RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 12/15 pp. 25-29
  • Une Murangariro waMwari Wezvinwiwa Zvinodhaka Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Une Murangariro waMwari Wezvinwiwa Zvinodhaka Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Murangariro Usiri waMwari
  • Ndizvakawanda Sei Zviri Kunyanyisa?
  • Taviridza Mano Ako Okufunga
  • Chii Chinoumba Murangariro Wako Wezvinwiwa Zvinodhaka?
  • Dzivisa Kugumbura Vamwe
  • VaKristu Vakasiyana Zvakajeka
  • Ivai Nemaonero Akanaka Pakunwa Doro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Tungamirirwa Nemaonero aMwari Panyaya Yedoro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • MuKristu Anofanira Kuona Sei Nyaya Yekunwa?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Doro
    Mukai!—2013
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 12/15 pp. 25-29

Une Murangariro waMwari Wezvinwiwa Zvinodhaka Here?

ANENGE makore 20 akapfuura, nyanzvi dzezvinocherwa mumatongo dzakachera chivako chekare chedhaka nezvitina pedyo neguta reUrmia, Iran. Vakawana machiri jagi receramic iro, maererano nevasayendisiti, rava nezviuru zvemakore, richidzokera shure kusvikira apo dzimwe nzvimbo dzokugara dzevanhu dzapakuvamba zvikuru dzakatangwa. Nguva pfupi yapfuura, sayenzi yokugadzirwa kwezvinhu yazvino uno yakashandiswa mukunzvera jagi racho. Vasayendisiti vakashamiswa kuwana mukati maro ufakazi hwemakemikoro hwekaresa hwekugadzira waini.

Bhaibheriwo rinobvumikisa zvakajeka kuti kubva munguva dzakare waini, doro, uye zvimwe zvinwiwa zvinodhaka zvainwiwa. (Genesi 27:25; Muparidzi 9:7; Nahumi 1:10) Senezvimwe zvokudya, Jehovha anotipa sevanhu vamwe navamwe chisarudzo—kunwa zvinwiwa zvinodhaka kana kuti kwete. Jesu kazhinji kazhinji ainwa waini nezvokudya zvake. Johane Mubhabhatidzi akanga asinganwi zvinwiwa zvinodhaka.—Mateo 11:18, 19.

Bhaibheri rinorambidza kunyanyisa mukunwa. Udhakwa chivi kuna Mwari. (1 VaKorinte 6:9-11) Mutsinhirano naikoku, Zvapupu zvaJehovha hazvibvumidzi vapi navapi avo vanova zvidhakwa zvisingapfidzi kuramba vari muungano yechiKristu. Avo vari muungano vanosarudza kunwa zvinwiwa zvinodhaka vanofanira kuita saizvozvo zvine mwero.—Tito 2:2, 3.

Murangariro Usiri waMwari

Vanhu vakawanda nhasi havana murangariro waMwari wezvinwiwa zvinodhaka. Kuri nyore kuona kuti Satani ari kukurudzira kushandiswa zvisina kufanira kweichi chinhu chekare. Somuenzaniso, muzvimwe zvitsuwa zveSouth Pacific, itsika kuti varume vaungane kuzonwa zvitsama zvikuru zvezvinwiwa zvakaviriswa zvinogadzirirwa pamusha. Idzi nhambo dzingagona kupfuurira kwemaawa anoverengeka uye dzinowanzoitwa kakawanda—varume vakawanda vanonyanyisa mumuitiro wacho zuva nezuva. Vamwe vanongokurangarira serutivi rwetsika yacho. Padzimwe nguva doro nezvinwiwa zvinodhaka zvinonwiwa panzvimbo pezvinwiwa—kana kuti mukuwedzera—kuzvinwiwa zvinogadzirwa mumusha. Udhakwa kazhinji kazhinji hunova mugumisiro.

Muimwe nyika yePacific, kunwiwa kune mwero kwezvinodhaka nevarume kunodokuva kusinganzwiki nezvako. Kazhinji kazhinji zvikuru, apo vanomwa vanomwira kudhakwa. Senguva dzose, pazuva romubhadharo boka revarume rinoungana pamwe chete ndokutenga makatoni anoverengeka edoro, rimwe nerimwe rine mabhodhoro 24. Vanorega kunwa bedzi apo doro racho rinopera. Somugumisiro, udhakwa hwavose hunozivikanwa zvikuru.

Zvinwiwa zvakaviriswa, zvakadai sewaini inogadzirwa nemichindwe uye rimwe doro remunzvimbomo, zvinoshandiswa negamuchidzanwa munyika dzeAfrica. Gamuchidzanwa mudzimwe nzanga rinorayira kuti zvinwiwa zvinodhaka zvinofanira kugoverwa apo vaenzi vanovaraidzwa. Mugamuchiri ane mutsa netsika anogovera zvinopfuura izvo mushanyi wake anogona kunwa. Mune imwe nharaunda tsika ndeyekuisa mabhodhoro 12 edoro pamberi pemushanyi mumwe nomumwe.

Makambani akawanda eJapan anoronga nzendo dzebhazi nokuda kwevashandi vawo. Zvitsama zvakakura zvezvinwiwa zvinodhaka zvinoendwa nazvo, uye udhakwa hunofuratirwa. Kumwe kweuku kubvakacha kwekambani kunopfuurira kwemazuva maviri kana kuti matatu. Maererano nemagazini inonzi Asiaweek, muJapan, “kubva kuvarimi vemupunga kusvikira kuvezvematongerwe enyika vakapfuma, kuyerwa kwekuva murume nenzira yegamuchidzanwa kwave kuri uwandu hwedoro raanogona kunwa.” Zvimiro zvendangariro zvakafanana zvinocherekedzwa mudzimwe nyika dzeAsia. Asiaweek inotaura kuti “vaSouth Korea zvino vanomwa zvinwiwa zvinodhaka zvakawanda pamunhu kupfuura zvinoita vanwi kupi nokupi munyika.”

Kunwa kwokunyanyisa kwazova muitiro wakapararira muzvivako zvemakoreji muUnited States. Maererano neThe Journal of American Medical Association, “vanwi vanonyanyisa vakawanda zvikurusa havazvirangarire vamene sevanwi vane chinetso.”a Ikoku hakufaniri kushamisa nemhaka yokuti munyika dzakawanda zvinobudisa nhau zvinotsigira kunwa sechiito chinofadza, chazvino uno, uye chokuchenjera. Kazhinji kazhinji iyi paradziro nenzira yakananga inonangidzirwa vaduku.

MuBritain, kunwa doro kwakawedzera zvakapetwa kaviri mukati menhambo yemakore 20, uye kunwiwa kwezvinwiwa zvinodhaka zvakasimba kwakawedzera zvakapetwa katatu. Vanwi vari kutanga vari vaduku, uye vakadzi vakawanda vari kunwa. Zvimiro zvendangariro zvakafanana zvinocherekedzwa munyika dzeEastern Europe uye dzeLatin America. Ikoku kunosimbiswa nemwero inokwira nenzira inowirirana yeudhakwa uye ngozi dzemigwagwa dzine chokuita nezvinodhaka. Nenzira yakajeka, kune wedzero iri pachena mukushandiswa zvisina kufanira kwezvinodhaka munyika yose.

Ndizvakawanda Sei Zviri Kunyanyisa?

Murangariro weBhaibheri wezvinwiwa zvinodhaka wakadzikama. Kune rumwe rutivi, Magwaro anotaura kuti waini chipo chinobva kuna Jehovha Mwari “[ch]inofadza mwoyo womunhu.” (Pisarema 104:1, 15) Kune rumwe rutivi, mukushora kunyanyisa Bhaibheri rinoshandisa kutaura kwakadai se“kubatwa,” “kunyanyisa newaini, kutamba kwakaipa, mitambo yokunwa,” ‘vasingadi waini yakawanda,’ uye “kuda waini zhinji.” (Ruka 21:34; 1 Petro 4:3, NW; 1 Timotio 3:8; Tito 2:3) Asi ndiyakawanda sei iri “yakawanda”? MuKristu anogona sei kuziva chinoumba murangariro waMwari wezvinwiwa zvinodhaka?

Hakuna kuoma kuziva udhakwa. Migumisiro yakwo inotsanangurwa muBhaibheri nemashoko okuti: “Ndiani unoti: Haiwa! Ndiani unoti: Maiwe! Ndiani unokukakavara? Ndiani unokuchema? Ndiani unamavanga pasina mhaka? Ndiani una meso akatsvuka? Ndivo vanogarisa pawaini; ivo vanondotsvaka waini yakavhenganiswa. . . . Meso ako achaona zvisingazivikanwi, mwoyo wako uchabudisa zvisakarurama.”—Zvirevo 23:29-33.

Zvinodhaka zvakawandisa zvinogona kuparira kangaidziko, kuona zvisipo, kusaziva, uye kumwe kusashanda zvakanaka kwendangariro nemuviri. Mupesvedzero yezvinodhaka, munhu angarasikirwa nekudzora mufambiro wake, kuchiparira kuzvikuvadza amene kana kuti vamwe. Zvidhakwa zvinozivikanwa nekupinda mumufambiro unozvidzwa, wakashata, kana kuti wounzenza.

Kunwa kusvikira kupfundo roudhakwa, nemigumisiro yakwo yadudzwa pamusoro apa, pasina mubvunzo kunwisa chaizvoizvo. Zvisinei, munhu anogona kuratidzira kushaikwa kwemwero pasina kuratidzira zviratidzo zvose zvenguva dzose zveudhakwa. Nokudaro, mubvunzo kana mumwe munhu anwa zvakawandisa zvikuru kazhinji kazhinji unokakavadzanwa. Musiyano pakati pokuva nemwero uye kunyanyisa uri papi?

Taviridza Mano Ako Okufunga

Bhaibheri hariisi miganhu kupfurikidza nokugovera mwero muzana yezvinodhaka muropa kana kuti mumwe mwero. Kusatapurwa nezvinodhaka kunosiyana kumunhu mumwe nomumwe. Bva, nheyo dzeBhaibheri dzinoshanda kuvaKristu vose uye dzinogona kutibetsera kutanga murangariro waMwari wezvinwiwa zvinodhaka.

Murayiro wokutanga, Jesu akati, ndiwo ku“da Ishe, Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose.” (Mateo 22:37, 38) Zvinodhaka zvine tapuro yakananga pandangariro, uye kunyanyisa kuchadzongonyedza kuteerera kwako uyu murayiro mukurusa wemirayiro yose. Kunogona kudzongonyedza nenzira yakakomba kuita chisarudzo chakarurama, kukwanisa kupedza zvinetso, kushandiswa kwekuzvidzora, uye kumwe kushanda kunokosha kwendangariro. Magwaro anotirayira kuti: “Chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara. Ipapo zvichava upenyu hwomweya wako, noukomba pamutsipa wako.”—Zvirevo 3:21, 22.

Muapostora Pauro anoteterera vaKristu kuti: “Ipai miviri yenyu chibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, basa rinoyera nesimba renyu rokurangarira.” (VaRoma 12:1, NW) MuKristu aizova ano“gamuchirika kuna Mwari” kana achinwa zvinodhaka kusvikira kupfundo rokurega “simba [rake] rokurangarira here”? Kazhinji kazhinji, munwi asina mwero pashoma nepashoma anovaka kusatapurwa nezvinodhaka. Anganzwa kuti kunwa kwake kukuru—nokuda kwake—kuri pasi pepfundo rekudhakwa. Bva, angave achikudziridza kutsamira kwakaipa pazvinwiwa zvinodhaka. Munhu akadaro anogona here kupa muviri wake se“chibayiro chipenyu, chitsvene”?

Chitsama chipi nechipi chezvinwiwa zvinodhaka chinokuvadza “uchenjeri nokungwara” kwako semuKristu zvinwiwa zvakanyanyisa nokuda kwako.

Chii Chinoumba Murangariro Wako Wezvinwiwa Zvinodhaka?

MuKristu anofanira kuyera kana chimiro chake chendangariro kukunwa zvinodhaka chiri kutapurwa nezvimiro zvendangariro zvazvino uno kana kuti magamuchidzanwa. Pakunouya kuzvinwiwa zvinodhaka, zvirokwazvo hausati uchizoda kuita zvisarudzo zvako zvakavakirwa pazvimiro zvetsika kana kuti paradzirwo yezvinobudisa nhau. Mukuyera chimiro chako umene chendangariro, zvibvunze umene kuti, ‘Chinopesvedzerwa nezvinogamuchirika munzanga here? Kana kuti kunwa kwangu kunodzorwa nenheyo dzeBhaibheri here?’

Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvisingarwisani netsika, zvinoziva kuti Jehovha anovenga miitiro yakawanda inogamuchirwa zvakapararira nhasi. Dzimwe nzanga dzinofuratira kubvisa pamuviri, kuisira ropa, ungochani, kana kuti barika. VaKristu, zvisinei, vanoita maererano nemurangariro waMwari weizvi zvinhu. Hungu, murangariro woumwari uchasunda muKristu kuvenga miitiro yakadaro pasinei zvapo nokuti inogamuchirwa netsika kana kuti kwete.—Pisarema 97:10.

Bhaibheri rinotaura nezve“kuda kwevahedheni,” uko kunobatanidza “kunyanyisa mukunwa waini,” uye “mitambo yokunwa, (NW).” Kutaura kwokuti “mitambo yokunwa” kunopa pfungwa yokuungana kwairongwa nedonzo rakananga rokunwa zvitsama zvakawanda zvinodhaka. Kunoratidzika kuti munguva dzeBhaibheri vamwe vaidada nekukwanisa kwavo kusakurumidza kudhakwa vakaedza kupfuura vamwe mukunwa, kana kuti vakaedza kuona aigona kunwa zvakawanda zvikurusa. Muapostora Petro anonongedzera kuurwu rudzi rwemufambiro se“kusazvidzora kwakawanda” umo vaKristu vakapfidza vasingachagoverani.—1 Petro 4:3, 4.

Kwaizova nemufungo here kuti muKristu agamuchire murangariro wokuti chero bedzi asingadhakwi, kwaisazova nemhaka kuti ndokupi, ndirini, kana kuti ndizvakawanda sei zvaanonwa? Tinogona kubvunza kuti, Iwoyo murangariro waMwari here? Bhaibheri rinoti: “Naizvozvo kana muchidya, kana muchinwa, kana muchiita chinhu nechipi, itai zvose kuti Mwari akudzwe.” (1 VaKorinte 10:31) Boka revarume rakaungana pachena kuti rinwe zvitsama zvakawanda zvezvinodhaka ringasadhakwa rose, asi mufambiro waro ungaunza mbiri kuna Jehovha here? Bhaibheri rinorayira kuti: “Musaenzaniswa nenyika ino, asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.”—VaRoma 12:2.

Dzivisa Kugumbura Vamwe

Nenzira inofadza, kazhinji kazhinji tsika dzimene dzinoshivirira kunyanyisa hadzitenderi apo munwi mukuru anotaura kuva munhu waMwari. Muimwe nzanga duku muSouth Pacific, mucherekedzi akati: “Ndinokuyemurai imi vanhu. Munoparidza chokwadi. Asi chinetso chatinoona ndechekuti vanhu venyu vanonwa zvinodhaka zvakawandisa.” Sezvinoshumwa, vanhu vacho havana kudhakwa, bva idi iroro rakanga risiri pachena kuvakawanda munzanga. Vacherekedzi nenzira iri nyore vaigona kugumisa kuti kufanana nevakawanda zvikurusa vevamwe varume vanobatanidzwa munhambo dzokunwa, Zvapupu zvinodhakwawo. Mushumiri wechiKristu anobatanidzwa munhambo dzekunwa dzakareba angagona kuchengeta mukurumbira wakanaka ndokupedza ushumiri hwake hwapachena norusununguko rwokutaura here?—Mabasa 28:31.

Mushumo unobva kune imwe nyika yekuEurope unoratidzira kuti padzimwe nguva hama nehanzvadzi dzakati dzinosvika paHoro yoUmambo dzine hwema hwakasimba hwezvinodhaka mumweya wadzo. Ikoku kwakangaidza hana dzevamwe. Bhaibheri rinorayira kuti: “Zvakanaka kusadya nyama, kana kunwa waini, kana kusaita chinhu chimwe chingagumbusa hama yako.” (VaRoma 14:21) Murangariro waMwari wezvinwiwa zvinodhaka uchasunda muKristu akakura mumudzimu kuva anongwarira hana yevamwe, kunyange kana kukareva kurega zvinodhaka mumamwe mamiriro ezvinhu.

VaKristu Vakasiyana Zvakajeka

Nenzira isingafadzi, nyika ino yakaita zvakawanda kutadzira Jehovha kupfurikidza nokushandisa zvisina kufanira zvinhu zvakanaka zvaakapa rudzi rwomunhu, kubatanidza zvinwiwa zvinodhaka. MuKristu mumwe nomumwe akazvitsaurira anofanira kuvavarira kudzivisa mirangariro yakapararira isiri yaMwari. Nokudaro vanhu vachakwanisa ku“ona kusiyana kwowakarurama nowakaipa, kwounoshumira Mwari nousingamushumiri.”—Maraki 3:18.

Pakunouya kuzvinwiwa zvinodhaka, “kusiyana” kweZvapupu zvaJehovha nenyika kunofanira kuva kwakajeka. Kunwa zvinwiwa zvinodhaka hakusi chinhu chikuru muupenyu hwevaKristu vechokwadi. Havaedzi ganhuriro dzokusakurumidza kwavo kudhakwa nezvinodhaka, vachisvika pedyo zvine ngozi noudhakwa; uyewo havabvumiri zvinwiwa zvinodhaka kukuvadza kana kuti kudzongonyedza munzira ipi neipi kubatira kwavo Jehovha nemweya wavo wose uye nendangariro yakajeka.

Seboka, Zvapupu zvaJehovha zvine murangariro waMwari wezvinwiwa zvinodhaka. Zvakadini newe? Mumwe nomumwe wedu anogona kuvimba nezvikomborero zvaJehovha sezvo tinotevera murayiro weBhaibheri woku“[ramba] kusanamata Mwari nokuchiva zvenyika, tirarame nokungwara, nokururama, nokunamata Mwari panguva ino.”—Tito 2:12.

[Mashoko Omuzasi]

a “Kunwa kwokunyanyisa kwakarondedzerwa sekunwa zvinwiwa zvishanu kana kuti zvinopfuura munhevedzano nokuda kwevarume uye zvina kana kuti zvinopfuura munhevedzano nokuda kwevakadzi.”—The Journal of the American Medical Association.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 28]

Teerera Vadiwa Vako

Munwi asina mwero kazhinji kazhinji ndiye wekupedzisira kuziva kuti ane chinetso. Hama dzokunyama, shamwari, uye vakuru vechiKristu havafaniri kuzengurira kupa betsero kuvadiwa vanoshaiwa mwero. Kune rumwe rutivi, kana vadiwa vakaratidza kunetseka pamusoro pemiitiro yako yekunwa zvinodhaka, sezvingabvira vane chikonzero chakanaka nokuda kwako. Rangarira zvavari kutaura.—Zvirevo 19:20; 27:6.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe