Mushumo Wavazivisi voUmambo
Kukurira Zvinetso Mu“nyika Yezvisingakarirwi”
MUAPOSTORA Pauro akabvunza vaKristu vomuzana rokutanga ramakore muKorinte kuti: “Kana hwamanda isingariri kwazvo, ndianiko ungazvigadzira kundorwa? Zvakadarowo nemi, kana musingatauri norurimi mashoko anonatsozivikanwa, zvinotaurwa zvichazikanwa seiko?”—1 VaKorinte 14:8, 9.
MuPapua New Guinea, pane dzimwe nguva inonzi Nyika Yezvisingakarirwi, Zvapupu zvaJehovha zvakasangana nemhinganidzo dzinotyisa mukuparidza shoko rakajeka reBhaibheri. Zvinoparidza kuvanhu vanotaura mitauro inopfuura 700 yakasiyana-siyana uye vane mhatsa yakasiyana yetsika. Zvapupu zvinotamburawo nenzvimbo yemakomo, kushayikwa kwemigwagwa, uye utsotsi huri kuwedzera. Pasinei zvapo nezvinetso zvose izvi, pane chishoro chinobva kumapoka orudzidziso akati uye, padzimwe nguva, kunyange kuvakuru vakuru vezvikoro.
Kunyange zvakadaro, murayiridzo wakanaka womudzimu uye raibhurari huru yemabhuku okufunda Bhaibheri mumitauro yomunzvimbomo zviri kushongedzera Zvapupu kuti zviparidze mashoko akanaka sokurira kwehwamanda kwakajeka. Kazhinji kazhinji kugamuchira kwacho kwakanaka, sezvinoratidza mishumo inotevera:
• Pakutanga kwegore idzva rechikoro, mumwe mudzidzisi aida kuziva chikonzero nei vana veZvapupu zvaJehovha vakanga vasingakwazisi mureza kana kuti kuimba rwiyo rwenyika. Akanangidzira mubvunzo wake kuna Maiola, mudzidzi aiva nemakore 13 okukura ari chapupu chakabhabhatidzwa. Maiola akatsanangura zvakajeka, zvakavakirwa muMagwaro. Mudzidzisi akagamuchira kurangarira kwake sezvo kwaibva muBhaibheri. Kutsanangura kwake kwakagoveranwawo navose vaishanda pachikoro.
Gare gare, vadzidzi pavakanzi vanyore rondedzero, Maiola akasarudza nhau yeUtatu. Rondedzero yake yakawana mamakisi akawanda mukirasi yacho, uye mudzidzisi wacho akamubvunza kuti akanga awanepi mashoko acho. Akamuratidza bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano mumutauro wechiNgezi. Mudzidzisi wacho akapfuurira kupa bhuku racho kukirasi yose, uye vakawanda vakanga vachida kopi yavo. Zuva rakatevera racho, Maiola akagovera mabhuku 14 nemagazini 7 kuvaaidzidza navo pachikoro chimwe, uye akatanga fundo dzeBhaibheri navatatu vavo. Vavariro yaMaiola ndeyokuva mushumiri wenguva yakazara.
• Rimwe boka riri roga reZvapupu zvaJehovha raiva mumusha waiva pedyo nePort Moresby rakatarisana nechishoro chibviro chokuvamba kwama1970. Nguva pfupi yapfuura, zvisinei, vakagamuchira betsero yaibva kwavakanga vasingakariri. Bhishopi weUnited Church ikoko, chizvarwa chokuPapua New Guinea icho chakadzidza mhiri kwamakungwa, akakumbira kuti vateereri vabvunze mibvunzo muchechi rimwe zuva. Mumwe murume akabvunza kuti: “Mumusha medu mune marudzidziso maviri—United Church neZvapupu zvaJehovha. Tinofanira kuitei apo Zvapupu zvinouya kusuo redu?” Pashure pokumira kwenguva refu, bhishopi wacho akapindura kuti: “Munoziva, chaizvoizvo handizivi kuti ndokutaurireyi. Nguva pfupi yapfuura, Zvapupu zviduku zviviri zvakauya kusuo rangu. Zvakandibvunza mubvunzo, uye nekurovedzwa kwose kwandakaitwa kuyunivhesiti, ndakanga ndisingazivi mhinduro yacho. Asi zvakandipa mhinduro yacho kubva muBhaibheri nyore nyore. Naizvozvo handisi kuzokuudzai zvokuita—ndichazvisiyira kwamuri. Hamufaniri henyu kuteerera kana musingadi, asi musavaitira hasha.”
Mumwe mumiriri anofambira weWatch Tower Society uyo gare gare akashanyira iri boka reZvapupu akashuma kuti: “Anenge munhu ari wose mumusha macho akateerera Zvapupu pazvakanga zvichiparidza. Vamwe vakatozvipinza mudzimba dzavo. Iparadhiso yokuparidza zvino.”