Kurumbidza Kana Kuti Kubata Kumeso Here?
MUMWE munhu anoti kwauri, “Kugadzirwa kutsva kwevhudzi rako kwakaisvonaka!” Kurumbidza here kana kuti kubata kumeso? “Sutu iyoyo yakakunakira zvikuru!” Kurumbidza here kana kuti kubata kumeso? “Izvi ndizvo zvokudya zvinonaka zvikurusa zvandati ndambodya!” Kurumbidza here kana kuti kubata kumeso? Patinorumbidzwa zvakadaro, tingashamisika kana kuri kwemwoyo wose uye kuri kwechokwadi kana kuti kuchingova kutifadza tisingadavirwi chaizvoizvo nemunhu ari kutaura here?
Tinogona sei kuziva kana zvinotaura munhu kwatiri zviri kurumbidza kana kuti kubata kumeso? Zvine basa here? Hatingangogoni kugamuchira zvinotaurwa ndokufadzwa nomufaro wazvinotipa here? Zvakadini nepatinorumbidza vamwe? Takambonzvera vavariro dzedu here? Kufunga nezvemibvunzo iyi kunogona kutibetsera kunzwisisa ndokushandisa rurimi rwedu nomutoo unounza rumbidzo kuna Jehovha Mwari.
Kurumbidza Nokubata Kumeso Zvinorondedzerwa
Kurumbidza kunorondedzerwa neWebster’s Dictionary sekutaurwa kwetendero kana kuti rumbidzo, uye shoko racho rinogonawo kuratidza kunamata kana kuti kupa mbiri. Nenzira yakajeka revo mbiri dzepashure dzinonongedzera bedzi kurumbidzo inofanira kuendeswa kuna Jehovha Mwari. Urwu rutivi rwunokosha rwokunamata kwechokwadi, sezvo wezvemapisarema akafuridzirwa anokurudzira achiti: “Nokuti zvakanaka . . . ., zvinofadza, uye kurumbidza kwakafanira.” “Zvinhu zvose zvinofema, ngazvirumbidze Jehovha.”—Pisarema 147:1; 150:6.
Zvisinei, izvi hazvirevi kuti kurumbidza hakugoni kupiwa kuvanhu. Kunogona kuitwa, mupfungwa yekurumbidza, kutendera, kana kuti murangariro wakanaka. Mumufananidzo wakapiwa naJesu, tenzi anoudza muranda wake kuti: “Zvakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka.”—Mateo 25:21.
Kune rumwe rutivi, kubata kumeso kunorondedzerwa sekurumbidza kwenhema, kusiri kwemwoyo wose kana kuti kwokunyanyisa, uko uyo anobata kumeso kazhinji kazhinji anenge ane vavariro dzoudyire. Kurumbidza kwokunyengera kana kuti kwokunyanyisa kunoitirwa kuwana tendero kana kuti betsero dzezvinhu kubva kumumwe munhu kana kuti kuparira pfungwa yekuva nomutoro kumunhu anobata kumeso. Naizvozvo vanobata kumeso vanosundwa noudyire. Maererano naJudhasi 16, “vakagadzirira kubata vamwe vanhu kumeso pavanoona kuti zvinobetsera.”—The Jerusalem Bible.
Murangariro weMagwaro
Ndoupi uri murangariro weMagwaro wokurumbidza vamwe vanhu? Jehovha akatigadzira muenzaniso wokutevera muna izvozvi. Tinoudzwa muBhaibheri kuti ticharumbidzwa kana tikaita kuda kwaJehovha. Muapostora Pauro anotaura kuti “munhu mumwe nomumwe ucharumbidzwa naMwari.” Petro anotiudza kuti kunaka kwokutenda kwedu kwakaedzwa “kuwanikwe kuchibereka kurumbidzwa.” Naizvozvo idi rokuti Jehovha acharumbidza vanhu rinotiratidza kuti kupa kurumbidza kwechokwadi chiito chomutsa, chorudo, uye chinobetsera, icho chisingafaniri kufuratirwa.—1 VaKorinte 4:5; 1 Petro 1:7.
Kumwe kunobva kurumbidza kunogona kuuya kwatiri, maererano neBhaibheri, kuzviremera zvehurumende zvinocherekedza mufambiro wedu wakanaka uye zvinotirumbidza nokutendeseka. “Ita zvakanaka,” tinoudzwa kudaro, “ugorumbidzwa naro.” (VaRoma 13:3) Tingagamuchirawo kurumbidza kubva kuvanhu vanodavira nemwoyo wose zvavanotaura uye vasina vavariro yakavanzika mukutirumbidza. Magwaro akafuridzirwa anoti pana Zvirevo 27:2: “Mumwe ngaakurumbidze, urege kuva muromo wako.” Izvi zvinoratidza kuti kugamuchira kurumbidza kunobva kuvanhu kwakarurama.
Hazvina kudaro nokupa kana kuti kugamuchira kubata kumeso. Nei kutaura kwekubata kumeso kusingafadzi kwazvo kuna Jehovha? Kutanga, hakusi kwechokwadi, uye Jehovha anoshora kusava wechokwadi. (Enzanisa naZvirevo 23:6, 7.) Uyezve, hakusi kwekutendeseka. Achirondedzera vanhu vakakodzerwa nokusatendera kwaMwari, wezvemapisarema anoti: “Zvavanongoita kunyeperana bedzi, miromo inobata kumeso, vanotaura nemwoyo miviri. Yahwe ngaagure muromo wose unobata kumeso.”—Pisarema 12:2, 3, JB.
Kupfuura zvose, kubata kumeso hakuna rudo. Kunosundwa noudyire. Pashure pokutaura nezvevanobata kumeso, wezvemapisarema Dhavhidhi anovatapa mashoko vachiti: “Tichakunda norurimi rwedu. Miromo yedu ndeyedu pamakanda; ndianiko ungava ishe wedu?” Jehovha anorondedzera vane udyire vakadaro se‘vapambi vevanotambudzwa.’ Ndimi dzavo dzinobata kumeso dzakashandiswa, kwete kuvaka vamwe, asi kuvapamba uye kuvatambudza.—Pisarema 12:4, 5.
Kubata Kumeso—Musungo
“Munhu unobata wokwake kumeso, unodzikira tsoka dzake mumbure.” Anodaro Mambo Soromoni akachenjera, uye ndezvechokwadi sei! (Zvirevo 29:5) VaFarise vakaedza kuteyera Jesu musungo kupfurikidza nokubata kumeso. Vakati: “Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wazvokwadi, munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi, musingarangariri zvinoonekwa zvomunhu; nokuti hamutariri zviri kunze kwomunhu.” Izvozvo zvainzwika sezvinonyaradza sei! Asi Jesu haana kukwezviwa nokutaura kwavo kwokunyengera. Aiziva kuti vakanga vasingadaviri kudzidzisa kwake kwechokwadi asi vakanga vachingoedza kumubata mumusungo mukutaura kwake pamusoro penhau yekubhadhara mutero kuna Kesari.—Mateo 22:15-22.
Akanga akapesana zvikuru naJesu ndiMambo Herodhe womuzana rokutanga ramakore. Paakataura pachena mutaundi reKesaria, vanhu vakapindura vachiti: “Inzwi raMwari, harizi romunhu.” Panzvimbo pokutuka vanhu nokuda kwokurumbidza kwakadaro kwakaipa, kwenhema, Herodhe akagamuchira kubata kumeso kwacho. Ngirozi yaJehovha yakaunza chirango chapakarepo sezvo Herodhe akarohwa nechirwere chehonye icho chakaguma norufu rwake.—Mabasa 12:21-23.
MuKristu akakura mumudzimu achangwarira kuziva kubata kumeso sezvakuri. Vakuru veungano vanofanira kungwarira zvikuru apo mumwe munhu anobatanidzwa munhau yokutonga anoyemura zvikuru, zvichida kutosvika pakuenzanisa mumwe mukuru nomumwe uye kutaura kuti mumwe wacho ane mutsa uye anonzwira tsitsi zvikuru sei.
Bhaibheri rinoratidza nenzira yakajeka mumwe musungo uyo kubata kumeso kunogona kuparira apo rinorondedzera kuti jaya rinonyengerwa sei kupinda muunzenza nemukadzi anonyengera. (Zvirevo 7:5, 21) Nyevero iyi yakakodzera kumamiriro ezvinhu nhasi. Pakati peavo vanodzingwa muungano yechiKristu gore rimwe nerimwe, vakawanda vanobvisirwa mufambiro wounzenza. Kuwira kwakadaro muchivi kungagona kuve kwakatanga nokubata kumeso here? Sezvo vanhu vachishuva kwazvo kurumbidzwa uye kutaurwa zvakanaka nezvavo, kutaura kwokunyengera kunobva mumiromo inobata kumeso kunogona kuderedza kurwisa kwemuKristu mufambiro usina kufanira. Kana kutaura kwakadaro kukasangwarirwa, kungagona kutungamirira kumigumisiro yakakomba.
Dziviriro Pakubata Kumeso
Kubata kumeso kunogutsa kuzvida kana kuti rudado rwemunhu ari kubatwa kumeso. Kunowanzopa munhu murangariro wakakatutsirwa woukoshi hwake, kuchimuita kuti anzwe ari mukuru kuvamwe munzira yakati. Muzivi François de La Rochefoucauld akafananidza kubata kumeso nemari yokunyepera, “iyo nemhaka yokusava nebasa isingagamuchirwi.” Nokudaro, nzira yekuzvidzivirira nayo kuteerera kurayira kunoshanda kwemuapostora Pauro kwokuti: “Ndinoudza mumwe nomumwe uri pakati penyu, kuti arege kuzvifunga mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge nokufunga kwakachenjera, mumwe nomumwe nechiyero chokutenda, sezvaakagoverwa naMwari.”—VaRoma 12:3.
Kunyange zvazvo murangariro wedu womuzvarirwo uri wokuda kunzwa zvinofadza nzeve dzedu, chatinoda chaizvoizvo nguva zhinjisa izano rakavakirwa paBhaibheri nechirango. (Zvirevo 16:25) Mambo Ahabhi aida kunzwa zvaimufadza bedzi; vabatiri vake vakatokumbira muporofita Mika kuita kuti shoko rake “rive seshoko romumwe wavo [vaporofita vanobata kumeso vaAhabhi], mutaurewo zvakanaka.” (1 Madzimambo 22:13) Kudai Ahabhi akanga achidisa kuteerera kukutaura kwechokwadi ndokuchinja nzira dzake dzokupandukira, aigona kudai akadzivisa kukurirwa kukuru muhondo kwevaIsraeri uyewo rufu rwake pachake. Nokuda kwegarikano yedu pachedu yomudzimu, tinofanira kukurumidza kudavidza kuzano rakasimba, asi rorudo, revakuru vechiKristu vakagadzwa, vanoda kutibetsera kurambira munzira yakatwasuka yechokwadi, panzvimbo pokutsvaka vanhu vanoramba vachitiudza kuti takaisvonaka sei, vachifadza nzeve dzedu nokutaura kwekubata kumeso!—Enzanisa na2 Timotio 4:3.
VaKristu havasati vachitongoda kushandisa kubata kumeso, nokuda kwechikonzero chipi nechipi. Kufanana naErihu akatendeka, nokutsunga vanonyengetera kuti: “Ngandirege kusarura munhu upi noupi, kana kuti kubata kumeso munhu upi noupi; nokuti handizivi kubata kumeso, zvimwe Muiti wangu angandibvisa nokukurumidza.” Ipapo, kufanana naPauro, vachakwanisa kuti: “Hatina kutongoreva mashoko okubata kumeso . . . . kana namanomano okukarira pfuma.”—Jobho 32:21, 22, An American Translation; 1 VaTesaronika 2:5, 6.
Rumbidza Pakafanira
Chirevo chakafuridzirwa chinoratidza kuti rumbidzo inogona kuita somuedzo, chichiti: “Hari yokunyautsa ndeyesirivha uye vira nderendarama, asi kurumbidza kunoedza unhu.” (Zvirevo 27:21, The New English Bible) Hungu, kurumbidza kungatsigira kunzwa kwoukuru kana kuti kworudado, kuchitungamirira kukuwa kwemunhu. Kune rumwe rutivi, kunogona kuratidza kuva nomwero kwake uye kuzvininipisa kana achibvuma kuonga Jehovha nokuda kwechinhu chipi nechipi chaakaita chakamuunzira kurumbidzwa.
Kurumbidza kwechokwadi nokuda kwemufambiro wakafanira kana kuti zvakaitwa kunovaka vose vari vaviri anopa uye anogamuchira. Kunoparira kuongana kwoushamwari uye kwakanaka. Kunokurudzira kuvavarira vavariro dzinorumbidzwa. Kurumbidza kwakafanira kunopiwa kuvaduku kungavaita kuti vade kushanda nesimba zvikuru. Kungabetsera kuumba unhu hwavo sezvo vanovavarira kurarama maererano nemipimo inokarirwa kwavari.
Naizvozvo, ngatidzivisei kubata kumeso—tingava tichikuitira vamwe kana kuti tichikuitirwa. Ngatizvininipisei patinorumbidzwa. Uye ngativei vanopa uye vomwoyo wose mukurumbidza—nguva dzose Jehovha mukunamata kwedu uye nemwoyo wose vamwe kupfurikidza nokurumbidza kwakanaka uye kuonga, tichiyeuka kuti “shoko, rinotaurwa nenguva yakafanira, rakanaka sei!”—Zvirevo 15:23.