RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 3/15 pp. 12-17
  • Tsauriro Norusununguko Rwokusarudza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsauriro Norusununguko Rwokusarudza
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuzvitsaurira kuna “Mwari waIsraeri”
  • Kuzvitsaurira kwa“Israeri waMwari”
  • Kushandisa Rusununguko Rwakapiwa naMwari Nokuchenjera
  • Kusarudza Kuva Muranda Waani?
  • Kudzidza Kuzvibetsera
  • Vakaberekwa Vari Rudzi rwaMwari Rwakasarudzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Uri Kurarama Maererano Nokuzvitsaurira Kwako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kurarama Maererano Netsauriro Yedu “Zuva Rimwe Nerimwe”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Nei Uchifanira Kuzvitsaurira Kuna Jehovha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 3/15 pp. 12-17

Tsauriro Norusununguko Rwokusarudza

“Kristu wakatisunungura kuti tive vakasununguka.”—VAGARATIA 5:1.

1. Mashoko echiHebheru neechiGiriki anoshandurwa kuti “tsauriro,” “kukumikidza,” kana kuti “kupa” anoshanda kuchii zvikurukuru?

VANYORI veBhaibheri vakashandisa mashoko echiHebheru neechiGiriki anoverengeka kuti vape pfungwa yokuparadzaniswa, kana kuti yokutsaurwa, yokubatira donzo rinoyera. MumaBhaibheri echiShona mashoko aya anoshandurwa namashoko akadai seokuti “tsauriro,” “kumikidza,” kana kuti “kupa.” Pane dzimwe nguva mashoko aya anoshandiswa maererano nezvivako—kakawanda temberi yaMwari yaiva muJerusarema rakare nokunamata kwaiitwa imomo. Mashoko aya haambonyanyi kushandiswa kuzvinhu zvenyika.

Kuzvitsaurira kuna “Mwari waIsraeri”

2. Nei Jehovha aigona kunzi “Mwari waIsraeri” nenzira yakarurama?

2 Muna 1513 B.C.E., Mwari akanunura vaIsraeri muuranda hweEgipita. Nokukurumidza pashure pacho, akavatsaura savanhu vake chaivo, achivapinza muukama hwesungano naiye pachake. Vakaudzwa kuti: “Zvino kana mukateerera inzwi rangu nomwoyo wose, mukachengeta sungano yangu, muchava pfuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose, nokuti nyika ndeyangu.” (Eksodho 19:5; Pisarema 135:4) Sezvo akanga aita vaIsraeri pfuma yake chaiyo, Jehovha nenzira yakarurama aigona kunzi “Mwari waIsraeri.”—Joshua 24:23.

3. Nei Jehovha akanga asiri kuratidza kusarura kupfurikidza nokusarudza Israeri savanhu vake?

3 Mukuita vaIsraeri vanhu vake vakazvitsaurira, Jehovha akanga asiri kusarura, nokuti nenzira yorudo akafungawo nezvevakanga vasiri vaIsraeri. Akarayira vanhu vake kuti: “Kana mutorwa agere newe panyika yenyu, usamuitira zvakaipa. Mutorwa ugere nemi ngaave kwamuri somunhu wakaberekerwa pakati penyu, unofanira kumuda sezvaunozvida iwe, nokuti nemiwo makanga muri vatorwa munyika yeEgipita; ndini Jehovha Mwari wenyu.” (Revhitiko 19:33, 34) Mazana amakore gare gare, murangariro waMwari wakataurwa zvakasimba kumuapostora Petro, uyo akabvuma kuti: “Zvirokwazvo, ndinoona kuti Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.”—Mabasa 10:34, 35.

4. Ndeapi akanga ari mamiriro ezvinhu oukama hwaiva pakati paMwari naIsraeri, uye vaIsraeri vakararama maererano nawo here?

4 Cherekedzawo, kuti kuva vanhu vakazvitsaurira vaMwari kwaitsamira pamamiriro ezvinhu akati. Kana bedzi vakateerera zvikuru inzwi raMwari uye vakachengeta sungano yake vaizova “pfuma [yake] chaiyo.” Nenzira inosuruvarisa, vaIsraeri vakakundikana kusvitsa zvinodikanwa izvi. Pashure pokuramba Mesiya akatumwa naMwari muzana ramakore rokutanga C.E., vakarasikirwa nenzvimbo yavo yakaropafadzwa. Jehovha akanga asisiri “Mwari waIsraeri.” Uye vaIsraeri vokunyama vakanga vasisiri vanhu vakazvitsaurira vaMwari.—Enzanisa naMateo 23:23.

Kuzvitsaurira kwa“Israeri waMwari”

5, 6. (a) Jesu airevei nemashoko ake ouporofita akanyorwa pana Mateo 21:42, 43? (b) “VaIsraeri vaMwari” vakavapo rini uye sei?

5 Izvi zvakareva here kuti zvino Jehovha akanga asisina vanhu vakazvitsaurira? Aiwa. Achinokora mashoko owezvamapisarema, Jesu Kristu akafanotaura kuti: “Hamuna kutongorava here paMagwaro panoti: “Ibwe rakarashwa navavaki, ndiro rakazova musoro wekona; izvozvo zvakaitwa naShe, zvinoshamisa pameso edu? Naizvozvo ndinoti kwamuri: Muchatorerwa imi ushe hwaMwari, hukapiwa vanhu vanobereka zvibereko zvahwo.”—Mateo 21:42, 43.

6 “Vanhu vanobereka zvibereko zvahwo” vakabvumikisa kuva ungano yechiKristu. Achigara pasi pano, Jesu akasarudza mitezo yayo yokutanga yaikarirwa. Asi pazuva rePendekosti ya33 C.E., akanga ari Jehovha Mwari pachake akatanga ungano yechiKristu kupfurikidza nokudururira mudzimu wake mutsvene pamitezo yayo yokutanga, yakanga iri inenge 120. (Mabasa 1:15; 2:1-4) Sokunyora kwakaita muapostora Petro gare gare, iyi ungano ichangobva kuumbwa ipapo yakava “rudzi rwakasanangurwa, upristi hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaakazviwanira.” Vakasarudzirwei? Kuti vanofanira ku“paridz[a] kunaka kwaiye waka[va]dana, kuti [va]bve parima [va]uye kuchiedza chake chinoshamisa.” (1 Petro 2:9) Vateveri vaKristu, vakazodzwa nomudzimu waMwari, zvino vakanga vava rudzi rwakazvitsaurira, “vaIsraeri vaMwari.”—VaGaratia 6:16.

7. Mitezo yaIsraeri waMwari yaifanira kufarikanya chii, uye yakaudzwa kuti idzivise chii?

7 Kunyange zvazvo mitezo yerudzi rutsvene yakanga iri “vanhu vaakazviwanira,” yakanga isingafaniri kuitwa varanda. Mukupesana, yaifanira kufarikanya rusununguko rukuru kupfuura urwo rwaiva norudzi rwakazvitsaurira rwaIsraeri wokunyama. Jesu akavimbisa mitezo yaikarirwa yerudzi urwu rutsva kuti: “Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai.” (Johane 8:32) Muapostora Pauro akaratidza kuti vaKristu vakasunungurwa muzvinodikanwa zvesungano yoMutemo. Munhau iyi akarayira vaaitenda navo muGaratia kuti: “Kristu wakatisunungura kuti tive vakasununguka; naizvozvo mirai nesimba, murege kusungwazve nejoko rouranda.”—VaGaratia 5:1.

8. Gadziriro yechiKristu inogovera vanhu rusununguko rukuru murutivii kupfuura urwo rwaiwanikwa musungano yoMutemo?

8 Kusafanana navaIsraeri vokunyama vakare, kusvikira kuzuva rino Israeri waMwari akateerera zvikuru zvinodikanwa zvokuzvitsaurira kwake. Izvi hazvifaniri kushamisa nemhaka yokuti mitezo yake inosarudza kuteerera nokuzvidira. Nepo mitezo yaIsraeri wokunyama yakava yakazvitsaurira nemhaka yokuberekwa, mitezo yaIsraeri waMwari yakava yakadaro kupfurikidza nokusarudza. Gadziriro yechiKristu nokudaro yakapesana nesungano yoMutemo yechiJudha, iyo yaimanikidza vanhu kuzvitsaurira isingavabvumiri rusununguko rwokusarudza.

9, 10. (a) Jeremia akaratidzira sei kuti paizova nokuchinja pamusoro petsauriro? (b) Nei ungataura kuti havasi vaKristu vose vakazvitsaurira nhasi vari mitezo yaIsraeri waMwari?

9 Muporofita Jeremia akafanotaura kuchinja pamusoro petsauriro paakanyora kuti: “Tarirai, mazuva anouya—ndizvo zvinotaura Jehovha—andichaita sungano itsva neimba yaIsraeri, uye neimba yaJudha. Haingafanani nesungano yandakaita namadzibaba avo namazuva andakavabata ruoko ndikavabudisa munyika yeEgipita, vakaputsa sungano yangu iyo, kunyange ndakanga ndiri murume kwavari—ndizvo zvinotaura Jehovha. Asi heyi sungano yandichaita neimba yaIsraeri shure kwamazuva iwayo—ndizvo zvinotaura Jehovha: Ndichaisa murayiro wangu mukati mavo, ndichaunyora pamwoyo yavo; ini ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.”—Jeremia 31:31-33.

10 Vachiva nomutemo waMwari “mukati mavo,” wakanyorwa, sokunge zvakadaro, “pamwoyo yavo,” mitezo yaIsraeri waMwari inosundwa kurarama maererano nokuzvitsaurira kwayo. Kusundwa kwavo kwakasimba kupfuura uko kwavaIsraeri vokunyama, avo vakanga vakazvitsaurira kupfurikidza nokuberekwa, kwete nokusarudza. Nhasi, kusundwa kwakasimba kuita kuda kwaMwari, sezvinoratidzirwa naIsraeri waMwari, kunogoveranwa nevanamati biyavo vanopfuura mamiriyoni mashanu munyika yose. Nenzira yakafanana ivo vakatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha Mwari kuti vaite kuda kwake. Kunyange zvazvo vanhu ava vasina tariro youpenyu hwokudenga sezvinoita avo vanoumba Israeri waMwari, vanofarira kariro yokurarama nokusingaperi pasi pano mukutonga kwoUmambo hwaMwari hwokudenga. Vanoratidza kuonga Israeri womudzimu kupfurikidza nokutsigira nokushingaira mitezo yake mishomanene yasara mukuita basa rayo roku“paridz[a] kunaka kwaiye waka[va]dana, kuti [va]bve parima [va]uye kuchiedza chake chinoshamisa.”

Kushandisa Rusununguko Rwakapiwa naMwari Nokuchenjera

11. Munhu akasikwa ane simbai, uye rinofanira kushandiswa sei?

11 Mwari akasika vanhu kuti vakoshese simba norusununguko. Akavapa simba rokuita zvavanoda. Vanhu vaviri vokutanga vakashandisa rusununguko rwavo rwokusarudza. Zvisinei, vakaita chisarudzo chakatungamirira kungwavaira nokuda kwavose vari vaviri ivo nevana vavo nokusachenjera uye vasina rudo. Zvisinei, izvi zvinoratidzira zvakajeka kuti Jehovha haambomanikidzi zvisikwa zvakangwara kuti zvitore nzira inopesana nevavariro dzazvo dzomukati kana kuti zvishuvo. Uye sezvo “Mwari [achi]da munhu unopa nomufaro,” kuzvitsaurira bedzi kunogamuchirika kwaari ndekwakavakirwa parudo, kunoitwa nokudisa nomufaro, kwakavakirwa parusununguko rwokusarudza. (2 VaKorinte 9:7) Rumwe rudzi rwupi norwupi harwugamuchiriki.

12, 13. Timotio anoshanda sei somutoo wakarurama wokurovedza nawo vana, uye muenzaniso wake wakatungamirira vanhu vaduku vakawanda kuchii?

12 Zvichiziva zvakazara chinodikanwa ichi, Zvapupu zvaJehovha zvinotsigira kuzvitsaurira kwomunhu kuna Mwari, asi hazvimbomanikidzi munhu upi noupi kuti aite tsauriro yakadaro, kunyange vana vazvo pachazvo. Kusiyana nemachechi akawanda, Zvapupu hazvibhabhatidzi vana vazvo vachiri vacheche, sokunge kuti zvinobvira kuvamanikidza kuti vazvitsaurire pasina kuzvisarudzira. Mutoo waMagwaro wokutevera ndouyo wakateverwa nejaya Timotio. Akura, akaudzwa nomuapostora Pauro kuti: “Rambira pane zvakawakadzidza nezvawakatendiswa, uzive kuti wakazvidzidza kunani, kuti kubvira paucheche hwako wakaziva Manyoro Matsvene anogona kukupa uchenjeri hunoisa kukuponeswa nokutenda kuri muna Kristu Jesu.”—2 Timotio 3:14, 15.

13 Zvinokosha kuti Timotio aiziva manyoro matsvene nemhaka yokuti akanga aadzidziswa kubvira paucheche. Akanga atendiswa—kwete kumanikidzwa—kuti adavire dzidziso dzechiKristu namai vake nambuya. (2 Timotio 1:5) Somugumisiro, Timotio akaona uchenjeri hwokuva muteveri waKristu nokudaro ndokuita chisarudzo chomunhu oga chokuzvitsaurira kwechiKristu. Munguva dzazvino, makumi ezviuru emajaya nemhandara ane vabereki vari Zvapupu zvaJehovha akatevera muenzaniso uyu. (Pisarema 110:3) Vamwe havana. Inhau yechisarudzo chomunhu oga.

Kusarudza Kuva Muranda Waani?

14. VaRoma 6:16 inotiudzei pamusoro porusununguko rwakazara?

14 Hapana munhu akasununguka zvakazara. Munhu wose anoganhurirwa murusununguko rwake nemitemo yokunyama, yakadai semutemo wesimba rinokwevera zvinhu pasi, usingagoni kufuratirwa pasina chirango. Uyewo mupfungwa yomudzimu, hapana munhu akasununguka zvakazara. Pauro akarangarira kuti: “Hamuzivi here, kuti uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuteerera, kuti muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vezvivi zvinoisa kurufu, kana vokuteerera kunoisa kukururama?”—VaRoma 6:16.

15. (a) Vanhu vanonzwa sei pamusoro pokuva varanda, asi vazhinjisa vanoguma voitei? (b) Mibvunzoi yakafanira yatingazvibvunza?

15 Pfungwa yokuva muranda womumwe munhu haifadzi vanhu vakawanda zvikurusa. Asi, munyika yanhasi chokwadi ndechokuti vanhu kazhinji kazhinji vanozvirega vachidzorwa nokupesvedzerwa munzira dzakawanda dzamanomano zvokuti vanoguma voita izvo vamwe vanoda kuti vaite vasingazvidiri. Somuenzaniso, basa rokushambadzira nenyika yevaraidzo zvinoedza kuita kuti vanhu vafanane, zvichitanga mipimo yokuti vatevere. Masangano ezvematongerwe enyika neorudzidziso anoita kuti vanhu vatsigire pfungwa dzawo nevavariro, nguva dzose kwete kupfurikidza nenharo dzinopwisa, asi kazhinji kazhinji kupfurikidza nokufadza pfungwa yokubatana kana kuti yokuvimbika. Sezvo Pauro akataura kuti ‘tiri varanda vevatinoteerera,’ mumwe nomumwe wedu anoita zvakanaka kuzvibvunza kuti, ‘Ndiri muranda waani? Ndiani anoshandisa pesvedzero hurusa pazvisarudzo zvangu nemararamire angu? Vafundisi, vatungamiriri vezvamatongerwe enyika, shoroma, kana kuti vanhu vezvevaraidzo here? Ndiani wandinoteerera—Mwari kana kuti vanhu?’

16. VaKristu varanda vaMwari mupfungwai, uye ndoupi uri murangariro wakarurama wouranda hwakadaro?

16 VaKristu havarangariri kuteerera Mwari sokuputswa kusina mufungo kwerusununguko rwomunhu oga. Vanoshandisa rusununguko rwavo nokudisa nomutoo woMuenzaniso wavo, Jesu Kristu, vachiwiriranisa zvishuvo zvavo zvomunhu oga nezvinofanira kuva zvokutanga nokuda kwaMwari. (Johane 5:30; 6:38) Vanotanga “murangariro waKristu,” vachizviisa pasi pake soMusoro weungano. (1 VaKorinte 2:14-16; VaKorose 1:15-18) Izvi zvakafanana zvikuru nomukadzi anoroorwa ndokubatira pamwe nokudisa nomurume waanoda. Kutaura idi, boka ravaKristu vakazodzwa rinotaurwa nezvaro semhandara yakachena yakavimbiswa Kristu muroorano.—2 VaKorinte 11:2; VaEfeso 5:23, 24; Zvakazarurwa 19:7, 8.

17. Zvapupu zvose zvaJehovha zvakasarudza kuva chii?

17 Mumwe nomumwe weZvapupu zvaJehovha, angava ane tariro yokudenga kana kuti yapasi, akaita tsauriro yomunhu oga kuna Mwari kuti aite kuda kwake ndokumuteerera soMutongi. Nokuda kweChapupu chimwe nechimwe, tsauriro yave iri chisarudzo chomunhu oga kuti ave muranda waMwari panzvimbo pokuramba ari muranda wavanhu. Izvi zvinowirirana nezano romuapostora Pauro rokuti: “Makatengwa nomutengo; regai kuva varanda vavanhu.”—1 VaKorinte 7:23.

Kudzidza Kuzvibetsera

18. Ndirini apo Chapupu chinokarirwa chinokwanirisa kubhabhatidzwa?

18 Munhu asati agona kukwanirisa kuti ave mumwe weZvapupu zvaJehovha, anofanira kusvitsa zvinodikanwa zvaMagwaro. Vakuru vanongwarira pakusarudza kana Chapupu chinokarirwa chichinzwisisa zvechokwadi zvinoreva tsauriro yechiKristu. Anoda chaizvoizvo kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha here? Anodisa kurarama maererano nezvazvinobatanidza here? Kana zvisina kudaro, haakwaniriswi kubhabhatidzwa.

19. Nei pasina chikonzero chokutsoropodza mumwe munhu anosarudza kuva mubatiri akazvitsaurira waMwari?

19 Kana munhu akasvitsa zvinodikanwa zvose, zvisinei, nei achifanira kutsoropodzwa nokuda kwokuita chisarudzo chomunhu oga nokuzvidira chokuzviita kuti apesvedzerwe naMwari neShoko Rake rakafuridzirwa? Zvinogamuchirika zvishoma kuti munhu apesvedzerwe naMwari kupfuura navanhu here? Kana kuti izvi zvinobetsera zvishoma here? Zvapupu zvaJehovha hazvifungi kudaro. Zvinobvumirana nomwoyo wose namashoko aMwari akanyorwa naIsaya okuti: “Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.”—Isaya 48:17.

20. Vanhu vanosunungurwa nechokwadi cheBhaibheri mumativi api?

20 Chokwadi cheBhaibheri chinosunungura vanhu pakudavira dzidziso dzenhema dzorudzidziso, dzakadai sekutambudzwa kusingaperi muhero yomoto. (Muparidzi 9:5, 10) Panzvimbo pezvo, chinozadza mwoyo yavo nokuonga tariro yechokwadi yavakafa—rumuko rwakaitwa kuti rwubvire pahwaro hwechibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. (Mateo 20:28; Mabasa 24:15; VaRoma 6:23) Chokwadi cheBhaibheri chinosunungura vanhu mukukangaidzwa nokuvimba nezvipikirwa zvematongerwe enyika zvinokundikana nguva dzose. Panzvimbo pezvo, chinoparira kuti mwoyo yavo ipfachukire nomufaro pavanoziva kuti Umambo hwaJehovha hunototonga mumatenga uye nokukurumidza huchatonga mupasi rose. Chokwadi cheBhaibheri chinosunungura vanhu mumiitiro iyo, kunyange zvazvo ichifadza nyama inotadza, inozvidza Mwari uye inoparira nhamo huru muchimiro choukama hunokundikana, urwere, uye kukurumidza kufa. Mukupfupikisa, kuva muranda waMwari kunobetsera zvikuru kwazvo kupfuura kuva muranda wavanhu. Kutaura idi, kuzvitsaurira kuna Mwari kunopikira betsero mu“nguva ino . . . noupenyu husingaperi nenguva inouya.”—Marko 10:29, 30.

21. Zvapupu zvaJehovha zvinorangarira sei tsauriro kuna Mwari, uye chishuvo chazvo ndechipi?

21 Zvapupu zvaJehovha nhasi hazvina kuva rutivi rworudzi rwakazvitsaurira nokuberekwa sezvakaita vaIsraeri vakare. Zvapupu rutivi rweungano yevaKristu vakazvitsaurira. Chapupu chimwe nechimwe chakabhabhatidzwa chakava chakadaro kupfurikidza nokushandisa rusununguko rwokusarudza somunhu oga mukuita tsauriro. Zvirokwazvo, nokuda kweZvapupu zvaJehovha, tsauriro inoguma noukama hunofadza hwomunhu oga naMwari hunoratidzirwa nokudisa kumubatira. Vanoshuva kuchengeta uhwu ukama hunofadza nemwoyo wose, vachibatisisa rusununguko rwavakasunungurwa narwo naJesu Kristu nokusingaperi.

Ungapindura Sei?

◻ Nei Mwari akanga asiri kusarura mukusarudza Israeri kuti ave “pfuma [yake] chaiyo”?

◻ Nei ungataura kuti tsauriro yechiKristu haibatanidzi kurasikirwa norusununguko?

◻ Ndedzipi dziri betsero dzokuzvitsaurira kuna Jehovha Mwari?

◻ Nei zviri nani kuva mubatiri waJehovha kupfuura kuva muranda wavanhu?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Muna Israeri wakare, tsauriro kuna Mwari yakanga iri nhau yokuberekwa

[Mufananidzo uri papeji 16]

Tsauriro yechiKristu inhau yokusarudza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe