RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 1/1 pp. 3-5
  • Nei Tose Tichifanira Kurumbidza Mwari?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Tose Tichifanira Kurumbidza Mwari?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Jehovha Bedzi Aigona Kundipa Tariro’
  • ‘Kunyange Zvazvo Ndiri Bofu, Ndinogona Kuona’
  • Vose ngava“Rumbidze Jah”
  • Paunoona Sekuti Kufa Kuri Nani
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Kubva Mukuora Mwoyo Kuenda Kumufarwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Vaudze Kuti Unovada
    Zvakaitika
  • Rumbidza Jah Pamwe Neni
    Imbirai Jehovha
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 1/1 pp. 3-5

Nei Tose Tichifanira Kurumbidza Mwari?

HARERUYA! Shoko iri rinosanozivikanwa navaendi kuchechi vakawanda zvikurusa vari muchiKristudhomu. Vamwe vavo vanoridanidzira zvinonzwika muminamato yavo yeSvondo. Vangani, kunyange zvakadaro, vanoziva chinoreva shoko racho chaizvoizvo? Kutaura idi, nderechiHebheru nokuda kwa“Rumbidzai Jah!” Kudanidzira kwokufara, kwakajeka kuMusiki, ane zita rinonzi Jehovha.a

Shoko rokuti “Hareruya” rinooneka kakawanda muBhaibheri. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti pane zvikonzero zvakawanda kwazvo zvokurumbidza Mwari. Jah (Jehovha) ndiye Musiki noMuchengeti wechisiko chose chikuru. (Pisarema 147:4, 5; 148:3-6) Akavamba zvinhu zvinoita kuti upenyu pasi pano hubvire. (Pisarema 147:8, 9; 148:7-10) Uye ane fariro chaiyo murudzi rwomunhu. Kana tikaita kuda kwake, anotikomborera ndokutitsigira muupenyu huno uye anotigovera tariro ine chokwadi youpenyu hunotova huri nani huchauya. (Pisarema 148:11-14) NdiJah (Jehovha) akafuridzira mashoko okuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—Pisarema 37:29.

Nokudaro, murayiro wacho wakanangidzirwa kuna vose: “Hareruya!” “Rumbidzai Jah, imi vanhu!” (Pisarema 104:35, NW; mashoko omuzasi) Nenzira isingafadzi, kunyange zvakadaro, haasi munhu ari wose anonzwa achida kupindura. Nhasi, vanhu vari kutambura. Vakawanda vane nzara, vanorwara, kana kuti vanodzvinyirirwa. Vakawanda vanotsungirira nhamo huru nemhaka yokushandisa zvisina kufanira mirimo kana kuti zvinodhaka kana kuti migumisiro younzenza hwavo kana kuti kupandukira. Pane chikonzero chipi nechipi here nei vakadaro vachifanira kurumbidza Mwari?

‘Jehovha Bedzi Aigona Kundipa Tariro’

Hungu, chiripo. Jehovha anokumbira munhu ari wose pasina anosara kuti asvike pakumuziva, adzidze kuita kuda kwake, uye afarikanye zvikomborero zvinoita kuti vanhu vade kumurumbidza. Uye vakawanda vanopindura. Rangarira, somuenzaniso, Adriana ari muGuatemala. Apo Adriana akanga ane makore manomwe, mai vake vakafa. Nokukurumidza pashure pacho baba vake vakasiya musha. Apo akanga ava namakore gumi, akavamba kushanda kuti awane chokurarama nacho. Sezvo mai vake vakanga vamuudza kuti abatire Mwari nechechi, Adriana akasonganirana nemapoka akasiyana-siyana eKaturike, asi pakasvika nguva yaakanga ava nemakore 12, akaodzwa mwoyo ndokukumbanira gen’a romumugwagwa. Akavamba kusvuta, kushandisa mirimo, uye kuba. Nei musikana muduku akadaro aizoda kurumbidza Mwari?

Mukoma waAdriana akatanga kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, asi Adriana akamuseka. Ipapo maiguru vavo vakafa. Pamariro amaiguru vake, Adriana akanetswa nemibvunzo inotambudza. Maiguru vake vakaendepi? Vakanga vari mudenga here? Vakaenda kumoto wehero here? Kwakanga kuchikangaidza zvikuru, uye Adriana akaenda kukamuri rokunamatira rapamakuva kuti anyengeterere betsero, achishandisa zita raMwari Jehovha, seizvo mukoma wake akanga amudzidzisa.

Nokukurumidza akanga ava kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha uye kupinda misangano yazvo yechiKristu. Ikoku kwakamupa murangariro mutsva chose paupenyu, uye nenzira youshingi akarega songaniro yake nemagen’a omumugwagwa. Adriana, zvino ava mumakore ake apakati pama20, anoti: “Kuda Jehovha bedzi kwakandiita kuti ndisiye mararamire akaipa kudaro. Jehovha bedzi mungoni dzake huru aigona kundipa tariro youpenyu husingaperi.” Adriana, pasinei zvapo nokutanga kwake kwakaoma muupenyu, ane zvikonzero zvakanakisisa zvokurumbidza Mwari.

Mamwe mamiriro ezvinhu anotova asingafadzi zvikuru anoshumwa kubva kuUkraine. Mumwe murume anogara mutorongo achimirira kuurawa. Ari kuzvinzwira tsitsi here? Akaora mwoyo here? Aiwa, zvakapesana zvikuru. Achinge aonwa misi yakanga ichangobva kupfuura neZvapupu zvaJehovha uye achiva awana zivo yakati yaJehovha, akazvikumbira kuti zvionane namai vake. Zvino ari kuzvinyorera nemhaka yokuti akanzwa kuti zvakaita chikumbiro chake. Anoti: “Ndinokuongai nokuda kwokushanyira mai vangu. Akanga ari mashoko anofadza zvikurusa andakagamuchira mugore rakapfuura.”

Achitaura nezvake amene uye vomuchitokisi biyake vaakanga apupurira, iye anonyora kuti: “Zvino tinotenda Mwari uye tinoedza kuita maererano nokutenda kwedu.” Iye anopedzisa tsamba yake: “Tinokuongai nokuda kwokutibetsera kudzidza chiri rudo uye kuwana kutenda. Kana ndikaramba ndiri mupenyu, ndichakubetseraiwo. Tinoonga Mwari kuti muripo uye kuti muri kubetsera vamwe kuda Mwari ndokumudavira.” Uyu murume akakwirira mutongo wake worufu. Asi kana akaurawa kana kuti akapedza makore akawanda ari mutorongo, nenzira yakajeka ane chikonzero chokurumbidza Mwari.

‘Kunyange Zvazvo Ndiri Bofu, Ndinogona Kuona’

Rangarira, zvino, musikana wechiduku ane simba uyo kamwe kamwe anorasikirwa nokuona kwake. Izvozvo ndizvo zvakaitika kuna Gloria, uyo anogara muArgentina. Gloria kamwe kamwe akava bofu apo akanga ava namakore 19 okukura, uye haana kuzotongoonazve. Pazera ramakore 29 akapinda muroorano yomurongo nomumwe murume uye nokukurumidza akava napamuviri. Zvino akarangarira kuti upenyu hwake hwakanga hwava nerevo. Asi paakarasikirwa nomwana wake, akavamba kubvunza mibvunzo. Akashamisika kuti, ‘Nei ikoku kuri kuitika kwandiri? Ndaitei? Mwari ariko chaizvoizvo here?’

Panguva ino, Zvapupu zviviri zvaJehovha zvakauya pasuo rake. Akavamba kufunda Bhaibheri uye akadzidza nezvechipikirwa charo chokuti munyika itsva, mapofu achaonazve. (Isaya 35:5) Ikariro yakaisvonaka zvakadini nokuda kwaGloria! Akafara zvikuru, zvikurukuru apo murume wake akabvuma kuita kuti roorano yavo inyoreswe pamutemo. Ipapo murume wake akava netsaona ndokuva chirema, akaganhurirwa pawheelchair. Nhasi uyu mukadzi bofu anofanira kushanda zvakaoma kuti ararame. Mukuwedzera, anoita basa rose pamusha, pamwe chete nokupa ngwariro yomunhu oga kumurume wake. Bva Gloria anorumbidza Jehovha! Nebetsero yehama dzake nehanzvadzi dzechiKristu, anofunda Bhaibheri reBraille, uye anokurudzirwa zvikuru nemisangano yechiKristu paHoro yoUmambo. Iye anoti: “Zvakaoma kutsanangura, asi kunyange zvazvo ndiri bofu, kwakaita sokunge kuti ndinogona kuona.”

Pane dzimwe nguva vanhu vanotambudzwa apo vanorumbidza Mwari. Mumwe mukadzi muCroatia akafara apo akadzidza pamusoro paMwari, asi murume wake aishora kutenda kwake kuchangobva kuwanwa ndokumuramba, achienda nomwanasikana wavo ane gore rimwe rokukura. Asina pokugara, asiyiwa nomurume nemhuri, asina musha, basa, kana kuti kunyange mwana wake, pakutanga akatambudzika. Asi kuda kwake Mwari kwakamutsigira, kunyange zvazvo akanga ane onano yakaganhurirwa bedzi nomwanasikana wake kutozosvikira muduku wacho akura. Uyu mukadzi akanga awana “parera rimwe rine mutengo mukuru” uye akanga asingazoriregi. (Mateo 13:45, 46) Akachengeta sei mufaro wake muidzi nguva dzakaoma? Anoti: “Mufaro chibereko chomudzimu waMwari. Unogona kusakurirwa pasina mamiriro ezvinhu okunze, kungofanana nezvisimwa zvinogona kukura muimba yezvisimwa api kana api angava ari mamiriro okunze.”

MuFinland, Markus ane makore matanhatu okukura akabatwa nehosha isingarapiki yetsandanyama. Nokukurumidza akaganhurirwa pawheelchair. Makore mashomanene gare gare, mai vake vakamuendesa kumuPentekostal akanga achizivikanwa zvikuru kupfurikidza nokutaura kuti airapa vanhu vanorwara. Asi pakanga pasina kurapa kwezvishamiso. Naizvozvo Markus akarasikirwa nefariro muna Mwari ndokupfuurira nezvidzidzo musayenzi nomune dzimwe nharaunda dzokunyika. Ipapo anenge makore mashanu akapfuura, mumwe mukadzi aiva muwheelchair achiperekedzwa nerimwe jaya vakauya kuimba iyo Markus aigara. Vakanga vari Zvapupu zvaJehovha. Markus zvino akanga ava asingatendi kuvapo kwaMwari, asi akanga asingarambi kukurukura rudzidziso uye akavakumbira kuti vapinde.

Gare gare, vamwe varoorani vakamushanyira, uye fundo yeBhaibheri yakatangwa. Pakupedzisira, simba rechokwadi cheBhaibheri rakachinja murangariro wezvinhu waMarkus, uye akaziva kuti pasinei zvapo nourema hwake, chaizvoizvo akanga ane zvikonzero zvokurumbidza Mwari. Iye akati: “Ndinofara zvikuru nemhaka yokuti ndawana chokwadi nesangano iro Jehovha ari kushandisa. Upenyu hwangu zvino hune nhungamiro nerevo. Rimwe gwai rakarasika rakawanwa uye haridi kusiya boka raJehovha!”—Enzanisa naMateo 10:6.

Vose ngava“Rumbidze Jah”

Izvi zvinongova zvishoma chete zvezvakaitika zvisingaverengeki zvinogona kurondedzerwa kuratidza kuti vanhu nhasi, pasinei zvapo nemamiriro avo ezvinhu, vanogona kuva nechikonzero chokurumbidza Mwari. Muapostora Pauro akakutsanangura neiyi nzira: “Kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvose, zvakune chipikirwa choupenyu hwazvino nohunouya.” (1 Timotio 4:8) Kana tikaita kuda kwaMwari, achazadzika “chipikirwa choupenyu hwazvino.” Chokwadika, haasati achizoita kuti varombo vave vapfumi kana kuti vanorwara vasimbe mutsika ino yezvinhu. Asi anopa mudzimu wake kuavo vanomubatira kuti vawane mufaro negutsikano api kana api ari mamiriro avo ezvinhu okunze. Hungu, kunyange mu“upenyu hwazvino,” vanorwara, vakadzvinyirirwa, uye varombo vanogona kuva nechikonzero chokurumbidza Mwari.

Asi zvakadiniko noupenyu “hunouya”? Chokwadi, kufunga nezvazvo kumene kunofanira kutiita kuti tirumbidze Mwari nembavarira hurusa zvikuru! Tinofara kufunga nezvenguva apo urombo huchava husingazivikanwi; apo pasi“na ugeremo, uchati: Ndinorwara”; uye apo Jehovha Mwari “uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.” (Isaya 33:24; Zvakazarurwa 21:3, 4; Pisarema 72:16) Unorangarira sei izvi zvipikirwa zvinobva kuna Mwari?

Rimwe jaya muEl Salvador rakagamuchira turakiti reBhaibheri raitsanangura zvimwe zveizvi zvinhu. Rakati kuChapupu chakaripa, “Amai, izvo turakiti rino rinotaura zvakanyanyonakisa kuti zvive chokwadi.” Vakawanda vanoita nenzira iyoyo. Bva, izvi zvipikirwa zvoUyo akasika chisiko chose, akatanga kufambisa kutenderera kwomusikirwo kwepasi redu, uye anobetsera kunyange varombo navanorwara kuwana mufaro. Tinogona kudavira zvaanotaura. Jaya radudzwa pamusoro apa rakafunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha ndokuwana ikoku kuva kwechokwadi. Kana usati wava kutoita izvi, tinokukurudzira kuita zvimwe chetezvo. Ipapo, ungavapo apo tsika ino yezvinhu iripo inenge yapfuura, uye chisiko chose chinokumbanira mukudanidzira kuti: “Hareruya!” “Rumbidzai Jah, imi vanhu!”—Pisarema 112:1, NW;Pis 135:1.

[Mashoko Omuzasi]

a MuBhaibheri, “Jehovha” pane dzimwe nguva rinopfupikiswa kuti “Jah.”

[Mufananidzo uri papeji 5]

Ivapo apo chisiko chose chinokumbanira mukudanidzira kuti: “Hareruya!”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe