RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 7/1 pp. 8-13
  • “Jehovha Haangarashi Vanhu Vake”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Jehovha Haangarashi Vanhu Vake”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • VaKristu Vakavimbika Vanokarira Kutambura
  • Chatinodzidza Munhoroondo dzeBhaibheri
  • Jehovha Anoitira Hanya Avo Vanotambura
  • Zvipo zvaJehovha Zvinotitsigira
  • Jehovha, ‘Nhare Yedu Panguva Yokutambudzika’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Jehovha Anonunura Anotambudzika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Neiko Vanhu Vakanaka Vachitambura?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Kufara Kunyange Mumatambudziko
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 7/1 pp. 8-13

“Jehovha Haangarashi Vanhu Vake”

“Wakarurama une madambudzo mazhinji; asi Jehovha unomurwira abude paari ose.”—PISAREMA 34:19.

1, 2. (a)Jehovha ari kukomborera vanhu vake sei nhasi? (b) VaKristu vakawanda vanotarisana nechii, uye mibvunzoi inomuka?

MUKUZADZIKWA kwouporofita hweBhaibheri, vanamati vaJehovha vanogara muparadhiso yomudzimu. (2 VaKorinte 12:1-4) Zvapupu zvaJehovha ndezvesangano rine marudzi akawanda rinozivikanwa norudo nekubatana. (Johane 13:35) Zvinofarikanya zivo yakadzama uye yakakura yezvokwadi dzeBhaibheri. (Isaya 54:13) Zvinoonga sei kuna Jehovha kuti ari kuzvipa ropafadzo yokuva vaeni mutende rake romudzimu!—Pisarema 15:1.

2 Nepo vose vari musangano raJehovha vachifarikanya rubudiriro rwomudzimu, vamwe vanoratidzika kuva vanogara murugare norunyararo zvisina kukwana nepo vamwe vachiva namatambudziko akasiyana-siyana. VaKristu vazhinji vanozviwana vari mumumiriro wezvinhu unosiririsa kwenguva refu uye pasina nyaradzo yavanotarisira. Kuodzwa mwoyo ndekwomuzvarirwo mumamiriro ezvinhu akadaro. (Zvirevo 13:12) Ngwavaira ufakazi hwokusafara kwaMwari here? Jehovha ari kugovera dziviriro chaiyo kune vamwe vaKristu nepo achisiya vamwe here?

3. (a) Jehovha anokonzera nhamo dzavanhu vake here? (b) Nei kunyange vanamati vakatendeka vaJehovha vachitambura?

3 Bhaibheri rinopindura kuti: “Kana munhu achiidzwa, ngaarege kuti ndinoidzwa naMwari; nokuti Mwari haangaidzwi nezvakaipa, naiye amene haangaidzi munhu.” (Jakobho 1:13) Jehovha ndiye Mudziviriri noMutsigiri wavanhu vake. (Pisarema 91:2-6) “Jehovha haangarashi vanhu vake.” (Pisarema 94:14) Izvozvi hazvirevi kuti vanamati vakatendeka havasati vachizotambura. Tsika yezvinhu iripo yenyika inodzorwa navanhu vakaberekwa vasina kukwana. Vazhinji vakashata, uye vashomanene vakaisvoipa. Hapana nomumwe wavo anotarira kuna Jehovha nokuda kwouchenjeri. Izvozvi zvinoguma nokutambura kukuru kwavanhu. Bhaibheri rinojekesa kuti vanhu vaJehovha nguva dzose havagoni kudzivisa migumisiro inosuruvarisa yokusakwana kwomunhu nouipi.—Mabasa 14:22.

VaKristu Vakavimbika Vanokarira Kutambura

4. VaKristu vose vanogona kukarirei chero bedzi vachirarama mutsika ino yakaipa yezvinhu, uye nei?

4 Kunyange zvazvo vasiri rutivi rwenyika, vateveri vaJesu vanorarama pakati petsika ino yezvinhu. (Johane 17:15, 16) Satani anoziviswa muBhaibheri sesimba rinotonga nyika ino. (1 Johane 5:19) Nokudaro, vaKristu vose vanogona kukarira pane imwe nguva kuva nezvinetso zvakakomba. Achirangarira izvozvo, muapostora Petro anoti: “Svunurai, murinde; muvengi wenyu Dhiyabhorosi, unofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza. Mumudzivisei, makamira nesimba pakutenda, muchiziva kuti kutambudzika ikoko kunoitirwa hama dzose dziri panyika.” (1 Petro 5:8, 9) Hungu, sangano rose ravaKristu rinogona kukarira kutambura.

5. Jesu akajekesa sei kuti vaKristu vakatendeka vachatambura zvinhu zvinosuruvarisa muupenyu?

5 Kunyange kana tichida zvikuru Jehovha uye takavimbika kunheyo dzake, tichava nezvinhu zvinosuruvarisa muupenyu. Jesu akajekesa izvozvi mumuenzaniso wake wakanyorwa pana Mateo 7:24-27, apo akaratidza musiyano pakati paavo vanoteerera mashoko ake naavo vasingadaro. Akaenzanisa vadzidzi vanoteerera nomurume akachenjera anovakira imba paruware rwakasimba. Avo vasingateereri mashoko ake akavafananidza nomurume benzi anovakira imba yake pajecha. Pashure pedutu rakakomba, imba yakavakirwa paruware ndiyo bedzi inosara. Cherekedza kuti muchiitiko cheimba yomurume akachenjera, “mvura zhinji ikauya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova imba iyo; ikasawa.” Jesu haana kuvimbisa kuti murume akachenjera nguva dzose aizofarikanya rugare norunyararo. Panzvimbo pezvo, kuchenjera kwomurume iyeye kwaizomugadzirira kutsungirira dutu. Mufungo wakafanana unobudiswa mumuenzaniso womukushi. Mauri Jesu anotsanangura kuti kunyange vanamati vanoteerera vane “mwoyo wakarurama nowakanaka” vaizo“bereka zvibereko nokutsungirira.”—Ruka 8:4-15.

6. Mumufananidzo waPauro wezvinhu zvisingatsvi, ndivanaani vanoedzwa nomoto?

6 Mukunyorera vaKorinte, muapostora Pauro akashandisa mutauro wokufananidzira kuratidzira kudikanwa kwamavara anogara anogona kutibatsira kutarisana nemiedzo. Zvinhu zvisingatsvi zvakadaro zvakadai sendarama, sirivha, uye mabwe anokosha zvinofanana namavara oumwari. (Enzanisa naZvirevo 3:13-15; 1 Petro 1:6, 7.) Kune rumwe rutivi, mavara okunyama anofananidzwa nezvinhu zvinotsva. Ipapo Pauro anoti: “Basa romumwe nomumwe richaonekwa; nokuti zuva iro richazvibudisa pachena, nokuti richaratidzwa nomoto; moto uchaidza basa romumwe nomumwe kuti rakadini. Kana basa romunhu raakavaka pamusoro padzo, richigara, uchapiwa mubayiro.” (1 VaKorinte 3:10-14) Pano zvakare, Bhaibheri rinotsanangura kuti tose zvedu tichatarisana nenzira isingadzivisiki nerudzi rwakati rwomuedzo wakaita somoto.

7. Maererano naVaRoma 15:4, Magwaro anogona kutibatsira sei kutsungirira miedzo?

7 Pane nhoroondo dzakawanda dziri muBhaibheri dzavabatiri vakavimbika vaMwari vakanga vachifanira kutsungirira ngwavaira, pane dzimwe nguva kwenhambo refu. Bva, Jehovha haana kuvasiya. Muapostora Pauro angangodaro airangarira mienzaniso yakadaro apo akati: “Nokuti zvose zvakanyorwa kare, zvakanyorwa kuti isu tidzidze kuti tive netariro inobva pakutsungirira napakunyaradza kwaMagwaro.” (VaRoma 15:4) Rangarira mienzaniso yavarume vatatu avo, kunyange zvazvo vakanga vachifarikanya ukama hwapedyo naMwari, vakatambura ngwavaira dzakawanda.

Chatinodzidza Munhoroondo dzeBhaibheri

8. Jehovha akabvumirei muchiitiko chaJosefa, uye kwenguva yakareba sei?

8 Mwanakomana waJakobho Josefa akadiwa naJehovha kubvira achiri mudiki. Zvisinei, kunyange zvazvo akanga asina kutadza, akatambura ngwavaira dzakatevedzana. Akanyerudzwa ndokubatwa zvine utsinye navakoma vake chaivo. Akatengeswa somuranda kunyika yaakanga asingazivi uko akapomerwa zvenhema ndokuiswa mu“gomba.” (Genesi 40:15) Imomo, “vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo zvesimbi, akasungwa namaketani amatare.” (Pisarema 105:17, 18) Mukati mouranda hwake nokuiswa mutorongo, Josefa pasina mubvunzo akakumbira akumbirazve Jehovha kuti asunungurwe. Bva, kwamakore 13, kunyange zvazvo akasimbiswa naJehovha munzira dzakasiyana-siyana, akaramba ari muranda zuva rimwe nerimwe kana kuti musungwa.—Genesi 37:2; 41:46.

9. Dhavhidhi aifanira kutsungirirei kwamakore anoverengeka?

9 Izvozvo ndizvo zvakaitika kuna Dhavhidhi. Apo Jehovha akanga achisarudza murume akakwaniriswa kuti atonge Israeri, akati: “Ndawana Dhavhidhi, mwanakomana waJese murume womwoyo wangu.” (Mabasa 13:22) Pasinei zvapo nenzvimbo yake yaidiwa mumeso aJehovha, Dhavhidhi akatambura zvikuru. Ari mungozi yokufa, akahwanda kwamakore anoverengeka murenje, muninga, mumapako, uye kune imwe nyika. Achivhimwa semhuka yesango, akatambura kuodzwa mwoyo nokutya. Kunyange zvakadaro, akatsungirira musimba raJehovha. Kubva mune zvakaitika kwaari Dhavhidhi aigona kuti nenzira yakarurama: “Wakarurama una madambudziko mazhinji; asi Jehovha unomurwira abude paari ose.”—Pisarema 34:19.

10. Ingwavairai yakakomba yakawira Nabhoti nemhuri yake?

10 Muzuva romuporofita Eria, kwakanga kune 7 000 bedzi muna Israeri vakanga vasina kupfugamira mwari wenhema Bhaari. (1 Madzimambo 19:18; VaRoma 11:4) Nabhoti, uyo angangova aive mumwe wavo, akava nyajambwa wokusaruramisira kunotyisa. Akatambura kunyadziswa kwokupomerwa kushora. Awanwa nemhaka, akapomerwa ndokutongerwa nomutemo wamambo kutakwa namabwe kusvikira afa, uye ropa rake rakananzvwa nembwa. Kunyange vanakomana vake vakaurawa! Bva, akanga asina mhaka yepomero yacho. Zvapupu zvakamupomera zvaiva zvenhema. Nhau yacho yose yakarongwa naMambokadzi Izebheri kuitira kuti mambo awane munda wemizambiringa waNabhoti.—1 Madzimambo 21:1-19; 2 Madzimambo 9:26.

11. Muapostora Pauro anotiudzei pamusoro pavarume navakadzi vakatendeka munhau yeBhaibheri?

11 Josefa, Dhavhidhi, uye Nabhoti vanongova vatatu chete vavarume navakadzi vazhinji vakatendeka vanodudzwa muBhaibheri avo vakatambura ngwavaira. Muapostora Pauro akanyora nhau yavabatiri vaJehovha mumakore akawanda. Mairi akataura nezvaavo vaka“idzwa, vachisekwa, vachirohwa zvikuru, uyezve vachisungwa, vachiiswa mutorongo; vakatakwa namabwe, vakatemwa-temwa nejeko, vakaidzwa, vakaurawa nomunondo; vakafamba vakafuka matehwe amakwai, nenguo dzembudzi; vasina chinhu, vachitambudzika, vachiitirwa zvakaipa; (nyika haina kufanirwa navo), vachidzungaira mumarenje, nomumakomo, nomumapako, nomumakomba enyika.” (VaHebheru 11:36-38) Asi Jehovha haana kuvasiya.

Jehovha Anoitira Hanya Avo Vanotambura

12. Zvapupu zvaJehovha zvinotamburei nhasi?

12 Zvakadini navanhu vaJehovha nhasi? Sesangano, tinogona kukarira kuchengetwa naMwari ndokupfuura takachengeteka mumazuva okupedzisira edambudziko guru. (Isaya 54:17; Zvakazarurwa 7:9-17) Zvisinei, savanhu vamwe navamwe, tinoziva kuti “nguva nechiitiko chisingafanoonwi” zvinowira vanhu vose. (Muparidzi 9:11, NW) Nhasi kune vaKristu vakawanda vakatendeka vari kutambura ngwavaira. Vamwe vanotsungirira urombo hwakakomba. Bhaibheri rinotaura nezve“nherera nechirikadzi” dzechiKristu dzinotambura. (Jakobho 1:27) Vamwe vanotambura somugumisiro wengwavaira dzomusikirwo, hondo, utsotsi, kushandiswa zvisina kururama kwesimba, urwere, uye rufu.

13. Ndezvipi zvakaitika zvakaoma zvakashumwa munguva pfupi yapfuura?

13 Somuenzaniso, mumishumo yawo ya1996 kuMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha, mahofisi amapazu eWatch Tower akarondedzera kuti dzimwe hama dzedu nehanzvadzi dziri kutambura kuiswa mutorongo mumamiriro ezvinhu akashata nemhaka yekutsigira kwadzo nheyo dzeBhaibheri. Ungano nhatu mune imwe nyika yomuSouth America dzakavharwa apo mapoka amagandanga akamanikidza mazana eZvapupu kubva munharaunda yacho. Mune imwe nyika yomuWest Africa, zvimwe Zvapupu zvakabatwa mukurwisana kwavagari vemo uye zvakaurawa. Mune imwe nyika yemuCentral America, mamiriro ezvinhu ezvemari akatooma nechekare ehama dzedu akanyanyiswa nekuparadza kwerimwe dutu. Mune dzimwe nzvimbo uko urombo nekushaikwa kwezvokudya zvingasava zvinetso zvakakomba, pesvedzero dzakaipa dzingaderedza mufaro wavo. Vamwe vanoremedzwa nedzvinyiriro dzekurarama kwanhasi. Nemhaka yekusaitira hanya kweveruzhinji, vamwewo vanganzwa vaodzwa mwoyo pavanoparidza mashoko akanaka oUmambo.

14. (a) Tinodzidzei mumuenzaniso waJobho? (b) Panzvimbo pokufunga zvakaipa, tinofanira kuitei patinenge tichitambura nhamo?

14 Mamiriro ezvinhu iwaya haafaniri kurangarirwa soufakazi hwokusafarira kwaMwari. Yeuka chakaitika chaJobho nenhamo zhinji dzaakatambura. Aiva “munhu wakakwana, wakarurama.” (Jobho 1:8) Jobho anofanira kuve akaodzwa mwoyo sei apo Erifazi akamupomera kuita zvakashata! (Jobho, maganhuro 4, 5, 22) Hatidi kukurumidza kugumisa kuti tinotambura nemhaka yokuti takatadzira Jehovha nenzira yakati kana kuti nemhaka yokuti Jehovha abvisa chikomborero chake. Kufunga kwakaipa mukutambudzika kungagona kuita kuti kutenda kwedu kuve kusina kusimba. (1 VaTesaronika 3:1-3, 5) Pakutambura nhamo, zvakanakisisa kufungisisa idi rokuti Jehovha naJesu vari pedyo navakarurama pasinei zvapo nezvinoitika.

15. Tinoziva sei kuti Jehovha anoitira hanya zvikuru ngwavaira dzinotamburwa nevanhu vake?

15 Muapostora Pauro anotinyaradza paanoti: “Ndianiko uchatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika, kana nhamo kana kuvengwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokufuka, kana njodzi, kana munondo here? . . . Ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana vakuru, kana zvazvino, kana zvinouya, kana masimba, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chinhu chimwe chakasikwa, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, ruri muna Kristu Jesu, Ishe wedu.” (VaRoma 8:35, 38, 39) Jehovha anotiitira hanya zvikuru uye anoziva kutambura kwedu. Achiri mupoteri, Dhavhidhi akanyora kuti: “Meso aJehovha anotarira vakarurama, uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo. Jehovha uri pedyo navane mwoyo yakaputsika.” (Pisarema 34:15, 18; Mateo 18:6, 14) Baba vedu vokudenga vanotiitira hanya uye vanonzwira tsitsi avo vanotambura. (1 Petro 5:6, 7) Vanogovera zvatinoda kuti titsungirire, kutambura kupi nokupi kwatingava nako.

Zvipo zvaJehovha Zvinotitsigira

16. Igadziriroi inobva kuna Jehovha inotibatsira kutsungirira, uye sei?

16 Kunyange zvazvo tisingagoni kukarira kuva noupenyu husina nhamo mutsika ino yekare yezvinhu, “hatina kusiyiwa.” (2 VaKorinte 4:8, 9) Jesu akapikira kugovera vateveri vake mubetseri. Akati: “Neni ndichakumbira Baba, vachakupai mumwe Munyaradzi kuti agare nemi nokusingaperi; ndiye Mweya wazvokwadi.” (Johane 14:16, 17) PaPentekosta ya33 C.E., muapostora Petro akaudza vateereri vake kuti vaigona kugamuchira “chipiwa choMweya Mutsvene.” (Mabasa 2:38) Mudzimu mutsvene uri kutibatsira nhasi here? Hungu! Simba raJehovha rinoita basa rinotipa chibereko chinoshamisa: “Rudo, nomufaro, norugare, nomwoyo murefu, nomwoyo munyoro, nokunaka, nokutendeka, nounyoro, nokuzvidzora.” (VaGaratia 5:22, 23) Ose iwaya mavara anokosha anogona kutibatsira kutsungirira.

17. Izvokwadii dzeBhaibheri dzinosimbisa kutenda kwedu nokutsunga kumirira Jehovha nokushivirira?

17 Mudzimu mutsvene unotibatsirawo kunzwisisa kuti kutambudzika kuripo zvino “kwakareruka, kuripo chinguva chiduku” pakunoenzaniswa netuso yeupenyu husingaperi. (2 VaKorinte 4:16-18) Tinopwiswa kuti Mwari haakanganwi mabasa edu nerudo zvatinoratidza nokuda kwake. (VaHebheru 6:9-12) Kana tikarava mashoko akafuridzirwa eBhaibheri, tinonyaradzwa nemienzaniso yevabatiri vakatendeka vekare avo vakatsungirira ngwavaira zhinji asi vakanzi vanofara. Jakobho anonyora kuti: “Hama dzangu, pakutambudzika nokutsungirira teverai makwara avaporofita vakataura nezita raShe. Tarirai, vakatsunga mwoyo tinoti vakaropafadzwa.” (Jakobho 5:10, 11) Bhaibheri rinopikira “simba rinopfuura renguva dzose” kuti ritibatsire kutsungirira miedzo. Jehovha anotikomborerawo netariro yorumuko. (2 VaKorinte 1:8-10; 4:7, NW) Kupfurikidza nokurava Bhaibheri zuva nezuva nokufungisisa zvipikirwa izvozvi, tichasimbisa kutenda kwedu nokutsunga kwedu kumirira Mwari nokushivirira.—Pisarema 42:5.

18. (a) Pana 2 VaKorinte 1:3, 4, tinokurudzirwa kuitei? (b) Vatariri vechiKristu vanogona sei kubvumikisa kuva manyuko enyaradzo nezorodzo?

18 Mukuwedzera, Jehovha akatipa paradhiso yomudzimu umo tinogona kufarikanya rudo rwapachokwadi rwehama dzedu nehanzvadzi dzechiKristu. Tose tine basa rokuita mukunyaradzana. (2 VaKorinte 1:3, 4) Vatariri vechiKristu zvikurukuru vanogona kuva manyuko makuru enyaradzo nezorodzo. (Isaya 32:2) Se“zvipo muvarume,” vakapiwa basa rokuvaka avo vanotambura, ku“simbis[a] vanopera mwoyo,” uye ku“tsigir[a] vasina simba.” (VaEfeso 4:8, 11, 12, NW; 1 VaTesaronika 5:14) Vakuru vanokurudzirwa kushandisa zvakanaka magazini eNharireyomurindi neMukai!, pamwe chete nezvimwe zvinyorwa zvinogoverwa no“muranda wakatendeka, wakangwara.” (Mateo 24:45-47) Izvozvi zvine zano rakanaka rakavakirwa muBhaibheri rinogona kutibatsira kupedza—uye kunyange kudzivisa—zvimwe zvezvinetso zvinokonzera kuti tifunganye. Ngatitevedzerei Jehovha kupfurikidza nokunyaradzana nokukurudzirana mukati menguva dzakaoma!

19. (a) Chii chinotibatsira kudzivisa dzimwe ngwavaira? (b) Pakupedzisira, tinofanira kuvimba naani, uye chii chichatigonesa kutarisana nemiedzo?

19 Sezvatinopinda zvikuru mumazuva okupedzisira uye mamirire ezvinhu etsika ino iripo anoshata, vaKristu vanoita zvose zvavanogona kudzivisa ngwavaira. (Zvirevo 22:3) Chisarudzo chakanaka, kunaka kwendangariro, uye kuziva nheyo dzeBhaibheri zvinogona kutibatsira kuita zvisarudzo zvokuchenjera. (Zvirevo 3:21, 22) Tinonzwa Shoko raJehovha ndokuita zvarinotaura kuti tidzivise kuita mhosho dzisiri madikanwa. (Pisarema 38:4) Kunyange zvakadaro, tinoziva kuti hapana nhamburiko yedu inogona kupedza chose chose kutambura muupenyu hwedu. Mutsika ino yezvinhu, vakarurama vakawanda vanotarisana nenhamo dzakakomba. Zvisinei, tinogona kukunda miedzo yedu nechivimbo chakakwana chokuti “Jehovha haangarashi vanhu vake.” (Pisarema 94:14) Uye tinoziva kuti tsika ino yezvinhu namatambudziko ayo zvichakurumidza kuparara. Naizvozvo, ngatisarudze kuti tisa“rege kuneta pakuita zvakanaka; nokuti tinozocheka nenguva yakafanira, kana tisingaori mwoyo.”—VaGaratia 6:9.

Tadzidzei?

◻ Sangano rose ravaKristu rinotambura miedzoi?

◻ Mienzanisoi yeBhaibheri inotibatsira kunzwisisa kuti ngwavaira hadzisi ufakazi hwokusafara kwaJehovha?

◻ Jehovha anonzwa sei pamusoro penhamo dzinotamburwa navanhu vake?

◻ Zvimwei zvipo zvinobva kuna Jehovha zvinotibatsira kutsungirira miedzo?

[Mifananidzo iri papeji 10]

Dhavhidhi, Nabhoti, uye Josefa vanhu vatatu vakatambura ngwavaira

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe