Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Zvokwadi dzeBhaibheri Dzinopfuurira Kuparidzwa muIreland
MUMAKORE achangobva kupfuura nyika yakaisvonaka yeIreland yave ine nyongano yakati. Panguva imwe cheteyo, vanhu veIreland vakagamuchira zvakanaka shoko reBhaibheri retariro rakaunzwa kwavari neZvapupu zvaJehovha. Zvakaitika zvinotevera zvakabva kuIreland zvinotsigira ikoku.
■ MuDublin mumwe weZvapupu zvaJehovha nemwanasikana wake muduku vakanga vachigoverana mubasa rapaimba neimba rokuparidza. Vakasangana nomukadzi anonzi Cathy uyo akanga akabatikana zvikuru nevana vake vakawanda. Chapupu chacho chakabvunza kana mwanasikana wacho, uyo akanga achidzidza kuparidza, angagoverana shoko pfupi chete naye. Cathy akabvuma, uye musikana muduku wacho akapa mharidzo yakajeka, yakasanofungwa. Cathy akaororwa nouchokwadi huri pachena hwomuduku wacho nokuremekedza, uye akagamuchira turakiti reBhaibheri rakagoverwa.
Gare gare Cathy akarangarira gadziriro yakanaka netsika zvomushanyi wake muduku. “Ndakaororwa kuti musikana muduku aigona kugoverana shoko rinofadza rakadaro pasina kukwevera ngwariro kwaari amene,” akadaro. “Ndakasarudza kuti nguva inotevera iyo Zvapupu zvaJehovha zvaizoshanya, ndaizozviteerera.”
Munguvayi Cathy akatamira kutaundi duku kumaodzanyemba kwakadziva kumavirira kweIreland pedyo nemuganhu wenharaunda yeCork neKerry. Nguva yakati gare gare Zvapupu zvaJehovha zvakashanya pasuo rake, uye akazvikoka kupinda. Akabvuma fundo yenguva dzose yeBhaibheri uye zvino anopinda misangano yeungano nevanoverengeka vevana vake. Cathy anoonga chishuvo chapachokwadi chomusikana muduku chokugoverana mashoko akanaka naye.
■ Munharaunda yeTullamore, Zvapupu zvakava nekurukurirano dzeBhaibheri nomukadzi anonzi Jean kwenhambo yemakore anopfuura manomwe. Pane dzimwe nguva akaratidza fariro uye akagamuchira mabhuku, asi padzimwe nguva fariro yake yakaderera. Rimwe zuva, apo Chapupu chinonzi Frances nomubiyacho vakashanyira Jean, vakamuwana ari muchimiro chendangariro chokusabvumirana zvikuru. “Pasinei nezvatakataura,” Chapupu chacho chinoshuma, “akanyanya kushatirwa. Pakupedzisira, akatiudza nokuvirima kuti tiende uye akarovera suo.”
Frances akashamisika kana dzimwe shanyo dzaizova bedzi nokugamuchirwa kwakafanana. ‘Zvichida hakusati kuchakafanira kumushanyira kana asingafariri chaizvoizvo shoko racho,’ Frances akafunga kudaro. Zvisinei, akakurukura nhau yacho nomurume wake, Thomas, uye akanga ane tariro zvikuru. Nguva yakatevera yavakanga vari munharaunda yacho, imwe shanyo yakaitwa panaJean. Akanga ane ushamwari uye akagamuchira makopi emagazini eNharireyomurindi neMukai! Dzimwe shanyo dzakanga dzichifadza zvakafanana, uye Thomas naFrances vakatanga fundo yeBhaibheri yapamusha yenguva dzose naye.
Nei paiva nechinjo? Jean anotsanangura kuti panguva yaakanga asina kupfava kwazvo kuZvapupu, akanga achangobva kusununguka uye akanga achangobuda muchipatara. Nemhaka yokuyamwisa achangobva kuberekwa nokudyisa nechipunu mwana wake ati kurei, airara awa imwe bedzi nehafu usiku. “Chandaisada kuita,” anodaro Jean, “kutaura pamusoro porudzidziso.”
Mukati memwedzi miviri Jean akanga ava kupinda misangano yose yeungano, uye mukati memwedzi miviri akanga achigoverana muushumiri hwomumunda. Mwedzi gumi kubvira panguva yaakavamba fundo yake yeBhaibheri, akabhapatidzwa. Zvino chakaitika chaJean amene chinomubetsera muushumiri. Anorondedzera, kuti: “Kana ndikasangana nomumwe munhu anovirima zvikuru, ndinoedza kuva anonzwisisa zvikuru. Nguva dzose ndinokucherekedza. Zvimwe mamiriro ezvinhu achachinja panguva yandinodzokera; munhu wacho angava achinzwa zviri nani uye achigamuchira zvikuru.”