RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 9/1 pp. 19-24
  • Kurarama Maererano Nemutemo waKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurarama Maererano Nemutemo waKristu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mumhuri
  • Muungano
  • Vakuru Vanoshandisa Mutemo waKristu
  • Kurarama Maererano neMutemo waKristu
  • Mutemo waKristu Uri Kushanda!
  • Mutemo waKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Rudo Nekubata Vamwe Zvakanaka Muungano yechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Teerera Mhinduro Dzemibvunzo Iyi
    Purogiramu Yegungano Redunhu ya2017-2018—Nemumiririri Webazi
  • Jehovha Anodei Kwatiri Nhasi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 9/1 pp. 19-24

Kurarama Maererano Nemutemo waKristu

“Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murayiro waKristu saizvozvo.”—VAGARATIA 6:2.

1. Nei kungataurwa kuti mutemo waKristu isimba guru rezvakanaka nhasi?

MURWANDA, Zvapupu zvaJehovha zvechiHutu nezvechiTutsi zvakaisa upenyu hwazvo mungozi kuti zvidzivirirane pakuurayana kwemadzinza kwakava munyika iyoyo nguva pfupi yapfuura. Zvapupu zvaJehovha muKobe, Japan, izvo zvakarasikirwa nemitezo yemhuri mukudengenyeka kwapasi kunoparadza zvakakuvadzwa nekurasikirwa kwazvo. Bva, zvakaenda nokukurumidza kundonunura vamwe vanyajambwa. Hungu, mienzaniso inofadza inobva munyika yose inoratidzira kuti mutemo waKristu uri kushanda nhasi. Isimba guru rezvakanaka.

2. ChiKristudhomu chakakundikana sei kunzwisisa mutemo waKristu, uye tinoita sei mutemo iwoyo?

2 Panguva imwe cheteyo, uporofita hweBhaibheri pamusoro peano “mazuva okupedzisira” akaoma huri kuzadzikwa. Vazhinji vane “mufananidzo bedzi wokunamata” asi ‘vanobvumikisa kuva venhema kusimba rako.’ (2 Timotio 3:1, 5) Zvikurukuru muchiKristudhomu, rudzidziso runowanzova nhau yemuitiro, kwete yemwoyo. Ikoko imhaka here yokuti kwakanyanyooma kurarama maererano nemutemo waKristu? Aiwa. Jesu aisazotipa mutemo usingagoni kuteverwa. ChiKristudhomu hachina kunzwisisa hacho mutemo iwowo. Chakundikana kuteerera mashoko aya akafuridzirwa: “Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murayiro waKristu saizvozvo.” (VaGaratia 6:2) Tino“zadzisa murayiro waKristu” kupfurikidza nekutakurirana mitoro, kwete kupfurikidza nekutevedzera vaFarise uye kuwedzera zvisina kururamisira mitoro yehama dzedu.

3. (a) Ndeipi iri mimwe mirayiro inobatanidzwa mumutemo waKristu? (b) Nei kungava kusina kururama kugumisa kuti ungano yechiKristu haifaniri kuve nemitemo kunze kwemirayiro yakananga yaKristu?

3 Mutemo waKristu unobatanidza mirayiro yose yaJesu Kristu—kungava kuparidza nekudzidzisa, kuchengeta ziso rakachena uye rakapfava, kushandira kuchengeta rugare nemuvakidzani wedu, kana kuti kubvisa kusachena muungano. (Mateo 5:27-30; 18:15-17; 28:19, 20; Zvakazarurwa 2:14-16) Zvirokwazvo, vaKristu vanosungirwa kuchengeta mirayiro yose iri muBhaibheri iyo yakanangidzirwa kuvateveri vaKristu. Uye kune zvakawanda. Sangano raJehovha, pamwe chete neungano dzimwe nedzimwe, rinofanira kutanga mitemo iri madikanwa nemiitiro kuitira kuti zvichengete nhevedzano yakanaka. (1 VaKorinte 14:33, 40) Chokwadi, vaKristu vaisagona kunyange kuungana kudai vakanga vasina mitemo pamusoro pekuti misangano yakadaro inofanira kuitwa sei, rini, uye kupi! (VaHebheru 10:24, 25) Kubatira pamwe nenhungamiro dzine mufungo dzakaiswa neavo vakapiwa chiremera vari musangano rutiviwo rwekuita mutemo waKristu.—VaHebheru 13:17.

4. Isimbai rinosunda kunamata kwakachena?

4 Kunyange zvakadaro, vaKristu vechokwadi havabvumiri kunamata kwavo kuva kurongwa kusina revo kwemitemo. Havabatiri Jehovha nemhaka bedzi yekuti mumwe munhu kana kuti sangano rinovataurira kudaro. Panzvimbo pezvo, simba rinosunda kunamata kwavo rudo. Pauro akanyora, kuti: “Kuda Kristu kunotisunda.” (2 VaKorinte 5:14, NW, mashoko omuzasi) Jesu akarayira vateveri vake kudanana. (Johane 15:12, 13) Rudo rwekurega zvimwe zvinhu ndirwo hwaro hwemutemo waKristu, uye runomanikidza kana kuti kusunda vaKristu vechokwadi kwose kwose, mose muri muviri mumhuri uye muungano. Ngationei kuti sei.

Mumhuri

5. (a) Vabereki vanogona sei kuita mutemo waKristu mumusha? (b) Chii chinoda vana kuvabereki vavo, uye imhinganidzoi idzo vamwe vabereki vanofanira kukunda kuitira kuti vachigovere?

5 Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Imi varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadawo kereke, akazvipa nokuda kwayo.” (VaEfeso 5:25) Apo murume anotevedzera Kristu uye anobata mudzimai wake nerudo nekunzwisisa, anoita rutivi runokosha rwemutemo waKristu. Uyezve, Jesu akaratidza vana vaduku chidakadaka pachena, achiisa maoko ake pavari, uye achivakomborera. (Marko 10:16) Vabereki vanoita mutemo waKristu vanoratidzawo vana vavo chidakadaka. Chokwadi, kune vabereki vanokuwana kuri denho kutevedzera muenzaniso waJesu muna ikoku. Vamwe havaratidziri nemuzvarirwo. Vabereki, musarega kurangarira kwakadaro kuchikudzivisai kuratidza vana rudo rwamunovanzwira! Hakuna kukwana kuti imi muzive kuti munoda vana venyu. Ivo vanofanira kukuzivawo. Uye havasati vachizokuziva kutoti mukawana nzira dzokuratidza nadzo rudo rwenyu.—Enzanisa naMarko 1:11.

6. (a) Vana vanoda mitemo yevabereki here, uye nei uchipindura kudaro? (b) Vana vanofanira kunzwisisa chikonzeroi chikuru chemitemo yemhuri? (c) Ingozii dzinodziviswa apo mutemo waKristu unotekeshera mumusha?

6 Panguva imwe cheteyo, vana vanoda miganhu, uko kunoreva kuti vabereki vavo vanofanira kuita mitemo uye pane dzimwe nguva kuita kuti mitemo iyoyo ichengetwe kupfurikidza nechirango. (VaHebheru 12:7, 9, 11) Kunyange zvakadaro, vana vanofanira kubetserwa nenzira inofambira mberi kuti vaone chikonzero chikuru chemitemo iyoyi: vabereki vavo vanovada. Uye vanofanira kuziva kuti rudo chikonzero chakanakisisa chokuti vateerere vabereki vavo. (VaEfeso 6:1; VaKorose 3:20; 1 Johane 5:3) Nharidzano yemubereki anonzwisisa ndeyekudzidzisa vaduku kushandisa “simba [ravo] rokurangarira” kuitira kuti pakupedzisira vagozviitira zvisarudzo zvakanaka vari voga. (VaRoma 12:1, NW; enzanisa na1 VaKorinte 13:11.) Pane rumwe rutivi, mitemo haifaniri kuva yakawanda zvikuru kana kuti chirango chinorwadza zvikuru. Pauro anoti: “Madzibaba, regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.” (VaKorose 3:21; VaEfeso 6:4) Apo mutemo waKristu unotekeshera mumhuri, hakuna nzvimbo yechirango chinoitwa nekutsamwa kusingadzorwi kana kuti nokuda kwekunyomba kunokuvadza. Mumusha wakadaro, vana vanonzwa vakachengeteka uye vachivakwa, kwete varemedzwa kana kuti vaodzwa mwoyo.—Enzanisa nePisarema 36:7.

