RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 9/1 pp. 30-31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Zvaunofanira Kuziva Nezvechirwere Chepfungwa
    Mukai!—2015
  • Kana Munhu Waunoda Ane Chirwere Chepfungwa
    Mukai!—2004
  • Dambudziko Rezvirwere Zvepfungwa Rapararira Pasi Rese
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2023
  • 4 | Bhaibheri Rine Mazano Anobatsira
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2023
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 9/1 pp. 30-31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Kungava kuchenjera here kuti muKristu atsvake betsero yachiremba woutano hwendangariro?

Mishumo inobva kune dzimwe nyika inoratidzira kuti pave pane wedzero muzvirwere zvepfungwa nendangariro muano “mazuva okupedzisira.” (2 Timotio 3:1) VaKristu vanonzwa tsitsi huru zvikuru apo vatendi biyavo vanotapurwa, asi ivo vanoziva kuti mumwe nomumwe anofanira kuzvisarudzira amene kana achifanira kutsvaka kurapwa chirwere chake uye, kana zvakadaro, rudzi rwokurapa kwacho.a “Munhu mumwe nomumwe uchafanira kutakura mutoro wake.” (VaGaratia 6:5) Vamwe, vachitambura neschizophrenia, kuvhiringidzika kwepfungwa, kupera mwoyo kukuru, kukanganisika kukuru kwepfungwa, kuzviremadza umene, uye zvimwe zvirwere zvinorwadza, vave vachikwanisa kurarama upenyu hwakanaka hwenguva dzose pashure pokuwana betsero yakarurama younyanzvi.

Mune dzimwe nzvimbo kwazova kwakakurumbira zvikuru kutsvaka kurapwa. Muzviitiko zvakawanda murwere anenge asina kuvhiringidzika kwendangariro kwakakomba asi ane chinetso mukubata namamiriro ezvinhu akati muupenyu. Zvisinei, iBhaibheri rinopa betsero inoshanda zvikurusa mukubata nezvinetso zvakaoma zvoupenyu. (Pisarema 119:28, 143) Kupfurikidza neBhaibheri, Jehovha anogovera uchenjeri, mano okufunga, uye zivo yechokwadi—zvinhu zvinotisimbisa mundangariro nomupfungwa. (Zvirevo 2:1-11; VaHebheru 13:6) Vabatiri vakatendeka vaMwari vangataura ivo vamene nenzira isina mufungo padzimwe nguva nemhaka yokusagadzikana kwakakomba kwomukati. (Jobho 6:2, 3) Jakobho 5:13-16 inokurudzira vakadaro kudana vakuru nokuda kwebetsero nezano. MuKristu angava achirwara mumudzimu, kana kuti iye angarwadziwa nemamiriro ezvinhu asingachinjiki kana kuti nedzvinyiriro dzinodzvinyirira, kana kuti angarangarira kuti ndinyajambwa wokusaruramisira. (Muparidzi 7:7; Isaya 32:2; 2 VaKorinte 12:7-10) Munhu akadaro anogona kuwana betsero kuvakuru, avo vacha‘muzora mafuta’—ndiko kuti, kupa nenzira younyanzvi zano rinonyaradza reBhaibheri—uyewo ku“munyengeterer[a].” Mugumisiro wacho? “Kunyengetera kwokutenda kuchaponesa unorwara, Ishe uchamumutsa; [kubva mukusava netariro kwake kana kuti mumurangariro wake wokuva akasiyiwa naMwari].”

Zvakadiniko, kunyange zvakadaro, kana nhamo yendangariro yomunhu uye kukangaidzika zvikapfuurira pasinei hapo nebetsero younyanzvi yavafudzi vomudzimu? Vamwe vari muaya mamiriro ezvinhu vakasarudza kunzverwa muviri kwakakwana. (Enzanisa naZvirevo 14:30; 16:24; 1 VaKorinte 12:26.) Chinetso chomuviri chingava chinoparira nhamo yepfungwa kana kuti yendangariro. Kurapa chinetso chakadaro mune zvimwe zviitiko kwakapa yamuro kumunhu anorwara mupfungwa.b Kana pasina chinetso chomuviri chinowanwa, chiremba, pakukumbirwa, angarumbidza nyanzvi youtano hwendangariro. Ipapo woitei? Sezvataurwa, ichi chisarudzo icho munhu mumwe nomumwe anofanira kuzviyerera amene. Vamwe havafaniri kutsoropodza kana kuti kutonga.—VaRoma 14:4.

Kunyange zvakadaro, uchenjeri hunoshanda hunofanira kushandiswa uye ngwariro inofanira kuitwa yokusakanganwa nheyo dzeBhaibheri. (Zvirevo 3:21; Muparidzi 12:13) Muchiitiko chechirwere chomuviri, varwere vanotarisana nezvisarudzo zvakasiyana-siyana zvokurapa, kubva kumishonga inogamuchirwa kusvika kukurapa kwakadai senaturopathy, acupuncture, uye homeopathy. Panewo marudzi akasiyana-siyana avanachiremba voutano hwendangariro. Pakati pavo pane vanoongorora pfungwa navamwe, avo vanganzvera nhau yomunhu oga yomurwere wacho kuti vaedze kuwana zvikonzero zvomuitiro usiri wenguva dzose kana kuti pfungwa inorwadza. Varapi vemiitiro yepfungwa vangaedza kubetsera murwere kudzidza miitiro mitsva. Vamwe vanachiremba voutano hwendangariro vanodavira kuti zvirwere zvendangariro zvakawanda zvikurusa zvinofanira kurapwa nemishonga.c Sezvinoshumwa, vamwe vanorumbidza zvokudya zvakarongwa namavhitamini.

Varwere nemhuri dzavo vanofanira kushandisa ngwariro pakurangarira zvisarudzo izvi. (Zvirevo 14:15) Nenzira inokosha, Purofesa Paul McHugh, mutungamiriri weDepartment of Psychiatry and Behavioral Sciences paJohns Hopkins University School of Medicine, akataura kuti kurapa utano hwendangariro “unyanzvi hwakakosha hwokurapa kusina kukwana. Hahugoni kuwana nyore nyore chibvumikiso chezvikarakadzo zvahwo kunyange sezvo huchibata nezvirwere zvamativi akaoma zvikurusa oupenyu hwomunhu—ndangariro nomuitiro.” Aya mamiriro ezvinhu anogovera mukana wokuva wechienzi nounyengeri, pamwe chete nokurapa kune vavariro yakanaka uko kungaita kuvadziko huru zvikuru kupfuura zvakanaka.

Kunofanira kududzwawo kuti nepo varapi vepfungwa navanzveri vepfungwa vane madhigirii apamusoro, vamwe vakawanda vasina zvikwaniriso vanoshanda vasina tarisiro savapi zano kana kuti varapi. Vamwe vanhu vakapedza mari yakawanda zvikuru vachitsvaka betsero kuvanhu vakadaro vasina kukwaniriswa.

Kunyange nenyanzvi dzakarovedzwa, dzakakwaniriswa dzoutano hwendangariro, pane zvinhu zvokurangarira. Pakusarudza chiremba kana kuti muvhiyi, tinofanira kuva nechokwadi chokuti iye acharemekedza mirangariro yedu yakavakirwa paBhaibheri. Nenzira yakafanana, kungava kune ngozi kutsvaka betsero kunyanzvi youtano hwendangariro iyo isingaremekedzi mirangariro yedu yorudzidziso uye yetsika. VaKristu vakawanda vari kuedza zvakaoma, pasinei zvapo nezvinetso zvendangariro uye zvepfungwa, kuva ne“chimiro chendangariro chimwe chetecho icho Kristu Jesu akanga anacho.” (VaRoma 15:5, NW) Vakadaro vanoitira hanya nenzira yakarurama pamusoro pezvimiro zvendangariro zvomunhu upi noupi uyo angatapura kufunga kwavo kana kuti muitiro. Vamwe varapi vanorangarira ganhuriro dzipi nedzipi dzinopiwa nezvitendero zvapaMagwaro sedzisiri madikanwa uye dzine bviro dzinokuvadza utano hwendangariro. Ivo vangatendera, kunyange kurumbidza, miitiro inoshurikidzwa muBhaibheri, yakadai soungochani kana kuti kusatendeseka muroorano.

Iyi misungo inobatanidzwa muicho muapostora Pauro akadana kuti “kuramba kunobva pazivo inonzi zivo.” (1 Timotio 6:20) Ivo vanopokanidza zvokwadi pamusoro paKristu uye rutivi rwo“kunyengera kusina maturo” kwenyika ino. (VaKorose 2:8) Mupimo weBhaibheri wakajeka: “Hakuna uchenjeri, kana njere, hakuna mano angakunda Jehovha.” (Zvirevo 21:30) Varapi voutano hwendangariro avo vanoti “zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka kuti ndizvo zvakaipa” “ushamwari hwakaipa.” Panzvimbo pokubetsera kurapa ndangariro dzisina kugadzikana, ivo vacha“odza tsika dzakanaka.”—Isaya 5:20; 1 VaKorinte 15:33.

Naizvozvo muKristu anorangarira kuti kuri madikanwa kutsvaka betsero yenyanzvi youtano hwendangariro anofanira kunzvera zvikwaniriso, chimiro chendangariro, uye mukurumbira zvachiremba wacho uye tapuro inobvira yokurapa kupi nokupi kunorumbidzwa. Kana muKristu ari kurwadziwa asingagoni kuita ikoku amene, zvichida shamwari yakakura mumudzimu, yapedyo kana kuti hama yokunyama ingakwanisa kubetsera. MuKristu asina chokwadi nezvouchenjeri hwokurapa kwakati angawana kuti kutaura navakuru vari muungano kunobetsera—kunyange zvazvo chisarudzo chokupedzisira chiri chake amene (kana kuti chavabereki vake, kana kuti chisarudzo chakabatanidzwa chomurume nomudzimai).d

Sayenzi inogona kuita zvakawanda zvikuru nhasi kupfuura munguva dzakapfuura kuderedza kutambura. Zvisinei, pane hosha dzakawanda—dzose dziri mbiri dzomuviri nedzepfungwa—idzo panguva ino dzisingarapiki uye dzinofanira kutsungirirwa mutsika ino yezvinhu. (Jakobho 5:11) Munguvayi “muranda wakatendeka, wakangwara,” vakuru, uye vamwe vose vari muungano vanotambanudza ruoko rwetsitsi netsigiro kuvanorwara. Uye Jehovha amene anovasimbisa kuti vatsungirire kutozosvikira nguva iyoyo ine mbiri apo chirwere chinenge chisisipozve.—Mateo 24:45; Pisarema 41:1-3; Isaya 33:24.

[Mashoko Omuzasi]

a Pane dzimwe nguva mumwe munhu angakumbirwa kunzverwa pfungwa, zvichida apo anenge achirangarirwa nokuda kwebasa rakakwirira. Kana munhu akabvuma nzvero yakadaro kana kuti kwete chisarudzo chomunhu oga, asi kunofanira kucherekedzwa kuti kunzverwa kwepfungwa hakusi kurapa pfungwa.

b Ona “Kukunda Hondo Yokurwisana Nokuora Mwoyo,” iri muchinyorwa chaMarch 1, 1990, cheNharireyomurindi.

c Zvimwe zvirwere zvendangariro zvinoratidzika kuva zvinobvuma zvakanaka mishonga yakarurama. Asi iyi mishonga inofanira kushandiswa nokungwarira munhungamiro yavanachiremba kana kuti varapi vepfungwa vane unyanzvi uye vane ruzivo rwokuzviwanira, sezvo pachigona kuva netapuro dzakakomba dzemishonga kana mwero yacho ikasagadziriswa zvakarurama.

d Ona nyaya inoti “Nhamo Yendangariro—Apo Inotambudza muKristu” iri muchinyorwa cheNharireyomurindi yaOctober 15, 1988.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe