Upenyu Hwako—Donzo Rahwo Chii?
“Ndakanzvera mwoyo wangu, . . . kusvikira ndaona kuti zvakanaka ndezvipi zvingaitwa navanakomana vavanhu . . . mazuva ose oupenyu hwavo.”—MUPARIDZI 2:3.
1, 2. Nei kusina kuipa kuva nefariro ine mufungo mumunhu oga?
UNOZVIFARIRA umene, haudaro here? Ikoko ndokwomuzvarirwo. Nokudaro tinodya zuva rimwe nerimwe, tinorara apo tinenge taneta, uye tinoda kuva neshamwari navadiwa. Padzimwe nguva tinotamba mitambo, tinoshambira, kana kuti tinoita zvimwe zvinhu zvatinofarikanya, tichiratidzira fariro yakadzikama matiri timene.
2 Kuzvifarira umene kwakadaro kunotsinhirana neizvo Mwari akasunda Soromoni kunyora: “Hakuna chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu adye, anwe, afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake.” Zvichivakirwa paruzivo rwokuzviwanira, Soromoni akawedzera kuti: “Ndakaona kuti naizvozvi zvinobva kuruoko rwaMwari. Nokuti ndiani ungadya, ndiani ungafarira chinhu kunze kwake?”—Muparidzi 2:24, 25.
3. Mibvunzoi inoshamisa iyo vakawanda zvikurusa vanowana kuva isingapinduriki?
3 Bva unoziva kuti upenyu hunopfuura kudya, kunwa, kurara, uye kuita zvakanaka zvakati. Tine marwadzo, kuodzwa mwoyo, uye kunetseka. Uye tinoratidzika kuva takabatikana zvikuru zvokusagona kurangarira revo youpenyu hwedu. Ikoko hakuna kudaro newe here? Vermont Royster, aichimbova mupepeti wenhau weThe Wall Street Journal, pashure pokucherekedza zivo yedu huru nounyanzvi, akanyora kuti: “Hechino chinhu chinoshamisa. Mukurangarirwa kwomunhu amene, kwezvisarudzo zvake, kwenzvimbo yake muchisiko chino chose, hatizivi zvakawanda kupfuura apo nguva yakavamba. Tichine mibvunzo yokuti tiri vanaani uye nei tiripo uye kwatiri kuenda.”
4. Nei mumwe nomumwe wedu achifanira kuda kukwanisa kupindura mibvunzo inotibatanidza?
4 Ungapindura sei mibvunzo inoti: Tisu vanaani? Nei tiri pano? Uye tiri kuendepi? July apfuura, VaRoster vakafa. Unofunga kuti panguva iyoyo vakanga vawana mhinduro dzinogutsa here? Kuva akananga, Pane nzira yaunogona nayo kuita kudaro here? Uye ikoku kunogona sei kukubetsera kufarikanya upenyu hunofadza zvikuru, hune revo zvikuru? Ngationei.
Manyuko Makuru Enzwisiso
5. Nei tichifanira kutarira kuna Mwari apo tinenge tichitsvaka nzwisiso mumibvunzo pamusoro perevo youpenyu?
5 Kudai tiri toga tichitsvaka donzo roupenyu hwedu, tingabudirira zvishomanene kana kuti kusabudirira, sezvave zviri zvechokwadi nezvavarume navakadzi vazhinjisa, kunyange avo vane dzidzo huru noruzivo rwokuzviwanira. Asi hatina kusiyiwa tiri toga. Musiki wedu akagovera betsero. Apo unofunga nezvazvo, haasi iye Manyuko makurusa enzwisiso nouchenjeri, “kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi” uye achiva nezivo yakakwana yechisiko chose nenhau here? (Pisarema 90:1, 2) Akasika vanhu uye akacherekedza ruzivo rwose rwokuzviwanira rwavanhu, naizvozvo ndiye Watinofanira kutarira kwaari nokuda kwenzwisiso, kwete kuvanhu vasina kukwana, nezivo yavo yakaganhurirwa uye nzwisiso.—Pisarema 14:1-3; VaRoma 3:10-12.
6. (a) Musiki akagovera sei nzwisiso inodikanwa? (b) Soromoni anobatanidzwa sei?
6 Nepo tisingagoni kukarira Musiki wedu kuzeveza munzeve yedu kuziviswa pamusoro perevo youpenyu, iye akagovera manyuko enzwisiso—Shoko rake rakafuridzirwa. (Pisarema 32:8; 111:10) Bhuku raMuparidzi rinokosha zvikurukuru muna ikoku. Mwari akafuridzira munyori waro, zvokuti “kungwara kwaSoromoni kwakapfuura kungwara kwavana vamabvazuva.” (1 Madzimambo 3:6-12; 4:30-34) “Kungwara kwaSoromoni” kwakaorora kwazvo mambo aishanya zvokuti akataura kuti hafu yacho yakanga isina kutaurwa uye kuti avo vaiteerera uchenjeri hwake vaizofara zvirokwazvo.a (1 Madzimambo 10:4-8) Isuwo tinogona kuwana nzwisiso nomufarwa muuchenjeri hwoumwari uhwo Musiki wedu akagovera kupfurikidza naSoromoni.
7. (a) Soromoni akagumisei pamusoro pemibato mizhinjisa pasi pematenga? (b) Chii chinoratidzira nzvero dzapachokwadi dzaSoromoni?
7 Bhuku raMuparidzi rinoratidzira uchenjeri hunopiwa naMwari, uhwo hwakatapura mwoyo nouropi zvaSoromoni. Achiva nenguva, pfuma, uye nzwisiso yokuita kudaro, Soromoni akanzvera “zvose [zvakanga zvaitwa] pasi pedenga.” Akaona kuti zvizhinjisa zvacho “hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo,” iri nzvero yakafuridzirwa yatinofanira kuyeuka pakufunga nezvedonzo redu muupenyu. (Muparidzi 1:13, 14, 16) Soromoni akanga ari kuva akajeka, wapachokwadi. Somuenzaniso, rangarira nezvamashoko ake anowanwa pana Muparidzi 1:15, 18. Unoziva kuti mukati memazana amakore vanhu vakaedza zvimiro zvakasiyana-siyana zvehurumende, pane dzimwe nguva vachiedza zvapachokwadi kupedza zvinetso uye kunatsa mararamire avanhu. Dzipi nedzipi, kunyange zvakadaro, dzakaruramisa chaizvoizvo zvinhu zvose zva“kakombama” zvetsika ino isina kukwana here? Uye ungava wakaona kuti kana munhu akava nezivo yakakura, anoziva zvikuru kuti munduramo pfupi, hakubviri kururamisa zvinhu zvizere. Kuziva kwakadaro kunounza kangaidziko kuvakawanda, asi kwete hazvo kwatiri.
8. Matanhoi anguve aripo?
8 Rimwe pfundo rokurangarira ndiwo matanho anodzokororwa anotitapura, akadai sokubuda nokunyura kwezuva kana kuti kufamba kwemhepo nemvura. Akanga aripo mumazuva aMosesi, Soromoni, Napoléon, uye madzisekuru edu. Uye anopfuurira. Nenzira yakafanana, “rudzi rumwe runoenda, rumwe rudzi runouya.” (Muparidzi 1:4-7) Mukurangarira kwavanhu, zvishomanene zvakachinja. Vanhu vakare nevazvino uno vakava nemibato yakaenzana, tariro, gwinyiro, uye zvakaitwa. Kunyange muvanhu, mumwe munhu akaita zita rakakurumbira kana kuti akatanhamara murunako kana kuti mano, munhu iyeyo zvino aripi? Akafa uye zvimwe akakanganwikwa. Ikoko hakusi kuva anofunga zvisina kunaka. Vanhu vazhinjisa havambogoni kutaura mazita anasekuru vavo kana kuti kutaura kwavakazvarirwa uye kuvigwa. Unogona kuona chikonzero nei Soromoni akaona chaizvoizvo kusava namaturo mumabasa nenhamburiko zvavanhu.—Muparidzi 1:9-11.
9. Tingabetserwa sei kupfurikidza nokuwana nzwisiso chaiyoiyo mumamiriro ezvinhu orudzi rwomunhu?
9 Panzvimbo pokutiita kuti tikangaidzike, iyi nzwisiso youmwari mumamiriro ezvinhu makuru orudzi rwomunhu inogona kuva netapuro yakanaka, ichitisunda kudzivisa kubatanidza zvinokosha zvakaipa nenharidzano kana kuti nezvinorondwa izvo zvichapera nokukurumidza uye kukanganwika. Inofanira kutibetsera kuyera zvatiri kuwana muupenyu uye zvatiri kuedza kuita. Kuenzanisira, panzvimbo pokuva vanozviomesera, tinogona kuwana mufarwa mukudya nokunwa zvakadzikama. (Muparidzi 2:24) Uye, sezvatichaona, Soromoni anosvika mhedziso yakananga zvikuru uye ine tariro. Nenzira yokupfupikisa, ndeyokuti tinofanira kuonga zvikuru ukama hwedu noMusiki wedu, uyo anogona kutibetsera kuva nenguva yemberi isingagumi inofadza, ine donzo. Soromoni akasimbisa kuti: “Shoko guru pazvose zvatanzwa, heri: Itya Mwari, uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.”—Muparidzi 12:13.
Donzo Mukurangarira Matanho Oupenyu
10. Soromoni akaenzanisa vanhu nemhuka munzirai?
10 Uchenjeri hwaMwari hunoratidzirwa muna Muparidzi hunogona kutibetserazve mukurangarira donzo redu muupenyu. Hunodaro sei? Mukuti Soromoni akanangidzira ngwariro zvapachokwadi pane dzimwe zvokwadi dzatisingawanzofungi nezvadzo. Imwe yacho inobatanidza fanano pakati pavanhu nemhuka. Jesu akafananidza vateveri vake namakwai, bva vanhu kazhinji kazhinji havafarikanyi kuenzaniswa nemhuka. (Johane 10:11-16) Zvisinei Soromoni akabudisa maidi akati asingarambiki: “Izvi zvinoitwa nokuda kwavanakomana vavanhu, kuti Mwari avaidze, vaone kuti ivo vamene vakangoita semhuka. Nokuti zvinoitirwa vanakomana vavanhu ndizvo zvinoitirwawo mhuka; zvose zvinoitirwa chinhu chimwe: Mufire womunhu, ndiwo mufire wemhuka, . . . munhu haana paanopfuura mhuka; nokuti zvose hazvina maturo. . . . Zvose zvinobva pavhu, zvose zvinodzokerazve kuvhu.”—Muparidzi 3:18-20.
11. (a) Matanho chaiwoiwo oupenyu hwemhuka angarondedzerwa sei? (b) Unonzwa sei pamusoro penzvero yakadaro?
11 Funga nezvemhuka yaunofarikanya kutarira, zvimwe mbira kana kuti tsuro. (Dheuteronomio 14:7; Pisarema 104:18; Zvirevo 30:26) Kana kuti ungafungidzira tsindi; pane marudzi anopfuura 300 kupota nyika. Ndeapi ari matanho oupenyu hwayo? Pashure pokunge yazvarwa, mai vayo vanoirera kwamavhiki akati. Nokukurumidza yava nemvere uye inogona kuenda kunze. Ungaiona ichimhanya-mhanya ichidzidzira kutsvaka zvokudya. Asi kazhinji kazhinji inoratidzika kuva iri kutamba chete, ichifarikanya upwere hwayo. Pashure pokukura kwerinenge gore, inowana mukwanyina. Ipapo inofanira kuvaka dendere kana kuti tsaka ndokutarisira vana. Kana ikawana maberry akakwana, nzungu, uye mhodzi, mhuri yetsindi ingafuta ndokuva nenguva yokukudza musha wadzo. Asi mumakore mashomanene chete, mhuka yacho inokwegura uye inova nebviro huru yetsaona nechirwere. Panenge pazera remakore gumi inofa. Nemisiyano mishoma pakati pemarudzi etsindi, iwawo ndiwo matanho ayo oupenyu.
12. (a) Nenzira yapachokwadi, nei matanho oupenyu avanhu vakawanda akafanana neemhukawo zvayo? (b) Chii chatingafunga pamusoro penguva inotevera yatinoona mhuka yatanga tichifunga?
12 Vanhu vazhinjisa havangarambi matanho oupenyu iwayo nokuda kwemhuka, uye havatongokariri tsindi kuva nedonzo rine mufungo muupenyu. Zvisinei, upenyu hwavanhu vakawanda hausiyani zvikuru kwazvo naihwohwo, hunodaro here? Vanozvarwa ndokutarisirwa savacheche. Vanodya, vanokura, uye vanotamba sepwere. Nokukurumidza vava vanhu vakuru, vanowana mukwanyina, uye vanotsvaka nzvimbo yokugara nomutoo wokugovera nawo zvokudya. Kana vakabudirira, vangafuta ndokukudza musha wavo (dendere) mokurerera vana. Asi makumi amakore anokurumidza kupfuura, uye vanokwegura. Kana kusiri kuti asati, vangafa pashure pemakore 70 kana kuti 80 akazadzwa ne“kutambudzika nenhamo bedzi.” (Pisarema 90:9, 10, 12) Ungafunga nezveaya maidi anofunganyisa nguva inotevera yaunoona tsindi (kana kuti imwe mhuka yawanga uchirangarira).
13. Mugumisiroi unobvumikisa kuva wechokwadi nokuda kwezvose zviri zviviri mhuka nevanhu?
13 Unogona kuona chikonzero nei Soromoni akaenzanisa upenyu hwavanhu nemhuka. Akanyora kuti: “Chinhu chimwe nechimwe chine musi wacho . . . Nguva yokuberekwa, nenguva yokufa.” Mugumo iwoyo wapashure, rufu, wakafanana nokuda kwomunhu nemhuka, “Mufire womunhu, ndiwo mufire wemhuka.” Akawedzera kuti: “Zvose zvinobva pavhu, zvose zvinodzokerazve kuvhu.”—Muparidzi 3:1, 2, 19, 20.
14. Vamwe vanhu vanoedza sei kuchinja matanho oupenyu anozivikanwa navose, asi nemigumisiroi?
14 Hatifaniri kurangarira iyi nzvero yapachokwadi kuva kufunga kunoodza mwoyo. Sezvinobvumwa, vamwe vanoedza kuchinja mamiriro ezvinhu, zvakadai sokupfurikidza nokushanda zvomuraudzo kuti vanatse mamiriro avo ezvinhu okunyama kupfuura izvo vabereki vavo vakanga vanazvo. Vangaronda makore akawanda edzidzo kuti vagovere mupimo wakakwirira wokurarama, nepo vachiedza kukudza kunzwisisa kwavo upenyu. Kana kuti vangapa ngwariro pakurovedza muviri kana kuti miitiro yokurega zvokudya zvakati kuti vawane utano huri nani noupenyu hwakati rebei. Uye idzi nhamburiko dzingaunza betsero dzakati. Asi ndiani anogona kuva nechokwadi chokuti nhamburiko dzakadaro dzichabvumikisa kuva dzinobudirira? Kunyange kana dzikadaro, kwenguva yakareba sei?
15. Inzveroi yakajeka youpenyu hwavanhu vazhinjisa inokosha?
15 Soromoni akabvunza kuti: “Nokuti mashoko mazhinji ariko, anowedzera zvisina maturo; munhu unobatsirwei nazvo? Nokuti ndiani unoziva zvakafanira munhu paupenyu hwake, iwo mazuva ose oupenyu hwake husina maturo, hwaanorarama somumvuri? Nokuti ndiani ungaudza munhu zvichazomutevera pasi pezuva?” (Muparidzi 6:11, 12) Sezvo rufu ruchiti kurumidzei kugumisa nhamburiko dzomunhu, chaizvoizvo pane betsero huru mukutamburira kuwana zvinhu zvokunyama zvakawanda kana kuti mukuronda makore akareba okudzidza zvikurukuru kuti uwane zvinhu zvakawanda here? Uye sezvo upenyu huri hupfupi kwazvo, huchipfuura somumvuri, vakawanda vanonzwisisa kuti hapana nguva yokutungamidzazve nhamburiko kune imwe nharidzano yomunhu apo vanoziva kuti vakundikana; uyewo munhu haagoni kuva nechokwadi chezvichaitika kuvana vake “pashure pake.”
Nguva Yokuita Zita Rakanaka
16. (a) Chii chatinofanira kuita icho mhuka dzisingagoni? (b) Ndechipi chimwe chokwadi chinofanira kutapura kufunga kwedu?
16 Kusafanana nemhuka, isu vanhu tine simba rokurangarira kuti, ‘Chii chiri revo yokuvapo kwangu? Rinongova chete danho rakarongwa, rine nguva yokuzvarwa nenguva yokufa?’ Muna ikoko, yeuka chokwadi chiri mumashoko aSoromoni pamusoro pomunhu nemhuka: “Zvose zvinodzokerazve kuvhu.” Ikoko kunoreva here kuti rufu runogumisa chose chose kuvapo kwomunhu? Eya, Bhaibheri rinoratidza kuti vanhu havana mweya usingafi uyo unopukunyuka muviri. Vanhu mweya, uye mweya unotadza unofa. (Ezekieri 18:4, 20) Soromoni akawedzera kuti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, kunyange nomubayiro havachina; nokuti havacharangarirwi. Zvose zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose; nokuti hakuna basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda.”—Muparidzi 9:5, 10.
17. Muparidzi 7:1, 2 inofanira kutiparira kurangarirei?
17 Nemhaka yeidi iroro risingadzivisiki, rangarira uku kutaura: “Mbiri yakanaka inopfuura chizoro chakanaka, nezuva rokufa kupfuura zuva rokuzvarwa. Zviri nani kuenda kuimba yokuchema, pakuenda kuimba yomutambo; nokuti ndiwo mugumo wavanhu vose; munhu mupenyu uchazvirangarira pamwoyo pake.” (Muparidzi 7:1, 2) Tinofanira kubvuma kuti rufu rwave rwuri “mugumo wavanhu vose.” Hapana munhu akakwanisa kunwa mushonga wokurebesa upenyu upi noupi, kudya musanganiswa upi noupi wamavhitaminzi, kutevera zvokudya zvipi nezvipi, kana kuti kubatikana mukurovedza muviri kupi nokupi kunoguma noupenyu husingagumi. Uye kazhinji kazhinji “kuyeukwa kwavo [kuno]kanganwika” nokukurumidza pashure porufu rwavo. Naizvozvo nei mbiri “yakanaka i[chi]pfuura chizoro chakanaka, nezuva rokufa [richi]pfuura zuva rokuzvarwa”?
18. Nei tichigona kuva nechokwadi chokuti Soromoni aidavira rumuko?
18 Sezvacherekedzwa, Soromoni akanga ari wapachokwadi. Aiziva nezvemadzitateguru ake Abrahama, Isaka, uye Jakobho, avo zvirokwazvo vakanga vaita zita rakanaka noMusiki wedu. Achiva anosanozivana naAbrahama, Jehovha Mwari akapikira kumukomborera nembeu yake. (Genesi 18:18, 19; 22:17) Hungu, Abrahama akanga ane zita rakanaka naMwari, achiva shamwari yake. (2 Makoronike 20:7; Isaya 41:8; Jakobho 2:23) Abrahama aiziva kuti upenyu hwake noupenyu hwomwanakomana wake hwakanga husiri rutiviwo zvarwo rwematanho asingatongogumi okuzvarwa nokufa. Zvirokwazvo kwakanga kune zvakawanda kwakuri kupfuura izvozvo. Vakanga vane kariro ine chokwadi yokuraramazve, kwete nemhaka yokuti vaiva nomweya usingafi, asi nemhaka yokuti vaizomutswa. Abrahama akapwiswa kuti “Mwari anogona kumutsa [Isaka] kunyange kuvakafa.”—VaHebheru 11:17-19.
19. Inzwisisoi yatinogona kuwana kuna Jobho nezverevo yaMuparidzi 7:1?
19 Iyoyo ndiyo mhinduro kukunzwisisa nzira iyo “mbiri yakanaka inopfuura [nayo] chizoro chakanaka, nezuva rokufa kupfuura zuva rokuzvarwa.” SaJobho akamutangira, Soromoni akanga achipwiswa kuti Uyo akasika upenyu hwavanhu anogona kuhudzorera. Anogona kudzosa kuupenyu vanhu vakavimbika avo vakafa. (Jobho 14:7-14) Jobho akatendeka akati: “Maizodana, [Jehovha] ini ndikakupindurai. Maishuva basa ramaoko enyu.” (Jobho 14:15) Funga nezvaizvozvo! Nokuda kwavabatiri vake vakafa, Musiki wedu ane “chishuvo.” (“Waizoda kuona basa ramaoko ako zvakare.”—The Jerusalem Bible) Achishandisa chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu, Musiki anogona kumutsa vanhu. (Johane 3:16; Mabasa 24:15) Nenzira yakajeka, vanhu vanogona kusiyana nemhukawo zvadzo dzinofa.
20. (a) Ndirini apo zuva rokufa rinenge riri nani kupinda zuva rokuzvarwa? (b) Rumuko rwaRazaro rwunofanira kuva rwakatapura sei vakawanda?
20 Ikoku kunoreva kuti zuva rorufu rinogona kuva nani kupfuura zuva rokuzvarwa kwomunhu, kana munhu panosvika nguva iyoyo atanga zita rakanaka naJehovha, uyo anogona kumutsa vakatendeka vanofa. Soromoni Mukuru, Jesu Kristu, akabvumikisa ikoko. Somuenzaniso, akamutsira kuupenyu murume akatendeka Razaro. (Ruka 11:31; Johane 11:1-44) Sezvaunogona kufungidzira, vakawanda vaavo vakapupurira kudzoka kwaRazaro kuupenyu vakatapurwa zvikuru, vachiisa kutenda muMwanakomana waMwari. (Johane 11:45) Unofunga kuti vakanzwa vasina donzo muupenyu, vasina pfungwa yokuti vakanga vari vanaani uye kwavakanga vari kuenda here? Mukupesana, vaigona kuona kuti havafaniri kuva mhukawo zvadzo dzinozvarwa, dzinorarama kwenguva yakati, uye ipapo dzofa. Donzo ravo muupenyu rakanga rakasanobatanidzwa zvakananga uye zvikuru nokuziva Baba vaJesu nokuita kuda Kwavo. Zvakadiniko newe? Iyi kurukurirano yakubetsera kuona, kana kuti kuona zvakajeka zvikuru, nzira iyo upenyu hwako hunogona uye hunofanira kuva nedonzo chairoiro here?
21. Tichiri kuda kunzvera rutivii rwokuwana revo muupenyu hwedu?
21 Bva, kuva nedonzo rapachokwadi uye rine revo mukurarama kunoreva zvinopfuura zvikuru kufunga pamusoro porufu uye kuraramazve pashure pacho. Kunobatanidza zvatiri kuita noupenyu hwedu pahwaro hwezuva nezuva. Soromoni akajekesawo izvozvo muna Muparidzi, sezvatichaona munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a “Nhoroondo pamusoro paMambokadzi weShebha inosimbisa uchenjeri hwaSoromoni, uye nhau yacho inowanzodanwa kuti ngano (1 Madz. 10:1-13). Asi mashoko akapoteredza anoratidzira kuti kushanya kwake kuna Soromoni kwakanga kwakabatanidzwa chaizvoizvo nokutengesa uye sokwakadaro kunzwisisika; kuva kwenhau hakufaniri kuva kusina chokwadi.”—The International Standard Bible Encyclopedia (1988), Vhoriyamu IV, peji 567.
Unoyeuka Here?
◻ Mhuka nevanhu zvakaenzana munzirai?
◻ Nei rufu rwuchisimbisa kuti nhamburiko huru yomunhu nomubato hazvina maturo?
◻ Zuva rokufa rinogona sei kuva nani kupfuura zuva rokuzvarwa?
◻ Kuva kwedu nedonzo rine revo muupenyu kunotsamira paukamai?
[Mifananidzo iri papeji 10]
Upenyu hwako hunosiyana sei nenzira inokosha nouhwo hwemhuka?