Mushumo Wavazivisi voUmambo
Simba Rinochenesa reShoko raMwari
ZVINOSHUMWA kuti vanopindwa muropa nemirimo vakawanda zvikurusa vanodzokerazve kumiitiro yavo pashure pekusunungurwa munzvimbo dzokuranga. Asi Shoko raMwari rinogona kuita izvo makiriniki kazhinji kazhinji anokundikana kuita. (VaHebheru 4:12) Vakawanda vakabetserwa neShoko raMwari nomudzimu kuti vakurire kupindwa muropa nemirimo ndokushandisa zano rokuti: “Ngatizvinatse pamatsvina ose enyama noomweya, tikwanise utsvene pakutya Mwari.”—2 VaKorinte 7:1.
Izvi zvinoratidzirwa nezvakaitika muMyanmar. Mumwe murume akanga atambura nokupindwa muropa nemirimo kwemakore akawanda anorondedzera kuti: “Ndakapindwa muropa nemirimo mumakore angu ouduku. Kakawanda ndakaedza kusununguka, asi ndaisagona. Kuti nditsigire muitiro wangu wemirimo, ndakatanga kuba. Semugumisiro, muna 1988, ndakaendeswa kutorongo kwegore rimwe.
“Mushure mekubudiswa kwangu mutorongo, ndakapfuurira kuonana neshamwari dzangu dzekare. Nokukurumidza pashure paizvozvo ndakadzokera kumuitiro wemirimo. Uku kurarama kwekuzviparadza kwakaita kuti mitezo yemhuri irambe kusonganirana neni. Uyewo, murangariro wangu wekupandukira wakaita kuti vakawanda munzanga vanditye, uye ivowo vakatanga kundinzvenga.
“Rimwe zuva zvisingadzivisiki zvakaitika—ndakarwara nokushandisa mirimo yakawandisa. Ndakadzorerwa kutorongo, nguva ino kwemakore matatu. Kunyange zvazvo upenyu mutorongo hwakanga hwakaoma zvikuru, nenzira yakati ndakakwanisa kurarama.
“Pashure pekudzoka kumusha ndichibva kutorongo, ndakakumbira mhuri yangu kundikanganwira zvikanganiso zvemunguva yakapfuura. Vakandigamuchira nomutsa, asi zvekare, shamwari dzakandipesvedzera kudzokera kunzira dzangu dzemunguva yakapfuura.
“Pakupedzisira, ambuya vangu vakarumbidza kumufundisi wemunzvimbomo kuti ndipinde chikoro chakati cheBhaibheri. Mufundisi wacho akabvuma. Zvisinei, ndisati ndatanga kupinda, tete vangu, avo vari mumwe weZvapupu zvaJehovha, vakataura kuti kana ndaida chaizvoizvo kudzidza Bhaibheri, ndaifanira kufunda neZvapupu.
“Ndakaenda kuHoro yoUmambo uye ndakasumwa kumumwe murume akabvuma kufunda Bhaibheri neni. Vakawanda vaivapo vakandikwazisa neushamwari uye vakaita kuti ndinzwe ndichifarirwa.
“Pashure pokunge ndatanga kufunda Bhaibheri nokupinda misangano yechiKristu, kuda mirimo kwakatsiviwa nechishuvo chekuswedera pedyo naMwari. Mushure megore ndakanga ndafambira mberi kusvika panguva yekutsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha Mwari, uye ndakaratidzira tsauriro iyoyo norubhabhatidzo rwemumvura.
“Nguva pfupi yapfuura, pandakanga ndichienda paimba neimba, ndakasangana nemumwe wevasonganiri vangu vekare vemirimo. Haana kugona kunzwisisa kuchinja kwangu kukuru. Izvi zvakavhura suo reuchapupu, uye ndakakwanisa kutaura kwaari pamusoro petariro yoUmambo.
“Pakupedzisira ndawana chinangwa chechokwadi nerevo muupenyu. Nemhaka yebetsero yaMwari nezano rinobva muShoko rake, zvino ndinokwanisa kubetsera vamwe kuzvibvisira muitiro unoshatsa wekushandisa mirimo zvisina kufanira.”