Unodavira Kuberekwazve Here?
“UNOYEUKA musikana watakanga takavakidzana naye wawaidanana naye pawaikura muno muIndia here?” Mukundbhai akanyorera mwanakomana wake kudaro, mudzidzi wapayunivhesiti muUnited States. “Ari kuroorwa mumavhiki mashomanene ari kutevera. Ndafunga kuti unofanira kuziva.”
Nei baba vakagoverana mashoko iwaya nemwanakomana wavo? Pashure pezvose, Mukundbhai akagumisa rudo irworwo rwevechiduku zvakasimba makore akapfuura. Kunze kwezvo, mwanakomana wacho akanga ave ari muStates achironda dzidzo yepamusoro kwemakore matanhatu. Akanga asina kukurukura nemusikana wacho mukati menguva iyoyo, uye Mukundbhai aiziva izvozvo.
Nei, ipapo, akaitira hanya? Kwakaratidzwa nemhaka yekuti Mukundbhai aidavira kuberekwazve, kana kuti kuzvarwazve.a Kana kudanana kwavo vari vaduku kungava kwaiva nemhaka yekuti vaviri vacho vakanga vambove vakwanyina muupenyu hwakapfuura, hwaizova utsinye kuvarega vakaparadzana zvino sezvo vakanga vava nezera rokukwanisa kuroora. Mukundbhai aingoda chete kuita kuti mwanakomana wake azive mamiriro acho ezvinhu musikana wacho asati ava mudzimai wemumwe munhu muupenyu huno.
Rangarira chimwe chiitiko. Mumwe musikana akagara zvinotambudza muchipatara kanoverengeka muMumbai, India. Chinetso chake chaiva imwe tsinga yaisashanda zvakanaka mumwoyo wake. Vabereki vake vaiva vakabudirira vaisagona kutsungirira kuona mwana wacho achitambura. Asi vakarangarira kuti: “Tinofanira kuzvigamuchira. Anofanira kuve akaita chimwe chinhu muupenyu hwake hwakapfuura kuti afanirwe naizvozvi.”
Kudavira kuberekwazve kunoita rutivi runokosha muupenyu hwemamiriyoni ari muchiHindu, chiBuddha, chiJain, chiSikh, uye mamwe marudzidziso akatangira muIndia. Zvakaitika muupenyu—kubvira pakudanana kusvikira pakutambura kukuru—zvinorangarirwa semigumisiro yezviito zvakaitwa muupenyu hwakapfuura.
Vazhinji vari munyika dzekuMadokero vanofarirawo dzidziso yokuberekwazve. Mutambi wemitambo wemuAmerica Shirley MacLaine anotaura kuti anoidavira. Munyori Laurel Phelan weVancouver, British Columbia, Canada, anotaura kuva anoyeuka upenyu hwakapfuura 50. Mukuvhota kweGallup kwa1994 kwakaitwa nokuda kweCNN/USA Today, vanopfuura 270 vevanhu vakuru 1 016 vaitaura kuti vanodavira kuberekwazve. Kudavira kuberekwazve rutiviwo rweboka reNhambo Itsva. Asi ufakazii hunotsigira chitendero ichochi?
“Yeuko dzeupenyu hwakapfuura!” vanodaro vanodavira kuberekwazve. Somugumisiro, apo Ratana ane makore matatu muBangkok akavamba ku“yeuka upenyu hwake hwakapfuura somumwe mukadzi worudzidziso uyo akafa ava nemakore okuma60,” vacherekedzi vazhinji vakabvuma nhau yake sechibvumikiso chinoshanda chekuberekwazve.
Kusava nechokwadi kuripo, zvisinei. Uye dzimwe tsananguro dzeyeuko dzinotaurwa kuti ndedzeupenyu hwakapfuura dzinobvira.b Mubhuku rake Hinduism: Its Meaning for the Liberation of the Spirit, mumwe muzivi wechiHindu Nikhilananda anotaura kuti ‘zvinoitika pashure porufu hazvigoni kubvumikiswa noungwaru.’ Bva anotaura kuti “dzidziso yekuzvarwazve ndeyechokwadi zvikuru.”
Asi Bhaibheri rinotsigira dzidziso iyoyi here? Uye itariroi nokuda kwavakafa iyo Shoko rakafuridzirwa raMwari rinopa?
[Mashoko Omuzasi]
a “Kuberekwazve,” inodaro The New Encyclopædia Britannica, kunoreva “kuzvarwazve kwemweya muupenyu humwe chete kana kuti hunotevedzana, uhwo hungava munhu, mhuka, kana kuti, mune zvimwe zviitiko, muti.” Shoko rokuti “kuzvarwazve” rinoshandiswawo kurondedzera ichi chiitiko, asi shoko rokuti “kuberekwazve” rinowanzogamuchirwa. Maduramazwi anoverengeka emitauro yeIndia anoshandisa mashoko acho achiachinjanisa-chinjanisa.
b Ona mapeji 5-7 echinyorwa chaJune 8, 1994, cheMukai!
[Mifananidzo iri papeji 4]
Ari kurangirwa zvivi zvakaitwa muupenyu hwakapfuura here?