Krisimasi—Izororo Renyika Kana Kuti Izuva Dzvene Rorudzidziso Here?
MUCHINA anonzi Mukweguru weKrisimasi. MuUnited Kingdom, anozivikanwa saBaba veKrisimasi. Vanhu vomuRussia vanoshandisa zita rokuti Sekuru Krisimasi, uye muUnited States, anonzi Santa Claus.
Vakawanda vanorangarira uyu murume akwegura zvikuru ane dumbu guru nendebvu chena somumiriri weKrisimasi. Asiwo zvinozivikanwa zvikuru kuti Santa Claus ingano, fungidziro yakavakirwa pamagamuchidzanwa ane chokuita nabhishopi wezana ramakore rechina weMyra (muTurkey yomuzuva ranhasi).
Tsika nemagamuchidzanwa zvakanguri zvashandisa pesvedzero yakasimba pakupemberera, uye Krisimasi haina kusiyana. Ngano yaSanta inongova muenzaniso mumwe wegamuchidzanwa rakabatanidzwa nezororo rakakurumbira. Nepo vamwe vanhu vachitaura kuti tsika dzeKrisimasi dzakavakirwa pazviitiko zvakanyorwa muBhaibheri, chaizvoizvo dzakawanda dzetsika dzacho ndedzechihedheni.
Mumwezve muenzaniso muti weKrisimasi. The New Encyclopædia Britannica inoti: “Kunamata muti, kwakarovedzeka pakati pavahedheni veEurope, kwakapukunyuka pashure pokutendeukira kwavo kuchiKristu mutsika dzechiScandinavia dzokushongedza imba nedura nemashizha nemiti paGore Idzva kuti vadzinge dhiyabhorosi uye dzokuti vagadzire muti weshiri munguva yeKrisimasi.”
Kugadzira zvinhu nemuti weholly kana kuti mimwe miti nderimwe gamuchidzanwa rakakurumbira reKrisimasi. Izvozviwo ndezvechihedheni zvikuru. VaRoma vakare vaishandisa mapazu emuholly kuti vashongedze tembere muSaturnalia, mutambo wemazuva manomwe wepakati pezhizha waiitirwa Saturn, mwari wezvekurima. Uyu mutambo wechihedheni waizivikanwa zvikuru nemhaka yoruzha rwawo uye unzenza.
Tsika yeKrisimasi yokutsvoda pasi pebazi romumistletoe (unoratidzirwa pano) ingaratidzika kuva inonakidza kuna vamwe, asi ndeyomuMiddle Ages. VaDruid veBritain yekare vaidavira kuti mumistletoe wakanga une masimba emashiripiti; nokudaro, waishandiswa sedziviriro pamadhemoni, zvitsinga, uye mamwe marudzi ezvakaipa. Pashure penguva yakati, kwakamuka gamuchidzanwa rokuti kutsvoda pasi pemumistletoe kwaizotungamirira kuroorano. Muitiro uyu uchiri wakakurumbira pakati pevamwe vanhu munguva yeKrisimasi.
Aya anongova mashomanene bedzi emagamuchidzanwa eKrisimasi yazvino ayo akapesvedzerwa kana kuti akatanga zvakananga achibva mudzidziso dzechihedheni. Ungashamisika, kunyange zvakadaro, kuti izvi zvose zvakatanga sei. Zororo rinotaurwa kuva rinokudza kuberekwa kwaKristu rakazadzwa sei kwazvo netsika dzisiri dzechiKristu? Zvinotokosha zvikuru, Mwari anorangarira sei nhau yacho?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]
Peji 3: Santa Claus: Thomas Nast/Dover Publications, Inc., 1978; mistletoe papeji 3 uye mufananidzo uri papeji 4: Discovering Christmas Customs and Folklore rakanyorwa naMargaret Baker, rakabudiswa neShire Publications, 1994