Vakaita Kuda kwaJehovha
Muenzaniso Wokuzvipira uye Wokuvimbika
KUMURIMI muduku ainzi Erisha, rakatanga sezuva romuitiro wokurima rakaguma nokuva zuva rinokosha zvikurusa muupenyu hwake. Paakanga achishanda mumunda, Erisha akagamuchira mushanyi asingakarirwi Eria, muporofita mukurusa waIsraeri. ‘Angadei kwandiri?’ Erisha angava akashamisika. Akanga asingafaniri kumirira mhinduro kwenguva yakareba. Eria akakandira Erisha jasi rake, achiratidzira kuti rimwe zuva Erisha ndiye aizomutsiva. Erisha haana kurerutsa kudanwa uku. Pakarepo, akasiya munda wake ndokuva mubatiri waEria.—1 Madzimambo 19:19-21.
Anenge makore matanhatu gare gare, nguva yokuti Eria aende yakasvika. Nhoroondo yokuenda kwake yakadanwa kuti “imwe yenhoroondo dzinofadza zvikurusa” muMagwaro echiHebheru.
Eria Anogadzirira Kuenda
Eria aida kushanyira Bheteri, Jeriko, uye Joridhani kekupedzisira. Izvi zvaizobatanidza mamayira akawanda okufamba, mamwe acho munzvimbo dzakaipa dzine makomo. Pose pavaisvika, Eria aikurudzira Erisha kusara. Asi Erisha akaomerera pakuramba ana tenzi wake kusvikira kumugumo.—2 Madzimambo 2:1, 2, 4, 6.
Pavakanga vari kuBheteri uye kuJeriko, “vanakomana vavaporofita” vakasvika Erisha.a “Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi?” vakamubvunza kudaro. “Hongu, ndinoziva,” akapindura kudaro. “Nyararai henyu.”—2 Madzimambo 2:3, 5.
Eria naErisha tevere vakananga kuRwizi rwaJoridhani. Pavakasvika paJoridhani, Eria akaita chishamiso apo vanakomana vanenge 50 vevaporofita vakanga vachitarira vari nechokure. “Eria akatora nguo yake, akaipeta, akarova mvura, ikaparadzaniswa napakati, naizvozvo ivo vaviri vakayambuka pakaoma.”—2 Madzimambo 2:8.
Vangoyambuka, Eria akati kuna Erisha: “Kumbira chandingakuitira, ndichigere kubviswa kwauri.” Erisha akakumbira “migove miviri” yomudzimu waEria—ndiko kuti, chikamu chakapetwa kaviri chaizopiwa mwanakomana wedangwe. Zvirokwazvo, Erisha akanga akudza Eria sokukudza kwaizoita mwanakomana ari dangwe baba vake. Uyezve, akazodzwa kuti ave mutsivi waEria somuporofita waJehovha muna Israeri. Naizvozvo chikumbiro chake chakanga chisiri choudyire kana kuti chisina kufanira. Kunyange zvakadaro, achiziva kuti Jehovha bedzi aigona kupa chikumbiro ichi, Eria nenzira yokuzvininipisa akapindura kuti: “Wakumbira chinhu chinogozha.” Ipapo akawedzera kuti: “Kana ukandiona ndichibviswa kwauri, uchaitirwa izvozvo; asi kana usingandioni, haungaitirwi izvozvo.”—2 Madzimambo 2:9, 10; Dheuteronomio 21:17.
Erisha pasina mubvunzo akanga akatsunga kupfuura kare kose kunamatira kuna tenzi wake. Ipapo, “ngoro yomoto namabhiza omoto” zvakaoneka. Pamberi chaipo pemeso aishamisika aErisha, Eria akatorwa nechamupupuri—achitamisirwa kune imwe nzvimbo nenzira inoshamisa.b Erisha akanhonga jasi raEria ndokufamba achidzokera kumahombekombe kweRwizi rwaJoridhani. Akarova mvura dzacho, achiti: “Jehovha Mwari waEria uripiko?” Mvura dzacho dzakaparadzana, zvichipa ufakazi hwakajeka hwokuti Erisha akanga achitsigirwa naMwari somutsivi waEria.—2 Madzimambo 2:11-14.
Zvatinodzidza
Paakakokerwa basa rinokosha naEria, Erisha akakurumidza kusiya munda wake kuti ashumire muporofita waIsraeri mukurusa. Sezviri pachena, mamwe mabasa ake akanga akaderera, nokuti akasvika pakuzivikanwa seuyo ai“sururidza mvura pamaoko aEria.”c (2 Madzimambo 3:11) Kunyange zvakadaro, Erisha airangarira basa rake seropafadzo, uye akanamatira nenzira yokuvimbika kurutivi rwaEria.
Vabatiri vaMwari vakawanda nhasi vanoratidzira mudzimu wakafanana wokurega zvimwe zvinhu. Vamwe vakasiya “minda” yavo, zvaivararamisa, kuti vaparidze mashoko akanaka mundima dziri kure kana kuti kushanda semitezo yemhuri yeBheteri. Vamwe vakaenda kunyika dzokumwe kuti vanoshanda pazvivako zveSosaiti. Vakawanda vakagamuchira anganzi mabasa akaderera. Bva, hapana munhu anoshandira Jehovha ari kuita basa risingakoshi. Jehovha anoonga vose vanomubatira nokudisa, uye achakomborera mudzimu wavo wokurega zvimwe zvinhu.—Marko 10:29, 30.
Erisha akanamatira pana Eria kusvikira kumugumo. Akaramba kusiya muporofita akanga akura kunyange paakapiwa mukana wacho. Nenzira isina mubvunzo, ukama hwapedyo hwaakanga asakurira naEria hwakaita kuti rudo rwokuvimbika rwakadaro rwufadze. Nhasi, vabatiri vaMwari vanovavarira kusimbisa ukama hwavo naMwari uye vanoswedera pedyo nevavanotenda navo. Chisungo chapedyo chokubatana chichakomborerwa, nokuti Bhaibheri rinoti nezvaJehovha: “Muchaita nokuvimbika kumunhu wakavimbika.”—2 Samueri 22:26.
[Mashoko Omuzasi]
a Shoko rokuti “vanakomana vavaporofita” ringaratidzira chikoro chomurayiridzo cheavo vakadanirwa basa iri kana kuti ukamawo zvahwo hwokubatira pamwe hwavaporofita.
b Shoko raEria kuna Mambo Jehorami waJudha rakanyorwa makore akati gare gare.—2 Makoronike 21:12-15.
c Yakanga iri tsika yacho kuti mubatiri asururidze mvura mumaoko atenzi wake kuti ageze, zvikurukuru pashure pezvokudya. Muitiro uyu wakanga wakafanana nokugeza tsoka, chaiva chiito chomutsa, kuremekedza, uye mune humwe ukama, kuzvininipisa.—Genesi 24:31, 32; Johane 13:5.