Vakaita Kuda kwaJehovha
Baba Vakagadzirira Kukanganwira
YAKANZI nyaya duku zvikurusa yati yambonyorwa—nechikonzero chakanaka. Mufananidzo waJesu wekuda kwababa mwanakomana wavo akarasika wakafanana nehwindo ratinowana naro murangariro wakaisvonaka wetsitsi dzaMwari kuvatadzi vanopfidza.
Akarasika Ndokuwanwa
Mumwe murume akanga ane vanakomana vaviri. Muduku akati kwaari: ‘Ndinoda nhaka yangu zvino, panzvimbo pekumirira kutozosvikira mafa.’ Baba vakabvuma, sezvingabvira vachimupa chikamu chetatu chezvose zvavaiva nazvo—mugove wepamutemo wemuduku wevanakomana vaviri. (Dheuteronomio 21:17) Pwere yacho nokuchimbidza yakaunganidza zvinhu zvayo ndokuenda kunyika iri kure uko yakanopedzera mari yayo yose ichirarama upenyu hwounzenza.—Ruka 15:11-13.
Panguva iyoyo pakava nenzara huru. Mukushaya zvokuita, jaya racho rakabvuma basa semufudzi wenguruve—basa rinozvidzwa kumuJudha. (Revhitiko 11:7, 8) Zvokudya zvaiva zvishoma kwazvo zvokuti akavamba kupanga mateko aiva zvokudya zvenguruve! Pakupedzisira, jaya racho rakafunga zvakanaka. ‘Vabatiri vababa vangu vanodya zviri nani kupfuura zvandinoita!’ rakafunga kudaro. ‘Ndichadzokera kumusha, ndireurure zvivi zvangu, uye ndikumbire kuva semumwe wevashandi vemaricho vababa vangu.’a—Ruka 15:14-19.
Jaya racho rakadhonza tsoka richidzoka kumusha. Pasina mubvunzo chitarisiko charo chakanga chachinja zvikuru. Kunyange zvakadaro, baba varo vakariziva ri“chiri kure.” Vasundwa netsitsi, vakamhanyira kumwanakomana wavo, uye vaka“mufungatira, nokumusveta.”—Ruka 15:20.
Uku kugamuchirwa kweushamwari kwakaita kuti kuve nyore zvikuru kuti jaya racho risununguke. “Baba,” rakadaro, “ndatadzira kudenga napamberi penyu, handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.” Baba vacho vakadana varanda vavo. “Kurumbidzai!” vakarayira kudaro. “Muuye nenguo yakaisvonaka, mumupfekedze iyo; muise mhete pamumwe wake, neshangu patsoka dzake; muuye nemhuru yakakodzwa, muibaye, tidye, tifare; nokuti mwanakomana wangu uyu wakanga afa, wararamazve, wakanga arasika, wawanikwazve.”—Ruka 15:21-24.
Mabiko makuru akatanga, aibatanidza nziyo nokutamba. Mwanakomana mukuru akanzwa mheremhere paakanga achibva kumunda. Paakaziva kuti munun’una akanga auya kumusha uye kuti ndiye akanga achiitirwa mabiko, akava nehasha. ‘Ndakakushandirai kwemakore akawanda, uye handina kumborega kukuteererai, asi hamuna kumbondipa mbudzi duku kuti ndifare neshamwari dzangu,’ akanyunyutira baba vake achidaro. ‘Asi zvino nokukurumidza apo mwanakomana wenyu akapambadza pfuma yenyu adzoka, mamuitira mabiko.’ ‘Mwana,’ baba vake vakapindura nounyoro, ‘nguva dzose wave uneni, uye zvangu zvose ndezvako. Asi taingofanira kufara nokuti munun’una wako akanga afa uye ava mupenyu. Akanga arasika uye akawanwa.’—Ruka 15:25-32.
Zvidzidzo Kwatiri
Baba mumufananidzo waJesu vanomirira Mwari wedu ane tsitsi, Jehovha. Kufanana nemwanakomana akarasika, vamwe vanhu vanosiya mhuri yaMwari yakachengeteka kwenguva yakati asi gare gare vanodzoka. Jehovha anorangarira sei vakadaro? Avo vanodzoka kuna Jehovha vachipfidza nemwoyo wose vanogona kuvimbiswa kuti “haangarambi achirwa; uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi.” (Pisarema 103:9) Mumufananidzo wacho, baba vakamhanyira kunogamuchira mwanakomana wavo. Nenzira yakafanana, Jehovha haangodi bedzi asi anodisa kukanganwira vatadzi vanopfidza. A“ne ngoni zhinji,” uye anoita saizvozvo “zvikuru.”—Pisarema 86:5; Isaya 55:7; Zekaria 1:3.
Mumufananidzo waJesu, rudo rwechokwadi rwababa vacho rwakaita kuti zvive nyore zvikuru kuti mwanakomana awane ushingi hwokudzokera. Asi rangarira: Chii chingadai chakaitika kudai baba vakanga varamba mukomana wacho kana kuti munzira ipi neipi vakamuudza nehasha kuti asatombodzoka? Murangariro wakadaro ungangodai wakaparadzanisa mukomana wacho zvachose.—Enzanisa na2 VaKorinte 2:6, 7.
Mupfungwa yakati, ipapoka, baba vacho vakagadzira nzira yokuti mwanakomana wavo adzokere panguva yaakaenda. Padzimwe nguva, nhasi vakuru vechiKristu vanofanira kubvisa vatadzi vasingapfidzi muungano. (1 VaKorinte 5:11, 13) Mukuita saizvozvo, vanogona kuvamba kugadzira nzira yekudzokera kwemutadzi kupfurikidza nokuratidza norudo matanho aanogona kuita nokuda kwekudzorerwa munguva iri mberi. Kuyeuka teterero yakadaro yemwoyo wose gare gare kwakasunda vakarasika mumudzimu vakawanda kuti vapfidze uye kwakavakurudzira kudzokera kumhuri yaMwari.—2 Timotio 4:2.
Baba vacho vakaratidzawo tsitsi pakadzokera mwanakomana wavo. Hazvina kuvatorera nguva refu kuziva rupfidzo rwechokwadi rwemukomana wacho. Ipapo, panzvimbo pekuomerera pakuwana udzame hwechinhu chose chokudarika kwemwanakomana wavo, vakangomugamuchira, uye vakaratidza mufaro mukuru mukuita saizvozvo. VaKristu vanogona kutevedzera muenzaniso iwoyu. Vanofanira kufara kuti akarasika awanwa.—Ruka 15:10.
Kuita kwababa kwakaratidza zvakajeka kuti vakanga vachikarira kwenguva refu kudzokera kwemwanakomana wavo akapanduka. Chokwadika, iwoyo mufananidzo bedzi wekupanga kwaJehovha vose vakasiya mhuri yake. “Haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.” (2 Petro 3:9) Avo vanopfidza zvivi zvavo nokudaro vanogona kuvimbiswa kuti vachakomborerwa “nenguva dzokusimbiswa dzinobva kunaShe.”—Mabasa 3:19.
[Mashoko Omuzasi]
a Nepo muranda airangarirwa serutivi rwemhuri, mubatiri wemaricho aiva mushandi anobhadharwa pazuva uyo aigona kudzingwa panguva ipi neipi. Jaya racho rakarangarira kuti raizodisa kugamuchira kunyange nzvimbo yakaderera zvikurusa mumhuri yababa varo.