RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 9/15 pp. 3-7
  • Tiri Varombo bva Takapfuma—Zvinobvira Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tiri Varombo bva Takapfuma—Zvinobvira Sei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vakatendeka Vekare
  • Kuramba Takatendeseka
  • Kurwisana Nokuora Mwoyo
  • Simba Romunyengetero
  • Kukosha Kwokufunda Bhaibheri
  • Kudzidzisa Vana Nokuda Kwoupenyu
  • Chimiro Chendangariro Chokupa
  • Kuratidzira Kubishaira
  • Jehovha Anotsigira Vanhu Vake
  • Nguva Dziri Nani Dziri Mberi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Nzira Yokutarisana Nayo Nedenho Yetsika Yokuva Murombo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kuguma Kweurombo Kuri Kuswedera Pedyo
    Mukai!—1998
  • Nokukurumidza, Hapana Achava Murombo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 9/15 pp. 3-7

Tiri Varombo bva Takapfuma—Zvinobvira Sei?

Mazana amakore apfuura mumwe murume akachenjera akanyengeterera kuti arege kuva murombo. Nei akaita chikumbiro chakadaro? Nemhaka yokuti aitya kuti urombo hwaizonyandura mafungire nezviito zvaizokanganisa ukama hwake naMwari. Izvozvi zvinoonekwa mumashoko ake okuti: “Mundigutse nezvokudya zvakandifanira . . . [kuti] zvimwe [ndirege kuva] murombo, ndibe, ndimhure zita raMwari wangu.”—ZVIREVO 30:8, 9.

IZVI zvinoreva here kuti hazviiti kuti murombo abatire Mwari nokutendeka? Nyangwe! Munhau yose vabatiri vaJehovha Mwari vakawanda vakaramba vakatendeseka kwaari pasinei zvapo nenhamo inokonzerwa nourombo. Jehovha anodawo avo vanovimba naye uye anovagovera.

Vakatendeka Vekare

Muapostora Pauro pachake akava nenguva dzokushayiwa. (2 VaKorinte 6:3, 4) Akarondedzerawo ‘gore guru’ rezvapupu zvakatendeka zvenguva yakwaive kusati kwava nechiKristu, vamwe vavo “vakafamba vakafuka matehwe amakwai, nenguo dzembudzi; vasina chinhu . . . vachidzungaira mumarenje, nomumakomo, nomumapako, nomumakomba enyika.”—VaHebheru 11:37, 38; 12:1.

Mumwe wevakatendeka ivava aiva muporofita Eria. Mukati mekusanaya kwemvura kwemakore matatu nehafu, Jehovha akamugovera zvokudya nguva dzose. Kutanga, Mwari akaita kuti makondo aunzire muporofita wacho chingwa nenyama. (1 Madzimambo 17:2-6) Gare gare, Jehovha akachengeta mugove weupfu nemafuta nenzira inoshamisa zvakashandiswa neimwe chirikadzi kugovera Eria. (1 Madzimambo 17:8-16) Zvokudya zvacho zvakanga zvisiri machikichori, asi zvakararamisa muporofita, mukadzi wacho, nemwanakomana wake.

Jehovha nenzira yakafanana akatsigira muporofita Jeremia mukati menguva dzokushayikwa kwezvokudya. Jeremia akapukunyuka kukomberedzwa kweJerusarema navaBhabhironi, apo vanhu vaifanira ku“dya zvokudya zvakayerwa vachitya.” (Ezekieri 4:16) Pakupedzisira, nzara yaiva muguta yakava huru kwazvo zvokuti vamwe vakadzi vakadya nyama yevana vavo chaivo. (Mariro aJeremia 2:20) Kunyange zvazvo Jeremia akanga akasungwa nemhaka yokuparidza kwake kwokusatya, Jehovha akava nechokwadi chokuti aipiwa “bundu rechingwa” mazuva ose “kusvikira chingwa chose chapera muguta.”—Jeremia 37:21.

Naizvozvo Jeremia, saEria, aiva nezvishoma zvokudya. Magwaro haatiudzi kuti Jeremia aidyei kana kuti aidya kakawanda sei pashure pokunge chingwa chapera muJerusarema. Bva, tinoziva kuti Jehovha akamutsigira uye kuti akapukunyuka nguva iyoyo yakaoma yenzara.

Nhasi, nzara iri murutivi rwose rwenyika. Maererano neSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose, urombo hukurusa huri muAfrica. Imwe nyaya yepepanhau reSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose yakabudiswa muna 1996 yakati: “Inopfuura hafu yevanhu vose vomuAfrica varombo.” Pasinei zvapo nenguva dzakaoma dzokushayikwa kwemari, nhamba huru yevanhu vomuAfrica iri kushandisa nheyo dzeBhaibheri muupenyu uye vari kubatira Mwari nokutendeka, vaine chivimbo chokuti achavatsigira. Rangarira mimwe mienzaniso yechikamu chimwe chete chenyika yedu yatambudzika.

Kuramba Takatendeseka

Michael,a uyo anogara muNigeria, murimi ane vana vatanhatu vaanofanira kuchengeta. “Zvakaoma kutendeseka paunenge usina mari yokutarisira mhuri yako,” anodaro. “Pandinoedzwa kuva munhu asina kutendeseka, zvisinei, ndinozviyeuchidza VaEfeso 4:28, iyo inoti: ‘Wakaba, ngaarege kubazve; asi zviri nani kuti atambudzike, abate namaoko ake basa rakanaka, kuti ave nechaangapa unoshayiwa.’ Naizvozvo kana muedzo ukandivinga, ndinozvibvunza kuti, ‘Ndashandira mari iyi here?’”

“Somuenzaniso,” anowedzera kudaro Michael, “rimwe zuva pandakanga ndichifamba zvangu, ndakaona chikwama chichidonha pamudhudhudhu. Ndakatadza kumisa mutyairi wacho, naizvozvo ndakanhonga chikwama chacho ndokubva ndawana kuti chaiva chakazara mari! Ndichishandisa chitupa chaiva muchikwama chacho, ndakawana muridzi ndokumudzorera chikwama chacho.”

Kurwisana Nokuora Mwoyo

Mumwe murume ari kuNorth Africa akataura kuti: “Urombo [hwakafanana] nokudonhera mugomba rakadzama, uchikwanisa kuona chiedza uye vanhu vachifamba zvavo vakasununguka, asi usina inzwi kuti ubatsirwe kana kuti manera okukwirisa.” Hazvishamisi kuti urombo hunowanzoodza mwoyo nokushungurudza! Kunyange vabatiri vaMwari vangaona upfumi hwevamwe vobva vatanga kufunga kuti upenyu hwokutendeseka hahubatsiri. (Enzanisa nePisarema 73:2-13.) Mirangariro yakadaro inogona sei kukurirwa?

Peter, wekuWest Africa, akarega basa pashure pemakore 19 achishandira hurumende. Pari zvino anorarama nepenjeni duku yaanowana. “Pandinoodzwa mwoyo,” anodaro Peter, “Ndinozviyeuchidza zvandakarava muBhaibheri uye muzvinyorwa zveWatch Tower Society. Tsika ino yezvinhu yava pedyo nokuparara, uye tiri kumirira nyika iri nani.

“Uyewo, ndinofunga nezva1 Petro 5:9, iyo inoti: ‘Mumudzivisei [Satani], makamira nesimba pakutenda, muchiziva kuti kutambudzika ikoko kunoitirwa hama dzose dziri panyika.’ Naizvozvo handizirini ndega ndiri kutambura nenhamo. Zviyeuchidzo izvi zvinobatsira kubvisa pfungwa dzinoodza mwoyo.”

“Kunze kwezvo,” Peter anowedzera kudaro, “Jesu akaita zvishamiso zvizhinji paaiva pasi pano, kunyange zvazvo asina kupfumisa munhu upi noupi. Nei ndichifanira kukarira kuti andipfumise?”

Simba Romunyengetero

Kuswedera pedyo naJehovha Mwari mumunyengetero ndeimwe nzira yokurwisa nayo kufunga kwakaipa. Mary paakava mumwe weZvapupu zvaJehovha muna 1960, mhuri yake yakamuramba. Haana kuroorwa uye pari zvino ane makore okuma50, haana utano hwakanaka uye ane zvishomanene zvokunyama. Kunyange zvakadaro, anoshingaira muushumiri hwechiKristu.

Mary anoti: “Pandinoodzwa mwoyo, ndinonyengetera kuna Jehovha. Ndinoziva kuti hakuna munhu anogona kundibatsira zvikuru kupfuura zvaanogona kuita. Ndakadzidza kuti paunovimba naJehovha, anokubatsira. Ndinogaroyeuka aya mashoko aMambo Dhavhidhi, anowanwa paPisarema 37:25 anoti: ‘Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; kunyange zvakadaro handina kutongoona wakarurama achisiyiwa, kana vana vake vachipemha zvokudya.’

“Ndinokurudzirwawo nezvakaitika zvehama nehanzvadzi dzakura dzinorondedzerwa muNharireyomurindi. Jehovha Mwari akavabatsira, naizvozvo ndinoziva kuti acharamba achindibatsirawo. Anokomborera basa rangu duku rokutengesa fufu [mufarinya], uye ndinokwanisa kuzvigovera zvandinoda zvezuva nezuva. Pane dzimwe nguva pandinenge ndisina kana mari zvayo ndichinetseka kuti ndoitei, Jehovha anotumira mumwe munhu anondipa chipo ndokuti, ‘Hanzvadzi, ndapota gamuchirayi.’ Jehovha haasati ambondiodza mwoyo.”

Kukosha Kwokufunda Bhaibheri

Zvapupu zvaJehovha zvinokoshesa kufunda Shoko raMwari, Bhaibheri, uye varombo pakati pavo havasiyiwi. John ane makore makumi matanhatu anobatira sapiyona (muparidzi woUmambo wenguva yakazara) uye mubatiri anoshumira muungano. Anogara mune rimwe dangwaza rine uriri huviri rinogarwa nemhuri 13. Kamuri rake chikamu cheuriri hwokutanga, rakaganhurwa nemapuranga. Mukati maro mune zvigaro zviviri zvakasakara netafura yakazara nemabhuku okufunda Bhaibheri. Anorara parukukwe.

John aichimboita anenge madhora gumi nemaviri pazuva nokutengesa chingwa, asi apo kupinzwa kwegorosi munyika kwakarambidzwa, akabva ashaya chokurarama nacho. Anoti: “Zvinhu zvinondiomera pane dzimwe nguva, asi ndinoramba ndichipayona. NdiJehovha anonditsigira. Ndinoita basa ripi neripi randinogona kuwana uye handivimbi nomunhu upi noupi kuti anditsigire kana kuti kundidyisa, kunyange zvazvo hama dziri muungano dzichibatsira zvikuru. Dzinondibatsira kutsvaga basa uye pane dzimwe nguva dzinondipa zvipo zvemari.

“Ndinova nenguva yokurava Bhaibheri nezvinyorwa zveWatch Tower Society. Ndinofunda mangwanani-ngwanani pakunenge kwakanyarara uye ndinorava usiku chaihwo patinenge tiine magetsi. Ndinoziva kuti ndinofanira kuramba ndichiita fundo yemunhu oga.”

Kudzidzisa Vana Nokuda Kwoupenyu

Daniel ipfunda ine vana vatanhatu. Muna 1985 akarasikirwa nebasa rake raakanga agara naro kwemakore 25, asi akawana basa somutengesi wemuchitoro. “Upenyu hwakaomera mhuri mune zvemari,” anodaro. “Pari zvino tinodya kamwe bedzi pazuva. Pane imwe nguva, takapedza mazuva matatu tisina kudya. Takangokwanisa bedzi kunwa mvura kuti tirarame.”

Daniel anoshanda somukuru muungano. “Handimboregi kupinda misangano yechiKristu, uye ndinoramba ndakabatikana nemigove youbati ushe hwaMwari,” anodaro. “Pakunenge kune basa ripi neripi rinoda kuitwa paHoro yoUmambo, ndinova nechokwadi chokuti ndiripo. Uye zvinhu pazvinenge zvakaoma, ndinozviyeuchidza nezvemashoko aPetro kuna Jesu, akanyorwa pana Johane 6:68: ‘Ishe, tichagoenda kunaaniko?’ Kana ndikarega kubatira Jehovha, ndinoendepi? Mashoko aPauro atinowana pana VaRoma 8:35-39 anondizadzawo nekutsunga nemhaka yokuti anoratidza kuti hapana chinhu chinogona kutiparadzanisa nerudo rwaMwari naKristu. Ndizvo zvandinodzidzisa vana vangu. Ndinogarovaudza kuti hatimbofaniri kusiya Jehovha.” Kushingaira kwaDhanieri, kwakabatanidzwa nokufunda Bhaibheri semhuri nguva dzose, kwakava nepesvedzero yakanaka pavana vake.

Chimiro Chendangariro Chokupa

Mumwe munhu angafunga kuti avo vari kurarama muurombo hwakanyanya havakwanisi kupa mari yokutsigira zvinodikanwa zvoUmambo. Asi hazvina kudaro. (Enzanisa naRuka 21:1-4.) Zvimwe Zvapupu zvomuGhana zvinorarama nokurima zvinosarudza chikamu chemunda wazvo chichashandiswa kutsigira fariro dzoUmambo hwaMwari. Goho rechikamu ichocho chemunda wavo parinotengeswa, mari yacho inoshandiswa yose nokuda kwedonzo iroro, iro rinobatanidza kupa mipiro paHoro yoUmambo yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha.

Joan, uyo anogara muCentral Africa, ndipiyona. Kuti atarisire murume wake akaoma mutezo uye vamwe vanhu vaanotarisira vana, anotengesa chingwa. Ungano yaanopinda payaida mabhenji eHoro yoUmambo, mhuri yaJoan yakasarudza kupa mari yavaiva nayo mumba mavo. Vakasara vasina chinhu. Zuva rakatevera racho, zvisinei, mumwe munhu akabhadhara chikwereti chaakanga akwereta kare, zvichivapa mari yavakanga vafunga kuti vaisazoiwanazve!

Joan anofara uye haanetseki zvisina kufanira pamusoro pemari. “Ndinotsanangura mumiriro wangu wezvinhu kuna Jehovha mumunyengetero, ndobva ndaenda mubasa romumunda. Tinoziva kuti kune tariro shomanene yenguva dziri nani mutsika ino yezvinhu. Bva, tinoziva kuti Jehovha achatigovera zvatinoda.”

Kuratidzira Kubishaira

Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa nokudanana kwazvo. (Johane 13:35) Vaya vane mari vanobatsira vamwe vaKristu vanoshayiwa. Izvozvi zvinowanzoitwa sechipo uye pane dzimwe nguva kubatsirwa kuwana basa.

Mark, uyo anogara muCongo, anotambura nemaperembudzi. Akaremadza zvigunwe zvake neminwe. Kuti afambe, anotsamira pamadondoro. Apo Mark akasarudza kubatira Jehovha, akatanga kuita chinjo huru muupenyu hwake. Panzvimbo pokukumbira zvokudya sezvaaichimboita, akatanga kurima zvake oga. Akakanyawo zvidhina, zvaakatengesa.

Pasinei zvapo nokuremara kwake, Mark akapfuurira kubishaira. Pakupedzisira akatenga nzvimbo ndokuvaka imba yakanaka. Nhasi, Mark anoshanda somukuru muungano uye anoremekedzwa zvikuru mutaundi maanogara. Pari zvino anobatsira vamwe vanoshayiwa.

Chokwadika, munzvimbo zhinji basa hariwaniki. Mumwe mukuru wechiKristu anobatira pane rimwe ramapazu eWatch Tower Society muCentral Africa akanyora kuti: “Hama dzakawanda kuno hadzishandi. Vamwe vanoedza kuita mabasa avo voga, asi izvozvi zvakaoma. Vakawanda vakarangarira kuti sezvo vachizotambura pasinei zvapo nezvavachaita, vacharega zvimwe zvinhu zvokunyama vachibatira savashumiri vari mapiyona. Mukuita kudaro, vakawanda vanokomborerwa zvikuru kupfuura kudai vakanga vaine basa rinobhadhara zvishoma kana kuti risingabhadhari.”

Jehovha Anotsigira Vanhu Vake

Jesu Kristu akati nezvake: “Mhunguhwe dzine mwena, neshiri dzokudenga dzine matendere, asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake.” (Ruka 9:58) Nenzira yakafanana, muapostora Pauro akanyora kuti: “Kusvikira nguva ino isu tine nzara, tine nyota, hatina chatingafuka, tinorohwa netsiva, hatina nzvimbo kwayo yokugara.”—1 VaKorinte 4:11.

Vose vari vaviri Jesu naPauro vakasarudza kurarama upenyu hune zvishoma zvokunyama kuitira kuti vagogona kuronda zvizere ushumiri hwavo. VaKristu vakawanda vomuzuva razvino varombo nemhaka yokuti hapana chavanogona kuita. Kunyange zvakadaro, vanoshandisa nheyo dzeBhaibheri muupenyu ndokutsvaka kubatira Mwari nokushingaira. Vanoziva kuti vanodiwa zvikuru naJehovha sezvavanowana chokwadi chevimbiso yaJesu yokuti: “Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwake; izvozvi zvose [zvinhu zvokunyama] zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateo 6:25-33) Uyezve, ava vabatiri vaMwari varombo vane ufakazi hwokuti “kuropafadza kwaJehovha ndiko kunopfumisa.”—Zvirevo 10:22.

[Mashoko Omuzasi]

a Mazita asiri avo akashandiswa munyaya ino.

[Bhokisi riri papeji 6]

“Vaiti veShoko” Ndivanaani?

MAERERANO nekunzvera kweGallup kwa1994, 96 muzana yevagari vokuAmerica “inodavira Mwari kana kuti mudzimu uri muchisiko chose.” Kunewo “paavhareji machechi akawandisa muUnited States kupfuura imwe nyika ipi neipi Pasi pano,” yakadaro U.S.News & World Report. Pasinei zvapo nokuwanda kwakadaro kwemachechi, nyanzvi yokunzvera George Gallup, Jr., inoti: “Chokwadi chaicho ndechekuti, vagari vokuAmerica vakawanda havazivi chavanodavira kana kuti nei vachichidavira.”

Ufakazi hunoratidzawo kuti pane musiyano mukuru pakati pekutenda kwevanhu kworudzidziso nezviito zvavo. Somuenzaniso, “nyanzvi dzezvemagarire evanhu dzinotaura kuti dzimwe nharaunda dzine utsotsi hukuru zvikurusa hwenyika ndidzowo nzvimbo dzine vanhu vanodavira zverudzidziso,” anodaro munyori Jeffery Sheler.

Izvi hazvishamisi. Nei? Nekuti kare muzana ramakore rokutanga, muapostora Pauro akanyevera vamwe vaKristu kuti vangwarire avo “vanoti, tinoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo.” (Tito 1:16) Mukuwedzera, Pauro akaudza jaya Timotio kuti “mazuva okupedzisira” aizoratidzirwa navanhu “vanomufananidzo bedzi wokunamata Mwari, asi vakarasha simba rako.”—2 Timotio 3:1, 5.

VaKristu vechokwadi, zvisinei, vanoita unani hwavo kutevera murayiro waJesu Kristu wokuti “endai . . . mudzidzise marudzi ose.” (Mateo 28:19) Neiyi nzira vanova “vaiti veshoko, [kwete, NW] vanzwi voga.”—Jakobho 1:22.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kufunda Bhaibheri kunokosheswa nevanhu kupota nyika

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe