Mibvunzo Inobva Kuvaravi
MuKristu anofanira kuitei apo anorayirwa kuita basa redare rinobetsera vatongi?
Mudzimwe nyika, muitiro wekutonga unoshandisa matare anobetsera vatongi anosarudzwa muvagari vemo. Uko anoshandiswa, muKristu anofanira kusarudza nzira yokupindura nayo apo anorayirwa kushuma nokuda kwebasa redare rinobetsera vatongi. VaKristu vakawanda nehana yakanaka vakagumisa kuti nheyo dzeBhaibheri hadzirambidzi kuoneka, kunyange sezvo Shadraki, Meshaki, uye Abhedhinego vakawirirana nokurayira kwehurumende yeBhabhironi kwokuti vaoneke pabani reDhura uye sezvo Josefa naMaria vakaenda kuBheterehema pakurayira kwezviremera zveRoma. (Dhanieri 3:1-12; Ruka 2:1-4) Kunyange zvakadaro, pane zvinhu izvo vaKristu vepachokwadi vanogona kurangarira.
Kushandiswa kwematare anobetsera vatongi hakusi kwose kwose. Mudzimwe nyika, mhaka dzevasiri varwi nedzematsotsi dzinotongwa nemutongi ane unyanzvi kana kuti boka revatongi. Kune dzimwe nzvimbo, unozivikanwa semutemo usina kunyorwa mubumbiro remitemo unoshandiswa, uye matare anobetsera vatongi rutivi rwemuitiro wekutonga. Zvisinei, vanhu vazhinjisa vanoziva zvishomanene bedzi pamusoro pemasarudzirwe ematare anobetsera vatongi uye chaanoita. Naizvozvo kuwana nzwisiso kuchava kunobetsera kana uchitarisana nebasa redare rinobetsera vatongi kana kuti kwete.
Vanhu vaMwari vanoziva Jehovha seMutongi Mukurusa. (Isaya 33:22) Muna Israeri wekare, varume vaiva neruzivo rwokuzviwanira vakanga vakarurama uye vasina rusaruro vakabatira sevatongi mukupedza kakavadzano uye kutonga nhau dzemutemo. (Eksodho 18:13-22; Revhitiko 19:15; Dheuteronomio 21:18-21) Panguva apo Jesu akanga ari pasi pano, basa rekutonga raiitwa neSanihedrini, dare repamusoro rechiJudha. (Marko 15:1; Mabasa 5:27-34) Pakanga pasina gadziriro yokuti muJudhawo zvake ave mudare rinobetsera kutonga mhaka dzevanhu.
Dzimwe nyika dzakashandisa matare anobetsera vatongi aiumbwa nevagari vemo. Socrates akatongwa nemitezo yematare anobetsera vatongi 501. Kutongwa nedare rinobetsera vatongi kwakanga kuripowo muRepabhureki yeRoma, kunyange zvazvo ikoku kwakabviswa mukutonga kwemadzimambo. Gare gare, Mambo Henry III weEngland akaronga kuti mupomerwi atongwe nevavakidzani vake. Kwaifungwa kuti sezvo vaiziva mupomerwi, kutonga kwavo kwaizova kwakanaka zvikuru kupfuura mumiitiro umo iye aiedza kubvumikisa kusava nemhaka kwake kupfurikidza nokurwisa kana kuti nokupukunyuka muedzo wakati. Sezvo nguva yakapfuura, muitiro wematare anobetsera vatongi wakachinja kuva gadziriro umo boka revagari vemo raifanira kunzwa mhaka ndokusvika chisarudzo chakavakirwa paufakazi. Mutongi ane unyanzvi aivatungamirira pamifungo yeufakazi.
Kune mhatsa mumarudzi ematare anobetsera vatongi, nhamba yemitezo yematare anobetsera vatongi, uye chinobatanidzwa mukusvika chisarudzo. Somuenzaniso, muUnited States, dare guru rinobetsera vatongi remitezo inovambira pa12 kusvika ku23 rinosarudza kana pane ufakazi hwakakwana hwokuti munhu apomerwe mhaka yeutsotsi; haritongeri kuva nemhaka kana kuti kusava nemhaka. Nenzira yakafanana, mudare rokunzvera rinobetsera vatongi, mitezo yematare anobetsera vatongi inoyera ufakazi kuti isarudze kana mhaka yakaparwa.
Apo vanhu vakawanda zvikurusa vanofunga nezvedare rinobetsera vatongi, vanorangarira boka revagari vemo 12 vari kutonga—kakavadzano yevasiri varwi kana kuti zvimwe mhaka yematsotsi—vanonzwa ufakazi kuti vasarudze kuva nemhaka kana kuti kusava nemhaka. Iri idare rinobetsera vatongi risingakoshi (duku), mukupesana nedare guru rinobetsera vatongi. Kazhinji kazhinji, dare rinotumira zviziviso zvokuoneka nokuda kwebasa redare rinobetsera vatongi kuvanhu vakasarudzwa pandaza dzevavhoti, vatyairi vane rezinesi, kana kuti vakafanana. Vamwe vangangoerekana vasina kukwaniriswa, vakadai sevakawanwa vane mhaka dzakakomba uye vane pfungwa dzisingashandi zvakanaka. Kuchitsamira pamutemo wemunzvimbomo, vamwe—vakadai sevanachiremba, vafundisi, magweta, kana kuti varidzi vemabhizimisi maduku—vangada kuhesvurwa. (Vamwe vangahesvurwa nemhaka yokuti vanoramba zvakasimba semunhu oga, nokutungamirirwa nehana basa redare rinobetsera vatongi.) Bva, zviremera nenzira inowedzera zviri kubvisa kuhesvurwa zvokuti vose vanosungirwa kushuma nokuda kwebasa redare rinobetsera vatongi, zvichida kanodzokororwa mumakore.
Havasi vose vanoshuma nokuda kwebasa redare rinobetsera vatongi vanogoverana semitezo yedare rinobetsera vatongi mukutonga. Kubva muboka revanhu vanodanwa nokuda kwebasa redare rinobetsera vatongi, vamwe vanosarudzwa nenzira isina kurongwa semitezo yedare rinobetsera vatongi inobvira nokuda kwemhaka yakati. Ipapo mutongi anozivisa mapoka acho uye magweta avo uye anorondedzera mamiriro emhaka yacho. Iye nemagweta vanonzvera mutezo unobvira mumwe nomumwe wedare rinobetsera vatongi. Iyi ndiyo nguva yokutaura norusununguko kana munhu ane chikonzero chekutungamirirwa nehana chokusabatira nemhaka yerudzi rwemhaka iyoyo.
Boka racho rinofanira kuderedzwa kusvika kunhamba yevachagoverana chaizvoizvo mukutongwa kwemhaka iyoyo. Mutongi achadzinga vapi nevapi avo vane kusasarura kungasavimbwa nako nemhaka yefariro inobvira mumhaka yacho. Uyewo, magweta erutivi rumwe norumwe ane kodzero yekudzinga mitezo mishomanene yedare rinobetsera vatongi. Vapi nevapi vanodzingwa muboka iroro redare rinobetsera vatongi vanodzokera kuboka redare rinobetsera vatongi kuti vamirire kusarudzwa kusina kurongwa nokuda kwedzimwe mhaka. Vamwe vaKristu vari muaya mamiriro ezvinhu vakashandisa nguva yacho kuita uchapupu husina kurongwa. Pashure pemazuva akati, basa remunhu redare rinobetsera vatongi rinopedzwa, angave agoverana chaizvoizvo semutezo wedare rinobetsera vatongi kana kuti kwete.
VaKristu vanovavarira ku‘ngwarira kuita zvinhu zvavo vamene,’ vasingabatanidzwi mu“zvavamwe.” (1 VaTesaronika 4:11; 1 Petro 4:15) Apo mumwe muJudha akakumbira Jesu kuzotonga nhau yenhaka, akapindura kuti: “Iwe munhu, ndianiko wakandiita mutongi kana mugoveri pakati penyu?” (Ruka 12:13, 14) Jesu akauya kuzozivisa mashoko akanaka oUmambo, kwete kutonga nhau dzepamutemo. (Ruka 4:18, 43) Mhinduro yaJesu ingave yakasunda murume wacho kushandisa mutoo wekupedza kakavadzano uyo wakanga wakaratidzwa muMutemo waMwari. (Dheuteronomio 1:16, 17) Kunyange zvazvo mapfundo akadaro akanaka, kugamuchira kurayira kwekushuma nokuda kwebasa redare rinobetsera vatongi kwakasiyana nokuzvibatanidza umene muzvinhu zvevamwe. Kwakafanana zvikuru nemamiriro ezvinhu eshamwari nhatu dzaDhanieri. Hurumende yeBhabhironi yakavarayira kushuma kubani reDhura, uye kuita kwavo saizvozvo hakuna kuputsa Mutemo waMwari. Chavakaita pashure paizvozvo chakanga chiri imwe nhau, seizvo Bhaibheri rinoratidza.—Dhanieri 3:16-18.
Pashure pokunge vabatiri vaMwari varega kuva muMutemo waMosesi, vaifanira kubata nematare enyika munyika dzakasiyana-siyana. Muapostora Pauro akakurudzira “vatsvene” muKorinte kupedza zvinetso mukati meungano. Nepo achinongedzera kuvatongi vematare enyika se“vasakarurama,” Pauro haana kuramba kuti akadaro akanga ane nzvimbo mukutonga mhaka dzenyika. (1 VaKorinte 6:1) Akazvidzivirira amene mugadziriro yekutonga yeRoma, kunyange kukwirira mhaka yake kuna Kesari. Hakuna kuita sokunge kuti matare enyika haana kururama zvikuru.—Mabasa 24:10; 25:10, 11.
Matare enyika ibasa re“masimba makuru.” Akadaro “aripo akaiswapo naMwari,” uye anoita ndokuita kuti mitemo iteererwe. Pauro akanyora kuti: “Nokuti ndiye mushumiri waMwari kwauri, kuti akuitire zvakanaka. Asi kana uchiita zvakaipa, chitya; nokuti iye haabati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMwari, mutsivi wokutsamwa kune anoita zvakaipa.” VaKristu ‘havashori chiremera’ sezvo chinoita mabasa akadaro epamutemo, nokuti havadi ku‘rwisana nacho’ ndokuwana rutongeso.—VaRoma 13:1-4; Tito 3:1.
Mukudzikamisa zvinhu, vaKristu vanofanira kurangarira kana vachigona kubvuma kurayira kwakati kunoitwa naKesari. Pauro akapa zano kuti: “Ripirai vose [zviremera zvikuru] zvavanofanira kuripirwa: Mutero kuna vanofanira kutererwa; muripo kuna vanofanira kuripirwa; kutya kuna vanofanira kutyiwa.” (VaRoma 13:7) Ikoko kwakananga pamusoro pemutero wemari. (Mateo 22:17-21) Kana Kesari achitaura kuti vagari vemunyika vanofanira kupa nguva yavo nenhamburiko kuti vachenese migwagwa kana kuti kuita rimwe basa riri pakati pemabasa aKesari, muKristu mumwe nomumwe anofanira kusarudza kana achifanira kubvuma.—Mateo 5:41.
Vamwe vaKristu vakarangarira basa redare rinobetsera vatongi sekupa kuna Kesari icho chiri chaKesari. (Ruka 20:25) Mubasa redare rinobetsera vatongi basa racho kuteerera ufakazi ndokupa murangariro wekutendeseka pamapfundo eidi kana kuti mutemo. Somuenzaniso, mudare guru rinobetsera vatongi, mitezo yedare rinobetsera vatongi inosarudza kana ufakazi huchida kutongwa kwemunhu; havatongeri kuva nemhaka. Zvakadini nekutonga kwenguva dzose? Mumhaka yevasiri varwi, dare rinobetsera vatongi ringabhadharisa zvakakuvadzwa kana kuti muripo. Mumhaka yeutsotsi, vanofanira kusarudza kana ufakazi huchitsigira chisarudzo chekuva nemhaka. Pane dzimwe nguva vanorumbidza kuti mutongoi unorayirwa nemutemo unofanira kushandiswa. Ipapo hurumende inoshandisa chiremera chayo kuti ive “mutsivi wokutsamwa kune anoita zvakaipa,” kana kuti i“tsive vanoita zvakaipa.”—1 Petro 2:14.
Zvakadini kana muKristu asinganzwi kuti hana yake inobvumira kubatira mudare rakati rinobetsera vatongi? Bhaibheri haridudzi basa redare rinobetsera vatongi, naizvozvo haagoni kuti, ‘Kubatira padare ripi neripi rinobetsera vatongi kunorwisana nerudzidziso rwangu.’ Kuchitsamira pamhaka yacho, angataura kuti kubatira mudare rinobetsera vatongi nokuda kwemhaka yakati kunorwisana nehana yake yemunhu oga. Ikoko kungava kwakadaro kana mhaka ichibatanidza unzenza hwevatano, kubvisa pamuviri, kuuraya, kana kuti imwe nhau umo kufunga kwake kunorovedzwa nezivo yeBhaibheri, kwete nemutemowo zvawo wenyika. Chaizvoizvo, kunyange zvakadaro, kunobvira zvikuru kuti kutonga kwaanosarudzirwa hakubatanidzi nhau dzakadaro.
MuKristu akakura mumudzimu angarangarirawo kana achizogoverana mutoro upi werutongeso rwunopiwa nevatongi. (Enzanisa naGenesi 39:17-20; 1 Timotio 5:22.) Kana chisarudzo chekuva nemhaka chakaipa uye chirango cherufu chapiwa, muKristu ari mudare rinobetsera vatongi angagoverana kuva nemhaka yeropa here? (Eksodho 22:2; Dheuteronomio 21:8; 22:8; Jeremia 2:34; Mateo 23:35; Mabasa 18:6) Pakutongwa kwaJesu Pirato aida kusava “nemhaka neropa romunhu uyu wakarurama.” VaJudha nokudisa vakati: “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napavana vedu.”—Mateo 27:24, 25.
Kana muKristu akashuma nokuda kwebasa redare rinobetsera vatongi, sezvinorayirwa nehurumende, asi nemhaka yehana yake yemunhu oga akaramba kubatira panhau yakati pasinei zvapo nokuomerera kwemutongi, muKristu wacho anofanira kuva akagadzirira kutarisana nemigumisiro yacho—iyoyo ingava muripo kana kuti kupinzwa mutorongo.—1 Petro 2:19.
Pakupedzisira, muKristu mumwe nomumwe anotarisana nebasa redare rinobetsera vatongi anofanira kusarudza kuti inzirai yokutora, kuchitsamira panzwisiso yake yeBhaibheri uye hana yake amene. Vamwe vaKristu vakashuma nokuda kwebasa redare rinobetsera vatongi uye vakabatira mumatare akati anobetsera vatongi. Vamwe vakanzwa vachigombedzerwa kuramba kunyange mukutarisana nechirango. MuKristu mumwe nomumwe anofanira kuzvisarudzira amene chaachaita, uye vamwe havafaniri kutsoropodza chisarudzo chake.—VaGaratia 6:5.