RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 9/15 pp. 21-24
  • Nzira Yokuramba Tine Mufaro Mubasa Renguva Yakazara

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzira Yokuramba Tine Mufaro Mubasa Renguva Yakazara
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kurwisana Nokuodzwa Mwoyo
  • Kuwirirana Nevamwe
  • Paunenge Usina Utano Hwakanaka
  • Kuramba Tine Mufaro Pasinei Zvapo Nokusakendenga Kwevanhu
  • Kurudziro Inobva Kuvamwe
  • Mufaro waJehovha—Nhare Yedu
  • Fungai Vaya Vari Mubasa Renguva Yakazara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • “Kutanga Kutsvaka Umambo”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kukoshesa Zvikuru Ropafadzo Dzebasa Rinoyera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 9/15 pp. 21-24

Nzira Yokuramba Tine Mufaro Mubasa Renguva Yakazara

KUZADZIKWA kwouporofita hweBhaibheri kunoratidza zvakajeka kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira etsika ino isingadi Mwari. Vachiziva izvozvi, vabatiri vaJehovha Mwari vanopedza nguva yakawanda yavanogona vachiparadzira mashoko akanaka oUmambo hwake. Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura 600 000 zvakaronga upenyu hwazvo kuitira kuti zvive mubasa renguva yakazara. Vamwe vavo vazivisi voUmambo venguva yakazara vanonzi mapiyona. Vamwe vazvipiri vepaBheteri padzimbahwe reWatch Tower Society kana kuti mahofisi ayo ebazu. Vamwewo vafundisi nevatariri vanofambira.

Bhaibheri rinoratidzira kuti mumazuva okupedzisira, kwaizova ne“nguva dzokutambudzika.” (2 Timotio 3:1-5) Mashoko echiGiriki eBhaibheri anoshandisa kutaura kungashandurwa kunzi “nguva dzakagadzwa dzinotyisa.” Nokudaro, hapana munhu anofanira kukarira upenyu husina zvinetso muzuva redu. Kuvamwe vashumiri vechiKristu, zvinetso zvinoratidzika sezvakakura kwazvo zvokuti vanozvibvunza kuti, ‘Ndinogona here kupfuurira mubasa renguva yakazara, kana kuti ndinofanira kurega?’

Ndeapi mamiriro ezvinhu angaita kuti mumwe munhu arangarirezve basa rake sapiyona, muzvipiri wepaBheteri, mutariri anofambira kana kuti mufundisi? Zvimwe ari kurwara zvakakomba. Zvichida hama yakwegura kana kuti iri kurwara inoda kutarisirwa nguva dzose. Vakaroorana vangava vari kuda kutanga mhuri. Munhu upi noupi anorega basa renguva yakazara nokuda kwezvikonzero zvakadaro uye nemhaka yemisengwa yemuMagwaro haafaniri kunzwa achinyara kuita chisarudzo chacho.

Zvisinei, zvakadini kana mumwe munhu ari kuronga kurega basa renguva yakazara nemhaka yokuti haasi kufara? Zvichida piyona anoona vanhu vasiri kunyatsogamuchira muushumiri hwake ndokubvunza kuti, ‘Nei ndichifanira kuramba ndakazvipira kurega zvimwe zvinhu kana vashomanene vachiteerera?’ Zvichida muzvipiri wepaBheteri haasi kunyatsofara nemugove wake. Kana kuti hungava utano hunonetsa, nepo husingadzivisi basa roupiyona, hunokanganisa mufaro womunhu pakupedzisira. Vanhu vakadaro vanogona sei kuchengeta mufaro wavo? Ngatirangarirei zvinotaura vamwe vashumiri vane ruzivo rwokuzviwanira.

Kurwisana Nokuodzwa Mwoyo

Anny, uyo anobva kuSwitzerland, akapinda Watchtower Bible School of Gilead muna 1950. Aikarira mugove woufundisi mhiri kwamakungwa. Paakagoverwa kuita basa repaBheteri muEurope, Anny akaodzwa mwoyo. Kunyange zvakadaro, akagamuchira mugove wake muBato reShanduro uye achiri kuita basa iroro. Akakurira sei kuodzwa mwoyo kwake? “Kwaiva nebasa rakawanda rokuita uye richiriko. Zvandinoda nezvandinofarira hazvikoshi sezvinoita basa racho,” anotsanangura kudaro Anny.

Kana tisingafariri mugove wedu, zvichida tinogona kuva nechimiro chendangariro chaAnny. Zvatinoda hazvikoshi zvikuru. Chinokosha zvikuru ndechekuti migove yose yakasiyana-siyana ine chokuita neshoko roUmambo iitwe zvakanaka. Zvirevo 14:23 inotitaurira kuti “kubata kwose kune batsiro.” Pasinei zvapo nemugove watakapiwa, kuuita nokutendeka kunokonzera kuti basa roUmambo riitwe. Uye tinogona kugutswa zvikuru—hongu, kufara—mubasa rakadaro rakapiwa naMwari.—Enzanisa na1 VaKorinte 12:18, 27, 28.

Kuwirirana Nevamwe

Basa renguva yakazara rinobatanidza kusangana nevanhu vakasiyana-siyana—mubasa romumunda, paBheteri, mumusha wevafundisi, kana kuti kushanyira ungano imwe pashure peimwe somutariri anofambira. Nokudaro, mufaro unotsamira pamwero mukuru pakuwirirana nevamwe. Zvisinei, ‘nguva dzinotyisa’ dzakafanotaurwa nokuda kweano mazuva okupedzisira dzinokanganisa zvikuru ukama hwevanhu. Mushumiri anogona sei kudzivisa kurasikirwa nomufaro wake, kunyange kana mumwe munhu akamugumbura? Zvichida tinogona kudzidza chimwe chinhu kuna Wilhelm.

Wilhelm akava mutezo wemhuri yeBheteri muEurope muna 1947. Pashure pezvo, akapedzera nguva mubasa roupiyona uye mukubatira somutariri anofambira. “Kana mudzimai wangu neni tikaona zvatinofunga kuti hazvina kururama kana kuti zvinotinetsa isu savanhu, tinoudza Jehovha manzwire atinoita ndokumusiyira kuti agadzirise zvinhu,” Wilhelm anotsanangura kudaro.—Pisarema 37:5.

Zvichida iwe pachako wakanetswa nemufambiro wemuKristu biyako uyo akataura newe asingaremekedzi kana kuti nenzira isina mufungo. Yeuka kuti tose zvedu tinokanganisa kakawanda mukutaura kwedu. (Jakobho 3:2) Naizvozvo kuregererei kushandisa aya mamiriro ezvinhu kuswedera pedyo ne“Munzwi wemunyengetero”? (Pisarema 65:2, NW) Taura naJehovha nezvenhau yacho, uye isiye mumaoko ake. Kana Mwari achida kuita kuti zvinhu zvichinje, achaita kudaro. Vaya vari kurarama mumusha wavafundisi vangada kuyeuka izvozvi kana kuora mwoyo kukavapo, sezvo zvichavabetsera kuramba vane mufaro wavo mubasa raJehovha.

Paunenge Usina Utano Hwakanaka

Vanhu vashomanene vanofarikanya utano hwakanaka nguva dzose. Kunyange avo vanonzi vachiri kutemwa dzinobuda ropa vangaora mwoyo kana kuti vangabatwa nechirwere. Utano husina kunaka hunoita kuti zvive madikanwa kuti vamwe varege basa renguva yakazara, asi pashure pezvo vanoita basa rakaisvonaka sevaparidzi voUmambo. Vamwe, zvisinei, vanokwanisa kuramba vari mubasa renguva yakazara pasinei zvapo neutano husina kunaka. Somuenzaniso, rangarira Hartmut naGislind.

Hartmut naGislind varoorani vakapedza makore 30 samapiyona, vafundisi, uye mubasa rokufambira. Vose vari vaviri vakava nezvirwere zvakakomba izvo pane dzimwe nguva zvakavasiya vapera muviri nemirangariro. Kunyange zvakadaro, vakaita basa rakaisvonaka uye vakakwanisa kukurudzira vamwe vari kunetsekawo nemiedzo yakafanana. Vanopa zanoi? “Tarira kune ramangwana kwete kare. Shandisa mamiriro ose ezvinhu zvakanaka. Zuva rimwe nerimwe ringaunza mukana mumwe chete wokurumbidza Jehovha. Shandisa mukana iwoyo, uye ufarikanye.”

Rangarira chakaitika chaHannelore. Akanetswa nechirwere chinopfuurira mukati memakore ake 30 sapiyona, mufundisi, mubasa rokufambira nemurume wake, uye mubasa repaBheteri. Hannelore anoti: “Ndinofungisisa nezvenhau yakamutswa naSatani—yokuti vanhu vanongobatira Jehovha bedzi pazvinenge zviri nyore kuti vaite kudaro. Kupfurikidza nokutsungirira miedzo, ndinogona kuva nerutivi mukubvumikisa kuti Satani haana kururama.” Izvozvi zvinogona kuva kurudziro inokosha. Yeuka kuti kuvimbika kwako kwomunhu oga kuna Jehovha paunenge uri mumuedzo kunokosha kwaari.—Jobho 1:8-12; Zvirevo 27:11.