7. Misha yeBheteri ingagovera muenzaniso munzirai pakunouya kukugadza mitemo mumusha?

7 Vamwe vakashanyira misha yeBheteri kupota nyika yose vanotaura kuti yakadaro mienzaniso yakanaka yedzikamo munhau yemitemo yemhuri. Kunyange zvazvo yakaumbwa nevakuru, misha yakadaro inoshanda semhuri zvikuru.a Kushanda kweBheteri kwakaoma kunzwisisa uye kunoda nhamba yakati yemitemo—zvirokwazvo inopfuura yemhuriwo zvayo. Kunyange zvakadaro, vakuru vanotungamirira mumisha yeBheteri, mahofisi, uye kushanda kwefekitari vanoedza kushandisa mutemo waKristu. Vanourangarira semugove wavo kwete bedzi kuronga basa asiwo kutsigira fambiro mberi yomudzimu ne“mufaro waJehovha” pakati pevashandi biyavo. (Nehemia 8:10) Naizvozvo, vanoedza kuita zvinhu nenzira yakanaka uye inokurudzira uye vanovavarira kuva vane mufungo. (VaEfeso 4:31, 32) Hakushamisi kuti mhuri dzeBheteri dzinozivikanwa nokuda kwemudzimu wadzo wokufara!

Muungano

8. (a) Chii chinofanira kuve vavariro yedu nguva dzose muungano? (b) Vamwe vakakumbira kana kuti vakaedza kuita mitemo mumamiriroi ezvinhu?

8 Muungano nenzira yakafanana ivavariro yedu kuvakana mumudzimu werudo. (1 VaTesaronika 5:11) Naizvozvo vaKristu vose vanofanira kungwarira kuti vasawedzere kumitoro yevamwe kupfurikidza nokuisa ivo vamene mifungo yavo munhau dzechisarudzo chemunhu oga. Padzimwe nguva, vamwe vanonyorera Watch Tower Society vachikumbira mitemo panhau dzakadai sekuti murangariro upi wavanofanira kuva nawo wemafirimu akati, mabhuku, uye kunyange zvokutambisa zvavana. Bva, Sosaiti haina mvumo yekuongorora zvinhu zvakadaro uye kupa chisarudzo pazviri. Muzviitiko zvizhinjisa, idzi inhau idzo munhu mumwe nomumwe kana kuti musoro wemhuri unofanira kusarudza, kuchivakirwa pakuda kwake nheyo dzeBhaibheri. Vamwe vanoda kuchinja zvikarakadzo zveSosaiti nenhungamiro kuva mitemo. Somuenzaniso, muchinyorwa chaMarch 15, 1996, cheNharireyomurindi, makanga mune nyaya yakaisvonaka yaikurudzira vakuru kuita shanyo dzokufudza dzenguva dzose pamitezo yeungano. Chinangwa chacho chakanga chiri chokuita mitemo here? Aiwa. Kunyange zvazvo vaya vanokwanisa kutevera zvikarakadzo zvacho vachiwana betsero zhinji, vamwe vakuru havakwanisi kuita saizvozvo. Nenzira yakafanana, nyaya ye“Mibvunzo Inobva Kuvaravi” iri muchinyorwa chaApril 1, 1995, cheNharireyomurindi yakanyevera pamusoro pekusaremekedza nhambo yerubhapatidzo kupfurikidza nekunyanyisa, zvakadai semabiko eupengo kana kuti kuronga mitambo yerukundo. Vamwe vakanyanyisa kushandisa iri zano rokukura mumudzimu, vachitoita mutemo wokuti kutumira kadhi rokukurudzira panhambo iyi kungava kwakashata!

9. Nei kuchikosha kuti tidzivise kuve vanonyanyoshorana nekunyanyotongana?

9 Rangarirawo kuti kana “mutemo wakakwana werusununguko” uchizotekeshera pakati pedu, tinofanira kubvuma kuti hadzisi hana dzomuKristu ari wose dzakafanana. (Jakobho 1:25) Tinofanira kugumbuka kana vanhu vaine zvisarudzo zvomunhu oga zvisingaputsi nheyo dzepaMagwaro here? Aiwa. Kuita kwedu saizvozvo kungava kunoparadzanisa. (1 VaKorinte 1:10) Pauro, pakutinyevera pamusoro pekutonga muKristu biyedu, akati: “Iye unomira kana unowa pamberi paShe wake. Uchamiswa hake, nokuti Ishe ane simba rokumumisa.” (VaRoma 14:4) Tinopinda mungozi yokusafadza Mwari kana tikashorana pamusoro penhau dzinofanira kusiirwa kuhana yemunhu.—Jakobho 4:10-12.

10. Ndivanaani vanogoverwa kuti vatarire ungano, uye tinofanira kuvatsigira sei?

10 Ngatiyeukeiwo kuti vakuru vanogoverwa kuti vatarisire makwai aMwari. (Mabasa 20:28) Varipo kuti vabetsere. Tinofanira kunzwa takasununguka kuvasvika nokuda kwezano, nokuti vadzidzi veBhaibheri uye vakarovedzana nezvakakurukurwa mumabhuku eWatch Tower Society. Apo vakuru vanoona mufambiro uyo sezvingabvira uchatungamirira kukuputswa kwenheyo dzepaMagwaro, nokusatya vanopa zano rinodikanwa. (VaGaratia 6:1) Mitezo yeUngano inotevera mutemo waKristu kupfurikidza nokubatira pamwe neava vafudzi vanodiwa, avo vanotungamirira pakati pavo.—VaHebheru 13:7.

Vakuru Vanoshandisa Mutemo waKristu

11. Vakuru vanoshandisa sei mutemo waKristu muungano?

11 Vakuru vanodisa kuita mutemo waKristu muungano. Vanotungamirira mukuparidza mashoko akanaka, vanodzidzisa zvinobva muBhaibheri kuitira kuti vasvike mwoyo uye, sevafudzi vane rudo, vanyoro, vanotaura ku“vanopera mwoyo.” (1 VaTesaronika 5:14) Vanodzivisa zvimiro zvendangariro zvisati zviri zvechiKristu zviri mumarudzidziso mazhinji kwazvo echiKristudhomu. Chokwadi, nyika ino iri kuipa nokukurumidza, uye kufanana naPauro, vakuru vangafunganya nokuda kweboka; asi vanochengeta dzikamo sezvavanoita chiito pamusoro peitiro hanya dzakadaro.—2 VaKorinte 11:28.

12. Apo muKristu anosvika mukuru nokuda kwebetsero, mukuru angapindura sei?

12 Somuenzaniso, muKristu angashuva kubvunza mukuru pamusoro penhau inokosha iyo isingafukidzwi nenongedzero yakananga yeMagwaro kana kuti inoda kudzikamisa nheyo dzakasiyana-siyana dzechiKristu. Zvichida akwidziridzwa kubasa rinobhadhara zvikuru asi rine mutoro mukuru. Kana kuti baba vasingatendi vemuKristu muduku vangave vachirayira mwanakomana wavo zvingagona kutapura ushumiri hwake. Mumamiriro ezvinhu akadaro mukuru anorega kupa mufungo wemunhu oga. Panzvimbo pezvo, sezvingabvira achazarura Bhaibheri ndokubetsera munhu wacho kurangarira nheyo dzakakodzera. Angashandisa Watch Tower Publications Index, kana ichiwanika, kuwana izvo “muranda wakatendeka, wakangwara” akataura pamusoro penhau yacho mumapeji eNharireyomurindi nezvimwe zvinyorwa. (Mateo 24:45) Zvakadini kana muKristu pashure pezvo akaita chisarudzo chinoratidzika sechisiri chekuchenjera kumukuru? Kana chisarudzo chacho chisingaputsi zvakananga nheyo dzeBhaibheri kana kuti mitemo, muKristu achawana kuti mukuru anoziva kodzero yomunhu yokuita chisarudzo chakadaro, achiziva kuti “mumwe nomumwe uchafanira kutakura mutoro wake.” MuKristu anofanira kuyeuka, zvisinei, kuti “izvo zvinodyara munhu, ndizvo zvaanochekazve.”—VaGaratia 6:5, 7.

13. Panzvimbo pokupa mhinduro dzakananga kumibvunzo kana kuti kupa mifungo yavo vamene, nei vakuru vachibetsera vamwe kurangarira zvinhu?

13 Nei mukuru ane ruzivo rwokuzviwanira achiita neiyi nzira? Nokuda kwezvikonzero zvinenge zviviri. Chekutanga, Pauro akaudza imwe ungano kuti akanga asiri ‘tenzi pakutenda kwavo. (2 VaKorinte 1:24) Mukuru, mukubetsera hama yake kurangarira Magwaro uye kuita chisarudzo chake amene chokuziva, ari kutevedzera chimiro chendangariro chaPauro. Anoziva kuti pane ganhuriro kuchiremera chake, kungofanana naJesu akaziva kuti pakanga pane ganhuriro kuchiremera chake. (Ruka 12:13, 14; Judhasi 9) Panguva imwe cheteyo, vakuru vanopa zano rinobetsera nokudisa, rakatosimba, rapaMagwaro parinodikanwa. Chechipiri, ari kurovedza muKristu biyake. Muapostora Pauro akati: “Zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, vanokuziva kwakadzidziswa, nenzira yokurovedzwa, kuzivisisa zvakanaka nezvakaipa.” (VaHebheru 5:14) Nokudaro, kuti tikure mumudzimu, tinofanira kushandisa simba redu timene rokunzwisisa, kwete kutsamira nguva dzose pane mumwe munhuwo zvake kuti atipe mhinduro. Mukuru, kupfurikidza nokuratidza muKristu biyake nzira yokurangarira nayo Magwaro, nenzira iyi ari kumubetsera kufambira mberi.

14. Vakakura mumudzimu vanogona sei kuratidza kuti vanovimba naJehovha?

14 Tinogona kuva nekutenda kuti Jehovha Mwari kupfurikidza nemudzimu wake mutsvene achapesvedzera mwoyo yevanamati vake vechokwadi. Nokudaro, vaKristu vakakura mumudzimu vanofadza mwoyo yehama dzavo, vachidzikumbira, sezvakaita muapostora Pauro. (2 VaKorinte 8:8; 10:1; Firemoni 8, 9) Pauro aiziva kuti zvikurukuru ndivasakarurama, kwete vakarurama, vanoda mitemo ine udzame yokuvachengeta vari mugwara. (1 Timotio 1:9) Akataura, kwete kunyumwira kana kuti kusavimba, asi kutenda hama dzake. Kune imwe ungano akanyora, kuti: “Tinokutendai munaShe.” (2 VaTesaronika 3:4) Kutenda kwaPauro, kunyinda, uye chivimbo zvirokwazvo zvakaita zvizhinji kusunda vaKristu ivavo. Vakuru nevatariri vanofambira nhasi vane vavariro dzakafanana. Varume ava vakatendeka vanozorodza sei, sezvo vanofudza norudo makwai aMwari!—Isaya 32:1, 2; 1 Petro 5:1-3.

Kurarama Maererano neMutemo waKristu

15. Ndeipi iri mimwe mibvunzo yatinogona kuzvibvunza timene kuti tione kana tiri kushandisa mutemo waKristu muukama hwedu nehama dzedu?

15 Tose zvedu tinofanira kuzvinzvera timene nguva dzose kuti tione kana tiri kurarama maererano nemutemo waKristu uye kuutsigira. (2 VaKorinte 13:5) Chaizvoizvo, tose zvedu tinogona kubetserwa kupfurikidza nokubvunza, kuti: ‘Ndinovaka here kana kuti ndinotsoropodza? Ndakadzikama here kana kuti ndinonyanyisa? Ndinoitira hanya vamwe kana kuti ndinoomerera pakodzero dzangu ndimene here?’ MuKristu haaedzi kurayira nhanho idzo hama yake inofanira kuita kana kuti isingafaniri munhau dzisingafukidzwi zvakananga muBhaibheri.—VaRoma 12:1; 1 VaKorinte 4:6.

16. Tinogona sei kubetsera avo vanozvirangarira vamene zvakashata, nokudaro tichiita rutivi runokosha rwemutemo waKristu?

16 Munguva dzino dzakaoma, kunokosha kuti titsvake nzira dzokukurudzirana nadzo. (VaHebheru 10:24, 25; enzanisa naMateo 7:1-5.) Apo tinotarira hama dzedu nehanzvadzi, mavara adzo akanaka haarevi zvizhinji zvikuru kwatiri kupfuura utera hwadzo here? Kuna Jehovha, mumwe nomumwe anokosha. Nenzira isingafadzi, havasi vose vanonzwa nenzira iyoyo, kunyange pamusoro pavo vamene. Vamwe vanoda kuona bedzi zvikanganiso zvavo vamene nekusakwana. Kuti tikurudzire vakadaro—nevamwe—tingaedza here kutaura kumunhu mumwe kana kuti vaviri pamusangano mumwe nomumwe, tichivaita kuti vazive chikonzero nei tichikoshesa kuvapo kwavo uye mupiro unokosha wavanoita muungano? Mufaro wakadini kuderedza mutoro wavo nenzira iyi uye nenzira iyoyo kuita mutemo waKristu!—VaGaratia 6:2.

Mutemo waKristu Uri Kushanda!

17. Munzirai dzakasiyana-siyana maunoona mutemo waKristu uchishanda muungano yako?

17 Mutemo waKristu uri kushanda muungano yechiKristu. Tinouona zuva nezuva—apo Zvapupu biyedu zvinogoverana nekudisa mashoko akanaka, apo zvinonyaradzana nokukurudzirana, apo zvinorwa kuti zvibatire Jehovha pasinei zvapo nezvinetso zvizhinjisa zvakaoma, apo vabereki vanovavarira kurera vana vavo kuti vade Jehovha nemwoyo inofara, apo vatariri vanodzidzisa Shoko raMwari nerudo neushamwari, vachinyandura boka kuva neshingairo huru yokubatira Jehovha nokusingaperi. (Mateo 28:19, 20; 1 VaTesaronika 5:11, 14) Apo isu savanhu vamwe navamwe tinoshandisa mutemo waKristu muupenyu hwedu timene, mwoyo waJehovha unofara sei! (Zvirevo 23:15) Anoda kuti avo vose vanoda mutemo wake wakakwana vararame nokusingaperi. MuParadhiso iri kuuya, tichaona nguva apo rudzi rwomunhu rwunenge rwakwana, nguva isina vanotyora mutemo, uye nguva apo chimiro chiri chose chemwoyo yedu chinenge chichidzorwa. Ituso ine mbiri zvakadini yokurarama maererano nemutemo waKristu!

[Mashoko Omuzasi]

a Misha yakadaro haina kufanana nemisha yemamongi yechiKristudhomu. Haina vana“abbot,” kana kuti “vanababa,” mupfungwa iyoyo. (Mateo 23:9) Hama dzine mutoro dzinoremekedzwa, asi basa radzo rinotungamirirwa nenheyo dzimwe chetedzo dzinodzora vakuru vose.

Unofungei?

◻ Nei chiKristudhomu chakakundikana kunzwisisa mutemo waKristu?

◻ Tingashandisa sei mutemo waKristu mumhuri?

◻ Kuti tishandise mutemo waKristu muungano, tinofanira kudzivisei, uye tinofanira kuitei?

◻ Vakuru vangateerera sei mutemo waKristu mukubata kwavo neungano?

[Mufananidzo uri papeji 23]

Mwana wako anoda zvikuru rudo

[Mufananidzo uri papeji 24]

Vakuru vedu vane rudo vanozorodza sei!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe