Kusimbisa Kutenda Kwedu Shoko raMwari
VANHU vakawanda vakarava Bhaibheri kupfuura rimwe bhuku ripi neripi. Asi vangani vakaratidzira kutenda shoko raro? Bhaibheri pacharo rinotsanangura kuti “havazi vose vanotenda.” (2 VaTesaronika 3:2) Nenzira yakajeka, hatiberekwi tine kutenda. Kunofanira kutangwa. Kunyange avo vane kutenda kwakati havafaniri kukurerutsa. Kutenda kunogona kuipa ndokufa. Nokudaro, nhamburiko inodikanwa kuti tirambe taka“rurama pakutenda.”—Tito 2:2.
Nechikonzero chakanaka, ipapoka, Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha wakasarudza musoro wokuti “Kutenda Shoko raMwari” nokuda kwenhevedzano dzazvo dzekokorodzano dzoruwa dza1997/98. Mamiriyoni eZvapupu navamwe nokudaro vakaropafadzwa kuti vaungane pamwe chete kuti vasimbise kutenda kwavo Shoko raMwari.
Shoko raMwari Ichokwadi—Hwaro Hwokutenda Kwedu
Uyu ndiwo wakanga uri musoro wezuva rokutanga rekokorodzano. Rakavamba namashoko okurumbidza vose vaivapo. Kuva pakokorodzano kwakanga kuri ufakazi hwokuremekedza Bhaibheri. Bva, mibvunzo inonyandura mufungo yakabvunzwa pamusoro pokunaka kwokutenda kwedu: ‘Tinokwanisa kudzivirira kutenda kwedu here, tichishandisa Shoko raMwari sechiremera? Tinoonga zvokudya zvomudzimu here, tisingamborerutsi Bhaibheri, misangano yeungano, uye zvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri? Tiri kukura murudo, zivo yakarurama, uye nzwisiso here?’ Mukurukuri akakurudzira vose kuti vateerere nokungwarira, achitaura kuti “iyi Kokorodzano Yoruwa yo‘Kutenda Shoko raMwari’ yakagadzirirwa kuti itibetsere kuzvinan’anidza uye kuzvinzvera kuwanda nokunaka kwokutenda kwatinako somunhu mumwe nomumwe.”
Hurukuro chaiyo yakanga ine musoro waiti “Kufamba Nokutenda, Kwete Nokuona.” (2 VaKorinte 5:7) “Kutenda kwaavo vanova Zvapupu zvaJehovha hakusi kukurumidzisa kudavira,” akadaro mukurukuri wacho. Ichochi ichokwadi sei! Kutenda kwechokwadi hakusi bofu. Kwakavakirwa pazvinhu chaizvoizvo. VaHebheru 11:1 inoti: “Kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotarira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni.” Mukurukuri wacho akati: “Kana tichizofamba nokutenda zvechokwadi, tinoda kutenda kwakasimba.” Nemhaka yokuti tinofamba nokutenda, kwete nokuona, hatidi mashoko akawanda pamusoro pokuti Jehovha achaita sei uye rini rutivi rwose rwechinangwa chake. Zvatinotoziva nezvake zvinotipa chivimbo chakakwana musimba rake rokuzadzika zvipikirwa zvake nenzira yorudo uye yokururamisira.
Hurukuro yaiti “Pwere dzechiKristu—Rutivi Rwunokosha Rweungano” yakayeuchidza vaduku nezvekuti vanokosha sei kuna Jehovha. Vakakurudzirwa kukura mumudzimu kupfurikidza nokuronda nharidzano dzakadai sokurava Bhaibheri rose uye kusvitsa zvinodikanwa zvetsauriro nerubhabhatidzo. Kurondwa kwedzidzo yokuwedzera inhau yomunhu oga inofanira kusarudzwa navabereki vomunhu, kana kukaitwa, vavariro nguva dzose inofanira kuva yokushongedzerwa kubatira Mwari nenzira inobudirira zvikuru. Dzidzo yokunyika inogona kubatira chinangwa chinobetsera apo tino“ziv[a] kuti zvinhu zvakanaka ndezvipi” zvine chokuita nokutenda kwedu.—VaFiripi 1:9, 10.
Tevere pakava nehurukuro nhatu dzokusiirana pamusoro waiti “Unochengeta Mipimo Yaani?” Kutenda Shoko raMwari kunotisunda kuomerera kunheyo dzeBhaibheri. VaKristu vanoteerera mitemo yaJehovha nenheyo. Somuenzaniso, Magwaro anotirayira kusashandisa mutauro unonyadzisa uye wakaipa. (VaEfeso 4:31, 32) Mukurukuri akabvunza kuti: “Apo unogumburiswa kana kuti kushatiriswa, unopopotera mukwanyina wako kana kuti vana vako here?” Chokwadika, izvozvo hazvingavi zvechiKristu. Mwari anewo mipimo pamusoro pechitarisiko chedu chomunhu oga. VaKristu vanofanira kupfeka “nguo dzakanaka, . . . [dzine mwero, NW].” (1 Timotio 2:9, 10) Shoko rokuti “mwero” rine mufungo wokuzviremekedza, pfungwa yorukudzo, kusanyanyisa, uye kuzvidzora. Tinosundwa nokuda vamwe uye tinotungamirirwa nenheyo dzeBhaibheri uye nepfungwa yezvakafanira.
Hurukuro mbiri dzakatevera dzaibatanidza kurangarirwa kwendima nendimakwaVaHebheru 3:7-15 na 4:1-16. Izvi zvikamu zveBhaibheri zvinotinyevera pamusoro pengozi yoku“omeswa nokunyengera kwezvivi.” (VaHebheru 3:13) Tinogona sei kubudirira mukurwisana kwedu nechivi? Jehovha anotibetsera kupfurikidza neShoko rake. Zvirokwazvo, “shoko raMwari ibenyu, rine simba, . . . rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.”—VaHebheru 4:12.
Hurukuro yokupedzisira pazuva rokutanga rekokorodzano yakanga iri “Bhuku Revanhu Vose.” Yakasimbisa kuvimbika, kururama, uye kukosha kunoshanda kweBhaibheri. Zvakafadza sei kunzwa mukurukuri achizivisa kubudiswa kwebhurocha idzva rine mapeji 32 rine musoro unoti A Book for All People! Ichi chinyorwa chitsva chakagadzirirwa zvikurukuru vanhu avo, kunyange zvazvo vakadzidza, vanoziva zvishoma pamusoro peBhaibheri. Hurukuro yacho yakaguma nemashoko okuti: “Vanhu vanofanira kuzvinzverera Shoko raMwari. Tinovimba kuti kana vakazvinzverera, vachasvika pakuziva kuti iri bhuku rakasiyana, Bhaibheri, zvirokwazvo ibhuku ravanhu vose!”
Tevedzera “Mukwanisi Wokutenda Kwedu”
Musoro uyu wezuva rechipiri rekokorodzano wakakwevera ngwariro kuna Jesu Kristu, “Mukwanisi wokutenda kwedu.” Tinofanira ku“tever[a] makwara ake.” (VaHebheru 12:2; 1 Petro 2:21) Vakawanda vari muchiKristudhomu vanoudzwa kuti: ‘Tenda Ishe Jesu, uye uchaponeswa!’ Asi ndizvo chete zvinodikanwa pakutenda here? Bhaibheri rinozivisa kuti “kutenda kusina mabasa kwakafawo.” (Jakobho 2:26) Kunze kwokudavira Jesu, naizvozvo, tinofanira kuita mabasa aakaita, zvikurukuru kupfurikidza nokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.
Purogiramu yamangwanani yakasimbisa basa rokupupura. Kufanana naPauro, tinofanira kudisa kuzivisa mashoko akanaka oruponeso. (VaRoma 1:14-16) Jesu akaparidzira vanhu kwose kwose. Kunyange zvazvo ushumiri hwedu hwenguva dzose hwepaimba neimba huri kuva nemigumisiro, vanhu vakawanda zvikuru vanenge vasiri pamba patinoshanya. (Mabasa 20:20) Vakawanda vanenge vari kuchikoro, vachishanda, vachitenga, kana kuti vachifamba. Nokudaro, tinofanirawo kuparidza munzvimbo dzavose uye kupi kana kupi kunowanika vanhu.
Hurukuro yaiti “Iva Akasimba Neakatsiga Muchokwadi” yakatiyeuchidza nezvenhamba huru yavadzidzi vatsva vari kubhabhatidzwa—avhareji yavanopfuura 1 000 zuva rimwe nerimwe! Zvinokosha kuti ava vatsva vose vachasimbiswa ndokutsigiswa mukutenda. (VaKorose 2:6, 7) Mukurukuri wacho akatsanangura kuti midzi chaiyoiyo inomwa mvura nezvokudya nepo ichigoverawo simba kana kuti kutsigira muti wacho. Nenzira yakafanana, kupfurikidza nemiitiro yakanaka yefundo uye songaniro yakanaka, vadzidzi vatsva vanogona kutsiga muchokwadi.
Zano iri rakanga rakafanira zvikuru vaida kubhabhatidzwa. Hungu, pazuva rechipiri rekokorodzano, mapoka makuru avadzidzi vatsva akabhabhatidzwa, achitevera muenzaniso waJesu. Hurukuro yaiti “Kutenda Shoko raMwari Kunotungamirira Kurubhabhatidzo” yakayeuchidza vanoda kubhabhatidzwa vacho kuti kunyudzwa mumvura zvakakwana chiratidzo chakafanira chokufa kwavo mumuraramire wavo wakare woudyire. Kubudiswa kwavo mumvura kunomirira kuitwa kwavo vapenyu kuti vaite kuda kwaMwari.
Hurukuro yaiti “Rwira Kutenda Zvakasimba” yakanga yakavakirwa pabhuku reBhaibheri raJudhasi. Takakurudzirwa kudzivirira kutenda kwedu kupfurikidza nokudzivisa pesvedzero dzinokuvadza, dzakadai sounzenza, kupandukira, uye kuramba kutenda. Tevere, vabereki—zvikurukuru madzibaba—vakagamuchira ngwariro chaiyo muhurukuro yaiti “Govera Mhuri Yako.” Kugovera mhuri zvinodikanwa zvomudzimu, zvenyama, uye zvemirangariro zvemhuri musengwa waMagwaro. (1 Timotio 5:8) Izvi zvinoda nguva, kurukurirano, uye kuva pedyo. Jehovha Mwari anofadzwa kwazvo nebasa rose rakaoma rinoitwa navabereki vechiKristu kuti varere vana vavo muchokwadi.
Hurukuro yokusiyirana yakatevera, “Ngatiendei Kuimba yaJehovha,” yakavaka kuonga misangano yechiKristu. Inogovera zororo mufunganyo dzenyika ino. Pamisangano tine mukana wokukurudzirana, uye tinogona kuratidzira kuda kwedu vatinotenda navo. (VaHebheru 10:24, 25) Misangano inotibetserawo kunatsiridza unyanzvi hwedu savadzidzisi, uye inodzamisa kunzwisisa kwedu chinangwa chaMwari. (Zvirevo 27:17) Ngatisambozviparadzanisa neungano, uye ngatiyeukei mashoko aJesu okuti: “Pakaungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ndiripo pakati pavo.”—Mateo 18:20.
Hurukuro yokupedzisira yezuva racho yaiti “Kunaka Kwokutenda Kwako—Kunoedzwa Iko Zvino.” Kutenda kusina kuedzwa hakuna ukoshi hwakabvumikiswa, uye kunaka kwako kunoramba kusingazikanwi. Kwakafanana necheki isati yabhadharwa. Inokosha chaizvoizvo chitsama chinooneka pairi here? Nenzira yakafanana, kutenda kwedu kunofanira kuedzwa kuti kubvumikise kuti kunokosha uye kwakanaka chaizvoizvo. (1 Petro 1:6, 7) Mukurukuri wacho akati: “Pane dzimwe nguva, zvinobudisa nhau pamwe chete nezviremera zvinonyengedzwa nevafundisi nevakaramba kutenda kuti zviise mashoko enhema patiri, zvichipa nenzira isina kururama zvitendero zvedu zvechiKristu nemararamiro. . . . Tichabvumira avo vakapofumadzwa naSatani kutityisidzira nokutiodza mwoyo ndokutiita kuti tinzwe tichinyadziswa namashoko akanaka here? Tichabvumira nhema pamusoro pechokwadi kutapura kupinda kwedu misangano nguva dzose uye mubato wedu wokuparidza here? Kana kuti tichamira takasimba ndokuva vane ushingi uye vakatsunga zvikuru kupfuura nakare kose kuramba tichizivisa chokwadi pamusoro paJehovha noUmambo hwake here?”
Rarama Nemhaka Yokutenda
Musoro wezuva rechitatu rekokorodzano wakanga wakavakirwa pamashoko aPauro: “Zvinoonekwa kuti hakuna munhu unoruramiswa nomurayiro pamberi paMwari, nokuti: Wakarurama uchararama nokutenda.” (VaGaratia 3:11) Hurukuro yokusiyirana, “Mashoko Ouporofita aJoere Nokuda Kwezuva Redu,” rakanga riri rimwe ramashoko anokosha emangwanani acho. Bhuku raJoere rinonongedzera kunguva yedu uye rinoti nepfungwa yokukurumidzira: “Haiwa zuva iro here! Nokuti zuva raJehovha rava pedyo, richasvika richiparadza richibva kuna Wamasimba Ose.” (Joere 1:15) Mumutoo wakafanana nouya wemhashu dzisinganeti, vaKristu vakazodzwa havana kurega chinhu chichivadzivisa kuzivisa Umambo munguva ino yomugumo.
Bhuku raJoere rinopawo tariro, richiti: “Ani naani unodana zita raJehovha ucharwirwa.” (Joere 2:32) Izvi zvinoreva zvinopfuura kungoshandisa chete zita raJehovha. Kupfidza kwomwoyo wose kunodikanwa, uye izvi zvinobatanidza kufuratira zvakaipa. (Joere 2:12, 13) Hapana nguva yokunonoka nemhaka yokuti Jehovha achakurumidza kuita rutongeso pamarudzi, sezvaakaita pana Moabhi, Amoni, uye nzvimbo ine makomo yeSeiri mumazuva aMambo Jehoshafati waJudha.—2 Makoronike 20:1-30; Joere 3:2, 12.
Vose vakakurudzirwa nehurukuro yaiti “Ratidza Kutenda Kupfurikidza Nokumirira Jehovha.” Zvino mukati chaimo menguva yomugumo, tinogona kutarira shure pakuzadzikwa kwezvipikirwa zvaJehovha zvakawanda, uye tinofarira zvikuru zvinhu zvichaitika. Vanhu vaJehovha vanofanira kupfuurira kuva neshiviriro, vachiyeuka kuti chinhu chose chakapikirwa naMwari chichaitika.—Tito 2:13; 2 Petro 3:9, 10.
Purogiramu yemangwanani yakaguma nemutambo waiti “Chengeta Ziso Rako Rakanaka.” Uku kuitwa chaikoiko kwomutambo kwakatikurudzira kuti tinzvere murangariro wedu pamusoro pezvinorondwa zvokunyama. Pasinei zvapo nekwatinogara, kana tichida kuti upenyu hwedu husave nefunganyo, tinofanira kutevera zano raJesu rokuchengeta ziso redu rakanaka, rakanangidzirwa zvakajeka paUmambo hwaMwari.—Mateo 6:22.
Hurukuro yavose yakanga ine musoro unofadza wokuti “Kutenda Nenguva Yako Yemberi.” Yakagovera chibvumikiso chokusakwanisa kwavatungamiriri vavanhu kupedza zvinetso zvenyika. (Jeremia 10:23) Nhau yomunhu inoramba ichizvidzokorora—pamwero mukuru zvikuru uye unokuvadza. Zvapupu zvaJehovha zvinorangarira sei nguva yemberi? Tinodavira kuti rudzi rwomunhu rwakatendeka rwune nguva yemberi yakajeka muUmambo hwaMwari. (Mateo 5:5) Mwari achazadzika zvipikirwa zvake nokuda kwokubetserwa kwavose vanotenda Shoko rake, iro rinokurudzira kuti: “Tsvakai Jehovha achawanikwa, danai kwaari achiri pedyo.”—Isaya 55:6.
Jesu akamutsa mubvunzo unokosha achirangarira zuva redu. Akabvunza kuti: “Mwanakomana womunhu kana achisvika, uchawana kutenda panyika here?” (Ruka 18:8) Hurukuro yokupedzisira yakahwirudzura purogiramu yekokorodzano ndokuratidza nzira yayakagovera nayo ufakazi hwakasimba hwokuti kutenda Shoko raMwari kuripo, kunyange zvazvo tichirarama munyika isina kutenda uye inorangarira zvenyika.
Kunyange zvakadaro, tinogona kuzvibvunza somunhu oga kuti, ‘Ndiri pakati paavo vane kutenda kusingazununguki muna Mwari neShoko here?’ Kokorodzano Yoruwa ye“Kutenda Shoko raMwari” inofanira kutibetsera kupindura kuti hungu mubvunzo iwoyo. Uye tinoonga Jehovha nokuda kwokusimbisa kutenda kwedu maari uye muShoko rake rakafuridzirwa, Bhaibheri!
[Mifananidzo iri papeji 24]
Vazvipiri vakawanda vakashanda vachifara kuti vape pokugara zviuru zvenhume
[Mifananidzo iri papeji 25]
Nhandare huru dzakafanana neiyi dzakashandiswa munyika yose
[Mufananidzo uri papeji 25]
L. A. Swingle woMutumbi Unodzora achibudisa bhurocha idzva
[Mufananidzo uri papeji 26]
Vakawanda vakabhabhatidzwa sechiratidzo chokuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha
[Mifananidzo iri papeji 27]
Vapindi vekokorodzano vakaimba nomufaro nziyo dzoUmambo. Mufananidzo muduku: mutambo waiti “Chengeta Ziso Rako Rakanaka”