Tinofanira Kurota
UNOROTA here? Kwakanaka kufunga kuti unodaro, sezvo tose zvedu tichirota patinenge takarara, kunyange kana tingataura kuti hatidaro. Kwakafungidzirwa kuti inopfuura 95 muzana yezviroto zvose haiyeukwi. Unoyeuka zvipi? Chaizvoizvo, zviya zvatinowanzoyeuka ndeizvo zvatinova nazvo tisati tamuka chaizvo.
Vanzveri vezviroto vakawana kuti kurara muitiro unofambira mberi wakakura zvikurusa mumaawa mashomanene okutanga uye ipapo unoreruka gare gare. Kurota kunoitika zvikurukuru mukati menhambo dzokufamba kwekukurumidza kweziso, kunonzi kurara kweREM (Rapid Eye Movement). Ikoku kunotevedzana nekurara kusina REM. Nhambo imwe neimwe yekurara kusina REM kana kuti kune REM inopedza maminiti anenge 90, uye nhambo idzi dzinodzokororwa kashanu kana kuti katanhatu mukati meusiku, yekupedzisira ichiitika tisati tamuka chaizvo.
Imhosho kufunga kuti uropi hwako huri kuita mubato wakaderera mukati mekurara. Kwakawanwa kuti uropi hunoshanda zvikuru muzviroto kupfuura mune mimwe migariro yekusarara, kunze kwemaneuron akati ari muuropi, ayo akabatana nekungwarira nekuyeuka. Iwaya anoratidzika kuva anozorora mukati mekurara kweREM. Asi kazhinji kazhinji masero etsinga ari muuropi ane kurukurirano inopfuurira pakati pemasero.
Uropi hwedu rutivi rwakaoma kunzwisisa zvinoshamisa rwemuviri hune mabhiriyoni amativi anoita zviratidzo zvinenge zana rimwe kusvikira kumaviri kana kuti mazana matatu pasekondi. Kune mativi mazhinji ari muuropi humwe hwemunhu kupfuura vanhu vari pasi pano. Vamwe vanzveri vanofungidzira kuti hune mativi anovambira pamabhiriyoni 20 kusvikira kumabhiriyoni anenge 50. Kuoma kwahwo kunzwisisa kunosimbisa izvo munyori weBhaibheri Dhavhidhi akataura pamusoro pemuviri wemunhu: “Ndichakuongai; nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa.”—Pisarema 139:14.
Nyika Yezviroto
Mukati memaawa edu atinenge takamuka, pfungwa dzedu shanu nguva dzose dzinoendesa mashoko nemifananidzo kuuropi, asi mukati mekurara izvi handizvo zvinoitika. Uropi hunobudisa mifananidzo mukati mahwo humene pasina betsero ipi neipi yepfungwa yokunze. Naizvozvo, zvatinoona muzviroto uye zviito zvatinova nazvo mazviri padzimwe nguva zvakafanana nekuona zvinhu zvisipo. Ikoku kunokuita kuti kubvire kuita zvinhu zvinoputsa mitemo yemusikirwo, zvakadai sekubhururuka saPeter Pan (wemumutambo waSir James Barrie) kana kuti kudonha pamateru tisingakuvari. Nguva ingaipiswa zvokuti nguva yakapfuura inoonekwa sokunge kuti ndeyazvino. Kana kuti kana tiri kuedza kutiza, hatiratidziki setinodzora kufamba kwedu—makumbo edu haadi kufamba. Mirangariro yakasimba nezviitiko zvatingava nazvo mukati menhambo yedu yatinenge takamuka zvinogona, chokwadika, kutapura zviroto zvedu. Vazhinji vakatambura utsinye hunotyisa hwehondo havagoni kuhukanganwa zviri nyore, uye vamwe havagoni kukanganwa kunzwa kwekurwiswa netsotsi. Zviitiko zvakadaro zvinokangaidza patinenge takamuka zvinogona kubuda muzviroto zvedu, zvichiparira zviroto zvinotyisa. Zvinhu zvinozivikanwa navose zviri mundangariro dzedu apo tinoenda kunorara zvinogona kuvapo muzviroto zvedu.
Pane dzimwe nguva apo tinenge tiri kuedza kupedza chinetso, mhinduro yacho inouya kwatiri mukati mekurara. Ikoku kungaratidzira kuti handikurara kwose kune zviroto. Chimwe chikamu chako kufunga.
Rimwe bhuku pamusoro pezviroto neuropi hwedu rinoti: “Chimiro chinozivikanwa navose zvikurusa chemubato wendangariro mukurara hakusi kurota asi kufunga. Kufunga wakarara hakukumbanirwi nekuona zvisipo kwepfungwa uye hakuzi kwechienzi. Kunova kwenguva dzose, kazhinji kazhinji kune chokuita nezviitiko chaizvoizvo zvezuro kana kuti mangwana, uye kunowanzova kwakarovedzeka, kusiri kwekunyepedzera, uye kunodzokororwa.”
Vamwe vanhu vanonzwa kuti nhau dzezviroto zvavo dzine mashoko chaiwo nokuda kwavo. Kuitira kuti zviroto zvacho zvidudzirwe, vanochengeta pepa rokunyorera pedyo nemubhedha wavo kuitira kuti vagogona kuzvinyora apo vanomuka. Pamusoro pokushanda kwemabhuku anoedza kupa revo kuzviratidzo zvezviroto, The Dream Game, rakanyorwa naAnn Faraday, rinoti: “Mabhuku ezviroto umo unotarira revo yemisoro yechiroto uye zviratidzo haabetseri zvakangoenzana, angave egamuchidzanwa kana kuti akavakirwa parondedzero yakati yazvino uno yendangariro.”
Sezvo kuchiratidzika kuti zviroto zvinovamba zvikurukuru mukati meuropi, hakuna mufungo kufunga kuti zvine mashoko chaiwo nokuda kwedu. Tinofanira kuzvirangarira sekushanda kwenguva dzose kweuropi uko kunobetsera kuhuchengeta huri muchimiro chakanaka.
Asi zvakadini nevaya vanotaura kuti vakanga varota nezverufu rwehama yokunyama kana kuti shamwari ndokuziva zuva rakatevera kuti munhu wacho akanga afa? Ikoko hakuratidziri here kuti zviroto zvinogona kufanotaura ramangwana? Munyaya inotevera, ticharangarira chinotsigira zviroto zveuporofita.