RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 3/1 pp. 20-24
  • Kuonga Nhaka Yakasimba yechiKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuonga Nhaka Yakasimba yechiKristu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kushingairira Chokwadi cheBhaibheri kwaBaba
  • Chinetso Chemakore Ehondo
  • Kugadzirira Kugovera Mhinduro
  • Kukokwa Kusingakarirwi
  • Migove Yavafundisi
  • Kuchinjwa Kwomugove
  • Basa muNigeria
  • Kutsigirwa Netariro Yedu
  • Jehovha Akatisimbisa Panguva Yehondo Uye Yerunyararo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Jehovha Ndiye Utiziro Hwangu Nesimba Rangu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Upenyu Hwangu Musangano Rinotungamirirwa Nomudzimu raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 3/1 pp. 20-24

Kuonga Nhaka Yakasimba yechiKristu

YAKATAURWA NAGWEN GOOCH

Kuchikoro ndaiimba rwiyo rwuna mashoko okuti, ‘Jehovha Mukuru akagadzwa pachigaro choUmambo mumbiri yake.’ Ndaiwanzoshamisika kuti, ‘Jehovha uyu ndiani?’

VANASEKURU vangu nambuya vakanga vachitya Mwari. Pakuvamba muzana rino ramakore, vaisonganirana neVadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Baba vangu vakabudirira mubhizimisi asi pakutanga havana kupfuudzira kuvana vavo vatatu nhaka yechiKristu yavakanga vapiwa.

Pakanga pari bedzi apo Baba vakapa mukoma wangu, Douglas, hanzvadzi yangu, Anne, uye ini mabhukwana aiva nemisoro yaiti His Works uye Who Is God? pandakaziva kuti Jehovha izita raMwari wechokwadi. (Pisarema 83:18) Ndakafadzwa! Asi chii chakanga chanyandura fariro yaBaba?

Muna 1938, pavakaona marudzi achigadzirira hondo, Baba vakaziva kuti zvaizoda dzinopfuura nhamburiko dzavanhu kupedza zvinetso zvenyika. Mbuya vakavapa bhuku raEnemies, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Mukurirava, vakaziva kuti muvengi chaiyeiye worudzi rwomunhu ndiSatani Dhiyabhorosi uye kuti Umambo hwaMwari bedzi hunogona kuunza rugare rwenyika.a—Dhanieri 2:44; 2 VaKorinte 4:4.

Sezvo hondo yakasvika, mhuri yedu yakatanga kupinda misangano paHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha muWood Green, North London. Muna June 1939 takaenda kuAlexandra Palace yaiva pedyo kunonzwa hurukuro yavose yaiti, “Hurumende Norugare,” yakapiwa naJoseph F. Rutherford, akanga ari purezidhendi weWatch Tower Society panguva iyoyo. Hurukuro yaRutherford muMadison Square Garden yomuNew York City yakaendeswa neredhiyo kuLondon nokumamwe maguta makuru. Taigona kunzwa hurukuro yacho zvakajeka kwazvo zvokuti apo mhomho yaiita ruzha yomuNew York yakavhiringidza, ndakatarira-tarira kuti ndione kana zvakanga zviri kuitika munhandare yedu!

Kushingairira Chokwadi cheBhaibheri kwaBaba

Baba vakasimbirira kuti manheru oMugovera oga oga mhuri yedu yose igoverane pamwe chete mufundo yeBhaibheri. Fundo yedu yakanga yakanangidzirwa panhau yeBhaibheri yaiva muNharireyomurindi yaiva yakarongwa kuti ikurukurwe zuva raitevera. Kuratidzira simba rakanga rine zvifundo izvi, kusvikira nhasi uno nhoroondo yaJoshua nekukombwa kweguta reAi zvakakurukurwa muNharireyomurindi yaMay 1, 1939, zvichakajeka mundangariro mangu. Ndakafadzwa kwazvo nenhoroondo iyoyo zvokuti ndakanzvera nongedzero dzose kwairi muBhaibheri rangu pachangu. Ndakawana kunzvera kwakadaro kuchifadza—uye ndichiri kudaro.

Kugoverana navamwe zvatakanga tiri kudzidza kwakaroverera dzidziso dzeBhaibheri mumwoyo mangu. Rimwe zuva Baba vakandipa giramufomu rine mharidzo yeBhaibheri yakarekodwa, bhukwana rataishandisa nokuda kwefundo yeBhaibheri, uye kero yomumwe mukadzi akwegura. Ipapo vakandikumbira kuti ndimushanyire.

“Ndichatii, uye ndoitei?” ndakabvunza kudaro.

“Zvose zvirimo,” Baba vakapindura kudaro. “Ingoridza rekodhi yacho, rava mibvunzo, ita kuti saimba arave mhinduro, uye ipapo rava magwaro.”

Ndakaita sezvavakandiudza, uye nenzira iyi ndakadzidza kuitisa fundo yeBhaibheri. Nokudaro kupfurikidza nokushandisa Magwaro muushumiri hwangu, ndakasvika pakuanzwisisa zviri nani.

Chinetso Chemakore Ehondo

Hondo Yenyika II yakaitika muna 1939, uye gore rakatevera racho ndakabhabhatidzwa mukuratidzira tsauriro yangu yokubatira Jehovha. Ndakanga ndichingova namakore 13 bedzi. Ipapo ndakasarudza kuva piyona, sokudanwa kunoitwa vashumiri venguva yakazara. Ndakarega chikoro muna 1941 uye pakokorodzano yokuLeicester ndakakumbanira Douglas mumubato wokuparidza nguva yakazara.

Gore rakatevera racho, Baba vakaiswa mujeri nokuda kwokuramba kwavo kuenda kuhondo nemhaka yokutungamirirwa nehana. Isu vana takatsigira mai vedu, tichivabetsera kutarisira musha wedu mukati menguva iyoyo yakaoma yehondo. Ipapo, nokukurumidza pashure pokunge Baba vabudiswa mujeri Douglas akadanirwa basa rechiuto. Musoro mukuru wepepanhau romunzvimbomo waiti, “Chikonzero Nei Mwanakomana Kufanana naBaba Akasarudza Jeri.” Uchapupu hwakanaka hwakavapo, sezvo mukana wakagoverwa wokutsanangura chikonzero nei vaKristu vechokwadi vasingagoverani mukuuraya vanhu biyavo.—Johane 13:35; 1 Johane 3:10-12.

Mukati memakore iwayo ehondo, Zvapupu zvakawanda zvaiva muushumiri hwenguva yakazara zvakanga zviri vashanyi venguva dzose kumba kwedu, uye kurukurirano dzazvo dzinovaka dzakavakirwa paBhaibheri dzakatiorora zvikuru. Pakati peidzi hama dzechiKristu dzakatendeka pakanga pana John Barr naAlbert Schroeder, zvino vari mitezo yeMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha. Vabereki vangu vakanga vane mutsa zvechokwadi, uye vakatidzidzisa kuva vakafanana.—VaHebheru 13:2.

Kugadzirira Kugovera Mhinduro

Nokukurumidza pashure pokunge ndatanga kupayona, ndakasangana naHilda, muushumiri hwapaimba neimba. Akataura akashatirwa kuti: “Murume wangu ari kurwira kubetserwa kwavanhu vakaita sewe! Nei usiri kuita chimwe chinhu pamusoro pehondo?”

“Munoziva zvakawanda sei pamusoro pezvandiri kuita?” Ndakabvunza kudaro. “Munoziva here chikonzero nei ndauya kwamuri?”

“Zvakanaka,” akapindura kudaro, “zviri nani upinde undiudze.”

Ndakakwanisa kutsanangura kuti takanga tiri kugovera tariro yechokwadi kuvanhu vakanga vari kutambura nemhaka yezviito zvakaipa zvakanga zviri kuitwa—kakawanda muzita raMwari. Hilda akateerera nokuonga, uye akava fundo yangu yeBhaibheri yokutanga yenguva dzose. Ave ari Chapupu chinoshingaira zvino kwamakore anopfuura 55.

Pakupera kwehondo, ndakagamuchira mugove mutsva woupiyona muDorchester, taundi riri kumaodzanyemba kwakadziva kumavirira kweEngland. Iyi yakanga iri nguva yokutanga yandakagara kure nokumba. Ungano yedu duku yaiungana muresitorendi, chivako chomuzana ramakore rechi16 chainzi “The Old Tea House.” Taifanira kurongazve matafura nezvigaro nokuda kwomumwe nomumwe wemisangano yedu. Zvakanga zvakasiyana zvikuru neHoro yoUmambo yandakanga ndakajaira. Kunyange zvakadaro, zvokudya zvomudzimu zvakafanana nesonganiro yorudo yehama nehanzvadzi dzechiKristu zvakanga zviripo.

Munguvayo vabereki vangu vakatamira kuTunbridge Wells, kumaodzanyemba kweLondon. Ndakadzokera kumba kuitira kuti Baba, Anne, neni tigogona kupayona pamwe chete. Ungano yedu yakakurumidza kukura kubva paZvapupu 12 kusvika ku70, naizvozvo mhuri yedu yakakumbirwa kuti itamire kuBrighton kumhenderekedzo yokumaodzanyemba, kwakanga kune kudikanwa kukuru kwavazivisi voUmambo. Vakawanda vakakumbanira mhuri yedu yamapiyona nokushingaira, uye takaona Jehovha achikomborera basa redu zvikuru. Ungano imwe yakakurumidza kuva nhatu!

Kukokwa Kusingakarirwi

Muzhizha ra1950, mhuri yedu yakanga iri pakati penhume 850 dzaibva kuBritain dzakapinda Gungano Remarudzi Akawanda reKuwedzera Kwoubati Ushe hwaMwari muYankee Stadium yeNew York City. Mapiyona akawanda aizouya kukokorodzano iyoyo achibva mhiri kwamakungwa akatumirwa kumbiriso yokupinda Watchtower Bible School of Gilead, yaiva pedyo neSouth Lansing, New York. Douglas, Anne, neni takanga tiri pakati pawo! Ndinoyeuka ndichifunga pandakakanda kumbiriso yangu yakazadzwa mubhokisi retsamba kuti, ‘Zvino ndazviita chaizvoizvo! Upenyu hwangu huchafamba sei?’ Asi chisarudzo changu chakanga chiri chokuti: “Ndiri pano ini, nditumei.” (Isaya 6:8) Ndakafara pandakagamuchira kukokwa kuti ndisare pashure pekokorodzano kuti ndipinde kirasi yechi16 yeGilead, pamwe chete naDouglas naAnne. Tose takanga tichiziva zvikuru kuti taigona kutumirwa savafundisi kurutivi rwupi norwupi rwenyika.

Pashure pokufarikanya kokorodzano pamwe chete semhuri, nguva yakasvika yokuti vabereki vedu vadzokere kuEngland—vari voga. Vatatu vedu vana takavasimudzira maoko tichiti fambai zvakanaka sezvavakadzokera kumusha nengarava inonzi Mauritania. Kwakanga kuri kuparadzana kwairwadza zvakadini!

Migove Yavafundisi

Kirasi yechi16 yeGilead yakanga ine vadzidzi 120 vaibva kumativi ose enyika, kubatanidza vamwe vakanga vatambura mumisasa yavasungwa yeNazi. Sezvo kirasi yedu yaidzidziswa chiSpanish, taikarira kugoverwa kune imwe nyika inotaura chiSpanish muSouth America. Fungidzira kushamisika kwatakaita pazuva rokupedza kufunda kuziva kuti Douglas akagoverwa kuJapan uye Anne neni kuSyria. Naizvozvo isu vasikana taifanira kudzidza chiArabic, uye izvi zvakaramba zvakadaro kunyange apo mugove wedu wakachinjirwa kuLebanon. Patakanga takamirira mavhiza edu, takava nezvidzidzo zveArabic kaviri pavhiki zvaiitiswa naGeorge Shakashiri, murongi wamashoko anoda kudhindwa weWatch Tower Society nokuda kweNharireyomurindi yechiArabic.

Zvaifadza sei kuenda kunyika yeBhaibheri yatakanga tafunda nezvayo mukirasi! Keith naJoyce Chew, Edna Stackhouse, Olive Turner, Doreen Warburton, naDoris Wood vakatiperekedza ikoko. Takava mhuri yavafundisi inofara zvikuru! Chimwe Chapupu chomunzvimbomo chakashanyira musha wedu wavafundisi kuzotibetserazve nomutauro wacho. Mukati menhambo yokurayiridzwa kwedu zuva nezuva, taidzidzira mharidzo pfupi, pashure pacho taibuda ndokuishandisa mubasa redu rokuparidza.

Takapedzera makore edu okutanga akati wandei muTripoli, kwakanga kune ungano yakatangwa. Joyce, Edna, Olive, Doreen, Doris, Anne, neni takabetsera vadzimai nevanasikana veZvapupu zvomunzvimbomo kuti vagoverane mumisangano pamwe chete nomuushumiri hwapachena. Kusvikira panguva iyoyo, hama dzedu nehanzvadzi dzechiKristu, dzichitevera tsika yomunzvimbomo, hadzina kugara pamwe chete pamisangano, uye idzi hanzvadzi dzechiKristu dzaisawanzogoverana muushumiri paimba neimba. Taida betsero yadzo nomutauro mukuparidza kwedu pachena, uye takadzikurudzira kugoverana mubasa iri idzo pachadzo.

Tevere Anne neni takagoverwa kunobetsera boka duku reZvapupu muguta rakare reSidhoni. Nokukurumidza pashure pacho, takakumbirwa kudzokera kudzimbahwe, Beirut. Mbeu dzechokwadi cheBhaibheri dzakanga dzadyarwa pakati penzanga inotaura chiArmenia ikoko, naizvozvo takadzidza mutauro iwoyo kuti tivabetsere.

Kuchinjwa Kwomugove

Ndakanga ndasangana naWilfred Gooch ndisati ndabva muEngland. Akanga ari hama yaishingaira, yaiitira hanya iyo yakanga yashanda paBheteri yeLondon. Wilf akanga ari mutezo wekirasi yechi15 yeGilead, yakapedza kufunda mukati mekokorodzano ya1950 yokuYankee Stadium. Mugove wake womufundisi wakanga uri hofisi yebazu reWatch Tower Society muNigeria, uye kwenguva yakati tainyorerana. Muna 1955 tose tiri vaviri takapinda kokorodzano ye“Umambo Hunokunda” muLondon, uye nokukurumidza pashure pacho takavimbisana kuroorana. Gore rakatevera racho, takaroorana muGhana, uye ndakakumbanira Wilf mumugove wake womufundisi muLagos, Nigeria.

Pashure pokunge ndasiya Anne muLebanon, akaroorwa nehama yakaisvonaka yechiKristu yakanga yafunda chokwadi cheBhaibheri muJerusalem. Vabereki vangu havana kukwanisa kuuya kumichato yedu, sezvo Douglas, Anne, neni takaroorwa nokuroora kumativi akasiyana enyika. Zvisinei, vakagutsikana nokuziva kuti tose takanga tichibatira Mwari wedu, Jehovha nomufaro.

Basa muNigeria

Pahofisi yebazu muLagos, ndakapiwa basa rokuchenesa makamuri emitezo misere yemhuri yebazu redu pamwe chete nokugadzirira zvokudya zvayo uye kuvawachira. Kwandiri zvairatidzika kuti ndakanga ndisina kungowana bedzi murume asi mhuri yapakarepowo!

Wilf neni takadzidza mharidzo pfupi dzeBhaibheri mumutauro weYoruba, uye takapiwa mibayiro nokuda kwenhamburiko dzedu. Mumwe mudzidzi muduku watakamboonana naye zvino ane mwanakomana nemwanasikana vanoshanda mumhuri huru yeBheteri yomuNigeria yemitezo inenge 400.

Muna 1963, Wilf akagamuchira kukokwa kunopinda kosi yemwedzi gumi yomurayiridzo chaiwo muBrooklyn, New York. Pashure pokuipedza, asingazvikariri akagoverwazve kuEngland. Ndakanga ndasara muNigeria uye ndakapiwa ziviso yamazuva 14 bedzi yokusangana naWilf muLondon. Ndakaenda ndine mirangariro yakasiyana-siyana, sezvo Nigeria wakanga wave uri mugove unofadza zvakadaro. Pashure pokubatira kwemakore 14 ndiri kunze kwenyika, zvakatora nguva kuti ndijaire upenyu hwomuEngland zvakare. Zvisinei, takafara kuva pedyo nevabereki vedu vakanga vakwegura zvakare uye kukwanisa kubetsera kuvatarisira.

Kutsigirwa Netariro Yedu

Kubva muna 1980, ndakaropafadzwa kuperekedza Wilf sezvaaifamba achienda kunyika dzakawanda somutariri wezoni. Zvikurukuru ndaikarira kuona shanyo dzedu dzedzokerero kuNigeria. Gare gare takaendawo kuScandinavia, West Indies, uye Middle East—kubatanidza Lebanon. Zvaifadza chaizvo kumutsidzira yeuko dzinofadza uye kuona vandakanga ndaziva sevechiduku vakanga vachibatira savakuru vechiKristu.

Nenzira ine ngwavarira, murume wangu anodiwa akafa mumunakamwe wa1992. Akanga achingova namakore 69 bedzi. Chakanga chiri chiitiko chakaoma zvikuru sezvachakaitika kamwe kamwe kwazvo. Pashure pemakore 35 eroorano, zvakatora nguva kuti ndichinje. Asi ndakagamuchira betsero yakawanda norudo kubva kumhuri yangu yechiKristu yomunyika yose. Ndakava nezviitiko zvakawanda zvinofadza kwazvo zvokurangarira.

Vabereki vangu vose vari vaviri vakagadza muenzaniso wakaisvonaka wekutendeseka kwechiKristu. Mai vakafa muna 1981 uye Baba muna 1986. Douglas naAnne vanopfuurira kubatira Jehovha nokutendeka. Douglas nomudzimai wake, Kam, vakadzoka kuLondon, kwavakaramba vari pashure pokutarisira Baba. Anne nemhuri yake vari muUnited States. Tose zvedu tinoonga zvikuru tariro yedu yakapiwa naMwari nenhaka. Tinopfuurira ku“ratidza murangariro wokumirira,” tichikarira nguva apo vapenyu, pamwe chete nevadiwa vavo vanomutswa, vachabatira nokusingaperi pamwe chete semitezo yemhuri yaJehovha yapasi.—Mariro aJeremia 3:24, NW.

[Mashoko Omuzasi]

a Nhoroondo youpenyu hwababa vangu, Ernest Beavor, yakabuda muNharireyomurindi yaMarch 15, 1980.

[Mifananidzo iri papeji 23]

Kutangira kuruboshwe nechepamusoro:

Gwen pazera ramakore 13 achiratidzira fundo yomuenzaniso paHoro yoUmambo yeEnfield

Mhuri yavafundisi muTripoli, Lebanon, 1951

Gwen nomurume wake akashaya, Wilf

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe