RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 2/1 pp. 4-6
  • Chikonzero Chakasimba Chokuva Netariro Nhasi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikonzero Chakasimba Chokuva Netariro Nhasi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuva Netariro kwaAbrahama Kunotuswa
  • Vasori Vaviri Vaiva Netariro
  • Kuzengurira kwaJona
  • Kuva Netariro Pakati Penhamo
  • Kuva Netariro Kwechokwadi Kunopararira!
  • Akadzidza Kuva Nengoni
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Jona Anodzidza Pamusoro Pengoni dzaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Akadzidza Kubva Pazvikanganiso Zvake
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Akadzidza Kuva Nomutsa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 2/1 pp. 4-6

Chikonzero Chakasimba Chokuva Netariro Nhasi

WEZVENHAU uye wezvokugara kwevanhu H. G. Wells, akaberekwa muna 1866, akashandisa pesvedzero yakasimba pakufunga kwezana ramakore rechi20. Kupfurikidza nemanyoro ake, akatsanangura chivimbo chake chokuti nhambo yokukwana kwavanhu yaizowirirana nekufambira mberi kwesayenzi. Nokudaro, Collier’s Encyclopedia inoyeuka “kuva netariro kukuru” kwaWells sezvaakaramba achishanda kuti afambisire mberi chinangwa chake. Asi inotaurawo kuti kuva netariro kwake kwakaparadzwa pakatanga Hondo Yenyika II.

Sezvo Wells akasvika pakuziva kuti “sayenzi yaigona kushanda nokuda kwezvakaipa pamwe chete nokuda kwezvakanaka, kutenda kwake kwakapera, uye akava asina tariro,” inodaro Chambers’s Biographical Dictionary. Nei izvi zvakaitika?

Kutenda nokuva netariro kwaWells zvakanga zvakavakirwa chose chose pazvinoitwa navanhu. Paakaziva kuti rudzi rwomunhu rwakanga rwusingakwanisi kuwana Utopia yake, akanga asisinazve kwokutendeukira. Kuora mwoyo kwakakurumidza kuva kusava netariro.

Nhasi, vanhu vakawanda vane chiitiko chakafanana nokuda kwechikonzero chakafanana. Vanozara netariro pavanenge vari vaduku asi vanova vasina tariro nenzira inosuruvarisa sezvavanokura. Kunotova navaduku vanorega anonzi mararamire enguva dzose ndokunyura mukushandisa mirimo zvisina kufanira, muvatano yokusasarura, uye mamwe mararamire anourayisa. Ndeipi iri mhinduro? Rangarira mienzaniso inotevera yomunguva dzeBhaibheri uye ona kuti ndechipi chikonzero chiripo chokuva netariro—chomunguva yakapfuura, chazvino, uye cheramangwana.

Kuva Netariro kwaAbrahama Kunotuswa

Mugore ra1943 B.C.E., Abrahama akatama kubva kuHarani, akayambuka Rwizi rwaYufratesi, uye akapinda munyika yeKanani. Abrahama akarondedzerwa sa“baba vavose vanotenda,” uye muenzaniso wakaisvonaka zvakadini waakagadza!—VaRoma 4:11.

Abrahama akaperekedzwa naRoti, mwanakomana aiva nherera womukoma waAbrahama, uye nemhuri yaRoti. Gare gare, nzara payakarova nyika, mhuri mbiri dzacho dzakatamira kuEgipita, uye panguva yakafanira vakadzokera pamwe chete. Panguva ino vose vari vaviri Abrahama naRoti vakanga vava neupfumi hwakawanda, pamwe chete nemakwai nemombe. Apo vafudzi vavo vakatanga kuitirana nharo, Abrahama akatanga ndokuti: “Nharo ngadzirege kuvapo pakati pangu newe, napakati pavafudzi vangu navafudzi vako, nokuti tiri hama. Ko nyika yose haizi pamberi pako here? Paradzana hako neni; kana iwe ukaenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi; kana iwe ukaenda kurudyi, ini ndichaenda kuruboshwe.”—Genesi 13:8, 9.

Abrahama, achiva mukuru, aigona kuva akaita kuti zvinhu zvimunakire, uye Roti, nemhaka yokuremekedza babamunini vake, aigona kuva akabvuma chisarudzo chaAbrahama. Panzvimbo pezvo, “Roti akasimudzira meso ake, akaona bani rose reJoridhani, kuti rakanga rine mvura pose, Jehovha achigere kuparadza Sodhoma neGomora; rakanga rakaita somunda waJehovha, senyika yeEgipita, kana munhu achienda Zoari. Roti akazvitsaurira bani rose reJoridhani.” Nechisarudzo chakadaro, Roti akanga ane zvikonzero zvose zvokuva netariro. Asi zvakadini naAbrahama?—Genesi 13:10, 11.

Abrahama akanga ari kuva fuza, achiisa garikano yemhuri yake mungozi here? Aiwa. Murangariro wakanaka waAbrahama nemudzimu wokupa zvakaunza mibayiro mikuru. Jehovha akati kuna Abrahama: “Simudza hako meso ako ipapo paugere, utarire kurutivi rwokumusoro, norwenyasi, norwokumabvazuva, norwokumavirira; nokuti nyika yose yaunoona, ndichaipa iwe navana vako nokusingaperi.”—Genesi 13:14, 15.

Kuva netariro kwaAbrahama kwakanga kune zvikonzero zvakasimba. Kwakanga kwakavakirwa pachipikirwa chaMwari chokuti aizoita rudzi rukuru runobva muna Abrahama kuitira kuti “mhuri dzose dzapasi [dzizo]zvikomborera zvirokwazvo kupfurikidza na[Abrahama].” (Genesi 12:2-4, 7) Isuwo tine chikonzero chokuva nechivimbo, tichiziva kuti “zvinhu zvose zvinobatirana kuti zviitire zvakanaka avo vanoda Mwari.”—VaRoma 8:28.

Vasori Vaviri Vaiva Netariro

Makore anopfuura 400 gare gare, rudzi rwaIsraeri rwakamira rwakagadzirira kupinda muKanani, “nyika inoyerera mukaka nouchi.” (Eksodho 3:8; Dheuteronomio 6:3) Mosesi akarayira madzimambo 12 kuti a‘nzvere nyika ndokudzosa shoko pamusoro penzira yavaifanira kuenda nayo uye maguta avaizoenda kwaari.’ (Dheuteronomio 1:22; Numeri 13:2) Vasori vose vari 12 vakawirirana mukurondedzera kwavo kubudirira kwenyika yacho, asi 10 vavo vakapa mushumo usina tariro uyo wakatyisa mwoyo yavanhu.—Numeri 13:31-33.

Joshua naKarebhi, pane rumwe rutivi, vakapa vanhu shoko rine tariro uye vakaita zvose zvavaigona kuti vanyaradze kutya kwavo. Murangariro wavo nomushumo zvakaratidzira chivimbo chakazara musimba raJehovha rokuzadzika shoko rake rokuvadzorera kuNyika Yakapikirwa—asi hazvina kubetsera. Panzvimbo pezvo, “ungano yose yakati vatakwe namabwe.”—Numeri 13:30; 14:6-10.

Mosesi akakurudzira vanhu kuti vavimbe naJehovha, asi vakaramba kuteerera. Nemhaka yokuti vakapfuurira nemurangariro wavo wokusava netariro, rudzi rwose rwaifanira kudzungaira kwamakore 40 murenje. Pavasori 12, Joshua naKarebhi bedzi vakawana mibayiro yokuva netariro. Ndechipi chakanga chiri chinetso chikuru? Kushayiwa kutenda, sezvo vanhu vaitarira uchenjeri hwavo pachavo.—Numeri 14:26-30; VaHebheru 3:7-12.

Kuzengurira kwaJona

Jona akararama muzana ramakore rechipfumbamwe B.C.E. Bhaibheri rinoratidza kuti akanga ari muporofita akatendeka waJehovha kuumambo hwendudzi gumi hwaIsraeri, imwe nguva mukati mokutonga kwaJerobhoami II. Asi akaramba kugamuchira basa rokuenda kuNinevhe kunonyevera vanhu. Wezvenhau Josephus anotaura kuti Jona “akafunga kuti zviri nani kutiza” panzvimbo pezvo ndokuenda kuJopa. Ikoko akakwira chikepe chaienda kuTarshishi, ingangova Spain yazvino uno. (Jona 1:1-3) Chikonzero nei Jona akava nomurangariro usina tariro kudaro womugove uyu chinotsanangurwa pana Jona 4:2.

Pakupedzisira Jona akabvuma kuita basa rake, asi akatsamwa apo vanhu veNinevhe vakapfidza. Naizvozvo Jehovha akamudzidzisa chidzidzo chakaisvonaka chetsitsi kupfurikidza nokuita kuti muti womuchindwe uyo Jona akanga akagara pasi pawo usvave ndokufa. (Jona 4:1-8) Kusuruvara kwaJona nemhaka yokufa kwomuti nenzira yakarurama zvikuru kwaifanira kuva kwakanangidzirwa pavanhu 120 000 muNinevhe vakanga “vasingazivi kuti ruoko rwavo rworudyi kana ruoko rwavo rworuboshwe ndorupi.”—Jona 4:11.

Tinogona kudzidzei muchiitiko chaJona? Basa rinoyera haribvumiri kusava netariro. Kana tikaziva nhungamiro yaJehovha ndokupfuurira nechivimbo chakazara, tichafarikanya kubudirira.—Zvirevo 3:5, 6.

Kuva Netariro Pakati Penhamo

“Usava neshungu nokuda kwavanoita zvakaipa,” akadaro Mambo Dhavhidhi. “Usagodora vanoita zvisina kururama.” (Pisarema 37:1) Iroro, zvechokwadi, izano rokuchenjera, nokuti nhasi kusaruramisira uye kusatendeseka zvakatipoteredza.—Muparidzi 8:11.

Kunyange kana tisingagodori vasakarurama, zvisinei, zviri nyore kunzwa tichinetseka patinoona vanhu vasina mhaka vachitambura nemhaka yevakaipa kana kuti isu pachedu tinobatwa zvisina kururama. Zviitiko zvakadaro zvingatotiparira kutanga murangariro wokuora mwoyo kana kuti wokusava netariro. Patinonzwa nenzira iyoyo, tinofanira kuitei? Kutanga, tinogona kurangarira kuti vakaipa havagoni kutaura vasinganetseki kuti chirango hachizombofi chakauya. Pisarema 37 inopfuurira kutikurudzira Pis 37 mundima 2: “[Vakaipa] vachakurumidza kudzurwa souswa, vachaoma somuriwo mutema.”

Mukuwedzera, tinogona kupfuurira kuita zvakanaka, kuramba tine tariro, uye kumirira Jehovha. “Ibva pane zvakaipa, uite zvakanaka; ugare zvakanaka nokusingaperi,” akapfuurira kudaro wezvamapisarema. “Nokuti Jehovha unoda zvakarurama, haasiyi vatsvene vake.”—Pisarema 37:27, 28.

Kuva Netariro Kwechokwadi Kunopararira!

Ipapoka, zvakadini neramangwana redu? Bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinotiudza pamusoro pe“zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitwa.” Pakati pazvo, mutasvi ari pabhiza dzvuku, rinoratidzira hondo, anoziviswa kuva ano“bvis[a] rugare panyika.”—Zvakazarurwa 1:1; 6:4.

Murangariro wakakurumbira—uye wokuva netariro—wakanga uri muBritain mukati meHondo Yenyika I wakanga uri wokuti ndiyo yaizova hondo huru yokupedzisira. Muna 1916, nyanzvi yezvehurumende yeBritain David Lloyd George yaiva nechokwadi zvikuru. Yakati: “Hondo iyi, kufanana nehondo inotevera, ihondo yokugumisa hondo.” (Kutsveyamiswa kwamashoko ndokwedu.) Akanga akarurama. Hondo Yenyika II yakangowedzera bedzi kugadzirirwa kwemitoo yakaipa zvikuru yokuparadza kukuru. Makore anopfuura 50 gare gare, kuchiri kusina mugumo wehondo unooneka.

Mubhuku rimwe chetero raZvakazarurwa, tinorava nezvevamwe vatasvi vamabhiza—vanoratidzira nzara, nhenda, uye rufu. (Zvakazarurwa 6:5-8) Ivo mamwe mativi echiratidzo chenguva.—Mateo 24:3-8.

Izvi zvikonzero zvokusava netariro here? Nyangwe, nokuti chiono chacho chinorondedzerawo “bhiza jena, naiye wakanga akaritasva, wakanga ane uta; akapiwa korona, akabuda achikunda, uye kuti akunde.” (Zvakazarurwa 6:2) Pano tinoona Jesu Kristu saMambo wokudenga achibvisa uipi hwose, achitasva kuti atange rugare netsinhirano munyika yose.a

Samambo Akasarudzwa, Jesu Kristu paakanga ari pasi pano akadzidzisa vadzidzi vake kuti vanyengeterere Umambo ihwohwo. Zvichida iwewo wakadzidziswa kutaura kuti “Baba Vedu,” kana kuti Munyengetero waShe. Mauri tinonyengeterera kuti Umambo hwaMwari huuye, kuti kuda kwake kuitwe pasi pano somudenga.—Mateo 6:9-13.

Panzvimbo pokuedza kugadzirisa tsika iripo yezvinhu, Jehovha, achishanda kupfurikidza naMambo wake Mesiya, Kristu Jesu, achaibvisa zvachose. Munzvimbo yayo, Jehovha anodaro, “ndinosika denga idzva nenyika itsva; zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa mumwoyo.” Muhurumende yoUmambo yokudenga, pasi richava musha une rugare, unofadza worudzi rwomunhu, umo upenyu nebasa zvichava mufaro wenguva dzose. “Farai mufarisise nokusingaperi pamusoro pezvandinosika,” Jehovha anodaro. “Vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo.” (Isaya 65:17-22) Kana uchivakira tariro yako yeramangwana pachipikirwa ichocho chisingakundikani, uchava nechikonzero chose chokuva netariro—zvino uye nokusingaperi!

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwekurukurirano youdzame yechiono ichi, tapota ona ganhuro 16 yebhuku raZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 4]

H. G. Wells

[Kwazvakatorwa]

Corbis-Bettmann

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe