Unoraramira Nhasi Kana Kuti Nguva Yemberi Isingagumi Here?
“Takaponeswa netariro.”—VAROMA 8:24.
1. Vateveri vaEpicurus vakadzidzisei, uye rudzi irworwo rwokuziva rwakatapura sei vamwe vaKristu?
MUAPOSTORA Pauro akanyorera vaKristu vaigara muKorinte kuti: “Vamwe pakati penyu vanoreva seiko, kuti hakuna kumuka kwavakafa?” (1 VaKorinte 15:12) Sezviri pachena, uzivi hune ngozi hwomuGiriki akachenjera Epicurus hwakanga hwapinda muvaKristu vomuzana rokutanga ramakore. Nokudaro Pauro akakwevera ngwariro kudzidziso yaEpicurus yokuti: “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa.” (1 VaKorinte 15:32) Vachishora tariro ipi neipi youpenyu pashure porufu, vateveri vomuzivi wacho vaidavira kuti mufarwa wokunyama wakanga uri chinhu chinokosha bedzi. (Mabasa 17:18, 32) Uzivi hwaEpicurus hwakanga huri hwokuzvimirira, hwokusatenda, uye pakupedzisira hunoshatsa.
2. (a) Nei zvakanga zvine ngozi kwazvo kuramba rumuko? (b) Muapostora Pauro akasimbisa sei kutenda kwavaKristu veKorinte?
2 Uku kurambwa kworumuko kwakanga kune revo dzinokosha. Pauro akataura kuti: “Zvino, dai pasina kumuka kwavakafa, naKristu ungadai asina kumutswawo; uye, dai Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu kungadai kuchiva pasina, nokutenda kwedu kungadai kuchiva pasinawo. . . . Kana tine tariro kuna Kristu paupenyu uhwu bedzi, tinonzwisa urombo kukunda vanhu vose.” (1 VaKorinte 15:13-19) Hungu, pasina tariro yenguva yemberi isingaperi, chiKristu chingava “pasina.” Chingava chisina donzo. Hazvishamisi, ipapoka, kuti ichipesvedzerwa nouku kufunga kwechihedheni, ungano yeKorinte yakanga yava nezvinetso. (1 VaKorinte 1:11; 5:1; 6:1; 11:20-22) Pauro, naizvozvo, aivavarira kusimbisa kutenda kwavo rumuko. Achishandisa pfungwa zvakasimba, mashoko akanokorwa muMagwaro, uye mifananidzo, akabvumikisa pasina mubvunzo upi noupi kuti tariro yorumuko yakanga isiri chinhu chokufungidzira asi chinhu chaichoicho chaiva nechokwadi chokuitika. Pahwaro uhwu, aigona kukurudzira vatendi biyake kuti: “Mirai makasimba, murege kuzununguswa, mubatire Ishe zvikuru nguva dzose, muchiziva kuti kubata kwenyu hakungavi pasina munaShe.”—1 VaKorinte 15:20-58.
“Rambai Makarinda”
3, 4. (a) Maererano naPetro, chimiroi chendangariro chine ngozi chingatapura vamwe mukati memazuva okupedzisira? (b) Tinofanira kuramba tichizviyeuchidza nezvechii?
3 Nhasi, vakawanda vane chimiro chendangariro chokutya nguva yemberi, chokuraramira nhasi. (VaEfeso 2:2) Zvakaita sezvakafanotaurwa nomuapostora Petro. Akataura nezve“vaseki vachauya vachiseka . . . vachiti: Chipikirwa chokuuya kwake chiripiko zvino? Nokuti kubva pakuparara kwamadzibaba, zvinhu zvose zvinongoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakutanga kwokusikwa.” (2 Petro 3:3, 4) Kana vanamati vechokwadi vakateerera murangariro iwoyo, vangava “vane usimbe navasingabereki zvibereko.” (2 Petro 1:8, NW) Nenzira inofadza, hazvina kudaro kuruzhinji rwavanhu vaMwari nhasi.
4 Hazvina kuipa kufarira mugumo uri kuuya wetsika yezvinhu yakaipa iripo. Yeuka fariro yakaratidzwa navaapostora vaJesu: “Ishe, modzosera ushe kuna Israeri nenguva ino here?” Jesu akapindura kuti: “Hazvina kufanira kuti muzive nguva kana misi yakatarwa naBaba vamene nesimba ravo.” (Mabasa 1:6, 7) Mashoko iwayo ane shoko rinokosha raakanga ataura paGomo reMiorivhi: “Hamuzivi zuva, Ishe wenyu raanouya naro. . . . Mwanakomana womunhu uchauya nenguva yamusingamutariri.” (Mateo 24:42, 44) Tinofanira kuramba tichizviyeuchidza pamusoro pezano iroro! Vamwe vangaedzwa nechimiro chendangariro chokuti, ‘Zvimwe ndinofanira kumboti mirei ndokurerutsa zvinhu.’ Iyoyo ingava mhosho yakadini! Rangarira Jakobho naJohane, “vanakomana vokutinhira.”—Marko 3:17.
5, 6. Tinogona kuwana zvidzidzoi mumienzaniso yaJakobho naJohane?
5 Tinoziva kuti Jakobho akanga ari muapostora aishingaira zvikuru. (Ruka 9:51-55) Ungano yechiKristu payakangotangwa chete, anofanira kuva akaita basa guru. Asi apo Jakobho akanga achiri muduku zvikuru, Herodhi Agrippa I akaita kuti aurawe. (Mabasa 12:1-3) Tinofunga kuti Jakobho, achiona upenyu hwake huchiguma zvisingakarirwi, akasuruvara kuti akanga ashingaira zvakadaro, azvishandisa nesimba muushumiri hwake here? Nyangwe! Chokwadika akafara kuti akanga apedza makore akanakisisa oupenyu hwake hupfupi zvikuru mubasa raJehovha. Zvino, hapana mumwe wedu anogona kuziva kana upenyu hwedu hungaguma nenzira isingakarirwi. (Muparidzi 9:11; enzanisa naRuka 12:20, 21.) Naizvozvo kuchenjera nenzira yakajeka kuchengeta mwero wakakwirira wokushingaira kwedu nomubato mukubatira Jehovha. Nenzira iyoyo tinochengeta zita redu naye rakanaka ndokuramba tichirarama tichirangarira nguva yedu yemberi isingaperi.—Muparidzi 7:1.
6 Pane chidzidzo chakafanana chinobatanidza muapostora Johane, uyo akanga aripo apo Jesu akakurudzira nenzira yakakomba kuti, “Rindai nenguva dzose.” (Mateo 25:13; Marko 13:37; Ruka 21:34-36) Johane akafungisisa izvozvo, achibatira nembavarira kwamakumi amakore akawanda. Kutaura idi, zvinoratidzika kuti vamwe vaapostora vose vakafa iye asati afa. Apo Johane akanga akwegura, achikwanisa kutarira shure pamakumi amakore omubato wokutendeka, akaurangarira semhosho here, upenyu husina nhungamiro kana kuti husina kudzikama? Aiwa, zvechokwadi! Akanga achiri kukarira nguva yemberi nokudisa. Apo Jesu akanga amutswa akati: “Hongu, ndinokurumidza kuuya,” Johane akakurumidza kupindura kuti, “Ameni, uyai Ishe Jesu.” (Zvakazarurwa 22:20) Johane zvechokwadi akanga asiri kuraramira nguva iyoyo, achishuva ‘upenyu hwenguva dzose’ hunotora nguva yakareba. Akanga atsunga kuramba achibatira noupenyu hwake hwose nesimba, paizouya Ishe. Zvakadiniko nesu?
Hwaro Hwokutenda Upenyu Husingaperi
7. (a) Tariro youpenyu husingaperi yaka“vimbiswa sei nguva dzisingaperi dzisati dzavapo”? (b) Jesu akaisa sei chiedza patariro youpenyu husingaperi?
7 Iva nechokwadi chokuti tariro youpenyu husingaperi hachisi chiroto kana kuti kufungidzira kwakaitwa nomunhu. Sezvinotaura Tito 1:2, kuzvipira kwedu kwoumwari kwakavakirwa “patariro youpenyu husingaperi, hwaakapikira iye Mwari, usingatongorevi nhema, nguva dzisingaperi dzisati dzavapo.” Rakanga riri donzo raMwari rapakuvamba kuti vanhu vose vanoteerera vararame nokusingaperi. (Genesi 1:28) Hapana chinhu chinogona kudzivisa iri donzo, kunyange kupanduka kwaAdhama naEvha. Sezvakanyorwa pana Genesi 3:15 (NW), Mwari akakurumidza kuvimbisa “mbeu” yaizobvisa kuvadziko yose yakaiswa parudzi rwomunhu. Apo “mbeu” kana kuti Mesiya, Jesu, akasvika, akaita kuti tariro youpenyu husingaperi ive imwe yedzidziso dzake dzinokosha. (Johane 3:16; 6:47, 51; 10:28; 17:3) Kupfurikidza nokuvanzarika upenyu hwake hwakakwana sorudzikinuro, Kristu akawana kodzero yapamutemo yokupa upenyu husingaperi kurudzi rwomunhu. (Mateo 20:28) Vamwe vavadzidzi vake, vose vane 144 000, vachararama nokusingaperi mumatenga. (Zvakazarurwa 14:1-4) Nokudaro vamwe vanhu vaichimbofa vacha“fuka kusafa”!—1 VaKorinte 15:53.
8. (a) “Kusafa” chii, uye nei Jehovha achikupa kuvane 144 000? (b) Jesu akapa tariroi ku“mamwe makwai”?
8 “Kusafa” kunoreva zvinopfuura kusatongofa. Kunobatanidza “simba roupenyu husingapedzwi.” (VaHebheru 7:16; enzanisa naZvakazarurwa 20:6.) Kunyange zvakadaro, Mwari anowanei mukupa chipo chinoshamisa zvakadaro? Yeuka kudenha kwaSatani kwokuti hapana chimwe chezvisikwa zvaMwari chingagona kuvimbwa nacho. (Jobho 1:9-11; 2:4, 5) Kupfurikidza nokupa vane 144 000 kusafa, Mwari anoratidzira chivimbo chakakwana muiri boka iro rakapindura kudenha kwaSatani nenzira yakatanhamara kwazvo. Asi zvakadini norudzi rwose rwomunhu rwasara? Jesu akaudza mitezo yokutanga yeiri “boka duku” ravadyi venhaka yoUmambo kuti yaizo“gara pazvigaro zvoumambo kuti vatonge ndudzi gumi nembiri dzaIsraeri.” (Ruka 12:32; 22:30, NW) Izvi zvinoreva kuti vamwe vachagamuchira upenyu husingaperi pasi pano savatongwi voUmambo hwake. Nepo aya “mamwe makwai” asingapiwi kusafa, anogamuchira “upenyu husingaperi.” (Johane 10:16; Mateo 25:46) Upenyu husingaperi nokudaro itariro yavaKristu vose. Hakusi kufungidzira asi chimwe chinhu chaichoicho chakavimbiswa na“Mwari, usingatongorevi nhema,” uye chakabhadharwa neropa rinokosha raJesu.—Tito 1:2.
Munguva Yemberi Iri Kure Here?
9, 10. Zviratidzoi zvakajeka zviripo zvokuti tava pedyo nomugumo?
9 Muapostora Pauro akafanotaura kuti “nguva dzokutambudzika” dzaizoratidzira kuti takanga tasvika nenzira isingarambiki mu“mazuva okupedzisira.” Sezvo nzanga yavanhu vakatipoteredza ichiputsika kuva mugariro wokusava nerudo, makaro, kuzvigutsa, uye kusada Mwari, hationi here kuti zuva raJehovha rokuita marutongeso ake patsika yenyika ino yakaipa riri kusvika nokukurumidza? Sezvo masimba masimba noruvengo zvinowedzera, hationi here kwose kwakatipoteredza kuzadzika kwamamwe mashoko aPauro okuti: “Vanhu vakaipa navanyengeri vachanyanyisa pakuipa?” (2 Timotio 3:1-5, 13) Vamwe vangadanidzira nenzira yokunyanyova netariro kuti “Rugare nokugarika,” asi tariro dzose dzorugare dzichapera, nokuti “kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadzwa kwomukadzi une mimba; havangatongopukunyuki.” Hatina kusiyiwa murima pamusoro perevo yenguva dzedu. Naizvozvo, nga“tirinde, tisvinuke.”—1 VaTesaronika 5:1-6.
10 Uyezve, Bhaibheri rinoratidzira kuti mazuva okupedzisira i“nguva duku.” (Zvakazarurwa 12:12; enzanisa na Zva 17:10.) Zhinjisa ye“nguva duku” iyoyo sezviri pachena yakatopfuura. Uporofita hwaDhanieri, somuenzaniso, hunorondedzera zvakarurama kurwisana pakati pa“mambo wokumusoro” na“mambo wezasi” uko kwakatambanuka kusvikira muzana rino ramakore. (Dhanieri 11:5, 6) Changosara kuitwa kudenhwa kwokupedzisira kwa“mambo wokumusoro,” kunorondedzerwa pana Dhanieri 11:44, 45.—Ona Nharireyomurindi yaJuly 1, 1987, uye November 1, 1993, nokuda kwokurondedzerwa kwouhu uporofita.
11. (a) Mateo 24:14 yakazadzikwa kusvikira kutambanukoi? (b) Mashoko aJesu akanyorwa pana Mateo 10:23 anoratidzirei?
11 Panewo kutaura kwaJesu kwokuti “evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose, ipapo kuguma kuchasvika.” (Mateo 24:14) Nhasi, Zvapupu zvaJehovha zvinoita basa razvo munyika 233, mapoka omuzvitsuwa, uye ndima. Chokwadi, ndima dzisati dzashandwa dzichiripo, uye zvichida munguva yaJehovha yakafanira, mukana uchazaruka. (1 VaKorinte 16:9) Zvisinei, mashoko aJesu akanyorwa pana Mateo 10:23 anoita kuti munhu afungisise: “Hamungapedzi maguta avaIsraeri, Mwanakomana womunhu asati asvika.” Nepo mashoko akanaka achaziviswa zvechokwadi mupasi rose, hatisati tichizosvika mativi ose apasi savanhu neshoko roUmambo Jesu asati “asvika” soMuparadzi.
12. (a) ‘Kuisa chisimbiso’ kupi kwainongedzerwa kwakuri pana Zvakazarurwa 7:3? (b) Kuderera kwenhamba yavakasarira vari pasi pano kunorevei?
12 Rangarira rugwaro rwaZvakazarurwa 7:1, 3, iyo inotaura kuti “mhepo ina” dzoruparadziko dzakabatwa “kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.” Izvi hazvisi kunongedzera kukuisa chisimbiso kwokutanga, kunoitika apo vaya vane 144 000 vanogamuchira kudanwa kwokudenga. (VaEfeso 1:13) Zvinonongedzera kukuiswa chisimbiso kwokupedzisira, apo vanozivikanwa nenzira isingachinjiki se“varanda vaMwari wedu” vakaedzwa uye vakatendeka. Nhamba yavanakomana vakasarira vechokwadi vaMwari vapenyu pasi pano iri kuderera zvikuru. Uyezve, Bhaibheri rinoratidzira zvakajeka kuti zviri “nokuda kwavakasanangurwa” kuti rutivi rwokuzarura rwedambudziko guru rwucha“tapudzwa.” (Mateo 24:21, 22) Vakawanda veavo vanotaura kuva vevakasarira vati kwegurei. Zvakare, izvi hazvingaratidziri kuti mugumo wasvika pedyo here?
Nharirire Yakatendeka
13, 14. Boka renharirire rine basai?
13 Munguvayi, tinoita zvakanaka kuteerera nhungamiro inopiwa no‘muranda wakatendeka.’ (Mateo 24:45) Kwamakore anopfuura zana, “muranda” womuzuva ranhasi akabatira nokutendeka se“nharirire.” (Ezekieri 3:17-21) Nharireyomurindi yaMay 15, 1984, yakatsanangura kuti: “Iyi nharirire inocherechedza kuti zvinoitika zviri kukura sei pasi pano muzadziko youporofita hweBhaibheri, anozivisa nyevero ye“dambudziko guru rakadai serisati rakamboitika chifo chapamavambo enyika” uye anoparidza “mashoko akanaka echimwe chinhu chiri nani.”—Mateo 24:21; Isaya 52:7.
14 Yeuka: Ibasa renharirire kuti idanidzire “zvairi kuona chaizvo.” (Isaya 21:6-8, NW) Munguva dzeBhaibheri nharirire yaidanidzira nyevero kunyange kana denho yacho yaiva kure zvikuru zvokusanyatsooneka zvakanaka. (2 Madzimambo 9:17, 18) Nyevero dzenhema dzakaitika munguva iyoyo zvechokwadi. Asi nharirire yakanaka yakanga isingaregi nemhaka yokutya kunyadziswa. Kana imba yako iri kutsva, unganzwa sei kana vanhu vanodzima moto vakakundikana kuuya nemhaka yokuti vafunga kuti nyevero yacho yanga iri yenhema? Aiwa, tinokarira vanhu vakadaro kuita nokukurumidza kuchiratidzo chipi nechipi chengozi! Nomutoo wakafanana, boka renharirire rakadanidzira apo mamiriro ezvinhu akaratidzika kuva anogovera chikonzero chokuita kudaro.
15, 16. (a) Nei gadziridzo mukunzwisisa kwedu uporofita dzakaitwa? (b) Tinogona kudzidzei muvabatiri vakatendeka vaMwari vakanga vane nzwisiso isina kururama youporofita hwakati?
15 Kunyange zvakadaro, sezvo zviitiko zvinoitika, kunzwisisa kwedu uporofita kwakava kwakajeka zvikuru. Nhau inoratidza kuti zviporofita hazvitongonzwisiswi zvizere zvisati zvaitika, kana zvakambodaro. Mwari akaudza Abrahama kuti mbeu yake yaizova “vatorwa munyika isati iri yavo,” kwenguva yakareba sei chaizvoizvo, ndiko kuti, kwamakore 400. (Genesi 15:13) Mosesi, zvisinei, akazvipa somuponesi nokukurumidza.—Mabasa 7:23-30.
16 Rangarirawo uporofita hwaMesiya. Mukurangarira zviitiko zvakapfuura zvakajeka chaizvoizvo kuti kufa kwaMesiya nokumuka zvakafanotaurwa. (Isaya 53:8-10) Bva, vadzidzi vaJesu pachake vakakundikana kunzwisisa idi iri. (Mateo 16:21-23) Havana kuona kuti Dhanieri 7:13, 14 yaizozadzika mukati mepa·rou·siʹa yomunguva yemberi yaKristu, kana kuti “kuvapo.” (Mateo 24:3, NW) Naizvozvo vakanga vasina kururama namakore 2 000 mukuziva kwavo pavakabvunza Jesu kuti: “Ishe, modzosera ushe kuna vaIsraeri nenguva ino here?” (Mabasa 1:6) Kunyange pashure pokunge ungano yechiKristu yatangwa zvakanaka, mifungo isina kururama uye kariro dzenhema dzakapfuurira kuvapo. (2 VaTesaronika 2:1, 2) Kunyange zvazvo vamwe panguva nenguva vakava nemirangariro isina kururama, Jehovha nenzira isingarambiki akakomborera basa ravatendi vomuzana rokutanga ramakore ivavo!
17. Ndoupi unofanira kuva murangariro wedu wegadziridzo mukunzwisisa kwedu Magwaro?
17 Boka renharirire ranhasi nenzira yakafanana rakanga richifanira kujekesa mirangariro yaro panguva nenguva. Munhu upi noupi anogona kupokana, kunyange zvakadaro, kuti Jehovha akakomborera ‘muranda akatendeka’ here? Kunze kwezvo, tichirangarira mashoko akapoteredza, gadziridzo dzakawanda dzakaitika hadzisi duku zvikuru here? Kunzwisisa kwedu kunokosha Bhaibheri hakusati kwachinja. Kupwiswa kwedu kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira kwakasimba kupfuura kare kose!
Kuraramira Nguva Yemberi Isingagumi
18. Nei tichifanira kudzivisa kuraramira nhasi bedzi?
18 Nyika ingati, ‘Ngatidye nokunwa, nokuti mangwana tichafa,’ asi ichi hachifaniri kuva chimiro chedu chendangariro. Kuvavarirei pasina chimuko nokuda kwemifarwa yaunogona kuwana muupenyu zvino kana uchigona kushandira nguva yemberi isingaperi? Tariro iyoyo, ingava iri youpenyu hwokusafa mudenga kana kuti youpenyu husingaperi pasi pano, hachisi chiroto, hakusi kufungidzira. Itariro chaiyoiyo yakavimbiswa naMwari “usingatongorevi nhema.” (Tito 1:2) Ufakazi hwakawanda zvokuti kuona tariro yedu kwava pedyo zvikuru! “Nguva [yasara, NW] ipfupi.”—1 VaKorinte 7:29.
19, 20. (a) Jehovha anorangarira sei kurega zvimwe zvinhu kwatakaita nokuda kwoUmambo? (b) Nei tichifanira kurarama tichirangarira upenyu husingaperi?
19 Chokwadi, iyi tsika yatogarisa kupfuura izvo vakawanda vakafunga kuti yaizoita. Vashomanene zvino vangarangarira kuti kudai vakanga vazviziva nechekare, vangadai vasina kurega zvimwe zvinhu. Asi munhu haafaniri kudemba kuita kudaro. Pashure pezvose, kurega zvimwe zvinhu rutivi rwunokosha rwokuva muKristu. VaKristu ‘vanozviramba.’ (Mateo 16:24) Hatimbofaniri hedu kurangarira kuti nhamburiko dzedu dzokufadza Mwari dzakava pasina. Jesu akavimbisa kuti: “Hakuna munhu wakasiya imba, kana vanun’una, kana hanzvadzi, kana mai, kana baba, kana vana, kana minda, nokuda kwangu nokweEvhangeri, usingazopiwi zvine zana nenguva ino, . . . noupenyu husingaperi nenguva inouya.” (Marko 10:29, 30) Makore ane chiuru kubva zvino, basa rako, imba, kana kuti akaundi yokubhangi ichava ichiratidzika kuva yakakosha sei? Zvisinei, kurega zvimwe zvinhu kwawakaitira Jehovha kuchava nerevo makore ane miriyoni kubva zvino—makore ane bhiriyoni kubva zvino! “Nokuti Mwari haazati ari usakarurama, ungakanganwa basa renyu.”—VaHebheru 6:10.
20 Naizvozvo, ngatiraramei tichirangarira kusafa, tisingatariri “zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi; nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi ndezvokusingaperi.” (2 VaKorinte 4:18) Muporofita Habhakuki akanyora kuti: “Zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.” (Habhakuki 2:3) ‘Kuramba tichikarira’ mugumo kunotapura sei nzira yatinoita nayo mabasa edu omunhu oga neemhuri? Nyaya yedu inotevera ichataura idzi nhau.
Mifungo Yokuhwirudzura
◻ Vashomanene nhasi vakatapurwa sei nokunoratidzika kuva kunonoka kwomugumo wetsika ino yezvinhu?
◻ Ndohupi huri hwaro hwetariro yedu youpenyu husingaperi?
◻ Tinofanira kurangarira sei kurega zvimwe zvinhu kwatakaita nokuda kwefariro dzoUmambo?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Basa rokuparidza romunyika yose rinofanira kupedzwa mugumo usati wauya