Hana—Mutoro Kana Kuti Yamuro Here?
‘HANA yangu iri kunditambudza!’ Panguva nenguva, tose zvedu tinorohwa nehana. Mirangariro yakadaro ingatambanuka kubva kukusagadzikana kuri nyore kusvikira kukutambudzika kunorwadza. Hana inotambudzika inotogona kumutsa kuora mwoyo kana kuti pfungwa yakakura yokukundikana.
Ichirangarirwa nouyu murangariro, ipapoka, hana hausi mutoro here? Vamwe vangarangarira kuti mutoro. Zvizvarwa zvakapfuura zvavanhu vanofunga kazhinji kazhinji zvakarangarira hana semano omuzvarirwo, aunoberekwa nawo. Vakawanda vakarangarira kuti inhungamiro yetsika yakapiwa zvakananga naMwari pachake. Hana nokudaro yakanzi “kuvapo kwaMwari mumunhu,” “zvataiva pakuvamba,” uye kunyange “inzwi raMwari.”
Mumakore mashoma apfuura zvisinei, zvakava zvakakurumbira kutaura kuti hana zvikurukuru isimba rinowanwa—chibereko chokurera kwavabereki nezvinhu zvomunzanga. Somuenzaniso, vamwe vanzveri vepfungwa vanotaura kuti mwana anodzidza kurega mufambiro usingafadzi zvikurukuru nemhaka yokutya chirango, achidavira kuti yatinoti hana kunongova kuwanawo zvako mipimo yavabereki vedu nezvitendero. Vamwe vanonongedzera kubasa iro nzanga kazhinji kazhinji inoita mukupa mipimo. Vamwe vanorangarira kurova kwehana sekungorwisanawo zvako kuri pakati pezvatingada kuita neizvo nzanga ingatikarira kuita!
Pasinei zvapo nefungidziro, nguva nenguva vanhu vakaramba vakatsunga pasinei zvapo nevabereki, mhuri, uye nzanga dzose nemhaka yokuti hana dzavo dzakavaudza kuita kudaro. Vamwe vakatova vanodisa kupa upenyu hwavo nokuda kwehana! Uye pasinei zvapo nemisiyano yakakura pakati petsika dziri munyika, dzakadai sokuponda, kuba, upombwe, kureva nhema, uye makunakuna zvinorangarirwa munyika yose sezvakaipa. Izvi hazvingapi ufakazi hwokuti hana ndeyomuzvarirwo, yatakaberekwa nayo here?
Hana—Murangariro weBhaibheri
Chiremera chaichoicho panhau iyi ndiJehovha Mwari. Kunyange zvakadaro, “ndiye [Mwari] wakatiita, tiri vanhu vake.” (Pisarema 100:3) Anonzwisisa zvakakwana kuumbwa kwedu. Shoko raMwari, Bhaibheri, rinotsanangura kuti munhu akaitwa “nomufananidzo” waMwari. (Genesi 1:26) Munhu akasikwa ane pfungwa yechakanaka nechakaipa; kubva pakutanga, hana yakanga iri rutivi rwakagarwa nhaka rworudzi rwomunhu.—Enzanisa naGenesi 2:16, 17.
Muapostora Pauro anosimbisa izvozvi mutsamba yake kuVaRoma, achinyora kuti: “Nokuti kana vahedheni vasina murayiro [waMwari] vachiita pachavo zvinhu zvomurayiro, vava murayiro wavo vamene; nokuti vanoratidza basa romurayiro wakanyorwa mumwoyo yavo, hana yavo ichipupura pamwe chete nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza.” (VaRoma 2:14, 15) Cherekedza kuti vakawanda vakanga vasina kurererwa muMutemo waMwari wakapiwa vaJudha vakangotevera dzimwe dzenheyo dzomutemo waMwari, kwete kupfurikidza nedzvinyiriro yenzanga, asi “ivo pachavo”!
Sezvo isiri mutoro, ipapoka, hana chipo chaMwari, yamuro. Sezvinobvumwa, inogona kutiparira marwadzo. Asi kana ikateererwa nenzira yakarurama, inogonawo kutitusa nemirangariro yokugutsikana kukuru uye rugare rwomukati. Inogona kutungamirira, kuchengetedza, uye kutikurudzira. The Interpreter’s Bible rinoti: “Utano hwendangariro nehwemirangariro hunogona kuchengetedzwa bedzi sezvo munhu anoedza kuvhara musiyano uri pakati pezvaanoita uye zvaanonzwa kuti anofanira kuita.” Munhu anogona sei kuvhara musiyano iwoyo? Zvinobvira here kugadziridza ndokurovedza hana yedu? Iyi mibvunzo icharangarirwa munyaya inotevera.