Nyanzvi Dzemawere Emakomo
RAKANGA riri pamahombekombe okumavirira kweGungwa Rakafa raiva guta rakare uye renje rakapoteredza rainzi En-gedi. Nzira dzomunharaunda yacho dzine matombo uye nzvimbo dzine materu dzinogovera musha wakaisvonaka nokuda kwengururu yeNyika Yakapikirwa, yakafanana nedzinoonekwa pano.
Ichi chisikwa chinogona kufamba pamawere chakatsiga chiri pakati pezvishamiso zvokusikwa kwemhuka. Ngativhurei Bhaibheri ndokunyatsotarisisa iyi mhuka inoshamisa.
“Makomo Marefu Ndee[Ngururu, NW]”
Akaimba kudaro wezvamapisarema. (Pisarema 104:18) Ngururu dzakashongedzerwa zvakanaka kuti dzigare munzvimbo dzakakwirira! Dzinofambisa, dzichifamba pamusoro pemipata isina kuterama nechivimbo chikuru uye dzichikurumidza. Izvi murutivi imhaka yokuumbwa kwehwanda dzadzo. Pakavhurika pacho panogona kukura nokurema kwengururu yacho, zvichiita kuti mhuka yacho imire yakatsiga painenge yakamira kana kuti ichifamba pamatombo matete.
Ngururu dzakatsigawo zvakatanhamara. Dzinogona kukwakuka madaro akakura zvikuru ndokunomira pasingambokwani kumira makumbo ose mana. Nyanzvi yezvesayenzi yezvinhu zvipenyu Douglas Chadwick akambocherekedza kuti ngururu yorumwe rudzi inoshandisa kutsiga kwayo kuti idzivise kuiswa parumananzombe panzvimbo yakanga yakanyanyodukupa kuti itenderuke. Anoti: “Pashure pokutarisa panzvimbo yaitevera anenge mamita 120 nechepasi, ngururu yacho yakafambisa makumbo ayo emberi uye zvishoma nezvishoma yakafambisa makumbo ayo eshure pamusoro pomusoro wayo paibwe sokunge kuti yakanga ichitenderera sevhiri rengoro. Sezvandakafemera pamusoro, ngururu yacho yakapfuurira kusvikira tsoka dzayo dzadzoka pasi zvokuti yakatarisa kwayakanga yabva.” (National Geographic) Hazvishamisi kuti ngururu dzakanzi “nyanzvi dzemawere emakomo”!
‘Unoziva Kuti Ngururu Inobereka Rini Here?’
Ngururu zvisikwa zvinonyara zvikuru. Dzinosarudza kugara dziri kure navanhu. Zvirokwazvo, vanhu vanozviona zvakaoma kuswedera pedyo zvakakwana kuti vadzitarise mumugariro wadzo womusango. Nokudaro, Muridzi we“n’ombe pamakomo ane chiuru chamazana” aigona kubvunza Jobho nenzira yakafanira kuti: “Iwe unoziva nguva inobereka ngururu here? Kana iwe ungaona kana nondo dzichibereka here?”—Pisarema 50:10; Jobho 39:1.
Kunzwa kwomuzvarirwo kwakapiwa naMwari kunoudza ngururu yechikadzi painenge yava nguva yokubereka. Inotsvaka nzvimbo yakachengeteka ndokubereka mwana mumwe kana kuti vaviri, kazhinji kazhinji pakupera kwaMay kana kuti muna June. Vana vachangobva kuberekwa vanotsiga mukati mamazuva mashomanene chete.
“Hadzi yeNondo Yakanaka neHadzi yeNgururu Inofadza”
Mambo akachenjera Soromoni akakurudzira varume kuti: “Ufarire mukadzi woujaya hwako. Sehadzi yenondo yakanaka, nehadzi yengururu inofadza.” (Zvirevo 5:18, 19) Izvi hazvina kutaurirwa kuzvidza vakadzi. Sezviri pachena, Soromoni akanga achinongedzera kurunako, tsitsi, uye mamwe mavara akatanhamara eidzi mhuka.
Ngururu iri pakati pe“zvipenyu” zvakawanda izvo zvinopupurira zvikuru uchenjeri hwoMusiki. (Genesi 1:24, 25) Hatifari here kuti Mwari akatipoteredza nezvisikwa zvakawanda kwazvo zvinoshamisa?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 24]
Courtesy of Athens University