Nyika Yakarurama Hakusi Kurota!
“KURURAMISIRA ndiko kunofarirwa zvikuru nomunhu pasi pano,” akadaro mumwe mutungamiriri wehurumende weAmerica Daniel Webster. Uye Bhaibheri rinoti: “Jehovha unoda zvakarurama.” (Pisarema 37:28) Sezvo vakaitwa mumufananidzo waMwari, vanhu vaviri vokutanga vaiva nemavara aMwari, kubatanidza pfungwa yekururamisira.—Genesi 1:26, 27.
Magwaro anotaurawo nezve‘vanhu vechihedheni vasina mutemo asi vachiita zvinhu zvomutemo nenzira yomuzvarirwo.’ Ivo nokudaro “vanoratidza basa romurayiro wakanyorwa mumwoyo yavo, hana yavo ichipupura pamwe chete nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza.” (VaRoma 2:14, 15) Hongu, vanhu vakapiwa simba rehana—pfungwa iri mukati mavo yezvakarurama nezvakaipa. Nenzira yakajeka, kudikanwa kwekururamisira kwakakura mumunhu.
Kuda kwomunhu mufaro kwakabatana zvikuru nekudikanwa kweruramisiro, nokuti Pisarema 106:3 inozivisa kuti: “Vakaropafadzwa vanochengeta kururama, naiye unoita zvakarurama nguva dzose.” Kunyange zvakadaro, nei munhu asina kukwanisa kuunza nyika yakarurama?
Nei Munhu Akundikana?
Chikonzero chikuru chokukundikana kuwana nyika yakarurama ndechechinhu chakaipa chatakagara nhaka kuvabereki vedu vokutanga, Adhama naEvha. Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza.” (VaRoma 5:12) Chinhu chakaipa chacho chivi. Kunyange zvazvo vakasikwa vasina mhosho, Adhama naEvha vakasarudza kupandukira Mwari uye nokudaro vakazviita vatadzi. (Genesi 2:16, 17; 3:1-6) Nemhaka yaizvozvi, vakasiyira vana vavo kuda kuita zvivi nezvakaipa.
Unhu hwakadai semakaro nekusaruramisira hahukonzerwi nemafungire echivi here? Uye unhu ihwohwo hakukonzeri here kusaruramisira munyika? Chokwadi, makaro ndiwo anokonzera kushandiswa kusina kunaka kwemhoteredzo nekutambura kunokonzerwa nokushaya mari! Kusarura zvirokwazvo ndiko kunokonzera magakava edzinza nekusaruramisa nemhaka yerudzi. Zvinhu zvakadaro zvinoita kuti vanhu varozve, vanyengere, uye kuti vaite nenzira inokuvadza vamwe.
Kunyange kuedza kwakanaka kururamisira uye kuita zvakanaka kunowanzokundikana nemhaka yokuda kwedu kuita chivi. Muapostora Pauro pachake akati: “Zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita.” Anopfuurira kutsanangura hondo yacho, achiti: “Ndinofarira murayiro waMwari nomunhu womukati; asi ndinoona mumwe murayiro pamitezo yangu, unorwa nomurayiro womurangariro wangu, unonditapira kumurayiro wezvivi uri pamitezo yangu.” (VaRoma 7:19-23) Sezvingabvira, isu nhasi tine hondo yakadaro. Ndicho chikonzero nei kusaruramisira kuchiwanzoitika.
Matongere anoita munhu akakonzerawo kusaruramisira munyika. Munyika iri yose, mune mitemo pamwe chete naavo vanoona kuti yachengetwa. Uye, chokwadika, kune vatongi namatare. Zvirokwazvo, vamwe vanhu vakanaka vakaedza kutsigira kodzero dzavanhu uye kuona kuti vanhu vose vanoruramisirwa. Zvisinei, zhinjisa dzenhamburiko dzavo dzakakundikana. Nei? Richitaura zvinhu zvakasiyana-siyana zvinobatanidzwa mukukundikana kwavo, bhuku raJeremia 10:23 rinoti: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” Aparadzaniswa naMwari, munhu haatombokwanisi kuita nyika yakarurama uye ine ruramisiro.—Zvirevo 14:12; Muparidzi 8:9.
Anokanganisa zvikuru kuedza kwomunhu kuita nyika yakarurama ndiSatani Dhiyabhorosi. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti ngirozi yakapanduka Satani ndiye “muurayi” uye “[murevi] wenhema” wapakuvamba uye kuti “nyika yose igere muna iye wakaipa.” (Johane 8:44; 1 Johane 5:19) Muapostora Pauro anomuzivisa sa“mwari wenyika ino.” (2 VaKorinte 4:3, 4) Sezvo achivenga zvakarurama, Satani anoita chinhu chiri chose chinobvira kuti atsigire uipi. Chero bedzi achidzora nyika, kusarurama kwemarudzi ose nenhamo dzinouya zvichaisa rudzi rwomunhu mumusungo.
Zvose izvozvi zvinoreva here kuti kusarurama hakudzivisiki munzanga yomunhu? Nyika yakarurama chiroto chisingabviri kuwana here?
Nyika Yakarurama Ichavapo—Sei?
Kuti tariro yenyika yakarurama igova chaiyoiyo, rudzi rwomunhu runofanira kutarira kumunhu anogona kubvisa zvinhu zvinokonzera kusaruramisira. Asi ndiani anogona kupedza chivi ndokuparadza Satani nematongere ake? Nenzira yakajeka, hakuna munhu kana kuti sangano ripi neripi ravanhu rinogona kuita basa rakadaro rakaoma. Jehovha Mwari bedzi ndiye anogona kudaro! Pamusoro pake, Bhaibheri rinoti: “Iye ndiro dombo, basa rake rakakwana; nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mwari wakatendeka, usinganyengeri, wakarurama, ndowazvokwadi.” (Dheuteronomio 32:4) Uye sezvo achi“da zvakarurama,” Jehovha anoda kuti rudzi rwomunhu rufarikanye upenyu munyika yakarurama.—Pisarema 37:28.
Achitaura nezvegadziriro yaMwari yokuunza nyika yakarurama, muapostora Petro akanyora kuti: “Sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.” (2 Petro 3:13) Iri “denga idzva” harisi denga chairoiro rinooneka. Mwari akasika denga redu rakakwana, uye rinomurumbidza. (Pisarema 8:3; 19:1, 2) “Denga idzva” kutonga pasi kutsva. “Denga” riripo rinoumbwa nehurumende dzakaitwa navanhu. Nokukurumidza, pahondo yaMwari yeArmagedhoni, irori richatsiviwa ne“denga idzva”—Umambo hwake hwokudenga, kana kuti hurumende. (Zvakazarurwa 16:14-16) Mambo woUmambo ihwohwo ndiJesu Kristu. Hurumende iyi ichatonga kusvikira kunguva isingazivikanwi, ichigumisa zvachose kutonga kwavanhu.—Dhanieri 2:44.
Kana zvakadaro, “pasi idzva” chii? Harisi nyika itsva, nokuti Mwari akasika pasi rakarurama nokuda kwokugarwa navanhu, uye kuda kwake kuti rirambe riripo nokusingaperi. (Pisarema 104:5) “Pasi idzva” rinoreva nzanga itsva yavanhu. (Genesi 11:1; Pisarema 96:1) “Pasi” richaparadzwa rinoumbwa navanhu vanozviita rutivi rwenyika ino yakaipa. (2 Petro 3:7) “Pasi idzva” richavatsiva richaumbwa navabatiri vechokwadi vaMwari, avo vanovenga zvakaipa ndokuda zvakarurama neruramisiro. (Pisarema 37:10, 11) Nokudaro, nyika yaSatani ichava yaparara.
Asi chii chakachengeterwa Satani? Muapostora Johane akafanotaura kuti: “[Kristu Jesu] akabata shato, nyoka yakare, ndiye Dhiyabhorosi naSatani, akamusunga makore ane gumi ramazana, akamukandira mugomba rakadzika-dzika, akamupfigiramo, akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti arege kuzonyengera marudzi.” (Zvakazarurwa 20:1-3) Pesvedzero yaSatani akasungwa parudzi rwomunhu ichave isipo sezvinongoita musungwa ari mugomba rakadzika. Inyaradzo yakadini ichavapo nokuda kworudzi rwomunhu, ichitangira nyika yakarurama! Uye pakupera kwemakore ane chiuru, Satani achaparadzwa.—Zvakazarurwa 20:7-10.
Asi, zvakadini nechivi chakagarwa nhaka? Jehovha akatogovera kare hwaro hwokubvisa chivi. “Mwanakomana womunhu [Jesu Kristu] [akauya] . . . ku[zo]shumira, nokupa upenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.” (Mateo 20:28) Shoko rokuti “rudzikinuro” rinoratidzira mutengo unodikanwa nokuda kwokudzikinurwa kwenhapwa. Jesu akabhadhara kukosha kwoupenyu hwake hwomunhu hwakakwana sorudzikinuro kuti anunure rudzi rwomunhu.—2 VaKorinte 5:14; 1 Petro 1:18, 19.
Chibayiro chorudzikinuro chaJesu chinogona kutibatsira kunyange zvino. Kupfurikidza nokuchitenda, tinogona kufarikanya ukama hwakanaka naMwari. (Mabasa 10:43; 1 VaKorinte 6:11) Mukutonga kwoUmambo hwaMwari, rudzikinuro ruchaita kuti rudzi rwomunhu runaye chose chose pachivi. Bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinorondedzera “rwizi rwemvura youpenyu” rwokufananidzira ruchibuda pachigaro choumambo chaMwari, uye mumahombekombe maro mune miti yemichero yokufananidzira ine mashizha “okuporesa ndudzi.” (Zvakazarurwa 22:1, 2) Zvinotaura Bhaibheri pano zvinoratidza gadziriro yoMusiki inoshamisa yokubvisa rudzi rwomunhu muchivi zvichikonzerwa nechibayiro chaJesu chorudzikinuro. Kushanda kwakazara kweiyi gadziriro kuchasunungura vanhu vanoteerera muchivi norufu.
Upenyu Munyika Yakarurama
Funga nezvezvichave zvakaita upenyu mukutonga kwoUmambo. Utsotsi nemasimba masimba zvichava zvinhu zvomunguva yakapfuura. (Zvirevo 2:21, 22) Kusaruramisirwa mune zveupfumi kuchava kusisiko. (Pisarema 37:6; 72:12, 13; Isaya 65:21-23) Kusarura kwose kwenzanga, kwerudzi, uye kwedzinza kuchave kwabviswa. (Mabasa 10:34, 35) Hondo nezvombo zvehondo zvichave zvisisiko. (Pisarema 46:9) Mamiriyoni avakafa achadzorerwa kuupenyu munyika isina kusaruramisira. (Mabasa 24:15) Munhu wose achafarikanya utano hwakakwana uye hwakanaka. (Jobho 33:25; Zvakazarurwa 21:3, 4) “[Jesu Kristu] uchavigira vanhu kururamisirwa muzvokwadi” Bhaibheri rinotivimbisa kudaro.—Isaya 42:3.
Munguvayi, kusaruramisira kunogona kutiwira, asi ngatisatongodzosera kusarurama. (Mika 6:8) Kunyange apo kusarurama kunenge kuchifanira kutsungirirwa, ngative nechimiro chendangariro chakanaka. Nyika yakarurama yakapikirwa ichakurumidza kuvapo. (2 Timotio 3:1-5; 2 Petro 3:11-13) Mwari Wamasimba Ose akapa shoko rake, uye “richaita zva[a]noda.” (Isaya 55:10, 11) Zvino inguva yokugadzirira upenyu munyika iyoyo yakarurama kupfurikidza nokudzidza zvinoda Mwari kwatiri.—Johane 17:3; 2 Timotio 3:16, 17.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kusaruramisira kwose kuchabviswa munyika itsva yaMwari yakapikirwa