Ngativengei Zvakaipa
JEHOVHA ndiMwari mutsvene. Munguva dzakare akanga ari “Mutsvene waIsraeri,” uye saakadaro akarayira kuti Israeri ave akachena, asina kusvibiswa. (Pisarema 89:18) Akaudza vanhu vake vakasarudzwa kuti: “Muve vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.” (Revhitiko 11:45) Munhu upi noupi aida ku“kwira mugomo raJehovha” aifanira kuva “namaoko akachena, nomwoyo wakanaka kwazvo.” (Pisarema 24:3, 4) Ikoko kwaireva zvaipfuura kungodzivisa zviito zvokutadza. Kwaireva “kuvenga zvakaipa.”—Zvirevo 8:13.
Nenzira yorudo, Jehovha akatanga mitemo ine udzame kuti rudzi rwaIsraeri rwugogona kuziva ndokudzivisa chakaipa. (VaRoma 7:7, 12) Mitemo iyi yaibatanidza nhungamiro dzakasimba pamusoro petsika. Upombwe, zviito zvoungochane, makunakuna, uye kuvata nemhuka zvose zvakaziviswa sezvinosvibisa mumudzimu zvisiri zvitsvene. (Revhitiko 18:23; 20:10-17) Avo vaiva nemhaka yezviito zvakaipa zvakadaro vaiparadzwa murudzi rwaIsraeri.
Apo ungano yavaKristu vakazodzwa yakava “vaIsraeri vaMwari,” mipimo yetsika yakafanana yakatangwa nokuda kwavo. (VaGaratia 6:16) VaKristuwo vakanga vachifanira ku“venga zvakaipa.” (VaRoma 12:9) Mashoko aJehovha kuna Israeri aishandawo kwavari: “Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.” (1 Petro 1:15, 16) Miitiro yakadaro isiri mitsvene soufeve, upombwe, ungochane, kuvata nemhuka, uye makunakuna zvakanga zvisingafaniri kushatisa ungano yechiKristu. Avo vairamba kurega kubatanidzwa muzvinhu zvakadaro vaizobviswa muUmambo hwaMwari. (VaRoma 1:26, 27; 2:22; 1 VaKorinte 6:9, 10; VaHebheru 13:4) Muano “mazuva okupedzisira,” mipimo mimwe cheteyo inoshanda ku“mamwe makwai.” (2 Timotio 3:1; Johane 10:16) Somugumisiro, vaKristu vakazodzwa namamwe makwai vanoumba vanhu vakachena uye vakanaka, vanokwanisa kutakura zita raMwari wavo seZvapupu zvaJehovha.—Isaya 43:10.
Kuchengeta Ungano Yakachena
Mukupesana, nyika inofuratira marudzi ose ounzenza. Kunyange zvazvo vaKristu vechokwadi vakasiyana, havafaniri kukanganwa kuti vakawanda avo zvino vanobatira Jehovha vaimbova munyika. Kune vakawanda avo, vasati vaziva Mwari wedu mutsvene, havana kuona chikonzero chokuti vasagutse zvishuvo nefungidziro dzenyama yavo inotadza, vachiumburuka mu“kusazvidzora kwavo uku kwakawanda.” (1 Petro 4:4) Muapostora Pauro, pashure pokurondedzera miitiro inonyangadza yavanhu vakaipa vamarudzi, akati: “Vamwe venyu vakanga vakadaro.” Pasinei zvapo naikoko, akapfuurira kuti: “Asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene, asi makaruramiswa nezita raShe Jesu Kristu, noMweya waMwari wedu.”—1 VaKorinte 6:11.
Ikoko kutaura kunonyaradza zvakadini! Chipi kana chipi icho munhu akaita pakuvamba muupenyu, anochinja apo mashoko akanaka ane mbiri pamusoro paKristu anova netapuro pamwoyo pake. Anoshandisa kutenda ndokuzvitsaurira amene kuna Jehovha Mwari. Kubva ipapo zvichienda mberi anorarama upenyu hwakachena mutsika, hwakacheneswa mumeso aMwari. (VaHebheru 9:14) Zvivi zvaakaita munguva yakapfuura zvinoregererwa, uye anogona ku‘tarira kuzvinhu zviri mberi.’a—VaFiripi 3:13, 14; VaRoma 4:7, 8.
Jehovha akakanganwira Dhavhidhi anopfidza nokuda kwokuponda noupombwe, uye Akakanganwira Manase anopfidza nokuda kwokunamata zvidhori kwounzenza uye kuteurwa kweropa kwakawanda. (2 Samueri 12:9, 13; 2 Makoronike 33:2-6, 10-13) Tinogona kuonga zvirokwazvo kuti akagadzirira kutikanganwirawo kana tikapfidza ndokumusvika nouchokwadi uye kuzvininipisa. Zvisinei, pasinei hapo nokukanganwira kwaJehovha Dhavhidhi naManase, ava varume vaviri—uye Israeri anavo—vakanga vachifanira kurarama nemigumisiro yezviito zvavo zvokutadza. (2 Samueri 12:11, 12; Jeremia 15:3-5) Munzira yakafanana, nepo Jehovha achikanganwira vatadzi vanopfidza, pangava nemigumisiro yezviito zvavo isingagoni kudziviswa.
Migumisiro Isingadzivisiki
Somuenzaniso, murume anorarama upenyu hwounzenza ndokuwana AIDS angagamuchira chokwadi ndokuchinja upenyu hwake kusvikira kupfundo retsauriro norubhabhatidzo. Zvino ava muKristu akachena mumudzimu ane ukama naMwari uye tariro yakaisvonaka yenguva yemberi; asi achine AIDS. Angafa pakupedzisira nemhaka yechirwere chacho, mugumisiro unosuruvarisa asi usinganzvengeki wowaichimbova mufambiro wake. Nokuda kwavamwe vaKristu tapuro dzohwaichimbova unzenza hwakakomba dzingapfuurira mune dzimwe nzira. Kwamakore akawanda pashure porubhabhatidzo rwavo, zvichida kwohwasara hwoupenyu hwavo hwose mutsika ino yezvinhu, vangafanira kurwisa sundo munyama yavo dzokudzokera kumararamire avo omunguva yakapfuura ounzenza. Nebetsero yomudzimu waJehovha, vakawanda vanobudirira kudzivisa. Asi vanofanira kurwa hondo yenguva dzose.—VaGaratia 5:16, 17.
Vakadaro havatadzi chero bedzi vachidzora sundo dzavo. Asi kana vari varume, vangasarudza nenzira yokuchenjera kusa‘svasvavirira’ basa muungano pavanenge vachiri kufanira kurwisana nesundo dzine simba dzokunyama. (1 Timotio 3:1) Nemhaka yei? Nemhaka yokuti vanoziva chivimbo icho ungano inoisa muvakuru. (Isaya 32:1, 2; VaHebheru 13:17) Vanoziva kuti vakuru vanobvunzwa pamusoro penhau dzakawanda dzakavanzika uye vanofanira kubata nemamiriro ezvinhu anoda kungwarira. Kungasava kuva nerudo, kuchenjera, kana kuti zvimwe kune mufungo kuti munhu ari kurwa hondo yenguva dzose nezvishuvo zvisina kuchena zvenyama asvasvavirire nzvimbo yakadaro yebasa.—Zvirevo 14:16; Johane 15:12, 13; VaRoma 12:1.
Nokuda kwomunhu akanga ari munetsi wavana asati abhabhatidzwa, pangava nomumwe mugumisiro. Apo anodzidza chokwadi, anopfidza ndokutendeuka, asingapinzi chivi ichocho choutsinye muungano. Pashure paizvozvo angaita fambiro mberi yakaisvonaka, angakurira chose chose sundo dzake dzakaipa, uye kunyange kuda ku‘svasvavirira’ nzvimbo yebasa muungano. Zvakadiniko, kunyange zvakadaro, kana achiri kufanira kurarama zvakanaka kuti akanganwise mukurumbira wakaipa munzanga seakambova munetsi wavana? Aizova “asina chaanopomerwa, . . . ane chipupuriro chakaisvonaka chinobva kuvanhu vari kunze, . . . [kuva] asina pomero” here? (1 Timotio 3:1-7, 10; Tito 1:7) Aiwa, aisazova. Nokudaro, angasakwanirisa nokuda kweropafadzo dzeungano.
Apo muKristu Akazvitsaurira Anotadza
Jehovha anonzwisisa kuti hatina simba uye kuti kunyange pashure pokubhabhatidzwa tingawira muchivi. Muapostora Johane akanyorera vaKristu vomuzuva rake kuti: “Ndinokunyorerai zvinhu izvi, kuti, murege kutadza. Kana munhu achitadza, tine Murevereri kuna Baba, iye Jesu Kristu wakarurama; Ndiye mudzikinuri wezvivi zvedu; haazi wezvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yosewo.” (1 Johane 2:1, 2) Hungu, pahwaro hwechibayiro chaJesu, Jehovha achakanganwira vaKristu vakabhabhatidzwa vanowira muchivi—kana vakapfidza zvirokwazvo ndokusiya nzira yavo yakaipa.
Mumwe muenzaniso waikoku wakaonekwa muungano yomuzana rokutanga ramakore paKorinte. Muapostora Pauro akanzwa nezvenhau yamakunakuna muungano itsva iyoyo, uye akapa mirayiridzo kuti murume aibatanidzwa adzingwe. Gare gare, mutadzi wacho akapfidza, uye Pauro akarayira ungano kuti imudzorere. (1 VaKorinte 5:1, 13; 2 VaKorinte 2:5-9) Nokudaro, kupfurikidza nesimba rinoporesa romutsa worudo waJehovha uye ukoshi hukuru hwechibayiro chorudzikinuro chaJesu, murume wacho akabviswa chivi chake. Zvinhu zvakafanana zvingaitika nhasi. Zvakare, kunyange zvakadaro, kunyange kana munhu akabhabhatidzwa anoita chivi chakakomba akapfidza ndokukanganwirwa mumeso aJehovha, pangava pachine migumisiro inopfuurira yechivi chake.—Zvirevo 10:16, 17; VaGaratia 6:7.
Somuenzaniso, kana musikana akazvitsaurira akaita ufeve, angademba zvikuru chiito chake uye pakupedzisira kudzorerwa kuutano hwomudzimu nebetsero yeungano. Asi zvakadiniko kana ava nepamuviri nemhaka younzenza hwake? Ipapo upenyu hwake hwose hwachinjwa nenzira isinganzvengeki nezvaakaita. Murume anoita upombwe angapfidza ndokusadzingwa. Asi mukwanyina wake asina mhaka ane zvikonzero zvapaMagwaro zvokumuramba, uye angasarudza kuita kudaro. (Mateo 19:9) Kana akadaro, murume wacho, kunyange zvazvo akanganwirwa naJehovha, achararama hwasara hwoupenyu hwake nouyu mugumisiro wakakomba zvikuru wechivi chake.—1 Johane 1:9.
Zvakadiniko nomurume anochatanura nenzira yokusada mudzimai wake kuti aroore mumwe mukadzi? Zvichida pakupedzisira achapfidza ndokudzorerwa muungano. Mukufamba kwamakore angaita fambiro mberi ndo“kupfuurira mberi kuukuru mumudzimu.” (VaHebheru 6:1, NW) Asi chero bedzi mudzimai wake wokutanga achigara asina mukwanyina, haasati achizokwanirisa kubatira munzvimbo yokuvimbika muungano. Haasi “murume womukadzi mumwe chete” nemhaka yokuti akanga asina maruramiro apaMagwaro okuramba mukadzi wake wokutanga.—1 Timotio 3:2, 12.
Izvi hazvisi zvikonzero zvine simba here nei muKristu achifanira kusakurira kuvenga chakaipa?
Zvakadiniko Nomunetsi Wavana?
Zvakadiniko kana muKristu akura akabhabhatidzwa akanetsa mwana mune zvevatano? Mutadzi wacho akaipa kwazvo zvokuti Jehovha haasati achizotongomukanganwira here? Kwete hazvo. Jesu akataura kuti ‘kutuka mudzimu mutsvene’ kwakanga kusingakanganwirwi. Uye Pauro akataura kuti hapana chibayiro chezvivi chinosiyirwa munhu anoita chivi namaune pasinei zvapo nokuziva chokwadi. (Ruka 12:10; VaHebheru 10:26, 27) Asi hapana apo Bhaibheri rinotaura kuti muKristu akura anobata zvisina kufanira mwana mune zvevatano—angava makunakuna kana kuti zvimwe—haagoni kukanganwirwa. Zvirokwazvo, zvivi zvake zvinogona kubviswa kana akapfidza zvapachokwadi zvinobva pamwoyo ndokuchinja mufambiro wake. Zvisinei angava achiri kufanira kurwisa sundo dzokunyama dzakaipa. (VaEfeso 1:7) Uye pangava nemigumisiro yaasingagoni kudzivisa.
Zvichitsamira pamitemo yomunyika maanogara, munetsi angafanira kubatira mutongo wetorongo kana kuti kutarisana nezvimwe zvirango zveHurumende. Ungano haisati ichizomudzivirira pana ikoku. Uyezve, munhu wacho aratidzira utera hwakakomba uhwo kuvambira ipapo zvichienda mberi huchafanira kurangarirwa. Kana achiratidzika kuva anopfidza, achakurudzirwa kuita fambiro mberi yomudzimu, kugoverana mubasa romumunda, kunyange kuva nemativi muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari uye mativi okusadzidzisa ari muMusangano Webasa. Ikoku hakurevi, kunyange zvakadaro, kuti achakwanirisa kubatira munzvimbo yebasa muungano. Ndezvipi zviri zvikonzero zvapaMagwaro zvaikoku?
Kutanga, mukuru anofanira kuva “[a]nozvidzora.” (Tito 1:8) Chokwadi, hapana nomumwe wedu ane kuzvidzora kwakakwana. (VaRoma 7:21-25) Asi muKristu akura akazvitsaurira anowira muchivi chokubata mwana zvisina kufanira muvatano anoratidzira utera hwokunyama husiri hwomuzvarirwo. Ruzivo rwokuzviwanira rwakaratidza kuti akura akadaro angasanetsa vamwe vana. Chokwadi, haasi munetsi ari wose wavana anodzokorora chivi chacho, asi vakawanda vanodaro. Uye ungano haigoni kunzvera mwoyo kuti izive kuti ndoupi ari uye ndoupi asiri anganetsa vana zvakare. (Jeremia 17:9) Nokudaro, zano raPauro kuna Timotio rinoshanda nesimba chairo munhau yavanhu vakura vakabhabhatidzwa avo vakanetsa vana: “Usakurumidza kuisa maoko pamusoro pomunhu, kana kusongana pazvivi zvavamwe.” (1 Timotio 5:22) Nokuda kwedziviriro yavana vedu, murume anozivikanwa kuva akanga ari munetsi wavana haakwanirisi nokuda kwenzvimbo yokuvimbika muungano. Uyezve, haagoni kuva piyona kana kuti kubatira mune rimwe basa ripi neripi chairo, renguva yakazara.—Enzanisa nenheyo iri pana Eksodho 21:28, 29.
Vamwe vangabvunza kuti, ‘Vamwe havana kuita mamwe marudzi ezvivi uye sezviri pachena kupfidza, ipapo vakazodzokorora chivi chavo gare gare here?’ Hungu, ikoko kwakaitika, asi pane zvimwe zvinhu zvokurangarira. Kana, somuenzaniso, munhu akaita zviito zvounzenza kune mumwe akura, akura wacho anofanira kukwanisa kudzivisa zviito zvake. Vana vari nyore zvikuru kunyengedza, kuvhiringidza, kana kuti kutyisidzira. Bhaibheri rinotaura nezvekushayiwa uchenjeri kwomwana. (Zvirevo 22:15; 1 VaKorinte 13:11) Jesu akashandisa vana somuenzaniso wokusava nemhaka kwokuzvininipisa. (Mateo 18:4; Ruka 18:16, 17) Kusava nemhaka kwomwana kunobatanidza kushayiwa ruzivo rwokuzviwanira kwakakwana. Vana vakawanda zvikurusa vakasununguka, vanodisa kufadza, uye nokudaro vari nyore kubatwa zvisina kufanira neakura anoronga wavanoziva nokuvimba. Naizvozvo, ungano ine basa pamberi paJehovha rokudzivirira vana vayo.
Vana vakasanorovedzwa vanodzidza kuteerera ndokuremekedza vabereki vavo, vakuru uye vamwe vakura. (VaEfeso 6:1, 2; 1 Timotio 5:1, 2; VaHebheru 13:7) Kungava kushatisa kunokatyamadza kana mumwe weava vakura akashandisa zvisina kufanira chivimbo chisina mhaka chomwana iyeyo kuti amunyengedze kana kuti kumumanikidza kutera kuzviito zvevatano. Avo vakanetswa mune zvevatano munzira iyi kazhinji kazhinji vanorwisa kwamakore akawanda kuti vakurire marwadzo emirangariro anovapo somugumisiro. Nokudaro, munetsi wavana akafanirwa nechirango chakakomba cheungano neganhuriro. Haisi nzvimbo yake saakura inofanira kuva yeitiro hanya asi, panzvimbo pezvo, kuchena kusina kusvibiswa kweungano yacho.—1 VaKorinte 5:6; 2 Petro 3:14.
Kana munetsi wavana akapfidza zvapachokwadi, achaziva uchenjeri hwokushandisa nheyo dzeBhaibheri. Kana akadzidza zvirokwazvo kuvenga chakaipa, achazvidza zvaakaita ndokurwisa kudzivisa kudzokorora chivi chake. (Zvirevo 8:13; VaRoma 12:9) Uyezve, zvirokwazvo achaonga Jehovha nokuda kwoukuru hworudo Rwake, somugumisiro womutadzi anopfidza, wakadai sowaari, anogona kungonamata Mwari wedu mutsvene ndokukarira kuva pakati pe“vakarurama” vachagara pasi pano nokusingaperi.—Zvirevo 2:21.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaravi” iri muchinyorwa cheNharireyomurindi yaMay 1, 1996.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 28]
Nepo Jehovha achikanganwira vatadzi vanopfidza, pangava nemigumisiro yezviito zvavo isingagoni kudziviswa