Kubatira Senhume Dzorugare rwaMwari
“Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzo . . . unoparidza rugare.”—ISAYA 52:7.
PANE mashoko akanaka anofanira kuziviswa! Mashoko orugare—rugare chairwoirwo. Ishoko roruponeso rine chokuita noUmambo hwaMwari. Kare kare muporofita Isaya akanyora pamusoro paro, uye mashoko ake akatichengeterwa pana Isaya 52:7, apo tinorava kuti: “Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzounouya namashoko akanaka, unoparidza rugare, unouya namashoko akanaka ezvinhu zvakanaka, unoparidza ruponeso, unoti kuZioni: Mwari wako unobata ushe!”
2 Jehovha akafuridzira muporofita wake Isaya kunyora shoko iroro nokuda kwokubetserwa kwaIsraeri wakare uye nokuda kwokubetserwa kwedu nhasi. Rinorevei? Panguva iyo Isaya akanyora mashoko iwayo, umambo hwokuchamhembe hwaIsraeri hwakanga hwatopinzwa muutapwa navaAsiria. Gare gare, vagari voumambo hwokumaodzanyemba hwaJudha vaizoendeswa senhapwa kuBhabhironi. Iwayo akanga ari mazuva enhamo nokusagadzikana murudzi rwacho nemhaka yokuti vanhu vakanga vasingateereri Jehovha uye naizvozvo vakanga vasina rugare naMwari. Seizvo Jehovha akavaudza, mufambiro wavo wokutadza wakanga uri kuparira kuparadzana pakati pavo naMwari wavo. (Isaya 42:24; 59:2-4) Kupfurikidza naIsaya, zvisinei, Jehovha akafanotaura kuti munguva yakafanira masuo eBhabhironi aizovhurika. Vanhu vaMwari vaizova vakasununguka kudzokera kunyika yokumusha kwavo, ikoko kunovakazve tembere yaJehovha. Zioni raizodzorerwa, uye kunamatwa kwaMwari wechokwadi kwaizopfuuridzirwa zvakare muJerusarema.—Isaya 44:28; 52:1, 2.
3 Ichi chipikirwa chokununurwa chakangawo chiri uporofita hworugare. Kudzorerwa kunyika iyo Jehovha akanga apa vaIsraeri kwaizova ufakazi hwengoni dzaMwari nehwokupfidza kwavo. Kwaizoratidzira kuti vakanga vane rugare naMwari.—Isaya 14:1; 48:17, 18.
“Mwari Wenyu Ava Mambo!”
4 Apo Jehovha akaita uku kununura muna 537 B.C.E., chiziviso chacho chaigona nenzira yakakodzera kuitwa kuZioni: “Mwari wenyu ava mambo!” Chokwadi, Jehovha ndi“Mambo wokusingaperi.” (Zvakazarurwa 15:3, NW) Asi uku kununurwa kwavanhu vake kwakanga kuri kumwe kuratidzirwa kwouchangamire hwake. Nomutoo unoshamisa, kwakaratidzira ukuru hwesimba rake kupfuura umambo hwakasimba zvikurusa hwavanhu kusvikira kunguva iyoyo. (Jeremia 51:56, 57) Somugumisiro wokushanda kwomudzimu waJehovha, dzimwe rangano dzokurwisana navanhu vake dzakadziviswa. (Estere 9:24, 25) Jehovha akapindira apindirazve munzira dzakasiyana-siyana kuti aparire madzimambo avaMedhia navaPersia kuti abatire pamwe nokuita kuda kwake amene kukuru. (Zekaria 4:6) Zviitiko zvinoshamisa zvakaitika mumazuva iwayo zvakatinyorerwa mumabhuku eBhaibheri aEzra, Nehemia, Estere, Hagai, uye Zekaria. Uye kuahwirudzura kunosimbisa kutenda sei!
5 Bva, zvakaitika muna 537 B.C.E. uye pashure pacho zvakanga zvichingova mavambo bedzi. Nokukurumidza pashure pouporofita hwedzorero huri muganhuro 52, Isaya akanyora pamusoro pokuuya kwaMesiya. (Isaya 52:13–53:12) Kupfurikidza naMesiya, uyo akabvumikisa kuva Jesu Kristu, Jehovha aizogovera shoko rokununurwa nerorugare rinotova roukoshi hukuru zvikuru kupfuura zvakaitika muna 537 B.C.E.
Nhume Hurusa yaJehovha Yorugare
6 Jesu Kristu ndiyo nhume hurusa yaJehovha yorugare. Ndiye Shoko raMwari, Mutauriri womunhu oga waJehovha amene. (Johane 1:14) Mutsinhirano naikoku, nguva yakati pashure pokubhabhatidzwa muRwizi rwaJoridhani, Jesu akamira musinagoge muNazareta ndokurava zvinonzwika basa rake muna Isaya ganhuro 61. Basa iroro rakajekesa kuti zvaakatumwa kuparidza zvaibatanidza “kusunungurwa” uye ku“onazve” pamwe chete nomukana wokugamuchirwa naJehovha. Bva, Jesu akaita zvinopfuura kuzivisa shoko rorugare. Mwari akanga amutumawo kuti agovere hwaro hworugare rwusingaperi.—Ruka 4:16-21.
7 Panguva yokuberekwa kwaJesu, ngirozi dzakanga dzaoneka kuvafudzi vaiva pedyo neBhetrehema, dzichirumbidza Mwari uye dzichiti: “Mwari ngaarumbidzwe kumusorosoro, norugare ngaruve navanhu vaanofarira.” (Ruka 2:8, 13, 14) Hungu, paizova norugare nokuda kwaavo Mwari akafarira nemhaka yokuti vakashandisa kutenda mugadziriro yaakanga achiita kupfurikidza noMwanakomana wake. Ikoko kwaizorevei? Kwaizoreva kuti kunyange zvazvo vanhu vachiberekerwa muchivi, vangagona kuwana chimiro chakachena naMwari, ukama hunotenderwa naye. (VaRoma 5:1) Vangagona kufarikanya kugadzikana kwomukati, rugare, izvo zvisingabviri muimwe nzira ipi neipi. Panguva yaMwari yakagadzwa, paizova nokusunungurwa mutapuro dzose dzechivi chakagarwa nhaka kuna Adhama, kubatanidza chirwere norufu. Vanhu vaisazovazve mapofu kana kuti matsi kana kuti vakaremara. Utera hunokangaidza nezvirwere zvepfungwa zvinoodza mwoyo zvaizobviswa nokusingaperi. Kwaizova kunobvira kufarikanya upenyu mukukwana nokusingaperi.—Isaya 33:24; Mateo 9:35; Johane 3:16.
8 Rugare rwaMwari rwunopiwa kunaani? Rwunopiwa kuna vose vanoshandisa kutenda muna Jesu Kristu. Muapostora Pauro akanyora kuti ‘Mwari akaona zvakanaka kupfurikidza naKristu kuti ayananise kwaari amene zvimwe zvinhu zvose kupfurikidza nokuita rugare kupfurikidza neropa iro Jesu akateura padanda rokutambudzira.’ Muapostora wacho akawedzera kuti uku kuyananiswa kwaizobatanidza “zvinhu zviri kudenga”—ndiko kuti, avo vaizova vadyi venhaka pamwe naKristu mudenga. Kwaizobatanidzawo “zvinhu zviri panyika”—ndiko kuti, avo vaizopiwa mukana wokurarama nokusingaperi papasi rino apo raizosvitswa kuchimiro chakazara cheParadhiso. (VaKorose 1:19, 20) Nemhaka yokuzviwanisa vamene ukoshi hwechibayiro chaJesu uye nemhaka yokuteerera kwavo Mwari zvichibva pamwoyo, vose ivava vaigona kufarikanya ushamwari hunofadza naMwari.—Enzanisa naJakobho 2:22, 23.
9 Rugare rwakadaro naMwari rwunokosha sei! Kana pasina rugare naMwari, hapagoni kuva norugare rusingaperi kana kuti rune revo mune humwe ukama hupi nohupi. Rugare naJehovha ndihwo hwaro hworugare rwechokwadi pasi pano. (Isaya 57:19-21) Nenzira yakafanira, Jesu Kristu ndiye Muchinda Worugare. (Isaya 9:6) Kuna iyeyu uyo kupfurikidza naye vanhu vanogona kuyananiswa naMwari, Jehovha akaronzawo chiremera chokutonga. (Dhanieri 7:13, 14) Uye pamusoro pemigumisiro yokutonga kwouchinda kwaJesu parudzi rwomunhu, Jehovha anopikira kuti: “Kurugare kuchava kusina mugumo.”—Isaya 9:7, NW; Pisarema 72:7.
10 Shoko raMwari rorugare rinodikanwa norudzi rwose rwomunhu. Jesu somunhu oga akagadza muenzaniso wokushingaira mukuriparidza. Akaita kudaro munharaunda yetembere muJerusarema, mujinga megomo, mumugwagwa, kumukadzi weSamaria patsime, uye mumisha yavanhu. Kupi kana kupi kwaiva navanhu, Jesu akaita mikana yokuparidza pamusoro porugare noUmambo hwaMwari.—Mateo 4:18, 19; 5:1, 2; 9:9; 26:55; Marko 6:34; Ruka 19:1-10; Johane 4:5-26.
Kurovedzwa Kufamba Mumakwara aKristu
11 Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuparidza shoko raMwari rorugare. Seizvo chaizvo Jesu akanga ari “chapupu [chaJehovha] chakatendeka, chazvokwadi,” vakaziva kuti ivowo vakanga vane basa rokupupura. (Zvakazarurwa 3:14; Isaya 43:10-12) Vakatarira kuna Kristu soMutungamiriri wavo.
12 Muapostora Pauro akarangarira pamusoro poukoshi hwomubato wokuparidza, achiti: “Nokuti Rugwaro rwunoti: Ani naani unotenda kwaari haanganyadziswi.” Ndiko kuti, hapana nomunhu anotenda muna Jesu Kristu soMumiririri Mukuru waJehovha woruponeso achaodzwa mwoyo. Uye hapana mamirire ezvinhu orudzi omunhu asingakwanirisi, nokuti Pauro akawedzera kuti: “Nokuti muJudha nomuGiriki havasiyani; nokuti mumwe ndiye Ishe wavose, wakafuma kuna vose vanodana kwaari; nokuti ani naani unodana kuzita raShe, uchaponeswa.” (VaRoma 10:11-13) Asi vanhu vaizoziva sei pamusoro pomukana iwoyo?
13 Pauro akabata nechinodikanwa ichocho kupfurikidza nokubvunza mibvunzo iyo mubatiri mumwe nomumwe waJehovha anoita zvakanaka kufunga nezvayo. Muapostora akabvunza kuti: “Zvino vachagodana seiko kuna iye, wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kuna iye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusina muparidzi? Vachaparidza seiko, kana vasingatumwi?” (VaRoma 10:14, 15) Chinyorwa chechiKristu chapakuvamba chipupuriro chakasimba chokuti varume navakadzi, vaduku navakuru, vakagamuchira muenzaniso wakagadzwa naKristu navaapostora vake. Vakava vazivisi vanoshingaira vamashoko akanaka. Mukutevedzera Jesu, vakaparidza kuvanhu kupi kana kupi kwavaigona kuvawana. Nechishuvo chokusasiya munhu, vakapfuudzira ushumiri hwavo mose muri muviri munzvimbo dzavose uye paimba neimba.—Mabasa 17:17; 20:20.
14 Chokwadika, haasi munhu ari wose akagamuchira vaparidzi vechiKristu nenzira yomutsa. Kunyange zvakadaro, kunokora mashoko kwaPauro muna Isaya 52:7 kwakabvumikisa kuva kwechokwadi. Pashure pokubvunza mubvunzo wokuti, ‘Vachaparidza seiko kutoti vatumwa?’ akawedzerwa kuti: “Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko omufaro ezvinhu zvakanaka?” Vakawanda zvikurusa vedu hatifungi nezvetsoka dzedu sedzakanaka, kana kuti dzakaisvonaka. Naizvozvo, ipapoka, irworwu rwunorevei? Itsoka dzinowanzofambisa munhu sezvaanoenda kunoparidza kuvamwe. Tsoka dzakadaro dzinomirira chaizvoizvo munhu wacho. Uye tinogona kuva nechokwadi chokuti kuvakawanda vakanzwa mashoko akanaka kuvaapostora nokuna vamwe vadzidzi vomuzana rokutanga ramakore vaJesu Kristu, ava vaKristu vapakuvamba vakanga vari chiono chakaisvonaka zvirokwazvo. (Mabasa 16:13-15) Kupfuurezvo, vakanga vachikosha mukuona kwaMwari.
15 Vateveri vaJesu vakanga vane shoko rorugare, uye vakaripa nomutoo une rugare. Jesu akapa vadzidzi vake iyi mirayiridzo: “Paimba ipi neipi yamunopinda, mutange kuti: Rugare ngaruve neimba ino. Kana munhu worugare anenge aripo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana kusina, ruchadzokera kwamuri.” (Ruka 10:5, 6) Sha·lohmʹ, kana kuti “rugare,” kukwazisa kwegamuchidzanwa kwechiJudha. Zvisinei, mirayiridzo yaJesu yaibatanidza zvakawanda zvinopfuura ikoku. Se“nhume nokuda kwaKristu,” vadzidzi vake vakazodzwa vakakurudzira vanhu kuti: “Yananiswai naMwari.” (2 VaKorinte 5:20) Mutsinhirano nemirayiridzo yaJesu, vakataura kuvanhu pamusoro poUmambo hwaMwari uye zvahwaigona kureva kwavari savanhu vamwe navamwe. Avo vakateerera vakagamuchira chikomborero; avo vakaramba shoko racho vakarasikirwa.
16 Zvapupu zvaJehovha zvinopfuudzira ushumiri hwazvo munzira imwe cheteyo nhasi. Mashoko akanaka azvinoendesa kuvanhu haasi azvo; ndeeUyo wakazvituma. Basa razvo nderokuapa. Kana vanhu vakaagamuchira, vanozviisa vamene munzvimbo yokuwana zvikomborero zvakaisvonaka. Kana vakaaramba, vari kuramba rugare naJehovha Mwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu.—Ruka 10:16.
Vane Rugare Munyika Yakanyongana
17 Kupi kana kupi kuri kuita kwavanhu, kunokosha kuti vabatiri vaJehovha varangarire kuti inhume dzorugare rwaMwari. Vanhu venyika vangapinda mukuitirana nharo kukuru ndokuratidzira hasha kupfurikidza nokuita tsinhiro dzinorwadza kana kuti kupfurikidza nokutuka avo vanovashatirisa. Zvichida vamwe vedu takaita izvozvo munguva dzakapfuura. Zvisinei, kana takapfeka unhu hutsva uye zvino tisisiri rutivi rwenyika, hatisati tichizotevedzera nzira dzavo. (VaEfeso 4:23, 24, 31; Jakobho 1:19, 20) Pasinei zvapo nenzira iyo vamwe vanoita nayo, tichashandisa zano rokuti: “Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.”—VaRoma 12:18.
18 Ushumiri hwedu pane dzimwe nguva hunotiunza pamberi pavakuru vakuru vehurumende. Vachiratidzira chiremera chavo, vanga‘tirayira’ tsananguro pamusoro pechikonzero nei tichiita zvinhu zvakati kana kuti chikonzero nei tichirega kupinda mumubato wakati. Vangada kuziva chikonzero nei tichiparidza shoko ratinoparidza—iro rinofumura rudzidziso rwenhema uye rinotaura nezvomugumo wetsika iripo yezvinhu. Kuremekedza kwedu muenzaniso wakagadzwa naKristu kuchatisunda kuratidzira unyoro uye ruremekedzo rukuru. (1 Petro 2:23; 3:15) Kazhinji kazhinji, vakuru vakuru vakadaro vanodzvinyirirwa nevafundisi kana kuti sezvinobvira navakuru vavo vamene. Mhinduro nyoro ingavabetsera kunzwisisa kuti mubato wedu hausi tyisidziro kwavari kana kuti kurugare rwenzanga. Mhinduro yakadaro inotanga mudzimu wokuremekedza, wokubatira pamwe, uye worugare muna avo vanougamuchira.—Tito 3:1, 2.
19 Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa mupasi rose savanhu vasingatori rutivi mugakava renyika. Hazvibatanidzwi murwisano dzenyika pamusoro porudzi, rudzidziso, kana kuti zvamatongerwe enyika. (Johane 17:14) Nemhaka yokuti Shoko raMwari rinotirayira kuti ti“zviise pasi pamasimba makuru,” tingasamborangarira kutora rutivi muzviito zvokusateerera hurumende kuti tipandukire miitiro yehurumende. (VaRoma 13:1) Zvapupu zvaJehovha hazvisati zvatongokumbanira mubato upi noupi wakanangidzirwa pakupidigura hurumende. Nemhaka yemipimo yakagadzwa naJehovha nokuda kwavabatiri vake vechiKristu, kutora rutivi kwazvo mukuteura ropa kana kuti mumasimba masimba orudzi rupi norupi hakufungiki! VaKristu vechokwadi havatauri bedzi pamusoro porugare; vanorarama mutsinhirano nezvavanoparidza.
20 Mukupesana navaKristu vechokwadi, avo vanomirira masangano orudzidziso echiKristudhomu havana kubvumikisa kuva nhume dzorugare. Marudzidziso eBhabhironi Guru—chechi dzechiKristudhomu namarudzidziso asiri echiKristu nenzira yakafanana—akarerutsa, akatsigira, uye chaizvoizvo akatungamirira muhondo dzamarudzi. Akanyandurawo chitambudzo uye kunyange kupondwa kwavabatiri vakatendeka vaJehovha. Pamusoro peBhabhironi Guru, Zvakazarurwa 18:24 naizvozvo inozivisa kuti: “Mukati maro mukawanikwa ropa ravaporofita neravatsvene, neravose vakaurawa panyika.”
21 Mukusiyana nemarudzidziso echiKristudhomu neasara eBhabhironi Guru, rudzidziso rwechokwadi isimba rakanaka, rinobatanidza. Kuvateveri vake vechokwadi, Jesu Kristu akati: “Vose vachaziva naizvozvo kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu.” (Johane 13:35) Irworwo ndirwo rudo rwunokurira miganhu yorudzi, yenzanga, yezvemari, uye yedzinza zvino iri kukamura rwasara rworudzi rwomunhu. Achiva akacherekedza ikoku, mamiriyoni avanhu mupasi rose ari kuti kuvabatiri vaJehovha vakazodzwa: “Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari unemi.”—Zekaria 8:23.
22 Savanhu vaJehovha, tinofarira zvikuru zvakaitwa, asi basa harisati rapedzwa. Pashure pokudyara mbeu nokusakurira munda wake, murimi haaregi. Anoramba achishanda, zvikurukuru pakupera kwomwaka wokukohwa. Nguva yokukohwa inoda nhamburiko inopfuuridzirwa, yakakomba. Uye iko zvino pane kukohwiwa kukuru zvikuru kwavanamati vaMwari wechokwadi kupfuura nakare kose. Ino inguva yokufara. (Isaya 9:3) Chokwadi, tinonangana nechishoro nokusaitira hanya. Savanhu vamwe navamwe, tingava tiri kuedza kubata nechirwere chakakomba, mamiriro ezvinhu akaoma emhuri, kana kuti nhamo yemari. Asi kuda Jehovha kunotisunda kupfuurira. Shoko ratakaronzwa naMwari ndechimwe chinhu icho vanhu vanofanira kunzwa. Ishoko rorugare. Zvirokwazvo, ishoko iro Jesu amene akaparidza—mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.
Ndeipi Iri Mhinduro Yako?
◻ Izadzikoi iyo Isaya 52:7 yakava nayo pana Israeri wakare?
◻ Jesu akabvumikisa sei kuva nhume hurusa yorugare?
◻ Muapostora Pauro akabatanidza sei Isaya 52:7 nebasa iro vaKristu vanogoverana mariri?
◻ Chii chinobatanidzwa mukuva nhume dzorugare rwaMwari muzuva redu?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1, 2. (a) Sezvakafanotaurwa pana Isaya 52:7, mashokoi akanaka anofanira kuparidzwa? (b) Mashoko ouporofita aIsaya airevei kuna Israeri wakare?
3. Chipikirwa chokudzorerwa kwaIsraeri chakanga chiriwo sei uporofita hworugare?
4. (a) Muna 537 B.C.E. kwaigona kunzi ‘Jehovha akanga ava mambo’ mupfungwai? (b) Jehovha akaita sei zvinhu nokuda kwokubetserwa kwavanhu vake mumakore apashure?
5. Zviitikoi zvinokosha zvinonongedzerwa kwazviri pana Isaya 52:13–53:12?
6. Ndiani ari nhume hurusa yaJehovha yorugare, uye ibasai raakazvishandisa kwaari amene?
7. Chii chinobva murugare naMwari urwo rwunoitwa kuti rwubvire kupfurikidza naJesu Kristu?
8. Rugare rwechokwadi rwunopiwa kunaani?
9. (a) Rugare naMwari rwunopesvedzera humwe ukamai? (b) Nomurangariro worugare rwusingaperi kwose kwose, chiremerai icho Jehovha akaisa paMwanakomana wake?
10. Jesu akagadza sei muenzaniso mukuparidza shoko raMwari rorugare?
11. Jesu akarovedza vadzidzi vake nokuda kwebasai?
12. Pauro akaratidza sei ukoshi hwomubato wokuparidza?
13. Chii chakanga chichidikanwa kana vanhu vaizonzwa mashoko akanaka, uye vaKristu vomuzana rokutanga ramakore vakaita sei kuchinodikanwa ichocho?
14. Kwakabvumikisa sei kuva kwechokwadi kuti “tsoka” dzaavo vaizivisa mashoko akanaka dzakanga “dzakanaka”?
15, 16. (a) VaKristu vapakuvamba vakaratidzira sei kuti zvirokwazvo vakanga vari nhume dzorugare? (b) Chii chinogona kutibetsera kupfuuridzira ushumiri hwedu munzira imwe cheteyo iyo vaKristu vomuzana rokutanga ramakore vakaita?
17. Kunyange apo tinonangana nevanhu vanotuka, tinofanira kuzvibata timene sei, uye nei?
18. Tinofanira kupindura sei kana mukuru mukuru wehurumende ane hasha nesu, uye nei?
19. Zvapupu zvaJehovha hazvitongopindi mumibatoi?
20. Pamusoro porugare, rudzii rwechinyorwa urwo Bhabhironi Guru rakaita?
21. Vakawanda vane mwoyo yakatendeseka vanoita sei apo vanoona musiyano muzviito zvavanhu vaJehovha nezvaavo vanoita muitiro worudzidziso rwenhema?
22. Tinorangarira sei basa rokupupura richiri kufanira kuitwa?
[Mifananidzo iri papeji 13]
Kufanana naJesu, Zvapupu zvaJehovha inhume dzorugare rwaMwari
[Mifananidzo iri papeji 15]
Zvapupu zvaJehovha zvinoramba zvine rugare pasinei zvapo nenzira iyo vanhu vanoita nayo kushoko roUmambo