Paunenge uchiedza kuita chisarudzo chakadzikama pamusoro peutano hwako, rangarira mativi maviri ouporofita hwaJesu Kristu pamusoro pemhedziso yetsika yezvinhu. Jesu akafanotaura nezvokuperevedza kwezvokudya munzvimbo pashure penzvimbo. Akatiwo: “Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose.” (Mateo 24:3, 14; Ruka 21:11) Jesu aiziva kuti mumazuva okupedzisira, vateveri vake vaizotambura nekurwara. Asi aiziva kuti basa rokuparidza raizoitwa kwete bedzi nevanhu vane utano hwakanaka asiwo nevanhu vanotambura zvirwere zvakakomba. Kana tichikwanisa kupfuurira mubasa renguva yakazara pasinei zvapo noutano husina kunaka, Jehovha haazombokanganwi rudo rwatakaratidza nokuda kwezita rake.—VaHebheru 6:10.

Kuramba Tine Mufaro Pasinei Zvapo Nokusakendenga Kwevanhu

Mafungire edu anogona kuchinjwa nekugamuchira kunoita vanhu basa rokuparidza Umambo. “Kunyange mapiyona anozviwana zvakaoma kukurukura nasaimba,” akadaro mumwe mushumiri ane ruzivo rwokuzviwanira. “Tose zvedu tinofanira kurwisa kuti tirambe tine mufaro wedu.” Hongu, kusakendenga kwevanhu kunogona kupedza mufaro wedu mubasa remumunda. Naizvozvo piyona anogarosangana nokusaitira hanya anogona sei kuramba ane mufaro wake? Vashumiri vane ruzivo rwokuzviwanira vanopa zvikarakadzo zvinoshanda zvakaedzwa.

Kusakendenga kunonetsa, asi hakufaniri kutikunda. Kusakendenga kwavanhu kwoga, hakusi chikonzero chokurega basa renguva yakazara. Tinogona kuramba tine mufaro wedu pasinei zvapo nokusakendenga kwevanhu kana tikatsaura nguva yokufunda Magwaro nokushingaira. Anoti‘shongedzera basa rose rakanaka,’ uye izvozvo zvinobatanidza kutaura neavo vasingadi kuteerera mashoko akanaka. (2 Timotio 3:16, 17) Kunyange zvazvo vanhu vaisada kuteerera muporofita Jeremia, izvozvo hazvina kumuita kuti arege. (Jeremia 7:27) Patinenge tichifunda Bhaibheri tichibetserwa nezvinyorwa zvechiKristu, tinogona kubetserwa zvikuru kana tikacherekedza mifungo inosimbisa kutenda kwedu iyo inotibetsera kubata nekusakendenga.

Sezvo kusakendenga kuchinetsa, ngatinzverei chimiro chedu chendangariro kune avo vatinoparidzira. Nei vasingaitiri hanya? Chimwe chikonzero chokusakendenga kwakapararira mumativi eEurope, somuenzaniso, kuipa kworudzidziso rwenhema. Vanhu havacharangariri kuti rudzidziso rwune nzvimbo muupenyu hwavo, uyewo havadi chinhu chipi nechipi chine chokuita norudzidziso. Tinofanira kuva vanhu vanochinjika, tichitaura nevanhu pamusoro penhau dzinovatapura, dzakadai sekushayikwa kwemabasa, utano, utsotsi, kusashivirira, mhoteredzo, uye kutyisidzira kwehondo.

Mumashoko edu okutanga kuna saimba, tingadudza nhau iri kufungwa nevanhu vomunzvimbomo. Ndizvo zvakaedza kuitwa naDietmar paakanga achiparidza mumusha maakanga achiva nebudiriro shoma. Mumwe mugari wemunzvimbomo akadudza kuti musha wose wakanga wava nengwavaira nezuro wacho. Pasuo riri rose pashure pezvo, Dietmar akaratidza kusuruvara kwapachokwadi pamusoro pengwavaira yacho. “Kamwe kamwe, vanhu vakatanga kutaura,” akadaro. “Ngwavaira yacho yaiva mundangariro yomunhu wose. Ndakakurukura zvakaisvonaka zuva iroro nemhaka yokuti ndakaratidza kufarira upenyu hwavo.”

Tinoda kupa vanhu uchapupu hwoUmambo kwose kwatinovawana. Kupupura kusina kurongwa kungava kunobudirira, uye tinogona kuzvirovedza mumubato uyu kupfurikidza nokushandisa zvikarakadzo zvinowanwa muzvinyorwa zveBhaibheri. Mufaro unogona kubva mumashoko mashomanene oushamwari kana kuti pakugovera makopi emagazini eNharireyomurindi neMukai! kuna saimba. Kana takaita shanyo dzedzokerero uye takavamba kuitisa munhu anofarira fundo yeBhaibheri, tingawana mhinduro kupfurikidza nokubvunza kuti: “Munoziva mumwe munhu here angada kufunda Bhaibheri?” Izvozvi zvingaguma nekutanga imwe fundo yeBhaibheri yapamusha. Muchiitiko chipi nechipi, ngativei vakarurama, tichivimba naJehovha nenzira yokunyengetera, tisingaiti kuti kusakendenga kwevanhu kutiodze mwoyo.

Kurudziro Inobva Kuvamwe

Jürgen naChristiane vave vachipayona uye vari mubasa rokufambira kwemakore anopfuura 30. Vakambova nemugove waibatanidza kuparidza munzvimbo umo vanhu vakawanda vakanga vasingakendengi uye vakanga vakasindimara. Jürgen nemudzimai wake vaishuva zvikuru kurudziro! Nokuda kwechikonzero chakati, zvisinei, vamwe vaiva muungano havana kugovera chinodikanwa chavo.

Naizvozvo Jürgen anoziva kubva muchakaitika chacho kuti “mamwe mapiyona anova nenguva yakaoma. Anoda kukurudzirwa zvikuru kunobva kuvakuru nevamwe vaparidzi.” Mwari akaudza Mosesi kuti akurudzire nokusimbisa Joshua. (Dheuteronomio 3:26-28) Uye vaKristu vanofanira kuva vanokurudzirana. (VaRoma 1:11, 12) Vaparidzi voUmambo vanogona kukurudzira avo vari mubasa renguva yakazara kupfurikidza nemashoko anovaka uye kupfurikidza nokuva navo muushumiri hwavo panguva nenguva.

Mufaro waJehovha—Nhare Yedu

VaKristu vakapedza nguva refu youpenyu hwavo samapiyona kana kuti vafundisi, vachibatira paBheteri, kana kuti vachishanyira ungano mubasa rokufambira vakawana kuti zvinetso zvizhinjisa ndezvenguva pfupi, asi zvimwe zvinogara nguva refu. Kunyange zvinetso zvishomanene zvinoita kunge zvisingazomboperi hazvifaniri kutibira mufaro wedu. Ramon, uyo akabatira mune nyika isiri yokwake kwemakore anopfuura 45, anokarakadza kuti pari pose patinosuruvariswa nezvinetso, “tinofanira kufunga nezvezvikomborero zvakawanda zvatinazvo uye nezvezviuru zvevamwe vanotambura nhamo dzakatokura.” Zvirokwazvo, vatinonamata navo vari kutambura mupasi rose, uye Jehovha anotiitira hanya chaizvoizvo tose zvedu.—1 Petro 5:6-9.

Naizvozvo, ipapoka, kana mamiriro edu ezvinhu achitibvumira kuva mubasa renguva yakazara ndokuramba tirimo, ngatichengetei mufaro wedu kupfurikidza nokuvimba naBaba vedu vokudenga. Vanosimbisa vabatiri vavo, uye tose zvedu tinofanira kuyeuka kuti ‘mufaro waJehovha inhare yedu.’—Nehemia 8:10.

[Mufananidzo uri papeji 21]

“Zvandinoda nezvandinofarira hazvikoshi sezvinoita basa racho”

[Mufananidzo uri papeji 22]

“Tinoudza Jehovha manzwire atinoita ndokumusiyira kuti agadzirise zvinhu”

[Mifananidzo iri papeji 23]

“Shandisa mamiriro ose ezvinhu zvakanaka. Zuva rimwe nerimwe ringaunza mukana mumwe chete wokurumbidza Jehovha”

[Mufananidzo uri papeji 23]

“Kupfurikidza nokutsungirira miedzo, ndinogona kuva nerutivi mukubvumikisa kuti Satani haana kururama”

[Mifananidzo iri papeji 24]

“Mamwe mapiyona anova nenguva yakaoma. Anoda kukurudzirwa zvikuru kunobva kuvakuru nevamwe vaparidzi”

[Mufananidzo uri papeji 24]

“Tinofanira kufunga nezvezvikomborero zvakawanda zvatinazvo”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe