Ndakadzidza Chokwadi cheBhaibheri Muromania
YAKATAURWA NAGOLDIE ROMOCEAN
Muna 1970, ndakashanyira mitezo yemhuri yangu muRomania kekutanga muanodokusvika makore 50. Vanhu vaigara muhurumende yechiKomonisiti yaidzvinyirira, uye nguva dzose ndainyeverwa kuti ndingwarire zvandaitaura. Ipapo, sezvandakamira muhofisi yehurumende kumusha kwedu, mumwe mukuru mukuru wehurumende akandikurudzira kubva munyika nokukurumidza. Ndisati ndatsanangura chikonzero nei, regai ndikutaurirei madzidzire andakaita chokwadi cheBhaibheri muRomania.
NDAKABEREKWA pana March 3, 1903, mumusha weOrtelec kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweRomania pedyo netaundi reZalău. Taigara mumhoteredzo dzakaisvonaka. Mvura nemhepo zvakanga zvakachena. Tairima zvokudya zvedu timene uye taisashaya chinhu mune zvokunyama. Mumakore angu apakuvamba, nyika yakanga iri murugare.
Vanhu vainamata zvikuru. Kutaura idi, mhuri yedu yaiva namarudzidziso matatu akasiyana. Mumwe wavanaambuya vangu akanga ari wechiKaturike cheOrthodox, mumwe muAdventist, uye vabereki vangu vakanga vari vaBaptist. Nemhaka yokuti ndaibvumirana nerwupi nerwupi rwemarudzidziso avo, mhuri yangu yakataura kuti ndaizova asingatendi kuvapo kwaMwari. ‘Kana kuina Mwari mumwe,’ ndaifunga kudaro, ‘kunofanira kuva norudzidziso rumwe chete—kwete matatu mumhuri imwe.’
Zvinhu zvandakaona murudzidziso zvakandikangaidza. Somuenzaniso, muprista aishanyira misha kuti atore mari dzechechi. Apo vanhu vakanga vasina mari yokupa, aitora magumbeze avo ewuru akanakisisa panzvimbo pezvo. Muchechi yeKaturike, ndaitarira ambuya vachipfugama kuti vanyengetere pamberi pemufananidzo waMaria. ‘Kunyengetererei kumufananidzo?’ Ndaifunga kudaro.
Nguva Dzinonetsa
Baba vakaenda kuUnited States muna 1912 kuti vawane mari yokubhadhara chikwereti. Isati iri nguva refu pashure pokunge hondo yavamba, uye varume vemusha wedu vakaenda kundorwa—vakadzi bedzi, vana, uye vatana vakasara. Musha wedu wakatongwa neHungary kwechinguvana, asi ipapo varwi veRomania vakadzoka ndokutorazve musha. Vakatirayira kuenda kamwe kamwe. Zvisinei, muchimbichimbi nenyongano yekurongedza zvinhu nevaduku muchikochikari, ndakasiyiwa. Munoona, ndakanga ndiri mukurusa wevana vashanu.
Ndakamhanyira kumuvakidzani, mumwe mutana akanga asara, uye akati: “Enda kumusha. Kiya masuo ako, uye usapinze munhu upi noupi.” Ndakateerera nokukurumidza. Pashure pokunge ndadya muto wehuku nekabichi rine nyama rakanga rasiyiwa muchimbichimbi yokuenda, ndakapfugama pedyo nomubhedha wangu ndokunyengetera. Nokukurumidza ndakarara zvokufa.
Apo ndakazarura meso angu, akanga ava masikati, uye ndakati: “Haiwa, ndinokutendai, Mwari! Ndiri mupenyu!” Madziro akanga akazara nemaburi emabara, sezvo kwakanga kwave kune kupfurana usiku hwose. Apo Amai vakaziva kuti ndakanga ndisinavo mumusha wakatevera, vakatuma George Romocean muduku, uyo akandiwana ndokundidzosera. Yakanga isati iri nguva refu tisati tagona kudzokera kumusha kwedu ndokuvambazve kugarako.
Chishuvo Changu Chechokwadi cheBhaibheri
Amai vangu vaida kuti ndibhabhatidzwe somuBaptist, asi ndaisada kudaro nemhaka yokuti ndaisagona kudavira kuti Mwari ane rudo aizopisa vanhu nokusingaperi muhero. Vachiedza kutsanangura, Amai vakati: “Eya, kana vakashata.” Asi ndakapindura kuti: “Kana vakashata, vaparadzei, asi musavatambudze. Ini handingambotambudza imbwa kana kuti kitsi.”
Ndinoyeuka kuti pane rimwe zuva rechirimo rakaisvonaka, apo ndakanga ndine makore 14 okukura, Amai vakandiita kuti ndiendese mombe kumafuro. Sezvandakarara pauswa parutivi porwizi, nesango kumashure, ndakatarira mudenga ndokuti: “Mwari, ndinoziva kuti muriko; asi handidi api naapi amarudzidziso aya. Munofanira kuva nerumwe rwakanaka.”
Ndinodavira chaizvoizvo kuti Mwari akanzwa munyengetero wangu nemhaka yokuti zhizha iroro rimene ra1917, Vadzidzi veBhaibheri vaviri (sezvaidanwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo) vakauya kumusha wedu. Vaiva macolporteur, kana kuti vashumiri venguva yakazara, uye vakauya kuchechi yeBaptist apo munamato wakanga uchiitwa.
Chokwadi cheBhaibheri Chinopararira muRomania
Makore mashomanene ikoko kusati kwaitika, muna 1911, Carol Szabo naJosif Kiss, avo vakanga vava Vadzidzi veBhaibheri muUnited States, vakadzokera kuRomania kuti vapinze chokwadi cheBhaibheri imomo. Vakagara muTîrgu-Mureş, makiromita asingasviki 160 kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kwemusha wedu. Mukati memakore mashomanene, mazana chaiwoiwo evanhu akagamuchira shoko roUmambo ndokuvamba ushumiri hwechiKristu.—Mateo 24:14.
Eya, apo Vadzidzi veBhaibheri vaduku vaviri vakauya kuchechi yeBaptist yaiva mumusha wedu weOrtelec, George Romocean, kunyange zvazvo akanga ane makore 18 bedzi okukura, akanga achitungamirira munamato uye akanga achiedza kutsanangura revo yaVaRoma 12:1. Pakupedzisira, mumwe wemacolporteur maduku akasimuka ndokuti: “Hama, shamwari, muapostora Pauro ari kuedza kutiudzei pano?”
Apo ndakanzwa izvozvo, ndakafara kwazvo! Ndakafunga kudaro, ‘Varume ava vanofanira kuziva nzira yokutsanangura nayo Bhaibheri.’ Asi vazhinjisa vevaivepo vakadanidzira kuti: “Vaporofita venhema! Tinoziva kuti muri vanaani!” Bope rakatevera. Asi ipapo baba vaGeorge vakasimuka ndokuti: “Nyararai mese! Chimiro chendangariro chorudzii ichochi—chiya chinobva mukudhakwa? Kana varume ava vaine chimwe chinhu chokutiudza uye musingadi kuteerera, ndiri kuvakokera kumusha wangu. Munhu upi noupi anoda kuuya anogamuchirwa.”
Nomufaro, ndakamhanyira kumusha ndokuudza Amai zvakanga zvaitika. Ndaive mumwe wevaya vakagamuchira kokero yokuenda kumusha kwaRomocean. Ndakafara sei manheru iwayo kudzidza muBhaibheri kuti hakuna hero inopisa uye kuona muBhaibheri rangu ndimene rechiRomanian zita raMwari, Jehovha! Macolporteur akaronga kuti Mudzidzi weBhaibheri ashanyire musha waRomocean Svondo iri yose kuti atidzidzise. Zhizha rakatevera racho, pazera ramakore 15, ndakabhabhatidzwa mukuratidzira kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha.
Pashure penguva yakati, inodokuva mhuri yose yaProdan nemhuri yaRomocean vakagamuchira chokwadi cheBhaibheri ndokutsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha. Vamwe vazhinji vomumusha wedu vakaitawo saizvozvo, kubatanidza varoorani vaduku vane musha wakanga wambobatira sechechi yeBaptist. Pashure pezvo vakaishandura kuva nzvimbo yokuti Vadzidzi veBhaibheri vasangane nokuda kwokufunda. Chokwadi cheMagwaro chakapararira nokukurumidza mumisha iri pedyo, uye pakasvika 1920 kwakanga kune vaparidzi voUmambo vanenge 1 800 muRomania!
Kuenda kuUnited States
Takanga tichidisa kugoverana zvatakanga tadzidza nababa vangu, Peter Prodan. Asi, nenzira inoshamisa, tisati tagona kunyora, takagamuchira tsamba yaibva kwavari ichitiudza kuti vakanga vava mubatiri akabhabhatidzwa waJehovha. Vakanga vafunda neVadzidzi veBhaibheri muAkron, Ohio, uye vaida kuti tose zvedu tivakumbanire muUnited States. Amai, zvisinei, vakaramba kubva muRomania. Naizvozvo, muna 1921, ndichishandisa mari yandakanga ndatumirwa naBaba, ndakavakumbanira muAkron. George Romocean nemukoma wake vakanga vatotamira kuStates gore rakapfuura racho.
Apo ndakasvika nengarava paEllis Island, New York, mushandi anoona nezvekupinda kwevanhu munyika aisaziva nzira yokushandura nayo zita rangu, Aurelia, muchiNgezi, naizvozvo akati: “Ndiwe Goldie.” Ndiro rave riri zita rangu kubvira panguva iyoyo. Chinguvana pashure pezvo, pana May 1, 1921, George Romocean neni takaroorana. Rinenge gore gare gare, Baba vakadzokera kuRomania uye muna 1925 vakadzosa Mary munun’una wangu, kuAkron. Ipapo Baba vakadzokera kuRomania kuti vave naAmai neyasara yemhuri yose.
Ushumiri Hwedu Hwapakuvamba muStates
George akanga ari mubatiri akavimbika zvikuru, akazvipira waJehovha. Pakati pa1922 na1932, takakomborerwa nevanasikana vana vakaisvonaka—Esther, Anne, Goldie Elizabeth, uye Irene. Ungano yechiRomanian yakatangwa muAkron, uye pakuvamba misangano yaiitirwa mumusha medu. Pakupedzisira, mwedzi mitanhatu iri yose mumiririri aibva kudzimbahwe renyika reVadzidzi vaBhaibheri muBrooklyn, New York, aishanyira ungano yedu ndokugara nesu.
MaSvondo mazhinji taipa zuva rose kubasa rokuparidza. Tairongedza mabhegi edu emabhuku nekudya kwemasikati, taiisa vasikana muModel T Ford yedu, uye taipedza zuva tichiparidza mundima yokumaruwa. Ipapo mumanheru, taipinda Fundo yeNharireyomurindi. Vasikana vedu vakasvika pakuda basa rokuparidza. Muna 1931, ndaivapo muColumbus, Ohio, apo Vadzidzi veBhaibheri vakagamuchira zita ravo rinosiyanisa rokuti Zvapupu zvaJehovha.
Kururamiswa Kwandaida
Makore mashomanene gare gare, ndakatsamwira Joseph F. Rutherford, aiva purezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society. Chimwe Chapupu chitsva chairangarira kuti Hama Rutherford vakanga vachibata zvisina kururama, vasingachiteereri. Ndakarangarira kuti Hama Rutherford vakanga vasina kururama. Eya, rimwe Svondo munun’una wangu Mary nemurume wake, Dan Pestrui, vakauya kuzotishanyira. Pashure pezvokudya Dan akati: “Ngatigadzirirei kuenda kumusangano.”
“Hatisati tichaenda kumisangano,” ndakadaro. “Takatsamwira Hama Rutherford.”
Dan akaisa maoko ake kumusana kwake ndokufamba-famba, uye ipapo akati: “Waiziva Hama Rutherford apo wakabhabhatidzwa here?”
“Chokwadika kwete,” ndakapindura kudaro. “Unoziva kuti ndakabhabhatidzwa muRomania.”
“Nei wakabhabhatidzwa?” akabvunza kudaro.
“Nemhaka yokuti ndakadzidza kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi, uye ndaida kutsaurira upenyu hwangu kuti ndimubatire,” ndakapindura kudaro.
“Usatongokanganwe izvozvo!” akapindura kudaro. “Zvakadini kudai Hama Rutherford vaizosiya chokwadi, ungachisiye here?”
“Kana, kana!” ndakadaro. Izvozvo zvakandiita kuti ndifunge zvakanaka, uye ndakati: “Munhu wose ngaagadzirire nokuda kwomusangano.” Uye hatina kutongorega kubvira panguva iyoyo. Ndakaonga zvikuru sei kuna Jehovha nokuda kwokururamisa kwemuramu wangu kune rudo!
Kubudirira Mukati meMamirire Ezvinhu Akaipa Ezvokutengeserana
Mukati meMamirire Ezvinhu Akaipa Ezvokutengeserana muna 1930, nguva dzakanga dzakaoma. Rimwe zuva George akasvika kumusha achibva kubasa akaora mwoyo zvikuru, achindizivisa kuti akanga adzingwa pabasa rake pafekitari yerabha. “Usanetseke,” ndakadaro, “tina Baba vakapfuma vari mudenga, uye havatisiyi.”
Zuva rimwe chetero George akasangana neimwe shamwari yakanga ine bhasikiti guru rehwowa. Apo George akaziva uko shamwari yake yakanga yahunhonga, akauya kumusha nehwowa hwakawanda. Ipapo akapedzera madhora edu makumi matatu okupedzisira pamabhasikiti maduku. “Wazviitirei,” ndakabvunza kudaro, “isu tiine vasikana vaduku vanoda mukaka?”
“Usanetseke,” akapindura kudaro, “chingoita chete zvandinotaura.” Kwemavhiki mashomanene akatevera, taiva nekafekitari mumba medu, tichichenesa nokupeka hwowa. Takahutengesa kumaresitorendi akanaka zvikuru ndokuunza kumusha madhora 300 kusvikira ku400 pazuva, mari yakawanda kwazvo kwatiri panguva iyoyo. Murimi akatipa mvumo yokunonga hwowa mumunda make akataura kuti akanga agaramo kwemakore 25 uye akanga asina kutongoona hwowa hwakawanda zvakadaro. Nokukurumidza fekitari yerabha yakadana George kuti adzokere kubasa.
Kuchengeta Kutenda Kwedu
Muna 1943 takatamira kuLos Angeles, California, uye makore mana gare gare takagara muElsinore. Takavhura girosa rokutengesa imomo, uye mhuri yedu yose yaiita majana okushandamo. Panguva yacho, Elsinore rakanga richingova chete taundi duku revanenge 2 000, uye taifanira kufamba makiromita 30 kuenda kune rimwe taundi nokuda kwemisangano yedu yechiKristu. Ndakafara sei kuona ungano duku ichiumbwa muElsinore muna 1950! Zvino mune ungano 13 munharaunda imwe cheteyo.
Muna 1950 mwanasikana wedu Goldie Elizabeth (uyo vazhinji zvino vanoziva saBeth) akapedza kufunda paWatchtower Bible School of Gilead muSouth Lansing, New York, uye akagoverwa kuVenezuela somufundisi. Muna 1955 mwanasikana wedu mudukusa, Irene, akafara kuti murume wake akakokwa kuti abatire somushumiri anofambira mubasa redunhu. Ipapo muna 1961, pashure pokupinda Chikoro Choushumiri hwoUmambo muSouth Lansing, New York, vakaendeswa kuThailand. Pane dzimwe nguva ndaisuwa vanasikana vangu zvikuru kwazvo zvokuti ndaichema, asi ipapo ndaifunga kuti, ‘Ndizvo zvandaida kuti vaite.’ Naizvozvo ndaitora bhegi rangu ramabhuku ndokupinda mubasa rokuparidza. Nguva dzose ndaidzoka kumusha ndichifara.
Muna 1966 murume wake anodiwa, George, akava nesitoroko. Beth, uyo akanga adzoka kuVenezuela nemhaka yezvinetso zvoutano, akabetsera kumutarisira. George akafa gore rakatevera racho, uye ndakanyaradzwa neidi rokuti akanga aramba akatendeka kuna Jehovha uye akanga agamamuchira tuso yake yokudenga. Pashure pezvo Beth akaenda kuSpain kundobatira kwaiva nekushayiwa kukuru zvikuru kwevaparidzi voUmambo. Mwanasikana wangu mukurusa, Esther, akarwara nekenza ndokufa muna 1977, uye muna 1984, Anne akafa neleukemia. Mumwe nomumwe akanga ave ari mubatiri akatendeka waJehovha upenyu hwake hwose.
Panguva yorufu rwaAnne, Beth naIrene vakanga vadzoka kumigove yavo yokumwe yokuparidza. Vakanga vabetsera kutarisira vakoma vavo, uye tose takatambudzika zvikuru. Pashure penguva yakati ndakaudza vasikana vangu kuti: “Zvakanaka, izvozvo zvakwana! Takanyaradza vamwe nezvipikirwa zvinokosha zveBhaibheri. Zvino tinofanira kuzvibvumira timene kunyaradzwa. Satani anoda kutibira mufaro wedu mukubatira Jehovha, asi hatigoni kumubvumira.”
Mhuri Yedu Yakatendeka muRomania
Munin’ina wangu Mary neni takaita rwendo irworwo rwunokosha rwokushanyira mhuri yedu muRomania muna 1970. Mumwe wevanun’una vedu akanga afa, asi takakwanisa kushanyira hanzvadzi yedu John nemunun’una wedu Lodovica, avo vakanga vachiri kugara mumusha weOrtelec. Panguva yekushanya kwedu, Baba naMai vakanga vafa, varamba vakatendeka kuna Jehovha. Vazhinji vakatiudza kuti Baba vakanga vave vari mbiru muungano. Kunyange vamwe vevazukuruchibvi vavo muRomania zvino Zvapupu. Takashanyirawo hama dzokunyama zhinji dzemhuri yomurume wangu idzo dzakanga dzaramba dzakatsiga muchokwadi cheBhaibheri.
Muna 1970, Romania yakanga iri pasi pehurumende yechiKomonisiti ine utsinye yaNicolae Ceauşescu, uye Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichitambudzwa zvinotyisa. Mwanakomana wehanzvadzi yangu John, Flore, pamwe chete nedzimwe hama dzangu dzokunyama, vakapedzera makore mazhinji mumisasa yevasungwa nemhaka yekutenda kwavo kwechiKristu, uye ndizvo zvakaita mwanakomana wemuramu wangu, Gábor Romocean. Hakushamisi kuti apo takaronzwa kuendesa tsamba kudzimbahwe reZvapupu zvaJehovha muNew York, hama dzedu dzeRomania dzakataura kuti dzaisazozorora kutozosvikira dzanzwa kuti takanga tabuda munyika zvakakotsekana!
Apo takaziva kuti mavhiza edu akanga apera, takaenda kuhofisi yehurumende muOrtelec. Chaive Chishanu masikati, uye pakanga pane mukuru mukuru mumwe bedzi aishanda. Achiziva watakanga tichishanyira uye kuti muzukuru wedu akanga ave ari mumusasa wavasungwa, akati: “Vakadzi imi, ibvai muno!”
“Asi hakuna chitima chiri kuenda nhasi,” munun’una wangu akapindura kudaro.
“Hazvina basa,” akadaro nokukurumidzira. “Kwirai bhazi. Kwirai chitima. Kwirai tekisi. Fambai. Chingobvai pano nokukurumidza sezvamunogona!”
Sezvatakatanga kuenda, takadanwa kuti tidzoke ndokuziviswa kuti chitima chemauto chakanga chisina kurongwa chakanga chichipfuura na6:00 p.m. Ikoko kwakabvumikisa kuva kwakatungamirirwa naMwari sei! Muchitima chenguva dzose, mapepa edu aizoongororwa aongororwazve, asi sezvo chitima chino chaitakura mauto uye takanga tingori vanhu vaviri vasiri varwi vaivamo, hakuna munhu akakumbira kuona mapasipoti edu. Vangave vakafungidzira kuti takanga tiri vanaambuya vevamwe varwi.
Takasvika paTimisoara mangwanani akatevera, uye nebetsero yeshamwari yehama yokunyama, takakwanisa kuwana mavhiza edu. Zuva rakatevera racho takanga tava kunze kwenyika yacho. Takadzoka kumusha neyeuko zhinji dzinofadza nedzisingakanganwike dzehama dzedu nehanzvadzi dzechiKristu dzakavimbika muRomania.
Mumakore pashure pokushanya kwedu kuRomania, takanzwa udzame hushomanene pamusoro pemubato wokuparidza tiri kunze kweIron Curtain. Bva, taive nechivimbo chokuti hama dzedu nehanzvadzi dzechiKristu dzaizoramba dzakavimbika kuna Mwari wedu—chauya chauya. Uye zvirokwazvo dzakadaro! Waiva mufaro wakadini kuziva kuti Zvapupu zvaJehovha zvakazivikanwa pamutemo sesangano rorudzidziso muRomania muna April 1990! Zhizha rakatevera takafadzwa nemishumo pamusoro pekokorodzano dzakaitirwa muRomania. Chokwadi, vanopfuura 34 000 vakapinda mumaguta masere, uye 2 260 vakabhabhatidzwa! Zvino kune vanopfuura 35 000 vari kugoverana mubasa rokuparidza muRomania, uye gore rakapera 86 034 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu.
Chokwadi Chichiri Kukosha Kwandiri
Kwemakore mashomanene, ndakarega kudya zviratidzo paChirangaridzo. Ndakacherekedza hama dzakakwaniriswa zvikuru idzo dzaisadya, uye ndakafunga kuti: ‘Nei Jehovha aizondipa ropafadzo yokuva mudyi wenhaka pamwe chete neMwanakomana wake mudenga apo vamwe vari vakurukuri vanodekudza zvakadaro?’ Asi apo ndisina kudya, ndakanzwa ndakangaidzwa zvikuru. Kwakanga kwakaita sokunge kuti ndakanga ndichiramba chimwe chinhu. Pashure pefundo huru nechikumbiro chokunyengetera, ndakavamba kudya zvakare. Rugare rwangu nomufaro zvakadzoka, uye hazvina kutongondisiya.
Kunyange zvazvo ndisati ndichagona kuti ndirave, ndinoteerera zuva riri rose matepi eBhaibheri neemagazini yeNharireyomurindi neMukai! Ndichiri kugoveranawo mubasa rokuparidza. Kazhinji kazhinji ndinogovera magazini ari pakati pe60 ne100 mwedzi mumwe nomumwe, asi apo takava nenhimbe chaiyo nemagazini yeMukai! April apfuura, ndakagovera 323. Nebetsero yevanasikana vangu, ndinokwanisawo kugoverana muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Ndinofara kuti ndinogona kupfuurira kukurudzira vamwe. Anodokuva munhu ari wose ari muHoro yoUmambo anonditi Ambuya.
Ndichitarira shure kumakore anodokuva 79 ebasa rokuzvitsaurira kuna Jehovha, ndinomuonga zuva riri rose kuti akandibvumidza kuziva chokwadi chake chinokosha uye kushandisa upenyu hwangu mubasa rake. Ndinoonga kwazvo kuti ndakararama kuti ndione kuzadzikwa kweuporofita hweBhaibheri hunoshamisa uhwo hwakafanotaura kuunganidzwa kwevanhu vaMwari vakaita samakwai muano mazuva okupedzisira.—Isaya 60:22; Zekaria 8:23.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Munun’una wangu Mary naBaba vakamira, uye ini, George, uye vanasikana vedu Esther naAnne
[Mufananidzo uri papeji 24]
Nevanasikana vangu Beth naIrene nemurume waIrene nevakomana vavo vaviri, vose vari kubatira Jehovha nokutendeka