana, Jehovha anoziva avo akasarudza sevanakomana vomudzimu. Kune chikonzero chiri chose chokudavira kuti nhamba yevakazodzwa ichapfuurira kuderera sezvo kukwegura nezviitiko zvisingafanoonwi zvinogumisa upenyu hwavo hwepasi. Bva, kunyange sezvo ava vakazodzwa zvirokwazvo vanobvumikisa kuva vakatendeka kusvikira kurufu, vachiwana korona yeupenyu, mamwe makwai, ayo akasuka nguo dzawo muropa reGwayana, anogona kutarira mberi kukupukunyuka dambudziko guru riri kuswedera.—2 Timotio 4:6-8; Zvakazarurwa 2:10.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Nharireyomurindi yechiNgezi yaMarch 15, 1965, mapeji 191-2.